Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chivabvu 10–16. Dzidziso neZvibvumirano 49-50: “Icho Chinenge Chiri chaMwari Chiedza”


Chivabvu 10–16. Dzidziso neZvibvumirano 49-50, ‘Icho Chinenge Chiri chaMwari Chiedza’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

Chivabvu 10–16. Dzidziso neZvibvumirano 49–50,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
chidziva pakubuda kwezuva

Chivabvu 10–16

Dzidziso neZvibvumirano 49–50

“Icho Chinenge Chiri chaMwari Chiedza”

“Uyo anogashira chiedza, uye achiramba ari muna Mwari, anogashira chiedza chakawedzerwa; uye chiedza ichocho chinoramba chichikura mukujeka kudakara pazuva rakarurama”.(Dzidziso neZvibvumirano 50:24). Fungisisa magamuchiriro aurikuita chiedza nokuramba uri muna Mwari.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Muponesi ndiye “mufudzi wakanaka” wedu (Dzidziso neZvibvumirano 50:44). Anoziva kuti dzimwe nguva makwai anotsauka uye kuti renje rine njodzi dzakawanda. Nokudaro Anotitungamirira nerudo kudziviriro yedzidziso Yake, kure nenjodzi dzakaita “semweya yenhema, iyo yakaenda mberi nepasi pose, ichinyengedza nyika” (Dzidziso neZvibvumirano 50:2). KuMutevera kazhinji zvinoreva kurega kutenda mupfungwa kana tsika dzisiri kwadzo. Izvi zvaiva zvechokwadi kuna Leman Copley nevamwe muOhio avo vakagamuchira vhangeri rakadzorerwa asi vakaramba vakabatirira kune zvimwe zvavaitenda zvakanga zvisiri kwazvo. Muna Dzidziso neZvibvumirano 49, Ishe vakazivisa zvokwadi zvakaruramisa izvo zvaimbotendwa kare naLeman pamusoro pemisoro yenyaya yakaita semuchato neKuuya kweChipiri kweMuponesi. Uye apo vatendeuki vemuOhio “pavakagashira … mweya [yavasina] kunzwisisa,” Ishe vakavadzidzisa maziviro okuita zviratidzo zveMweya zvechokwadi (Dzidziso neZvibvumirano 50:15). Mufudzi Akanaka akanga ane mwoyo murefu; Aiziva kuti Vatendi ava vokutanga vaiva —sesu tose—“vana vadiki” vanofanira “kukura munyasha uye nemuruzivo rwechokwadi” (Dzidziso neZvibvumirano 50:40).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 49:5–23

Zvokwadi zvevhangeri zvinokwanisa kundibatsira kuziva dzidziso dzenhema.

Asati apinda muChechi, Leman Copley akanga ari chikamu cheboka rechitendero raizikanwa seChikwata Chakabatana cheVanotenda muKuzviratidza kwaKristu kweChipiri), icho chaizikanwawo seShakers. Mushure mehurukuro naLeman, Joseph Smith akatsvaka jekeso kubva kuna Ishe pamusoro pedzimwe dzidziso dzemaShakers, uye Ishe vakapindura nezvakazarurwa zviri muchikamu 49.

Unokwanisa kuwana zvimwe zvaitendwa nemaShakers zvakataurwa mumusoro wenyaya wechikamu 49. Funga kumaka kana kunyora pasi zvokwadi zviri mundima 5–23 izvo zvinoruramisa zvaitendwa izvozvo. Funga pamusoro pedzimwe dzidziso kana tsika dzenhema dziri munyika nhasi. Ndezvipi zvokwadi zvevhangeri zvinokwanisa kukubatsira kuzvidzivirira kubva kwadziri?

Dzidziso neZvibvumirano 49:15–17

Muchato pakati pemurume nemukadzi wakakosha kuchirongwa chaMwari.

Ndezvipi zvokwadi pamusoro pemuchato zvaunodzidza kubva muDzidziso neZvibvumirano 49:15–17? Sei uchinzwa kuti muchato pakati pemurume nemukadzi wakakosha kuchirongwa chaBaba Vokudenga? Gosa David A. Bednar vakapa zvikonzero zviviri: “Chikonzero 1: Hunhu hwemweya yavanhurume navanhukadzi hwunozadzikisina nokururamisana, uye naizvozvo varume nevakadzi vakaitirwa kuti vafambire mberi pamwechete vakananga kukusimudzirwa kwekumusoro-soro. … Chikonzero 2: Nechirongwa chehumwari, vose murume nemukadzi vanodikanwa kuitira kuunza vana muupenyu hwepanyika uye kupa magariro akanakisisa okurerwa nokuriritirwa kwevana” (“Marriage Is Essential to His Eternal Plan,” Ensign, Chikumi 2006, 83–84).

Onawo Genesi 2:20–24; 1 Vakorinte 11:11; “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 145.

Mufananidzo
murume nemukadzi vari kunze kwetemberi

Muchato pakati pemurume nemukadzi wakagadzwa naMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 50

Dzidziso dzaIshe dzinokwanisa kundidzivirira kubva kuunyengeri hwaSatani.

Vatendeuki vatsva muOhio vakanga vaine chido chikuru chokugamuchira zviratidzo zvemweya zvakavimbiswa mumagwaro matsvene, asi Satani akangawo aine chido chikuru kuvanyengedza. Vakashama kuti, Apo mumwe munhu paanodanidzira kana kurukutika, ndiro here simba reMweya?

Fungidzira kuti wakakumbirwa kubatsira vatendeuki vatsva ava kunzwisisa maziviro avangaita zviratidzo zvechokwadi zveMweya Mutsvene uye kudzivirira kunyengedzwa nemanyepo aSatani. Ndeipi misimboti yaunowana muDzidziso neZvibvumirano 50 yaunokwanisa kugovera? (ona kunyanya ndima 22–25, 29–34, 40–46).

Onawo 2 Timotio 3:13–17.

Dzidziso neZvibvumirano 50:13–24

Vadzidzisi nevadzidzi vanodzidziswa pamwechete neMweya.

Imwe nzira yaunganzvera nayo Dzidziso neZvibvumirano 50:13-24 ndeyokudhirowa mufananidzo wemudzidzisi nemudzidzi uye, pedyo nemufananidzo mumwe nemumwe, woita mudorongodzwa wemanzwi nendevo kubva mundima idzi izvo zvinokudzidzisa chimwe chinhu pamusoro pekudzidza nekudzidzisa vhangeri. Ndiriini wawakava nezviitiko zvakakudzidzisa kukosha kweMweya mukudzidzisa nokudzidza? Funga zvaungaita kunatsa kuedza kwako semudzidzi nemudzidzisi wevhangeri.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 49:2Zvinorevei “kuva nechido chokuziva chokwadi muchidimbu, asi kwete chose”? Pamwe ungataridza mufananidzo wakavharwa rimwe divi uye woita kuti nhengo dzemhuri dzifembere kuti mufananidzo wechii. Chii chinoitika apo patinotambira chidimbu chete chechokwadi? (ona 2 Nifai 28:29). Kuzara kwevhangeri iropafadzo kwatiri sei?

Dzidziso neZvibvumirano 49:26–28.Tinoropafadzwa sei nevimbiso yaIshe inoti “Ndichaenda pamberi penyu uye ndigova mumashure menyu; uye ndichave pakati penyu”? Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana zviitiko apo pavakanzwa Ishe “achienda pamberi [pavo]” kana pavakanzwa kuti Akanga Ari “pakati [pavo].”

Dzidziso neZvibvumirano 50:23–25.Mungangoungana mumupanda munerima kuti muverenge Dzidziso neZvibvumirano 50:23-25. uye zvishoma nezvishoma mowedzera chiedza nokutungidza makenduru kana kubatidza mwenje mumwe nemumwe panguva. Munokwanisawo kuverenga ndima idzi muchitarisa kubuda kwezuva mangwanani. Chii chatingaita kuti chiedza chevhangeri chedu chirambe chichikura? Apo nhengo dzemhuri padzinodzidza chimwe chinhu chitsva pamusoro pevhangeri mukati mevhiki, vakurudzire kuchigoverana nemhuri nokunyora chitsamba uye vochinamira parambi kana mumwe mwenje mumba.

Dzidziso neZvibvumirano 50:40–46Mushure mokuverenga Dzidziso neZvibvumirano 50:40-46., unokwanisa kutaridza mufananidzo weMuponesi unouya nechirongwa chino uye wobvunza mibvunzo yakaita seiyi: Unokwanisa kuziva sei kuti Muponesi anoda makwai? Muponesi akaita semufudzi kwatiri sei? Indevo dzipi dzinobva mumagwaro matsvene dzinotaridza pfungwa yokuti Muponesi mufudzi uye isu tiri makwai?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Shine On,” Children̛ s Songbook,144.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Iva wakasungunuka. Nguva dzakanakisisa dzokudzidzisa, kunyanya mumba, kazhinji dzinongoitika uye dzisina kutarisirwa: kudya kwemhuri kungangokurudzira hurukuro pamusoro pokudya pashoko raMwari, uye kunaya kwemvura kunokwanisa kuva mukana wekupupura nezve mvura mhenyu. Kana makagadzirira pamweya, Ishe vanokwanisa kukupai “muchinguva ichocho, zvamuchataura” (Dzidziso neZvibvumirano 100:6).

Mufananidzo
Jesu negwayana

Gentle Shepherd, naKim Yongsung

Dhinda