“Chivabvu 3–9. Dzidziso neZvibvumirano 46–48: ‘Tsvakai Imi neMwoyo Wose Zvipo Zvakanakisisa,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)
“Chivabvu 3–9. Dzidziso neZvibvumirano 46–48,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021
Chivabvu 3–9.
Dzidziso neZvibvumirano 46–48
“Tsvakai Imi neMwoyo Wose Zvipo Zvakanakisisa”
Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 46–48, nyora pasi manzwiro aunotambira. Zvino ungazobvunza, sekupa zano kwakaita Gosa Richard G. Scott, “Pane zvimwe zvakawanda zvandinofanira kuziva here?”(“To Acquire Spiritual Guidance” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2009, 8)
Nyora Pasi Manzwiro Ako
Apo Parley P. Pratt, Oliver Cowdery, Ziba Peterson, naPeter Whitmer Jr. pavakabva muKirtland voenda kune dzimwe nzvimbo kunoita basa rohushumiri, vakasiya vatendeuki vanopfuura zana avo vakanga vane chido chikurusa asi vaine ruzivo rushoma kana nhungamiro shoma. Pakanga pasina mabhuku erairidzo, pasina misangano yekudzidzisa vatungamiriri, pasina nhepfenuro dzemusangano mukuru—chokwadi ndechokuti, pakanga pasina kana makopi eBhuku raMormoni akawanda kugovera. Vazhinji vevatendi vatsva ava vakanga vakwezverwa kuvhangeri rakadzorerwa nevimbiso yezviratidzo zvinoshamisa zveMweya, kunyanya izvo zvavaiziva pamusoro pazvo kubva mukunzvera Testamende Itsva (ona, somuenzaniso, 1 Vakorinte 12:1–11). Nenguva diki, nzira dzokunamata idzo dzakanga dzisiri dzemazuva ose—kusanganisira kuputsikira pasi kana kuzvongonyoka senyoka—dzakatangwa mumisangano yavo yeChechi. Vazhinji vakazviwana zvakaoma kuziva kuti ndezvipi zviratidzo zvaibva kuMweya uye ndezvipi zvakanga zvisingabvi kuMweya. Aona kuvhiringidzika uku, Joseph Smith akanamatira rubatsiro. Mhinduro yaIshe yakakoshawo saizvozvo nhasi, apo vanhu kazhinji pavanoramba kana kusateerera kuzvinhu zviri maererano neMweya. Ishe vakazarura kuti zviratidzo zvemweya ndezvechokwadi uye vakajekesa kuti zvii—zvipo zvinobva kuna Baba Vokudenga vanorudo,“zvinopihwa kuitira pundutso yeavo vano[Vada] uye vanochengeta mirairo [Yavo] yose” (Dzidziso neZvibvumirano 46:9).
Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega
Dzidziso neZvibvumirano 46:1–6
Avo vose vatsvaki varipachokwadi vanogamuchirwa kunamata muChechi yaIshe.
Misangano yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira inofanira kuva pakati pemagungano anonyanyisa kugamuchira nokukurudzira munyika yose. Ishe vanotiraira sei muDzidziso neZvibvumirano 46:1–6 kugamuchira avo vanouya kumisangano yedu? Shamwari dzako nevavakidzani vako vanonzwa kugamuchirwa here kumisangano yekunamata kuwadhi yako? Chii chamuri kuita kuti misangano yenyu yeChechi ive nzvimbo idzo vanhu dzavanoda kudzoka kwadziri? Fungisisa kuti kuedza kwako kutevera Mweya Mutsvene mumisangano yeChechi kunoshandura sei manzwiro ako.
Onawo 3 Nifai 18:22–23; Moronai 6:5–9
Dzidziso neZvibvumirano 46:7–33
Mwari vakapa zvipo zvemweya kuitira kuropafadza vana Vavo.
Vatendi vokutanga vaitenda muzvipo zvemweya asi vaida imwe nhungamiro pamusoro pechinangwa chazvo. Apo paunonzvera pamusoro pezvipo zveMweya uchishandisa Dzidziso neZvibvumirano 46:7–33, fungisisa kuti sei zvakakosha kuti “ugare [uchirangarira] kuti zvakapirwei” (ndima 8). Funga kuti ndima idzi dzinoenderana sei neshoko iri rakabva kuna Gosa Robert D. Hales “Zvipo izvi zvinopuwa kuna avo vakatendeka kuna Kristu. Zvinozotibatsira kuziva nokudzidzisa zvokwadi zvevhangeri. Zvinozotibatsira kuropafadza vamwe. Zvinozotitungamirira kudzokera kuna Baba vedu Vokudenga” (“Gifts of the Spirit,” Ensign, Kukadzi 2002, 16). Chii chimwe chaunodzidza kubva mundima idzi pamusoro pezviratidzo zvemweya? Zvokwadi izvi zvinokwanisa kukubatsira sei kuti “usanyengedzwe?” (ndima 8).
Fungisisa kuti zvipo zvemweya zvako ndezvipi—uye mashandisiro aungazviita, “kuti zvipundutse vana vaMwari” (ndima 26). Kana uine ropafadzo rapatiriyaki, rinogona kuva rinodoma zvipo zvawakapuwa.
Onawo,Nhungamiri kuMagwaro Matsvene “Zvipo zveMweya,” topics.ChurchofJesusChrist.org.
Ishe vanoda kuti Chechi Yavo ichengete nhoroondo.
Kudaidzwa kwaJohn Whitmer kwekuchengeta nhoroondo yeChechi kwakaenderesa mberi tsika yakatanga kare yevachengeti vezvinyorwa pakati pevanhu vaMwari (ona 2 Nifai 29:11–12; Mosesi 6:5; Abrahama 1:28, 31). Chokwadi ndechekuti, chinzvimbo chaMuchengetedzi weNhoroondo weChechi chichiripo nanhasi. Sei uchifunga kuti kuchengeta nhoroondo kwakakosha zvakadaro kuna Ishe? Fungisisa izvi apo paunoverenga mirairo Yavo kuna John Whitmer pamusoro pebasa iri muchikamu 47. Fungawo zviitiko zvako pachako zvaunofanira kunyora pasi. Somuenzaniso, chii chawakadzidziswa naIshe chaunoda kuchengetedza?
Apo paunofungisisa mibvunzo iyi, funga pfungwa iyi yakabva kuna Gosa Marlin K. Jensen weMakumi Manomwe, avo vakashanda seMuchengetedzi weNhoorondo weChechi kubva muna 2005 kusvika muna 2012:
“Tinochengeta zvinyorwa kutibatsira kurangarira. … Tinoda kubatsira nhengo dzeChechi kurangarira zvinhu zvikuru Mwari zvavakaitira vana Vavo. … Zvidzidzo zvekare zvinotibatsira kuti tikwanise kutarisana nezvanhasi zvedu uye zvinotipa tariro kune ramangwana redu” (“There Shall Be a Record Kept among You,” Ensign, Zvita 2007, 28, 33).
Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru
-
Dzidziso neZvibvumirano 46:2–6.Chii chatingaita semhuri kuti tiite chokwadi kuti vamwe vanonzwa kugamuchirwa kumisangano yedu yeChechi? (onawo 3 Nifai 18:22–23). Mufananidzo unouya nechirongwa chino unokwanisa kuwedzera kuhurukuro ino.
-
Dzidziso neZvibvumirano 46:7–26.Ndezvipi zvipo zvemweya zvatinoona mune mumwe nemumwe wedu? Zvipo izvozvo zvinokwanisa kuropafadza sei mhuri yedu?
-
Dzidziso neZvibvumirano 47.Ungakurudzira sei mhuri yako kunyora pasi nhoroondo dzavo pachavo nemuvhiki rose? Unokwanisa kugovera zvimwe zvinyorwa kubva mujenari rako pachako kana kugovera nyaya pamusoro pemumwe teteguru. Dzimwe mhuri dzinoisa padivi nguva shoma vhiki yoga yoga kuitira kuti vanhu vose vanyore mumajenari avo. Unokwanisa kutaura zvinokuridzira kunyora mujenari, zvakaita sokuti “Chii chakaitika chaungada kuti vazukuru vako vazive pamusoro pacho?” kana “Wakaona sei shanduro yaIshe muupenyu hwako vhiki rino?” Vana vadiki vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yezviitiko zvavo, kana kuti unokwanisa kuvarekodha vachitaura nyaya dzavo. Ndeapi maropafadzo anouya kubva mukuchengeta “nhoroondo nguva dzose”? (ndima 1).
-
Dzidziso neZvibvumirano 48.Vatendi muOhio vakarairwa kugoverana nzvimbo dzavo neavo vakanga vachitamira kuOhio vachibva kumabvazuva kweUnited States. Chii chatingagovera kuti tizadzikise zvidikanwi zvevamwe?
Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.
Rumbo rwakapiwa “Ita Zvakanaka” (Hwaro Hwevhangeri, nhamba 292).