Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chivabvu 24–30. Dzidziso neZvibvumirano 58-59: “Kubata neChido muMabasa Akanaka”


“Chivabvu 24–30. Dzidziso neZvibvumirano 58–59: ‘Kubata neChido muMabasa Akanaka’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021. (2020)

“Chivabvu 24–30. Dzidziso neZvibvumirano 58–59,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Mugwagwa Independence Missouri

IIndependence, Missouri, naAl Rounds

Chivabvu 24–30

Dzidziso neZvibvumirano 58–59

“Kubata neChido muMabasa Akanaka”

Mutungamiri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kuti, “Magwaro matsvene anozotibatsira kuwana mhinduro kumibvunzo yedu pachedu yose nokuti kuburikidza nokuaverenga tinokoka nokuzvikodzeresa kufemero yeMweya Mutsvene, uyo unozotitungamirira kuzvokwadi zvose” (muDavid A. Edwards, “Are My Answers in There?New Era, Chivabvu 2016, 42).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Apo magosa eChechi pavakatanga kuona nzvimbo yeguta reZioni—Independence, Missouri—yakanga isina kuva sezvavaitarisira. Vamwe vaifunga kuti vaizowana vagari vakabudirira, vanoshanda nesimba uye muine boka rakasimba raVatendi. Pane kudaro vakawana nzvimbo iri kumuganhu kwenyika yaiva nevagari vashomanana iyo yakanga isina budiriro yavakanga vajaira uye ichigarwa nevagari vasina tsika dzakanaka pachinzvimbo cheVatendi. Zvakaratidza kuti Ishe vakanga vasiri kuvakumbira kuti vangouya kuZioni—Vaida kuti vavake Zioni.

Apo tarisiro dzedu padzinotadza kufanana neizvo chaizvo zvinozoitika tinokwanisa kurangarira kuti Ishe vakataurira Vatendi muna 1831 kuti “Hamukwanise kuona nemaziso enyu enyama, kwenguva ino, kuronga kwaMwari venyu … uye nokubwinya kuchatevera mushure mekutambudzika kukuru.” (Dzidziso neZvibvumirano 58:3). Hongu, upenyu hwakazara nematambudziko, kunyangwe huipi, asi tinokwanisa “kuunza ururami hwakawanda zvikuru, nokuti simba riri [matiri]” (ndima 27–28).

Onawo Saints, 1:127–33.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dziziso neZvibvumirano 58:1–5, 26–33, 44; 59:23

Maropafadzo anouya maererano nenguva yaMwari uye neushingi hwedu.

Vatendi vakatanga kumisa Zioni muJackson County, Missouri, umo mavakashingirira pazviedzo zvakawanda. Chokwadi vaitarisira kuti panguva dzehupenyu hwavo nzvimbo iyi yaizobudirira nokukura kuita nzvimbo iyo Vatendi vose vaizokwanisa kuungana. Zvisinei, Vatendi vakatandaniswa kubva muJackson County mukati memakore mashomanana, uye Ishe vakazarura kuti vanhu Vavo vaizofanira “kumbomirira kwechinguva rununuro rweZion” (Dzidziso neZvibvumirano 105:9).

Apo paunonzvera zvikamu zvinotevera, tsvaka zvikonzero izvo maropafadzo angangoregerwa kupihwa kwenguva. Mibvunzo iri pazasi inokwanisa kukubatsira kufungisisa.

Dzidziso neZvibvumirano 58:1–5; 59:23. Ndeapi mashoko ari mundima idzi anosimbisa kwaniso yako yekushingirira padambudziko nemwoyo murefu? Ndeapi maropafadzo awakatambira mushure medambudziko? Sei uchifunga kuti mamwe maropafadzo anouya chete mushure medambudziko?

Dzidziso neZvibvumirano 58:26–33. “Kubata nechido mumabasa akanaka” kune basa rei mukuzadzikiswa kwevimbiso dzaMwari? Kuteerera kwako kune basa rei mukuzadzikiswa kwevimbiso dzaMwari?

Dzidziso neZvibvumirano 58:44 Hukama hupi hwuri pakati “pemunamato werutendo” nechido chaIshe kwatiri?

Dzidziso neZvibvumirano 59 musoro wenyaya wechikamu

Polly Knight aiva ani?

Polly Knight nemurume wake, Joseph Knight Baba, vaiva vamwe vevanhu vokutanga vaitenda mukudaidzwa kwehuporofita kwaJoseph Smith. Polly naJoseph vakapa tsigiro yakakosha zvikuru kuMuporofita mubasa rokududzira Bhuku raMormoni. Mhuri yekwaKnight yakabva muColesville, New York kuenda kunoungana neVatendi muOhio uye pashure vakazorairwa kutamira kuJackson County, Missouri. Apo pavaifamba parwendo urwu, utano hwaPolly hwakatanga kuipa zvikuru, asi akanga akashinga kuti aone Zioni asati afa. Akanga achangosvika muMissouri kwemazuva mashomanana apo paakafa. Dzidziso neZvibvumirano 59. yakatambirwa musi waashayika, uye ndima 1 ne2 dzinotaridzika kutaura pamusoro pake iye chaiye.

Dzidziso neZvibvumirano 59:9–19

Kuchengeta Sabata riri dzvene kunounza marapafadzo enyama neemweya.

Mushure mekuvimbisa kuropafadza Vatendi muZioni “nemirairo isiri mishoma,” Ishe vakapa simbiso yakakosha kumurairo mumwechete kunyanya: rairo yokukudza “zuva dzvene” Ravo (Dzidziso neZvibvumirano 59:4, 9). Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 59:9–19, fungisisa kuti sei kukudza Sabata kwaiva kwakakosha kudaro kuVatendi ava apo pavaiedza kuvaka Zioni.

Unokwanisawo kufungisisa mibvunzo yakafanana neiyi: Ndiri kushandisa here zuva reSabata nenzira iyo Ishe yavanoda? Kuchengeta zuva reSabata riri dzvene kunondibatsira sei kuramba ndisina “mavara kubva kunyika”? (ndima 9). Chii chandingaita kuti ndipe “minamato yangu kuna Ivo Vekumusoro-soro”? (ndima10).

Mushure mekuverenga ndima dzinotevera, chii chawakurudzirwa kuita kuti uchengete zvakanyanya kuzara zuva reSabata riri dzvene? Genesi 2:2–3; Eksodo 20:8–11; 31:13,16; Deuteronomio 5:12–15; Isaya 58:13–14; Marko 2:27; Johane 20:1–19; Mabasa Avaapositora 20:7

Unokwanisawo kuwana pundutso kubva muimwe yemavhidhiyo akawanda kana zvimwe zvinyorwa pamusoro peSabata zvinowanikwa pa sabbath.ChurchofJesusChrist.org.

Onawo Nhungamiri kuMagwaro Matsvene “Sabata.”

Mufananidzo
chingwa nezvikapu zvesakaramende

Kutora sakaramende chikamu chokuchengeta zuva reSabata riri dzvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 58:26–29.Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuita mudorongodzwa wezvimwe zvinhu zvavari “kubata nechido” pazviri. Ese “mabasa akanaka” here? Sei Ishe vachida kuti tiite “zvinhu zvakawanda nokuda [kwedu] pachedu takasungunuka”? Kumbira nhengo yemhuri yoga yoga kuti ifunge pamusoro pezvavangaita vhiki ino kuti “vaunze ururami hwakawanda.” Pashure vanokwanisa kuzouya votaura zvavakaita.

Dzidziso neZvibvumirano 58:42–43.Chii chinonzikwa nenhengo dzemhuri apo padzinoverenga ndima idzi? Ndima idzi dzinobatsira sei mumwe munhu anofanira kutendeuka?

Dzidziso neZvibvumirano 59:3–19.Zvingava zvinorevei “kupfekedzwa korona… nemirairo”? (ndima 4). Apo pamunoverenga mirairo iri mundima 5–19, kurukurai maropafadzo amakatambira nokuda kwekuteerera kumumwe nemumwe wemirairo iyi.

Munokwanisawo kuchecherechedza mashandisirwo akaitwa mashoko anoti “rufaro,” “kufara,” “faranuka,” and “fara” kutsanangura murairo wekukudza zuva reSabata. Mungaita sei kuti zuva renyu reSabata rive rinonyanya kufadza? Pamwe mhuri yenyu inokwanisa kugadzira mutambo wekufananidza mazano muchishandisa makadhi anotaridza zvinhu zvamunokwanisa kuita kuchengeta zuva reSabata riri dzvene.

Dzidziso neZvibvumirano 59:18–21.Chii chatingaite kuti “titende … ruoko [rwaMwari] muzvinhu zvose”?ndima 21). Fungai kuenda kunofamba famba kana kutarisa mifananidzo, muchicherechedza zvinhu “zvinofadza ziso uye … nokufadza mwoyo” (ndima 18). Munokwanisa kutora kana kudhirowa mifananidzo yezvamunowana uye mozotaura pamusoro pokuti mungataridza sei kutenda kwenyu nokuda kwezvinhu izvi. Takaona sei ruoko rwaMwari muupenyu hwedu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Choose the Right,” Hymns, no. 239.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Goveranai zvinyorwa zvitsvene Ipa nhengo dzemhuri nguva yekugoverana zvikamu zvezvinyorwa zvitsvene zvavakawana mukunzvera kwavo vega izvo zvinoreva chinhu kwavari.

Mufananidzo
musikana achinamata munguva yesakaramende.

Mufananidzo naMarti Major

Dhinda