Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kubvumbi 19–25. Dzidziso neZvibvumirano 41–44: “Mutemo Wangu Unotonga Chechi Yangu”


“Kubvumbi 19–25. Dzidziso neZvibvumirano 41–44: ‘Mutemo Wangu Unotonga Chechi Yangu,’” Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kubvumbi 19–25. Dzidziso neZvibvumirano 41–44,” Huyai, Munditevere–Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Jesu Kristu

Kubvumbi 19–25

Dzidziso neZvibvumirano 41–44

“Mutemo Wangu Unotonga Chechi Yangu”

“Kana mukakumbira,” Ishe vakavimbisa, “muchagashira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 42:61). Ndeipi mibvunzo yaunokwanisa kubvunza kuitira kuti utambire zvakazarurwa zvaunoda?

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Kukura kweChechi kwakaitika nokukurumidza muna 1830 nemuna 1831—kunyanya mapoka makuru evatendeuki aiuya kuKirtland, Ohio—kwaifadza nokukurudzira kuvatendi. Asi kwakaunzawo zvimwe zvinetso. Unowadzanisa sei boka ririkukura nekukurumidza revatendi, kunyanya kana vachiunza dzidziso netsika dzinobva kuzvitendero zvavo zvakare? Semuenzaniso, apo Joseph Smith paakasvika muKirtland pakutanga kwaNdira 1831, akawana nhengo itsva dzichigoverana pfuma yemunhu wese mukuedza kwechokwadi kutevedzera vaKristu vemuTestamente Itsva (ona Mabasa Avaapositora 4:32—37). Ishe vakapa gadziriso netsananguro dzakakosha pamusoro wenyaya uyu nemimwewo, kunyanya kuburikidza nechakazarurwa chakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 42, icho chaVakadaidza kuti “mutemo wangu unotonga chechi yangu” (ndima 59). Muchakazarurwa ichi, tinodzidza zvokwadi zvakakosha mukumisa Chechi yaIshe mumazuva ekupedzisira, kusanganisira chivimbiso chakakosha chinojekesa kuti nguva dzose kune zvimwe zvokudzidza: “Kana mukakumbira, muchagashira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 42:61).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 41

“Uyo anogashira mutemo wangu uye akauita, mumwecheteyo mudzidzi wangu.”

Mukutanga kwa1831 Vatendi vakanga vatotanga kuungana muOhio, vachida chaizvo kugamuchira mutemo uyo Ishe wavakanga vavimbisa kuzazura ikoko (ona Dzidziso neZvibvumirano 38:32). Asi kutanga, Ishe vakadzidzisa magadziriro aifanira kuita vadzidzi Vavo kugamuchira mutemo Wavo Misimboti ipi yaunowana mundima 1–5 iyo inokwanisa kuve yakabatsira Vatendi kugamuchira mutemo waMwari? Misimboti iyi ingakubatsira sei kugamuchira rairo kubva Kwavari?

Dzidziso neZvibvumirano 42

Mitemo yaMwari inotonga Chechi Yavo uye inokwanisa kutonga upenyu hwedu?

Vatendi vakatora zvakazarurwa zvinowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 42:1–72 kuva zvimwe zvezvinonyanya kukosha zvakanga zvagamuchirwa neMuporofita. Zvaiva pakati pezvakatanga kushambadzwa, zvichibuda mumapepa nhau maviri eOhio, uye zvaingozikanwa chete “semutemo.” Misimbiti yakawanda iri muchikamu ichi yakanga yambozarurwa naIshe kare. Kunyangwe zvazvo chikamu ichi chisingasanganisiri mirairo yose Ishe yavaida kuti Vatendi Vavo vateerere, zvakakosha kufungisisa kuti sei misimboti iyi yakanga yakakosha kudzokororwa kuChechi yakanga ichangodzorerwa.

Zvingangokubatsira kuverenga chikamu 42 muzvidimbu zvidiki sezvinotevera uye wocherechedza misimboti inodzidziswa muchidimbu choga choga. Apo paunoita izvi, funga kuti mutemo uyu unotungamira Chechi unokwanisawo sei kubatsira kutungamira upenyu hwako pachako.

Ndima 4–9, 11–17, 56–58 

Ndima 18–29 

Ndima 30–31 

Ndima 40–42 

Ndima 43–52 

Onawo 3 Nifai 15:9.

Dzidziso neZvibvumirano 42:30–42

Vatendi “vakapira pfuma [yavo]” sei kuriritira varombo?

Chikamu chakakosha chemutemo chakazarurwa muchikamu 42 ndicho chakakozikanwa semutemo wemupiro noutariri. Mutemo uyu wakadzidzisa Vatendi kuti ivo, sevateveri vaKristu vakare, vangakwanisa sei kuita kuti “zvinhu zvose zvive zvavose” (Mabasa Avaapositora 2:44; 4 Nifai 1:3), “pasina murombo pakati pavo” (Mosesi 7:18). Vatendi vaipira pfuma yavo nokuipa kuna Ishe, kuburikidza nabhishopi (ona Dzidziso neZvibvumirano42:30–31). Bhishopi aidzorera kwavari izvo zvaivakwanira (ona ndima 32)—kazhinji izvo zvavainge vapira uye nezvimwe pamusoro. Nhengo dzaipa izvo zvinenge zvakawanda kupfuura zvaivakwanira kuitira kubatsira varombo (ona ndima 33–34). Mutemo uyo waiva ropafadzo guru kuVatendi, kunyanya kuna avo vakanga vasiya zvinhu zvavo zvose kuuya kuOhio. Vatendi vazhinji vakanga vasina rutsuta mukupa kwavo zvipo.

Kunyangwe zvazvo tichizviita nenzira yakasiyana nhasi, Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vachiri kurarama mutemo wemupiro. Apo paunoveranga Dzidziso neZvibvumirano 42:30–42, fungisisa kuti ungapira sei izvo Mwari zvavakakupa kuitira kuvaka umambo Hwavo nokuropafadza avo vanoshaya.

Mufananidzo
Kristu neJaya Mutongi Mupfumi

Kristu neJaya Mutongi Mupfumi, naHeinrich Hofmann

Dzidziso neZvibvumirano 42:61, 65–68; 43:1–16

Mwari vanopa zvakazarurwa kutungamira Chechi Yavo.

Fungidzira kuti uri kuita hurukuro nenhengo itsva yeChechi uyo anofara kuziva kuti Chechi inotungamirwa nezvakazarurwa. Ungashandisa sei Dzidziso neZvibvumirano 43:1–16 kutsanangura kwaari nzira yaIshe yokutungamira Chechi Yavo kuburikidza nemuporofita Wavo? Ungashandisa sei Dzidziso neZvibvumirano 42:61, 65–68 kudzidzisa pamusoro pokutambira zvakazarurwa zvemunhu pachake?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 41:1–5.Ndeipi mimwe mienzaniso yemitemo yehurumende, uye mitemo iyoyo inotibatsira sei? Mitemo kana mirairo yaBaba Vokudenga inotiropafadza sei? Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kudhirowa mifananidzo yavo ivo vachiteerera mitemo yaMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 42:45, 88.Chii chinozobatsira mhuri yenyu “kugara pamwe chete murudo”? (onawo Mosaya 4:14–15). Funga kunyora kana kutaura zvinhu zvakanaka pamusoro pemumwe nemumwe wenyu kana kuimba rwiyo pamusoro perudo mumhuri, sezvakaita “Rudo Mumba” (Hwaro hweVhangeri peji 312).

Dzidziso neZvibvumirano 42:61.Pamwe munokwanisa kuverenga ndima ino apo pamunenge muchiisa mutambo wepazori pamwe chete. Shandisai pazori kudzidzisa kuti Mwari vanozarura zvakahwandika Zvavo sei—“zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo.” Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana mazaruriro akaita Mwari chokwadi kwavari chishoma nechishoma panguva.

Dzidziso neZvibvumirano 43:25.Pamwe pane chimwe chinhu chinokwanisa kushandiswa nemhuri yenyu kuita kutinhira kwemabhanan`ana emvura inonaya senzira yokusuma hurukuro pamusoro pendima 25. Izwi raIshe “inzwi remabhanan`ana” sei? Nzverai ndima iyi pamwe chete kuti muwane nzira idzo Ishe dzavangatiudza nadzo kuti titendeuke. Tingateerera sei zvirinani kuinzwi raIshe?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Kurudzira manzwiro erudo mumba. Manzwiro anoita nhengo dzemhuri pamusoro pedzimwe nhengo uye mabataniro avonoita anokwanisa kushandura zvikuru mweya wemumba. Batsira nhengo dzemhuri dzose kuti dziite chikamu chadzo mukumisa imba inorudo uye inoruremekedzo kuitira kuti munhu wese azonzwa kugadzikana pakugoverana nevamwe zviitiko, mibvunzo, neuchapupu. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 15.)

Mufananidzo
Joseph Smith, achiparidza

Joseph Smith Preaching in Nauvoo, (Joseph Smith Achiparidza muNauvoo), naSam Lawlor

Dhinda