Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kurume 29–Kubvumbi 4. Isita: “Ndini Iye Mupenyu, Ndini Iye Akauraiwa”


“Kurume 29–Kubvumbi 4. Isita: ‘Ndini Iye Mupenyu, Ndini Iye Akauraiwa,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kurume 29–Kubvumbi 4. Isita,” Uyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Chivezwa chaKristasi

Kurume 29–Kubvumbi 4

Isita

“Ndini Iye Mupenyu, Ndini Iye Akauraiwa”

Apo pamunogadzirira kupemberera Kumuka Kuvakafa kweMuponesi paSvondo yeIsita, fungisisa kuti zvakazarurwa zvemazuva ano zvakawedzera sei rutendo rwako rwekuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana Mumwechete weKuberekwa waMwari uye Mununuri wenyika.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Kubvumbi 3, 1836, yakanga iri Svondo yeIsita. Mushure mekubatsira kuropafadza nekupa sakaramende kuVatendi vakanga vaungana muTemberi yeKirtland yakanga ichangobva mukutsaurwa, Joseph Smith naOliver Cowdery vakawana nzvimbo yakanyarara kuseri kwechidzitiro mutemberi vakakotama mumunamato wakanyarara. Zvino, pazuva rinoera irori apo maKristu kwose kwose pavakanga vachirangarira Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu, Muponesi akamuka Iye pachake akazviratidza mutemberi Yake, achiti, “Ndini Iye Mupenyu, Ndini Iye Akauraiwa” (Dzidziso neZvibvumirano 110:4).

Zvinorevei kuti Jesu Kristu ndiye “iye mupenyu”? Hazvingoreva chete kuti Akamuka kubva muguva pazuva rechitatu uye akazviratidza kuvadzidzi Vake vechiGarirea. Zvinoreva kuti Mupenyu nhasi. Anotaura kuburikidza nevaporofita nhasi. Anotungamirira Chechi Yake nhasi. Anorapa mweya yakakuvara nemwoyo yakatyoka nhasi. Saka tinokwanisa kudzokorora mazwi aJoseph Smith euchapupu hwake hwakasimba ekuti: “Mushure meuchapupu hwakawanda hwakapihwa pamusoro pake, uhu ndihwo uchapupu … hwatinopa pamusoro pake: Kuti mupenyu!” (Dzidziso neZvibvumirano 76:22). Tinokwanisa kunzwa Izwi Rake muzvakazarurwa izvi. Tinokwanisa kuona ruoko Rwake muupenyu hwedu. Uye tinokwanisa mumwe nemumwe wedu kunzwa “rufaro urwo runopuhwa nemutsetse uyu: ‘Ndinoziva kuti Mununuri wangu mupenyu!’” (Hwaro hweVhangeri, peji 300).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 29:5; 38:7; 62:1; 76:11–14, 20–24; 110:1–10

Jesu Kristu mupenyu.

Muporofita Joseph Smith akaona Muponesi akamuka kuvakafa kakawanda, uye zviviri zvezviitiko izvi zvakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano. Apo paunoverenga zvikamu 76:11–14, 20–24; 110:1–10, chii chaunoyemura pamusoro peuchapupu hwaJoseph Smith? Sei uchapupu hwake hwakakosha kwauri?

Nemubhuku rose reDzidziso neZvibvumirano, Muponesi akapa uchapupu hwebasa neumwari hwake pachake. Chii Chaunodzidza pamusoro paKristu mupenyu kubva mumashoko Ake muDzidziso neZvibvumirano 29:5; 38:7; 62:1? Ungangofunga kunyora pasi zvirevo zvakaita seizvi izvo zvaunowana apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano.

Onawo Joseph Smith—Nhoroondo 1:17.

Dziziso neZvibvumirano 29:26–27; 42:45–46; 63:49; 88:14-17, 27–31; 93:33–34

Nokuda kwaJesu Kristu, ndichamutswa kuvakafa.

Joseph Smith aiziva manzwiro azvinoita kuchema rufu rwevadikani. Vaviri vemadzikoma ake Alvin naDon Carlos, vakafa vari majaya. Joseph naEmma vakaviga vana vatanhatu, mumwe nemumwe aripasi pamakore maviri ekuzvarwa. Asi kubva pane zvakazarurwa zvaakagashira, Joseph akawana maonero ekusingaperi pamusoro perufu uye chirongwa chaMwari chekusingaperi. Funga pamusoro pezvokwadi zvakazarurwa muDziziso neZvibvumirano 29:26–27; 42:45–46; 63:49; 88:14-17, 27–31; 93:33–34 Zvakazarurwa izvi zvinoshandura sei maonero aunoita rufu? Zvinokwanisa kushandura sei mararamiro aunoita?

Onawo 1 VaKorinte 15;, , ,.

Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13; 19:16–19; 45:3–5; 76:69–70

Jesu Kristu akazadzisa “rudzikinuro rwakarurama.”

Imwe nzira yekunangisa pfungwa paMuponesi panguva yeIsita ndeye kunzvera zvakazarurwa zviri muDzidziso neZvibvumirano zvinodzidzisa pamusoro perudzikinuro rwekuzvipira Rwake. Zvimwe zveizvi zvinokwanisa kuwanikwa muDzidziso neZvibvumirano 18:10–13; 19:16–19; 45:3–5; 76:69–70. Pamwe ungakwanise kuita mudorongodzwa wezvokwadi pamusoro peRudzikinuro rweMuponesi zvaunowana mundima idzi. Kuti unatse kunzvera kwako, unokwanise kuwedzera kumudorongodzwa wako nekutsvagurudza majerero akadorongodzwa “muDzikinura, Rudzikinuro” (Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

Heino mimwe mibvunzo ingangotungamira kunzvera kwako:

  • Sei Jesu Kristu akasarudza kutambudzika?

  • Chii Chandinofanira kuita kuti ndigashire maropafadzo ekuzvipira Kwake?

  • Ndinokwanisa kuziva sei kana Rudzikinuro Rwake rwuri kuita shanduro muupenyu hwangu?

Mufananidzo
Jesu achinamata

Ishe weMunamato, naYongsung Kim

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Musangano mukuru.Nokuda kwekuti musangano mukuru unoitika panguva imwecheteyo neSvondo yeIsita gore rino, ungangofunga kuti mashoko emusangano (kusanganisira mumhanzi) zvinokwanisa sei kuwedzera uchapupu hwako hwaJesu Kristu? Semuenzaniso, vana vadiki vanokwanisa kudhirowa mufananidzo weMuponesi, kana kusimudza mufananidzo Wake, apo pavanonzwa shoko kana rumbo pamusoro paJesu Kristu. Dzimwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuita mudorongodzwa wezvokwadi zvavanonzwa pamusoro peMuponesi. Pashure, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera mifanidzo yavadhirowa kana midorongodzwa uye uchapupu hwavo pachavo hwaJesu Kristu.

Dziziso neZvibvumirano 88:14-17; 138:17, 50.Mhuri yako ingangofadzwa nekufunga chidzidzo chinoshandisa enzaniso kana zvinhu kutsanangura zvazvinoreva kufa uye nekumutswa kuvakafa—icho chinoratidza muviri nemweya zvichiparadzaniswa uye zvozobatanidzwa, sezvakaita ruoko negirovhosi. Ndima idzi dzinodzamisa sei kutenda kwedu nezvatakaitirwa neMuponesi?

“Ndinoziva Kuti Mununuri Wangu Mupenyu!”Kubatsira mhuri yako kufunga nzira dzakawanda idzo Muponesi akamuka kuvakafa dzaanotiropafadza nadzo nhasi, mungaimba pamwechete “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu” (Hwaro hweVhangeri peji 300) uye mobatanidza zvokwadi zvinodzidziswa murumbo urwu neizvo zvinodzidziswa muzvinyorwa zvitsvene zvinotevera: Dzidziso neZvibvumirano 6:34; 45:3–5; 84:77; 98:18; 138:23. Mhuri yenyu ingangonakidzwawo nekunyora dzimwe ndima dzerumbo runotaura maziviro avanoita kuti Mununuri wavo mupenyu.

Kuti uwane vhidhiyo yeIsita nezvimwe zvishandiso, ona Easter.ComeUntoChrist.org.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Kristu Wamuka Nhasi,” Hwaro hweVhangeri,peji 332.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Tsvaga zvidzidzo kubva muzvinhu zvemazuva ose. Funga kuti zviitiko zvemazuva ose zvenhengo dzemhuri yako zvingatungamirira sei kuhurukuro dzakakosha pamusoro pechokwadi chevhangeri (ona Teaching in the Saviors Way, 4). Semuenzaniso, mvura zhinji irikunaya inokwanisa kuva mukana wekutaura pamusoro pekuti Mwari vanopa nerusununguko sei maropafadzo kuvana Vavo.

Mufananidzo
Jesu achizviratidza kuna Joseph Smith naOliver Cowdery

Jesu Kristu Anozviratidza kuna Muporofita Joseph Smith naOliver Cowdery, naWalter Rane

Dhinda