Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chivabvu 17–23. Dzidziso neZvibvumirano 51–57: “Mutariri Akatendeka, Akarurama uye Akangwara”


“Chivabvu 17–23. Dzidziso neZvibvumirano 51–57: ‘Mutariri Akatendeka, Akarurama, uye Akangwara,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chivabvu 17–23. Dzidziso neZvibvumirano 51–57,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
murimi aine mombe

First Furrow (Muforo weKutanga), naJames Taylor Harwood

Chivabvu 17–23

Dzidziso neZvibvumirano 51–57

“Mutariri Akatendeka, Akarurama uye Akangwara”

Kunzvera magwaro matsvene kunokubatsira kuziva inzwi raIshe, nokuti magwaro matsvene akapihwa naIvo kuburikidza neMweya Wavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 18:34–36).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kunhengo dzeChechi muma1830, kuunganidza Vatendi nekuvaka guta reZioni kwaiva mabasa ezvemweya pamwepo neepanyama, uye kuine mabasa chaiwo akawanda aifanira kuitwa: Mumwe munhu aifanira kutenga nekugovanisa nzvimbo iyo Vatendi vaikwanisa kuzogara. Mumwe munhu afanira kudhinda mabhuku nezvimwe zvinyorwa. Uye mumwe munhu aifanira kuva nechitoro chaizotengesa zvinhu kuneavo vaiva muZioni. Muzvakazarurwa zvakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 51–57, Ishe vakagadza uye vakaraira vanhu kuti vaite mabasa aya, uye Vakasarudza Independence Missouri, kuti ive “nzvimbo iri pakati” peZioni (Dzidziso neZvibvumirano 57:3).

Asi kunyange zvazvo unyanzvi muzvinhu zvakaita sekutenga nzvimbo, kudhinda, uye nekuva nechitoro zvakakosha kubasa repanyama rekuvaka Zioni, zvakazarurwa izvi zvinodzidzisawo kuti Ishe vanoda kuti Vatendi Vavo vave vakakodzera pane zvemweya kuti vadaidzwe kunzi vanhu veZioni. Vanodaidza mumwe nemumwe wedu kuti ave “mutariri akatendeka, akarurama, uye akangwara,” “tichimira takasimba” mumabasa edu atakagadzwa (ona Dzidziso neZvibvumirano 51:19.; 52:15; 54:2). Kana tikakwanisa kuita izvozvo—zvisinei nemamiriro eunyanzvi hwedu hwepanyama—Ishe vanokwanisa kutishandisa kuvaka Zioni, uye “Vanozokurumidzisa guta munguva yaro” (Dzidziso neZvibvumirano 52:43).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 51

Ishe vanoda kuti ndive mutariri akatendeka, akarurama, uye akangwara.

Dai wakanga uri nhengo yeChechi muna 1831, ungangodai wakakokwa kuti urarame mutemo wekukumikidza nekupa pfuma yako kuChechi kuburikidza nekuna bhishopi. Ivo zvino vaizodzorera kwauri, kazhinji kacho, izvo zvawakapa, dzimwe nguva nezvimwe pamusoro. Asi zvakanga zvisisingori pfuma yako chete—zvaiva utariri hwako.

Nhasi maitirwo azvo asiyana, asi misimboti yekukumikidza neutariri ichakakosha kubasa raIshe. Funga mashoko aya akabva kuna Gosa Quentin L Cook: “Tirikurarama munguva dzine njodzi apo vazhinji pavanotenda kuti hatina zvatinozvidavirira kuna Mwari uye kuti hatina basa rekuzviriritira kana kuzvitaririra isu pachedu kana vamwe. Vazhinji munyika vanonangisa pfungwa dzavo pakutsvaga kuzvifadza ivo pachavo … [uye] havatende kuti vachengeti vehama yavo. MuChechi, zvisinei, tinotenda kuti utariri uhwu chivimbo chinoera” (“Stewardship—a Sacred Trust,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2009, 91).

Apo paunoverenga chikamu 51, funga pamusoro peizvo Mwari zvavakapa kwauri kuti uite. Mashokoi anoti “mutariri” (ndima 19) uye “kumikidza” (ndima 5) anorevei, uye anoedza kutaura kuti kudii pamusoro pezvinotarisirwa kwauri naMwari? Misimboti ipi yaunowana muchikamu 51 uye mumashoko aGosa Cook inokudzidzisa zvazvinoreva kuva mutariri? (ona kunyanya ndima 9, 15–20).

Onawo Mateo 25:14-30; ChurchofJesusChrist.org.

Dzidziso neZvibvumirano 52:14–19

Mwari vakapa nzira yekudzivirira hunyengeri.

Nokuda kwekuti vanhu vazhinji vakanga vachizviti vanoratidzwa nemweya, Vatendi vekutanga vakanga vachinetseka pamusoro pekunyengedzwa. Vaikwanisa sei kuziva kuti ndiani “anotambirwa [naMwari]”? (ndima 15). Ishe vakapa nzira inobatsira muDzidziso neZvibvumirano 52:14–19. Mungashandise sei nzira iyi kuti muzive mashoko ekunyepa munyika? Mungangoshandisawo nzira iyi kuzviongorora pachenyu: funga kushandisa ndevo kubva mundima idzi kuti unyore mibvunzo yakaita sekuti “Kana ndichitaura mweya wangu wakazvirereka here?”

Dzidziso neZvibvumirano 54

Ndinokwanisa kuvimba naIshe apo pandinorwadziswa nesarudzo dzevamwe.

Sechikamu chekuungana kuOhio, chikwata cheVatendi chaitungamirirwa naNewel Knight chakasvika chichibva kuColesville, New York, uye chaida nzvimbo yekugara. Leman Copely aiva nepurazi guru padyo neKirtland, uye akaita chibvumirano chokutendera Vatendi kuti vagare panzvimbo yake. Zvisinei, mushure mekutanga kwavo kugara ipapo, Copley akaderera murutendo rwake, akatyora chibvumirano chake, uye akadzinga Vatendi kubva papurazi rake.

Sekunyorwa kwazvakaitwa muchikamu 54, Ishe vakaudza Newel Knight zvaifanira kuitwa neVatendi pamusoro pemamiriro ezvinhu avo. Chii chaunowana muzvakazarurwa zvino chinokwanisa kukubatsira apo kutyora zvivimbiso kwemumwe munhu kana dzimwe sarudzo dzake dzakaipa pazvinokukanganisa?

Mufananidzo
munda wegirini

Nzvimbo yepurazi muOhio iro rakanga ravimbiswa kuChechi naLeman Copley.

Dzidziso neZvibvumirano 56:14–20

Vakaropafadzwa avo vakachena mumwoyo.

Mundima idzi, Ishe vakataura kune vese vapfumi nevarombo; zvingangofadza kuenzanisa rairo Yavo kuzvikwata zviviri izvi. Chii mundima idzi chaunonzwa chichireva chinhu kwauri iwe pachako? Kunangisa pfungwa paupfumi kunokwanisa sei “kupfukuta” mweya wako? (ndima 16). Zvinorevei kwauri kuva “wakachena mumwoyo” (ndima 18) maererano nezvinhu zvepanyama?

Onawo Jakobho 2:17–21.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 51:9.Munokwanisa kutamba mutambo unofarirwa nemhuri uye motaura pamusoro pekuti mutambo uyu waizova wakasiyana sei dai mumwe munhu anga abiridzira. Sei zvakakosha kuti “mushande zvakavimbika” nevamwe? Kuvimbika kunotibatsira sei “kuva vamwechete”?

Dzidziso neZvibvumirano 52:14–19.Apo paunokurukura nzira yokutevedza yakatsanangurwa mundima idzi, mhuri yako ingangofarira kutarisa dzimwe nzira dzokutevedza dzamunoshandisa—sezvakaita patani dzekusona mbatya kana kugadzira zvimwe zveunyanzvi hwemaoko. Munokwanisa kushanda pamwechete kugadzira chimwe chinhu kubva papatani muchitaura pamusoro penzira yokutevedza yakapihwa naIshe yekudzivirira hunyengeri.

Dzidziso neZvibvumirano 53:1.Funga kugoverana nemhuri yako chiitiko apo iwe, saSidney Gilbert, wakabvunza Ishe “maererano nekudaidzwa kwako.”

Dzidziso neZvibvumirano 54:2; 57:6–7.Zvinorevei “kumira takasimba” (Dzidziso neZvibvumirano 54:2) muneizvo zvatakakumbirwa naMwari kuti tiite? Unokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti vasimuke uye vodoma chimwe chinhu chavakakumbirwa naMwari kuti vaite.

Dzidziso neZvibvumirano 55.Ishe vakashandisa sei kwaniso dzaWilliam Phelps semunyori nemudhindi? “Ungangoda kutaura kuti William Phelps akanyorawo mashoko enziyo dzakawanda, kusanganisira “Mweya waMwari,” “Ngatifarei Zvino,” uye “Mununuri weIsraeri.”” Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutaura pamusoro pematarenda nekwaniso zvavanoziva kuti vamwe mumhuri vanazvo. Matarenda edu anokwanisa sei kubatsira kubasa raMwari?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Ita Zvakanaka,” Hwaro HweVhangeri, 292.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Chengeta jenari rekunzvera. Ungangoona zvichibatsira kushandisa jenari kana bhuku rezvinyorwa kunyora pasi pfungwa, mazano, mibvunzo, kana manzwiro anouya mupfungwa paunenge uchinzvera.

Mufananidzo
nhengo dzichipa zvinhu kuna Edward Patridge

Bishop Partridge Receives Consecration,(Bhishopu Patridge Vanogashira Zvikumikidzo) naAlbin Veselka

Dhinda