“Chivabvu 31–Chikumi 6. Dzidziso neZvibvumirano 60–62: ‘Yose Nyama Iri muMaoko Angu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)
“Chivabvu 31–Chikumi 6. Dzidziso neZvibvumirano 60–62,” Uyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021
Chivabvu 31–Chikumi 6
Dzidziso neZvibvumirano 60–62
“Yose Nyama Iri muMaoko Angu”
Mutungamiri Ezra Taft Benson vakadzidzisa kuti apo patinonzvera magwaro matsvene, “uchapupu hunozowedzera. Kuzvipira kunozosimbiswa. Mhuri dzinozodzivirirwa. Zvakazururwa zvako pachako zvinozodururuka (“The Power of the Word,” Ensign, Chivabvu 1986, 81).
Nyora Pasi Manzwiro Ako
Muna Chikumi 1831, Joseph Smith akaita musangano nemagosa eChechi muKirtland. Ipapo, Ishe vakaronga mamwe emagosa kuita vafambidzani uye vakavatumira kuRuwa rweJackson, Missouri, nebasa iri: “Paridzai nemunzira” (Dzidziso neZvibvumirano 52:10). Vazhinji vemagosa aya vakazviita neushingi uye nechido, asi vamwe havana. Saka apo pakasvika nguva yekudzokera kuKirtland, Ishe vakati, “Nemamwe [magosa] handinyatsofara, nokuti havasi kuzarura miromo yavo, asi vanoviga tarenda randakapa kwavari, nokuda kwekutya vanhu” (Dzidziso neZvibvumirano 60:2). Vazhinji vedu tinokwanisa kunzwira tsitsi magosa aya—tingangonzwawo kuzengurira kuzarura miromo yedu tichigovera vhangeri. Pamwe nesuwo tinotadziswa nekuda “kwekutya vanhu” Pamwe hatina chokwadi nekodzero kana kwaniso dzedu. Zvingava zvipi zvazvo zvikonzero zvedu, Ishe “vanoziva kusasimba kwevanhu uye nemayamuriro [avangatiita]” (Dzidziso neZvibvumirano 62:1). Munzvimbo dzakawanda muzvakazarurwa izvi kuvashumiri vekutanga mune simbiso dzinokwanisa kutibatsira kukunda kutya kwedu pamusoro pekugovera vhangeri—kana kumwe kutya kwatingange tichitarisana nako: “Ini, Ishe, ndinotonga mumatenga kumusoro.” “Ndinokwanisa kukuita mutsvene.” “Yose nyama iri mumaoko angu.” Uye “farai, vana vadiki, nokuti ndiri pakati penyu.”(Dzidziso neZvibvumirano 60:4, 7; 61:6, 36).
Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega
Dzidziso neZvibvumirano 60; 62
Ishe vanofadzwa apo pandinozarura muromo wangu kugovera vhangeri.
Tese takave nezviitiko apo pataikwanisa kugoverana vhangeri nemumwe munhu, asi nokuda kwechimwe chikonzero, hatina. Apo paunoverenga mashoko aIshe kuvashumiri vekutanga avo vakatadza “kuzarura miromo yavo,” funga pamusoro pemikana yako pachako yekugovera vhangeri. Uchapupu hwako hwevhangeri huri sei “setarenda,” kana pfuma kubva kuna Mwari? “Tinoviga tarenda [redu]” dzimwe nguva nenzira dzakaita sei? (Dzidziso neZvibvumirano 60:2; onawo Mateo 25:14-30).
Ishe vakatsiura vashumiri vekutanga ava, asiwo Vakaedza kuvakurudzira. Ndeapi mashoko anokurudzira kubva kwaVari aunowana muzvikamu 60 uye 62? Mashoko aya anovaka sei chivimbo chako mukugovera vhangeri? Mumazuva anotevera, tsvaga mikana yekuzarura muromo wako uye ugovere izvo zvakapihwa kwauri naMwari.
Onawo Dzidziso neZvibvumirano 33:8–10; 103:9–10; Dieter F. Uchtdorf, “Missionary Work: Sharing What Is in Your Heart,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019, 15–18.
Dzidziso neZvibvumirano 61:5–6, 14–18
Mvura dzose dzakatukwa here naIshe?
Yambiro yaIshe muDzidziso neZvibvumirano 61 yaive, mune chimwe chikamu, yambiro pamusoro penjodzi dzaikwanisa kusanganikwa nadzo nevanhu Vavo muRwizi rweMissouri apo pavainge vachienda kuZioni, urwo rwaizivikanwa panguva iyoyo kuti rwaiva nenjodzi. Yambiro iyi haifanire kufungwa seinoreva kuti tinofanira kuregedza kufamba nemumvura. Ishe vane “simba rose,” kusanganisira simba pamusoro pemvura (ndima 1).
Ishe vane simba rose uye vanokwanisa kundidzivirira.
Vari munzira kudzokera kuKirtland, Joseph Smith nevamwe vatungamiri veChechi vakava nechiitiko chine njodzi kuupenyu muRwizi rweMissouri (ona Saints, 1:133–34). Ishe vakashandisa mukana uyu kuyambira nekuraira varanda Vavo. Chii chaunowana muDzidziso neZvibvumirano 61 chinokukurudzira kuisa ruvimbo rwako muna Ishe apo paunosangana nezvinetso zvako pachako? Semuenzaniso, sei zvakakosha kuziva kuti Mwari “vanobva kusingaperi kusvika kusingaperi”? (ndima 1).
Mune nzwisiso dzakafanana neidzi muchikamu 62. Chii chaunodzidziswa naIshe pamusoro Pavo ivo pachavo nesimba Ravo muzvakazarurwa izvi?
Fungisisa zviitiko zvinovaka rutendo zvawakava nazvo apo Ishe pavakakubatsira kukunda dambudziko rezvemweya kana rezvenyama.
Ishe vanoda kuti ndiite dzimwe sarudzo “dzinoratidzika kuva dzakanaka [kwandiri].”
Dzimwe nguva Ishe vanotipa nhungamiro chaiyo, uye zvimwe zvinhu Vanozvisiira kwatiri kuti tisarudze tega. Unoona sei musimboti uyu wakaratidzwa muDzidziso neZvibvumirano 62? (onawo Dzidziso neZvibvumirano 60:5; 61:22). Wakaona sei musimboti uyu muupenyu hwako? Sei zvakatinakira kuti tiite dzimwe sarudzo tisina nhungamiro chaiyo kubva kuna Ishe?
Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru
-
Dzidziso neZvibvumirano 60:2–3Sei vamwe vashumiri vekutanga vakanga vachizengurira kugovera vhangeri? Sei dzimwe nguva tichizengurira? Funga kuita mutambo wemagoverero angaita nhengo dzemhuri vhangeri mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.
-
Dzidziso neZvibvumirano 61:36–39.Zvikonzero zvipi zvatinoona mundima idzi zvekuti “tive nekufara” (onawo Johane 16:33). Zvimwe mhuri yako ingakwanisa kunyora kana kudhirowa mifananidzo yezvinhu zvinovaunzira rufaro uye mozviisa mumudziyo “werufaro.” (Ivai nechokwadi chekusanganisira mifananidzo yeMuponesi neyeuchidzo dzerudo Rwake kwatiri.) Muvhiki rose apo nhengo dzemhuri padzinenge dzichida yeuchidzo yezvikonzero zvekufara, vanokwanisa kusarudza chimwe chinhu kubva mumudziyo uyu.
-
Dzidziso neZvibvumirano 61:36.Ungabatsire sei mhuri yako kuti iyeuke kuti Muponesi “aripakati [pedu]”? Munokwanisa kusarudza pamwechete panzvimbo panonyatsooneka pekuisa mufananidzo Wake mumba menyu. Tingakoke sei Muponesi muupenyu hwedu hwezuva nezuva?
-
Dzidziso neZvibvumirano 62:3.Pamwe munokwanisa kuita musangano weuchapupu wemhuri mushure mekuverenga ndima ino. Kuti utsanangure kuti uchapupu chii, unokwanisa kugovera zvikamu zveshoko reMutungamiri M Russell Ballard “Pure Testimony” (Ensign kana Liahona, Mbudzi 2004, 40–43). Sei zvakanaka kunyora pasi uchapupu hwedu?
-
Dzidziso neZvibvumirano 62:5, 8.Sei Mwari vasingape mirairo pamusoro pechikamu chese cheupenyu hwedu? Maererano nendima 8, tinoita sarudzo sei?
Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.
Rumbo rwakapihwa: “Testimony,,” Hymns, no. 137.