Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kubvumbi 12–18. Dzidziso neZvibvumirano 37-40: “Kana Musiri Vamwechete Hamusi Vangu”


“Kubvumbi 12–18. Dzidziso neZvibvumirano 37–40: ‘Kana Musiri Vamwechete Hamusi Vangu”,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kubvumbi 12–18. Dzidziso neZvibvumirano 37:-40,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Vatendi vachigadzirira kutama

Vatendi Vanotamira kuKirtland, naSam Lawlor

Kubvumbi 12–18

Dzidziso neZvibvumirano 37–40

“Kana Musiri Vamwechete Hamusi Vangu”

Kunyora pasi manzwiro ako apo paunonzvera ndeimwe nzira yaunokwanisa kuteerera rairo yaMwari yekuti “Chengetedzai ungwaru” (Dzidziso neZvibvumirano 38:30).

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

KuVatendi vekutanga, Chechi yakanga isiri nzvimbo yokungononzwa kumwe kuparidza musi weSvondo. Muzvakazarurwa Zvavo zvose kuna Joseph Smith , Ishe vakatsanangura Chechi nemazwi anoti chinangwa, umambo, Zioni, uye, kazhinji, basa. Izvi zvingangova zvaiva chikamu chezvinhu zvakakurudzira nhengo dzakawanda dzekutanga kuuya kuChechi. Kunyangwe zvazvo vaida chaizvo dzidziso dzeChechi yakadzorerwa, vakawanda vaidawo chimwe chinhu chavaikwanisa kupira upenyu hwavo kwachiri. Kunyangwe zvakadaro, murairo waIshe wa1830 kuVatendi wekuti vaungane kuOhio wakanga usiri nyore kune vamwe kuti vautevere. Kuvanhu vakaita saPhebe Carter, zvaireva kuti vasiye dzimba dzavakanga vakagara zvakanaka kuenda kumuganhu wenyika kwavakanga vasingazive.(ona “Manzwi eKudzorerwa” kwekupedzisira kwechirongwa chino). Nhasi tinokwanisa kuona zvakajeka izvo zvaikwanisa kuonekwa neVatendi ivavo neziso chete rerutendo: Ishe vaive nemaropafadzo makurusa akanga akavamirira muOhio.

Chidikanwi chekuungana muOhio,chava chakapfuura kare, asi Vatendi nhasi vachiri kungobatana pachinangwa chimwechetecho, basa rimwechetero: “rekuunza Zioni” (Dzidziso neZvibvumirano 39:13). Seivavo Vatendi vekutanga, tinosiya “zvinhu zvenyika” (Dzidziso neZvibvumirano 40:2) nokuti tinovimba nechivimbiso chaIshe chekuti: “Uchagashira … ropafadzo rakakurisa sezvausati wamboziva” (Dzidziso neZvibvumirano 39:10).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 37:1

Chii chakanga chichidudzirwa naJoseph Smith muna 1830?

Mundima ino, Ishe vakanga vachitaura nezvebasa raJoseph Smith pagadziriso yakafemerwa yeBhaibheri, iyo yaitaurwa nezvayo “sedudziro.” Apo Joseph paakagashira zvakazarurwa zvakanyorwa muchikamu 37, akanga apedza zvitsauko zvishoma zvebhuku raGenesi uye akanga achangobva mukudzidza pamusoro paEnoki neguta reZioni (ona Genesi 5:18–24; Mosesi 7). Mimwe yemisimboti yakadzidziswa Enoki naIshe yakafanana neiyo Yavakazarura muchikamu 38.

,.

Mufananidzo
Joseph Smith naSydney Rigdon

Joseph Smith anoshanda naSidney Rigdon pagadziriso yakafemerwa yeBhaibheri. Mufananidzo naAnnie Henrie Nader

Dzidziso neZvibvumirano 38

Mwari vanotiunganidza kuti vatiropafadze

Ishe vakapedzisa rairo Yavo yekuungana kuOhio, nekuti “Tarisai heuno ungwaru” (onaDzidziso neZvibvumirano 37:4). Asi haasi munhu wose akaona ungwaru mairi pakarepo. MuChikamu  38, Ishe vakazarura ungwaru Hwavo zvakanyatsozara. Chii chaunodzidza kubva mundima 11–33 pamusoro pemaropafadzo ekuungana? Nhengo dzeChechi hadzisisiri kurairwa kuti dziungane nekutamira kunzvimbo imwechete, tinoungana nenzira dzipi nhasi? Maropafadzo aya anoshanda kwatiri sei?,

Apo paunoverenga chikamu chino chese, tsvaga ndima dzingangova dzakabatsira Vatendi kuti vawane rutendo rwavaida kuti vateerere murairo waMwari wekuti vaungane muOhio. Uyewo funga pamusoro pemirairo Yavakakupa uye nerutendo rwaunoda kuti uiteerere. Mibvunzo inotevevera inokwanisa kutungamira kunzvera kwako:

  • Chii chaunowana mundima 1–4 chinokupa ruvimbo munaIshe nemirairo Yavo?

  • Ndima 39 inokwanisa kukubatsira sei kuteerera mirairo yaIshe kunyange apo painoda kuzvipira?

Chii chimwezve chaunowana?

Dzidziso neZvibvumirano 38:11–13, 22–32, 41–42

Kana ndakagadzirira handifanire kutya.

Vatendi vakanga vasangana nekupikiswa kwanyanya, uye Ishe vaiziva kuti kumwe kwakawanda kwakanga kuchiuya (ona Dziziso neZvibvumirano 38:11–13; 28–29). Kuvabatsira kuti vasatye, Vakazarura musimboti unokosha unoti: “Kana makagadzirira hamuzotya” (Dzidziso neZvibvumirano 38:30). Tora chinguva kufungisisa zvinetso zvaunosangana nazvo. Zvino apo paunonzvera chikamu 38, teerera kufemero dzinobva kuMweya pamusoro penzira dzaunokwanisa kugadzirira kuzvinetso kuitira kuti usafanira kutya.

,

Dzidziso neZvibvumirano 39–40

Zvinhu zvenyika hazvifanire kundidzingaidza kubva pakuteerera shoko raMwari.

Verenga zvikamu 3940, kusanganisira tsananguro iri mumisoro yenyaya yezvikamu, uye funga nzira dzemashandiro angaita zviitiko zvaJames Covel kwauri. Semuenzaniso, funga nguva idzo “mwoyo wako … pawakanga wakanaka pamberi [paMwari]” (Dzidziso neZvibvumirano 40:1). Wakaropafadzwa sei nekuda kwerutendo rwako? Uyewo funga kuti zvii “zvinetso zvenyika” zvaunotarisana nazvo(muDzidziso neZvibvumirano 39:9; 40:2). Chii chaunowana muzvikamu zvino zvinokukurudzira kuti unyanye kuramba uchiteerera?

Onawo Mateo 13:3-23.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 138:17.Kuti ubatsire mhuri yako kunzwisisa kuzvipira kwakaitwa neVatendi kuti vaungane kuOhio, unokwanisa kutarisa pamepu inofambirana nechirongwa chino.

Dzidziso neZvibvumirano 38:22.Tingaita sei kuti Jesu Kristu ave “mupi wemutemo” wemhuri yedu? Kutevera Mitemo Yake kunotiita sei “vanhu vakasununguka”?

Dzidziso neZvibvumirano 38:24–27.Kuti udzidzise vana zvazvinoreva “kuva vamwechete,” unokwanisa kuvadzidzisa kuverenga nhengo dzemhuri yenyu uye votaura pamusoro pekuti sei munhu mumwe nemumwe akakosha kumhuri yenyu. Simbisa kuti pamwechete muri mhuri imwechete. Unokwanisa kubatsira vana vako kudhirowa 1 mukuru pabepa guru uye vorishongedza nemazita nemadhirowingi kana mifananidzo yenhengo yega yega yemhuri. Munokwanisawo kunyora pabepa iroro zvinhu zvamuchaita kuti muve makanyanya kubatana semhuri. Mungangoverengawo Mosesi 7:18.

Dzidziso neZvibvumirano 38:29–30.Munokwanisa kukurukura nezve zviitiko zvakaitika nguva ichangopfuura zvemhuri kana zvako pachako zvaida gadziriro. Gadziriro yenyu yakashandura chiitiko chacho sei? Chii chinodiwa naIshe kuti tigadzirire? Kuva takagadzirira kungatibatsire sei kuti tisatya? Chii chatingaite kuti tigadzirire?

Dzidziso neZvibvumirano 40.Ndevo inoti “zvinetso zvenyika” (ndima 2) inorevei kwatiri? Pane zvinetso zvenyika here zviri kutitadzisa kugashira shoko raMwari “nerufaro”? Tichazvikunda sei?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

,

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Kuungana kuOhio

Mufananidzo
Zvivako zveKirtland

Musha weKirtland, naAl Rounds

Mufananidzo
Phebe Carter Woodruff

Pakati peVatendi vakawanda vakaungana kuOhio kuma 1830 paive naPhebe Carter. Akapinda muChechi kudunhu rekuchamhembe reUnited States aine makore angangoita makumi maviri nemashanu, kunyangwe zvavo vabereki vake vasina kupinda. Pashure akanyora nezve sarudzo yake yekutamira kuOhio kuti anobatana neVatendi.

“Shamwari dzangu dzakashamiswa zvikuru nesarudzo yangu, sezvandakaitwa ini, asi chimwe chinhu mukati mangu chakandikurudzira kuenda. Kushungurudzika kwaamai vangu nekuda kwekubva pamba kwangu, kwaiva mutoro waindiremera zvikuru kutakura, uye dai wakanga usiri mweya waiva mukati ndingadai ndakadzokera shure ndikasaenda. Amai vangu vakandiudza kuti vaisarudza kundiona ndichivigwa pane kuti ndibve pamba ndiri ndega kuenda munyika isina tsitsi.

“‘[Phebe],’vakadaro, zvakanakisisa. ‘unozodzoka kwandiri here kana ukawana zvechiMormoni zviri zvemanyepo?’

“Ndakapindura, ‘hongu, amai; ndinodzoka.’ … Mhinduro yangu yakazorodza dambudziko ravo; asi zvakatikonzera tese kusuwa kwakanyanya kuparadzana. Apo pakasvika nguva yekusimuka kwangu ndakazviwana ndisina ushingi hwechivimbo mandiri kuti ndioneke nemuromo; saka ndakanyora pasi kuoneka kwangu kune mumwe nemumwe, uye ndichisiya tsamba idzi patafura yangu, ndakamhanya ndichidzika pamasitepisi uye ndikaurukira mungoro inotakura vanhu. Nokudaro ndakasiya imba inodiwa yehuduku hwangu kuti ndinobatanidza upenyu hwangu nevatendi vaMwari.”1

Muneimwe yemashoko iwayo ekuoneka, Phebe akanyora kuti:

“Vabereki Vanodiwa—ndavakuda kusiya zvino imba yevabereki vangu kwechinguva … handizive kuti kwenguva yakareba sei—asi ndine manzwiro ekutenda netsitsi idzo dzandakagashira kubvira pahucheche hwangu kusvika panguva ino—asi Muchengeti vanoratidzika kuraira upenyu hwangu neimwe nzira iyezvino yakasiyana nezvahwanga huri. Ngatiisei zvose zvinhu mumaoko eMuchengeti uye titende kuti takabvumirwa kugara pamwechete kwenguva yakareba kudaro mumamiriro ezvinhu akanakisa seatanga tiinawo, tichitenda kuti zvinhu zvose zvichapundutsa isu kana tikada Mwari zvakanyanya. Ngatizivei kuti tinokwanisa kunamata kuna Mwari mumwechete uyo achanzwa minamato yemwoyo wese yezvisikwa zvake zvose uye achitipa izvo zvakanyanya kutinakira. …

“Amai, ndinotenda kuti chido chaMwari kwandiri kuti ndiende kumadokero uye ndakapwiswa kuti zvanga zviriizvo kwenguva refu. Zvino zvavakukwanisika kuti ndiende … ; ndinotenda kuti mweya waIshe wazviita uyo unova wakakwana kuzvinhu zvose. Musatambudzike pamusoro pemwana wenyu; Ishe vachandinyaradza. Ndinotenda kuti Ishe vachandichengeta uye vagondipa izvo zvinova zvakanakira ini. … Ndinoenda nokuti Tenzi vangu varikudaidza—vaita kuti basa rangu rive pachena.”2

Zvinyorwa

  1. MuEdward W. Tullidge, The Women of Mormorndom (1877), 412.

  2. Tsamba yaPhebe Carter kuvabereki vake. haina dheti, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; zvimiso zvakaitwa zvemazuva ano. Phebe akapinda Church muna1834, akatamira kuOhio kuma 1835, uye akachata naWilford Woodruff muna 1837.

Dhinda