Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikumi 21–27 Dzidziso neZvibvumirano 67–70: “Zvakakosha … Hupfumi hwePasi Pose”


“Chikumi 21-27. Dzidziso neZvibvumirano 67–70: ‘Zvakakosha … Hupfumi hwePanyika Pose,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikumi 21-27. Dzidziso neZvibvumirano 67–70,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
revelation manuscript book in display case

Chikumi 21–27

Dzidziso neZvibvumirano 67–70

“Zvakakosha … Hupfumi hwePasi Pose”

Kunyange zvazvo zvizhinji zvezvakazarurwa zviri muDzidziso neZvibvumirano zvakataurwa kune vamwe vanhu chaivo mumamariro ezvinhu enguva iyoyo chaiwo, “zvinobatsira vanhu vose” (“Uchapupu hweVaapositora Gumi neVaviri kuHuchokwadi hweBhuku reDzidziso neZvibvumirano,” chisumo kuDzidziso neZvibvumirano). Apo paunonzvera, tsvaga zvokwadi nemisimboti zvinobatsira kwauri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubva muna 1828 kusvika muna 1831, Muporofita Joseph Smith akagashira zvakazarurwa zvakawanda kubva kuna Ishe, kusanganisira rairo yeumwari yevanhu pachavo, rairo pamusoro pekutonga Chechi, nezviratidzo zvinokurudzira zvemazuva ekupedzisira. Asi Vatendi vazhinji vakanga vasati vazviverenga. Zvakazarurwa izvi zvakanga zvisati zvashambadzwa, uye makopi mashoma aiwanikwa akanga akanyorwa nemaoko pamapepa ayo aigoveraniswa pakati penhengo uye aitakurwa nevashumiri.

Zvino, muna Mbudzi 1831, Joseph akadaidza dare revatungamiri veChechi kuti vakurukure zvekushambadzwa kwezvakazarurwa izvi. Mushure mekutsvaga chido chaIshe, vatungamiri ava vakaita zvirongwa zvekushambadza Bhuku reMirairo—nhungudzo kubhuku reDzidziso neZvibvumirano ranhasi. Nenguva duku munhu wose aizokwanisa kuzviverengera shoko raMwari rakazarurwa kuburikidza neMuporofita anorarama, umboo hwakanyatsojeka hwekuti “makiyi ezvakavanzika zveumambo hweMuponesi wedu akabatiswa zvakare kuvanhu.” Nekuda kwezvikonzero izvi nezvimwe zvakawanda, Vatendi nguva iyoyo uye naikozvino vanotora zvakazarurwa izvi kuva “zvakakosha … hupfumi hwePasi pose” (Dzidziso neZvibvumirano 70, musoro wenyaya wechikamu)

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 67:1-9; 68:3–6

Mwari vanotsigira varanda Vavo nemashoko avanotaura muzita Ravo.

Sarudzo yekushambadza zvakazarurwa zvakagashirwa naJoseph Smith inoratidzika seyaiva nyore, asi vamwe vatungamiri veChechi vekutanga vakanga vasina chokwadi kuti yaiva pfungwa yakanaka. Chimwe chinetso chaive nechekuita nekusanyatsorurama kwaiva mumutauro wakashandiswa naJoseph Smith pakunyora zvakazarurwa izvi. Zvakazarurwa zviri muchikamu 67 zvakauya mumhinduro kuchinetso ichocho. Chii chaunodzidza pamusoro pevaporofita nezvakazarurwa kubva mundima 1–9? Ndedzipi dzimwezve nzwisiso dzaunowana kubva muchikamu 68:3–6?

Doctrine and Covenants 68:1–8

Femero kubva kuMweya Mutsvene inoratidza chido chaIshe.

Mashoko ari mundima idzi akataurwa apo Orson Hyde nevamwe pavakadaidzwa “kunoparidza vhangeri rokusingaperi, neMweya waMwari mupenyu, kubva kuvanhu kuenda kuvanhu, uye kubva kunyika kuenda kunyika” (ndima 1). Chiziviso chiri mundima 4 chingangobatsira sei mumwe munhu arikutumwa kunoparidza vhangeri? Mashoko aya anoshanda sei kwauri? Funga nezve imwe nguva apo “pawakafemerwa neMweya Mutsvene” (ndima 3) kuti utaure kana kuita chimwe chinhu. Chii chaunowana mundima idzi chinokwanisa kukupa chivimbo chekutevera kurudziro dzemweya?

Dzidziso neZvibvumirano 68:25–28

Vabereki ndivo vane basa rekudzidzisa vana vavo.

Sisita Joy D. Jones, Mutungamiri Mukuru weBato reVana Vadiki, akadzidzisa kuti, “Chakakosha pakubatsira vana kuti vave vanodzivirira chivi kutanga apo pavanenge vachiri vadiki-diki kuvadzidzisa nerudo dzidziso nemisimboti yevhangeri yekutanga—kubva mumagwaro matsvene, muMisimboti yeChitendero, muchibhuku cheFor the Strength of the Youth, mudzimbo dzeVana Vadiki, munziyo, uye kubva muuchapupu hwedu pachedu—izvo zvinozotungamirira vana kuMuponesi” (“A Sin Resistant Generation,,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 88).

Maererano neDzidziso neZvibvumirano 68:25-28, ndedzipi dzimwe “dzedzidziso dzekutanga” dzakataurwa naSisita Jones idzo vabereki dzavanofanira kudzidzisa vana vavo? Sei basa rakakosha iri rakapihwa kuvabereki? Chii chaungataure kumubereki asinganzwe kuti akakodzera kudzidzisa zvinhu izvi kuvana vake?

Mufananidzo
mhuri iri kunzvera

Mumba ndiyo nzvimbo yakanakisisa yekuti vana vadzidze vhangeri?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 67:10–14.Shanje, kutya, nerudado zvinotidzivirira sei kuva padyo naIshe? Sei “munhu wenyama” asingakwanise kuva pamberi paIshe? (ndima 12; Mosaya 3:19). Chii chatinowana mundima idzi chinotikurudzira “kuramba tichienderera mberi nemwoyo murefu kusvikira [tava] vakarurama”? (ndima 13).

Dzidziso neZvibvumirano 68:3–4.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana zviitiko zvakasimbisa rutendo rwavo rwekuti mashoko evaranda vaIshe ndiwo “chido chaIshe,” “pfungwa dzaIshe,” uye “simba raIshe kuruponeso” (ndima 4). Kana kuti vanokwanisa kutsvaga mashoko emusangano mukuru uchangopfuura anoenderana nechinetso icho mhuri yako chavangange vakatarisana nacho

Dzidziso neZvibvumirano 68:25–35.Ndima idzi dzine rairo inokosha “kuvagari veZioni” (ndima 26) Chii chatinokurudzirwa kunatsa pachiri mushure mekuverenga ndima idzi? Zvingangova zvinonakidza kugadzira mifananidzo inoratidza mimwe misimboti iri mundima idzi uye moiviga nemumba menyu mese. Zvino, mumazuva anotevera apo mumwe munhu paanowana mufananidzo, munokwanisa kuushandisa semukana wekudzidzisa pamusoro pemusimboti iwoyo. Sei mumba muri imo nzvimbo yakanakisisa yevana yekudzida zvinhu izvi?

Dzidziso neZvibvumirano 69:1–2.Oliver Cowdery akatumirwa kuMissouri nemakopi akanyorwa ezvakazarurwa zveMuporofita kuti anodhindwa, pamwepo nemari yekubatsira kuvaka Chechi ikoko. Irairo ipi yakapihwa naIshe mundima 1 pamusoro perwendo rwaOliver? Sei zvakakosha kuva nevanhu “vanozove pachokwadi uye vakatendeka”? (ndima 1). Ndiriinhi apo shamwari padzakatikonzera kuita sarudzo dzakanaka kana dzakaipa? Tingava sei shanduro yakanaka kune vamwe?

Dzidziso neZvibvumirano 70:1–4.Ishe vakapa mamwe magosa basa rekutungamirira kushambadzwa kwezvakazarurwa izvi. Kunyange zvazvo tisina basa iroro chairo, inzira ipi yatingaonekwa “sevatariri vezvakazarurwa nemirairo”? (ndima 3).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Ndidzidzisei Kufamba Muchiedza,” Hwaro hweVhangeri peji 352.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Shandisai magwaro matsvene kuupenyu hwedu. Mushure mekuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, koka nhengo dzemhuri kuti vaishandise kuupenyu hwavo. Semuenzaniso, unokwanisa kuvakoka kuti vafunge nezvemamiriro akafanana naiwayo avangangosangana nawo anosanganisira misimboti yevhangeri mimwecheteyo.

Mufananidzo
Mushini weKudhinda weGrandin

Bhuku reMirairo, nhungudzo kubhuku reDzidziso neZvibvumirano rakadhindwa kubva pamushini wekudhinda wakaita saiwowu.

Dhinda