Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikumi 28–Chikunguru 4. Dzidziso neZvibvumirano 71-75: “Hakuna Chombo Chinoitirwa Kukurwisai Chichabudirira”


“Chikumi 28–Chikunguru 4. Dzidziso neZvibvumirano 71-75: “Hakuna Chombo Chinoitirwa Kukurwisai Chichabudirira” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikumi 28–Chikunguru 4. Dzidziso neZvibvumirano 71–75,” Uyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Jesu aine hwai

Dear to the Heart of the Shepherd, naSimon Dewey

Chikumi 28–Chikunguru 4.

Dzidziso neZvibvumirano 71–75

“Hakuna Chombo Chinoitirwa Kukurwisai Chichabudirira”

Gosa Quentin L. Cook vakadzidzisa kuti, “Simba reshanduro reMweya Mutsvene kazhinjisa rinoperekedza kunzvera magwaro matsvene kwemunhu pachake nemunamato mumba” (“Deep and Lasting Conversion to Heavenly Father and the Lord Jesus Christ,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2018, 10).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubvira paakanga ari mukomana, Joseph Smith aitarisana nevashori—kunyangwe vavengi—apo paaiedza kuita basa raMwari. Asi zvinofanira kuva zvaishungurudza mwoyo zvikuru mukupera kwa1831 apo Ezra Booth paakatanga kushora Chechi zviripachena, nokuti apa mushori wacho aimbova mutendi. Ezra akanga aona Joseph achishandisa simba raMwari kuporesa mumwe mudzimai. Akanga akokwa kuti aperekedze Joseph pakuwongorora kwokutanga nzvimbo yeZioni muMissouri. Asi zvino akanga arasikirwa nerutendo rwake uye, mukuedza kuipisa zita reMuporofita, akashambadza tsamba dzakawanda mupepanhau remuOhio. Uye kuedza kwake kwakaratidzika sokwaishanda: “pfungwa dzakaipa … dzakange dzavapo maererano neChechi” munzvimbo (Dzidziso neZvibvumirano 71. musoro wenyaya wechikamu). Vatendi vanofanira kuita chii mumamiriro ezvinhu akadai? Kunyange pasina mhinduro imwechete kwayo kumamiriro ezvinhu ega ega, zvinoratidzika sokuti kazhinjisa—kusanganisira mumamiriro ezvinhu aya muna 1831—chikamu chemhinduro yaIshe ndeche kudzivirira chokwadi uye kugadzirisa manyepo kuburikidza “nokuparidza vhangeri” (ndima 1). Hongu, basa raIshe richagara riine vashori, asi pokupedzisira, “hapana chombo chinoitirwa kurirwisa chichabudirira” (ndima 9).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 71

Ishe vanozovhiringidza vashori vebasa Ravo munguva Yavo pachavo.

Tingangonetsekana apo patinonzwa vanhu vachishora kana kunyomba Chechi kana vatungamiri vayo, kunyanya apo patinenge tichitya kuti vanhu vatinoziva uye vatinoda vanozoshandurwa nekushora ikoko. Apo chimwe chinhu chakafanana neizvi pachakaitika muOhio muna 1831 (ona musoro wenyaya wechikamu cheDzidziso neZvibvumirano 71), shoko raIshe kuna Joseph Smith naSidney Rigdon raiva rerutendo, kwete kutya. Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 71, chii chaunowana chinovaka rutendo rwako muna Ishe nebasa Ravo? Chii chinokufadza pamusoro perairo Ishe yavakapa varanda Vavo mumamiriro ezvinhu aya?

Dzidziso neZvibvumirano 72

Mabhishopi ndivo vatariri pamabasa ezvemweya neezvenyama ehumambo hwaIshe.

Apo Newel K. Whitney paakadaidzwa kushandira sabhishopi wechipiri weChechi, mabasa ake akanga akatisiyanei neayo emabhishopi anhasi. Somuenzaniso, Bhishopi Whitney akatungamira kukumikidzwa kwezvivako uye mvumo yokugara muMissouri, munzvimbo yeZioni. Asi apo paunoverenga pamusoro pekudaidzwa kwake uye mabasa ake muDzidziso neZvibvumirano 72, ungangocherechedza kumwe kufanana nezvinoitwa namabhishopi nhasi—nepadiki muvavariro, kana zvisiri muzvavainota chaizvo, zvemabasa avo. Somuenzaniso, ndedzipi nzira “dzaunopa rondedzero” nadzo kuna bhishopi wako? (ndima 5). Bhishopi wako “anochengeta dura raIshe” uye anotaririra mikumikidzo yenhengo dzewadhi nenzira ipi? (ona ndima 10, 12). Bhishopi akakubatsira sei?

Onawo Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Bhishopi,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

Mufananidzo
madhiramu nemasaga ezvokudya

Newel K. Whitney aitaririra nezve dura rabhishopi

Dzidziso neZvibvumirano 73

Ndinokwanisa kutsvaka mikana yokugovera vhangeri.

Mushure mokunge Joseph Smith naSidney Rigdon vadzoka kubva kuhushumiri hwekuparidza hwavo hupfupi kuti vazogadzirisa kukanganisa kwakanga kwaitwa naEzra Booth (ona Dzidziso neZvibvumirano 71.), Ishe vakavataurira kuti vadzokere kubasa rokududzira Bhaibheri (ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Dudziro yaJoseph Smith”). Asi Vaidawo kuti varambe vachiparidza vhangeri? Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 73, funga kuti ungaita sei kuti kuparidza vhangeri kuve chikamu chinoenderera mberi, “chinobudirira” (ndima 4)—kana chinokwanisika—choupenyu hwako pakati pemamwe mabasa ako.

Dzidziso neZvibvumirano 75:1–12

Ishe vanoropafadza avo vanoparidza zvakatendeka vhangeri Ravo.

Mukudavira kurairo “yokuenda munyika yose” kunoparidza vhangeri (Dzidziso neZvibvumirano 68:8), magosa akatendeka akawanda akatsvaka rumwe ruzivo pamusoro pokuti Ishe vaida kuti vazadzikise sei rairo iyi. Ndeapi mashoko nendevo zvaunowana muDzidziso neZvibvumirano 75:1–12) zvinokubatsira kunzwisisa maparidziro okuita vhangeri zvinobudirira? Ndeapi maropafadzo anovimbiswa naIshe kuvashumiri vakatendeka? Funga kuti mirairo iyi nemarapafadzo aya zvinoshanda kwauri sei apo paunogovera vhangeri.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 71Joseph Smith naSidney Rigdon vakaudzwa kuitei apo vamwe pavaishora Chechi nevatungamiri vayo? “Tinogadzirira nzira” sei kuti vanhu vagashire zvakazarurwa zvaMwari? (Dzidziso neZvibvumirano 71:4).

Dzidziso neZvibvumirano 72:2.Mabhishopi akaropafadza sei mhuri yedu? Chii chatakakumbirwa kuti tiite nabhishopi wedu, uye tingamutsigira sei? Pamwe mhuri yenyu inokwanisa kugadzira kadhi rokutenda bhishopi wenyu nekushandira kwake.

Dzidziso neZvibvumirano 73:3–4.Mhuri yenyu ingabatsirikana here kubva mukudzidza pamusoro peDudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri? (ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Dudziro yaJoseph Smith”). Munokwanisa kuwongorora shoma dzendima dzakagadziridzwa muDudziro yaJoseph Smith uye mokurukura zvokwadi zvakakosha zvakazarurwa naIshe kuburikidza neMuporofita. Kuti uwane mimwe mienzaniso, ona Dudziro yaJoseph Smith yeGenesi 14:25–40 uye Genesi 50:24–38 muNhungamiri kuMagwaro Matsvene.

Dzidziso neZvibvumirano 74:7.Ndima iyi inotidzidzisa chii pamusoro paJesu Kristu uye vana vadiki?

Dziziso neZvibvumirano 75:3-5; 13:16.Unokwanisa kubatsira mhuri yako kunzwisisa kuti Ishe vanoda kuti tiVashandire sei nokutaura musiyano pakati pokuva “neunyope” uye “[ku]shanda nesimba [redu].” Pamwe unokwanisa kusarudza mabasa emumba uye wokoka nhengo dzemhuri kuti vataridze kuita mabasa iwayo neunyope uye nesimba ravo rose. Tinokwanisa kushandira Ishe sei nesimba redu rose? Maererano neDzidziso neZvibvumirano 75:3–5, 13, 16, chii chaVanovimbisa varanda Vavo vakatendeka?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ngatishingei,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba18.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka mashoko nendevo zvinokuridzira. Apo paunoverenga, Mweya ungangounza mamwe mashoko kana ndevo kupfungwa dzako. Funga kunyora pasi mashoko nendevo kubva mudzidziso neZvibvumirano 71–75. zvinokukurudzira.

Mufananidzo
mukomana wechidiki aine mutungamiri weHupirisita

Mufananidzo wemukomana wechidiki aine mutungamiri wehupirisita naD. Keith Larson.

Dhinda