Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kurume 22–28. Dzidziso neZvibvumirano 29: “Jesu Kristu Achaunganidza Vanhu Vake”


“Kurume 22–28. Dzidziso neZvibvumirano 29: ‘Jesu Kristu Achaunganidza Vanhu Vake,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kurume 22–28. Dzidziso neZvibvumirano 29,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Jesu akamira pamberi pevanhu vakapfugama

Ibvi Rese Richapfugama, naJ. Kirk Richards

Kurume 22–28.

Dzidziso neZvibvumirano 29

Jesu Kristu Achaunganidza Vanhu Vake

Chimwe chezvinangwa zvekunzvera magwaro matsvene ndechekudzidza dzidziso, kana zvokwadi zvevhangeri zvakakosha kuruponeso rwedu. Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 29 vhiki ino, tsvaga nzwisiso dzedzidziso dzakakosha kwauri.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Kunyangwe zvazvo Chechi yaJesu Kristu yakanga yarongwa muna1830 zvokwadi zvevhangeri zvizhinji zvakanga zvichiri kufanira kuzarurwa, uye nhengo zhinji dzekutanga dzeChechi dzaive nemibvunzo. Vakanga vaverenga huporofita muBhuku raMormoni pamusoro pekuunganidzwa kweIsraeri uye kuvakwa kweZioni (ona 3 Nifai 21). Izvi zvaizoitika sei? Zvakazarurwa zvakataurwa naHirum Page kuti akanga agashira zvakagadzirisa nyaya iyoyo, izvo zvakatobva zvawedzera chido chikuru chenhengo chekuda kuziva ’ (ona Dzidziso neZvibvumirano 28). Vamwe vanhu vakada kuziva pamusoro peKuputsika kwaAdama naEva nerufu rwemweya. Ishe vakatambira mibvunzo iyi muna 1830: “Chose zvacho chamuchakumbira murutendo,” Vakataurira Vatendi, “makabatana mumunamato maererano nemurairo wangu, muchachigashira” (muDzidziso neZvibvumirano 29:6). Uye Vanotambira mibvunzo yedu nhasi; Vakangomirira kuti tiVabvunze mumunamato. Chokwadi ndechekuti, sekuratidza kunoita zvakazarurwa zvakazara nedzidziso zviri muDzidziso neZvibvumirano 29 dzimwe nguva Vanopindura nekupa chokwadi neruzivo zvakapfuura mibvunzo yatanga tabvunza pakutanga.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 29

Baba Vekudenga vakagadzirira chirongwa chakarurama chekusimudzirwa kwedu kumosoro-soro.

Dzidziso neZvibvumirano 29 inodzidzisa zvokwadi zvakawanda pamusoro pechirongwa chaMwari chevana Vavo. Apo paunoverenga tsvaga zvokwadi zvaunodzidza pamusoro pechimwe nechimwe chezvikamu zvinotevera zvechirongwa.

Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzakadzama dzawakawana? Upenyu hwako hungadai hwakasiyana sei dai wakanga usingazive nezve zvokwadi izvi?

Unokwanisa kudzidza zvakawanda pamusoro pechirongwa chaBaba Vekudenga “muThe Plan of Salvation” (Preach My Gospel: A Guide to Missionary Service, rev. ed. [2018], Church ofJesus Christ.org/manual/missionary).

Dzidziso neZvibvumirano 29:1–8

Jesu Kristu achaunganidza vanhu Vake Kuuya Kwake kweChipiri kusati kwaitika.

Jesu Kristu anotaura nezvekuunganidza vanhu Vake “sekuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo” (Dzidziso neZvibvumirano 29:2). Mufananidzo uyu unokudzidzisa chii pamusoro pechido cheMuponesi chekukuunganidzai? Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 29:1–8, tsvaga nzwisiso dzakadzama pamusoro pekuti sei tichiungana, ndiyani achaunganidza, uye kuti tingakwanise sei kubatsira kuunganidza “vakasarudzwa” (ndima 7).

Muzuva redu, kuungana kuZioni zvinoreva kubatana mumasiteki eZioni pasi rose. Kuungana seVatendi kunotibatsira sei “kuva takagadzirira muzvinhu zvose” kuitira matambudziko achauya Kuuya kweChipiri kweMuponesi kusati kwaitika? (ndima 8; onawo ndima 14–28).

Onawo Misimboti yeChitendero 1:10; Russel M. Nelson naWendy W. Nelson, “Hope of Israel” (worldwide devotional for youth, Chikumi 3, 2018, ChurchofJesusChrist.org).

Mufananidzo
huku nenhiyo

Kangani, naLiz Lemon Swindle

Dzidziso neZvibvumirano 29:31–35

“Zvose zvinhu kwandiri ndezvemweya.”

Sei mirairo yose iri yezvemweya? Kuziva kuti mirairo yose ndeye mweya zvinokudzidzisa chii pamusoro pechinangwa chemirairo? Ungangodorongodza mirairo mishoma uye wofunga misimboti yezvemweya inoenderana nemumwe nemumwe wawo.

Chii chingashanduka kana ukatsvaga zvinorehwa kana chinangwa chezvemweya mumabasa ako emazuva ose, kunyange ayo anoratidzika seenyama kana asina kukosha?

Onawo VaRoma 8:6; 1 Nifai 15:30–32.

Dzidziso neZvibvumirano 29:36–50

Jesu Kristu anotinunura kubva paKuputsika.

Zvakazarurwa izvi zvinotanga naIshe vachizvisuma Pachavo seMununuri wedu, uyo “akaripira zvivi zvedu” (ndima 1). Zvakazarurwa izvi zvinoenderera mberi kutsanangura zvimwe zvezvikonzero zvatinodira Mununuri. Funga mashandisiro aungaita ndima 36–50 kutsanangura chikonzero chatinodira rununuro kuburikidza neMuponesi Jesu Kristu. Mutsika dzechitendero dzakawanda, Kuputsika kunoonekwa setsaona; chii chaunowana mundima idzi chinodzidzisa mhedzisiro dzakanaka dzeKuputsika? (Onawo 1 VaKorinte 15:22: 2 Nifai 2:6–8, 15–29; Mosaya 3:1–19; Mosesi 5:9–12.)

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 29.Unokwanisa kushandisa mifananidzo iri kumagumo kwechirongwa chino pamwepo neDzidziso neZvibvumirano 29 kudzidzisa mhuri yako pamusoro pechirongwa cheruponeso. Semuenzaniso, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kudzidza pamusoro pezvikamu zvakasiyana zvechirongwa ichi nekuverenga nekukurukura ndima dzakapihwa. Vanokwanisa kuwana zvimwe zvokwadi muMisoro yeNyaya yeVhangeri (topics.ChurchofJesusChrist.org) kana Nhungamiri kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Nyora pasi zvaunodzidza. Sei tichitenda nekuziva pamusoro pechirongwa cheruponeso? Kuziva pamusoro pacho kunoshandura sei upenyu hwedu hwemazuva ose?

Dzidziso neZvibvumirano 29:2, 7–8.Zvinorevei kuunganidzwa neMuponesi? Tingakwanise kuMubatsira sei kuunganidza vakasarudzwa?

Dzidziso neZvibvumirano 29:3–5.Chii chatinodzidza pamusoro peMuponesi mundima idzi chinotibatsira “kusimudzira mwoyo [yedu] uye tofara?” (ndima 5).

Dzidziso neZvibvumirano 29:34–35.Kuverenga ndima idzi kunokwanisa kupa mhuri yenyu mukana wekutaura pamusoro pezvikonzero zvemweya zvirimune mimwe yemirairo kana rairo yehuporofita yauri kuedza kutevera. Semuenzaniso, sei Ishe vachida kuti tiverenge magwaro matsvene semhuri? Ndedzipi pundutso dzezvemweya dzatakaona kubva mukuchengeta mirairo?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Israel Israel God is Calling,” Hymns, nhamba 7.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Tsvaka Jesu Kristu. Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti zvisikwa zvose zvaMwari zvinopupura nezva Jesu Kristu (ona Mosesi 6:62–63), saka Mutsvage apo paunoverenga magwaro matsvene. Funga kunyora kana kumaka ndima dzinodzidzisa pamusoro Pake.

Dhinda