Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kubvumbi 26–Chivabvu 2. Dzidziso neZvibvumirano 45: “Zvivimbiso … Zvichazadzikiswa”


“Kubvumbi 26–Chivabvu 2. Dzidziso neZvibvumirano 45: ‘Zvivimbiso … Zvichazadzikiswa’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kubvumbi 26–Chivabvu 2. Dzidziso neZvibvumirano 45,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
vechidiki vari panze petemberi

Kubvumbi 26–Chivabvu 2

Dzidziso neZvibvumirano 45

“Zvivimbiso … Zvichazadzikiswa”

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Nyora ndangariro dzinouya mupfungwa dzako. Nyora pasi manzwiro ako uye woita izvo zvaunofemerwa kuti uite” (“Revelation for the Church, Revelation for Our Lives,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2018, 95).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Tinorarama munguva dzine njodzi, uye izvi zvinokwanisa kuva zvinotinetsa. Kunyange vadzidzi vaJesu, apo pavakaMunzwa achiporofita nezve matambudziko aizoitika munguva yedu, “vakanetsekana” (Dzidziso neZvibvumirano 45:34). Vatendi vekutanga muKirtland, Ohio, vakanetsekanawo nenguva dzaive dziine njodzi dzavairarama madziri. Pakati pezvimwe zvinhu, kwaive “nenyaya zhinji dzenhema … nenyaya dzisina maturo” dzakanga dzichidzikisira pasi shoko revhangeri (Dzidziso neZvibvumirano 45, musoro wenyaya wechikamu). Asi mhinduro yaIshe, nguva iyoyo naiyezvino, inoti “musanetseke” (ndima 35). Hongu, kune huipi, asiwo kune umboo hwekuti Mwari vari kukurumidzisa basa Ravo. Hongu, kune njodzi dzakafanotaurwa kuti dzichatangira Kuuya kweChipiri, uye tinofanira kudziziva. Asi idzi hadzisi chete yambiro dzenjodzi; zviratidzowo zvekuti zvivimbiso zvaMwari zvavakuda kuzadzikiswa. Pamwe ichi ndicho chikonzero chakaita kuti Dzidziso neZvibvumirano 45—zvakazarurwa zvinotsanangura zvakazara zvizhinji zvezviratidzo izvi—zvigashirwe “kumufaro weVatendi” (musoro wenyaya wechikamu).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 45:1–5

Jesu Kristu ndiye Murevereri wedu kuna Baba.

Wakambonzwa here kuva munhu akaderera kana asina kukodzera pamberi paMwari? Ungangowana simbiso muDzidziso neZvibvumirano 45:1–5. Manzwi akaita “samurevereri” uye “kuteterera” anotaura kuti kudii kwauri? Muponesi anokureverera, kana kutetererera mhosva dzako sei? Zvinorevei kwauri kuziva kuti Kristu Murevereri wako?

Mashoko anotevera kubva kuna Mutungamiri Joseph Fielding Smith angangokubatsira kufungisisa pamusoro pendima idzi: “Jesu [ndiye] murevereri wedu, anotitererera semuyananisi wedu kuburikidza neushumiri nemabasa ake ekutiyananisa, kutiunza mukubvumirana naMwari” (muConference Report, Gumiguru 1953, 58).

Onawo 2 Nifai 2:8–9; Mosaya 15:7–9; Moronai 7:27–28; Dzidziso neZvibvumirano 29:5; 62:1.

Dzidziso neZvibvumirano 45:9–10

Vhangeri mureza kumarudzi.

Makare-kare, mureza waiva jira rinomirira nyika rakasungirirwa pabango raitakurwa kuenda muhondo. Waiunza nekubatanidza pamwechete masoja uye waivabatsira kuziva uko kwekuungana uye nezvekuita. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 45:9–10, fungisisa kuti zvibvumirano zvevhangeri zvakava mureza kwauri sei. Upenyu hwako hungadai hwakasiyana sei nezvahuri dai wakanga usina zvibvumirano izvi?

Onawo Isaya 5:26; 11:10–12; Dzidziso neZvibvumirano 115:5-6.

Dzidziso neZvibvumirano 45:11–75

Zvivimbiso zvaIshe zvichazadzikiswa.

Hondo, kusarurama, nekuparadzwa zvichatangira Kuuya kweChipiri kweMuponesi. Asi “musanetseke” Ishe vakadaro, “nokuti, pachaitika zvinhu zvose izvi, muchazoziva kuti zvivimbiso zvakaitwa kwamuri zvichazadzikiswa” (Dzidziso neZvibvumirano 45:35).

Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 45:11–75, funga kunangisa pfungwa kwete chete pazviitiko zvinonetsa zvakaporofitwa asiwo pamaropafadzo anovimbiswa naIshe (semuenzaniso, zvivimbiso zviri mundima 54–59 pamusoro pekutonga kweMuponesi kwechuru chemakore). Unokwanisa kuita izvi nekugadzira midorongodzwa kana nokunamira kapepa kane tsananguro kana kumaka ndima dzacho. Chii chaunowana chinokubatsira kuti “usanetseke” pamusoro pemazuva ekupedzisira?

Dzidziso neZvibvumirano 45:31–32, 56–57

“Mirai munzvimbo tsvene,” uye musasudurutswa.

Chimwe chikonzero Muponesi nevaporofita Vake chavanotidzidzisira pamusoro pezviratidzo zveKuuya kweChipiri ndeche kutibatsira kuti tigadzirire. Chii chaunodzidza muDzidziso neZvibvumirano 45:31-32, 56–57 pamusoro pekugadzirira Kuuya kweChipiri kwaIshe? Zvingangova zvinobatsira kuwongorora nyaya yemufananidzo yevasikana vanegumi, inowanikwa muna Mateo 25:1–13. Muponesi akaenzanisa mafuta ari munyaya yemufananidzo iyi kuchokwadi nekuMweya Mutsvene (ona Dzidziso neZvibvumirano 45:57). Inzwisiso dzipi dzaunowana apo paunoverenga nyaya yemufananidzo iyi nenzira iyi?

Mufananidzo
vasikana vanegumi

Nyaya yeMufananidzo yeVasikana vaneGumi, naDan Burr

Dzidziso neZvibvumirano 45:11-15, 66–71

Zioni inzvimbo yedziviriro yeVatendi vaMwari.

Vatendi vemunguva yaJoseph Smith vakanga vachidisisa kuvaka Zioni, Jerusarema Idzva, sekutsanangurwa kwazvakaitwa muBhuku raMormoni (ona Eta 13:2–9) uye nemugadziriso yakafemerwa yeBhaibheri yaJoseph Smith (ona Mosesi 7:62–64). Chii chaunodzidza pamusoro peZioni—zvese guta remakare-kare rezuva raEnoki neguta remazuva ekupedzisira—kubva muDzidziso neZvibvumirano 45:11–15, 66–71?

Nhasi rairo yekumisa Zioni inoreva kumisa umambo hwaMwari kupi zvako kwatinogara—kupi zvako kunoungana vana vaMwari kudziviriro “yechibvumirano chekusingaperi” Chavo (ndima 9). Chii chaungaite kubatsira kuvaka Zioni uko kwauri?

Onawo Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Zioni,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 45:3–5.Chii chatinoitirwa nemurevereri? Taurai pamusoro pekuti sei Muponesi achidaidzwa kunzi Murevereri wedu.

Dzidziso neZvibvumirano 45:9–10.Dai mhuri yako yangaiine “mureza,” kana jira rinomirira mhuri, rinotaridza kuzvipira kwenyu kuvhangeri, raizoratidzika sei? Zvingangova zvinonakidza kuti mugadzire mureza wemhuri pamwechete uye mokurukura mabatsiriro amungaite vamwe kutevera misimboti yevhangeri.

Dzidziso neZvibvumirano 45:32Ndedzipi “nzvimbo tsvene” dzedu? Zvinorevei “kusasudurudzwa”? Tingakwanise sei kuita imba yedu nzvimbo tsvene?

Dzidziso neZvibvumirano 45:39–44.Ungakwanisa sei kubatsira nhengo dzemhuri kuti dzinzwisise zvazvinoreva kutarisira Kuuya kweChipiri kweMuponesi? Pamwe unokwanisa kufunga nezve chiitiko chauri kutarisira uye wogovera nzira dzauri “kutarisira” chiitiko ichocho. Kana kuti munokwanisa kubheka chimwe chinhu pamwechete uye motarisira zviratidzo zvekuti chaibva kudyiwa. Chii chatirikuita kutarisira Kuuya kweChipiri kweMuponesi ?

Dzidziso neZvibvumirano 45:55.Kuverenga 1 Nifai 22:26 neZvakazarurwa 20:1–3 kunokwanisa kubatsira mhuri yako kunzwisisa “masungirwo” achaitwa Satani munguva yeChuru cheMakore. Tinokwanisa kusunga Satani sei muupenyu hwedu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapihwa: “Tichaimba Tichikudza Zita raJesu,” muNziyo neDzevana Vadiki, 48; onawo “Ideas to Improve your Scripture Study.”

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Shandisa zvibatsiro zvekunzvera. Shandisa zvinyorwa zvepazasi pepeji, Nhungamiri kuMagwaro Matsvene kuti uwane ruzivo rwakadzama mumagwaro matsvene.

Mufananidzo
Kristu achiburuka

The Coming of Christ, naJubal Aviles Saenz

Dhinda