Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikunguru 5–11 Dzidziso neZvibvumirano 76: “Mubairo Wavo Uchave Mukuru uye Kubwinya Kwavo Kuchave Kwokusingaperi”


“Chikunguru 5–11 Dzidziso neZvibvumirano 76: ‘Mubairo Wavo Uchave Mukuru uye Kubwinya Kwavo Kuchave Kwokusingaperi,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikunguru 5–11 Dzidziso neZvibvumirano 76,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Nyeredzi mudenga

Refuge, naShaelynn Abel

Chikunguru 5–11

Dzidziso neZvibvumirano 76

“Mubairo Wavo Uchave Mukuru uye Kubwinya Kwavo Kuchave Kwokusingaperi”

Muchikamu 76, Ishe vakataura kuda kwaVanoita kuzarura chokwadi kwatiri (ona ndima 7–10). Verenga magwaro matsvene nerutendo rwekuti Vanokwanisa uye Vanozozarura kwauri “zvinhu zvaMwari” (ndima 12) zvaunofanira kuziva. Zvino nyora pasi nzwisiso dzaunotambira “apo [paunenge] uchiri muMweya” (ndima 28, 80, 113).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

“Chii chinozoitika kwandiri mushure mokunge ndafa?” Zvitendero zvese munyika zvinopindura mubvunzo uyu neimwe nzira. Kwemazana emakore, tsika zhinji dzechiKristu, dzichivimba nedzidziso dzeBhaibheri, dzinodzidzisa nezve kudenga negehena, nezve paradhiso yevakarurama nekutambudzwa kukuru kwevakaipa. Asi mhuri yose yevanhu chokwadi inokwanisa here kukamurwa zvakaoma kudaro kuiswa muvakanaka nevakaipa? Uye shoko rokuti kudenga renorevei chaizvo? Muna Kukadzi 1832, Joseph Smith naSidney Ridgon vakazvibvunza vachishama kana kwakanga kusina zvimwe zvakawanda zvokuziva pamusoro wenyaya uyu (ona Dzidziso neZvibvumirano 76, musoro wenyaya wechikamu).

Chokwadi zvakanga zviripo. Apo pavaifungisisa zvinhu izvi, Ishe “vakabata maziso ekunzwisisa [kwavo] uye akazarurwa” (ndima19). Joseph naSidney vakatambira chakazarurwa chaishamisa zvikuru, chakakura zvikuru uye chaibwinya zvikuru, zvokuti Vatendi vakangochidaidza kuti “Chiratidzo.” Chakavhura mahwindo edenga uye chikapa vana vaMwari nzwisiso hurusa yekusingaperi. Chiratidzo chakataridza kuti kudenga kwakanyanya kukura nokufaranuka uye kunosanganisira vose kupinda zvaibvumwa kare nevanhu vakawanda. Mwari vane nyasha uye vanotonga neruenzaniso zvinopfuura zvatinokwanisa kunzwisisa. Uye vana vaMwari vane magumo ekusingaperi akanaka zvinoshamisa kupfuura zvatingafungidzira.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 76

Ruponesi runouya kuburikidza naJesu Kristu, Mwanakonama waMwari.

Apo Wilford Woodruff paakaverenga chiratidzo chakatsanangurwa muchitsauko 76, akati, “Ndakanzwa kuda Ishe zvakapfuura zvandakamboita muupenyu hwangu” (ona “Manzwi eKudzorerwa” kumagumo kwechirongwa chedzidzo chino). Pamwe wakava nemanzwiro akafanana naiwayo apo pawaiverenga chakazarurwa ichi. Mushure mezvose, hapana rimwechete ramaropafadzo akanaka zvinoshamisa akatsanangurwa muchikamu 76 ringakwanisika pasina Muponesi. Pamwe ungadoma ndima yoga yoga muchikamu 76 inotaura Ishe Jesu Kristu. Ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro Pake nebasa Rake muchirongwa chaMwari? Dzinoshandura sei manzwiro ako pamusoro Pake? Apo paunoverenga nokufungisisa, ungangogashira femero pamusoro pokuti unokwanisa sei “[kugashira] uchapupu hwaJesu” uye ugonyanya “kushinga” pachiri (ndima 51, 79).

Dzidziso neZvibvumirano 76:39–44, 50–112

Mwari vanoda kuponesa “mabasa ose emaoko avo.”

Vamwe vanhu, kusanganisira dzimwe nhengo dzokutanga dzeChechi, vakaramba chiratidzo chiri muchikamu 76 nokuti chaidzidzisa kuti vanhu vangangoita vose vaizoponeswa uye vagotambira mumwe mwero wekubwinya. Kuramba kwavo kungange kwakauya, muchidimbu, kubva mukusanzwisisa pamusoro paMwari nehukama Hwavo kwatiri. Apo paunoverenga chakazarurwa ichi, chii chaunodzidza pamusoro pehunhu hwaMwari uye chirongwa Chavo kuvana Vavo?

Funga musiyano pakati pokuponeswa (kubva murufu rwenyama nerwemweya; ona ndima 39 43–44) nokusimudzirwa kumusoro-soro (uchirarama naMwari uye nokuva saIvo; ona ndima 50–70).

Onawo Johane 3:16–17; Dzidziso neZvibvumirano 132:20–25.

Dzidziso neZvibvumirano 76:50–70, 92–95

Baba vangu Vekudenga vanoda kuti ndigashire upenyu hwekusingaperi muumambo hweseresitiyaro.

Wakambofunga here—kana kunetsekana—pamusoro pokuti unozokodzera here kana kwete umambo hweseresitiyaro. Apo paunoverenga tsananguro yeavo vanogashira kubwinya uku (ona ndima 50–70, 92–95), pane kuti ungotsvaka chete mudorongodzwa wezvinhu zvaunofanira kuita, tsvaka izvo Mwari zvavakaita—uye zvavari kuita—kukubatsira kuti uve saIvo. Kuverenga chiratidzo nemaonero aya kunoshandura sei manzwiro ako pamusoro pekuedza kwako pachako?

Ungangofungawo pamusoro pekuti iropafadzo huru kuziva zvinhu zvose izvi pamusoro peumambo hweseresitiyaro. Chiratidzo ichi chekubwinya kweseresitiyaro chinoshandura sei maoenero nemadiro aunoita kurarama upenyu hwako hwemazuva ako?

Onawo Mosesi 1:39

Mufananidzo
mupanda muimba yemusenjuri yechigumi nemapfumbamwe

Joseph Smith akaona chiratidzo chemwero yekubwinya mumupanda uyu.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 76:22-24, 50–52, 78–79, 81–82.Chii chatinodzidza kubva mundima idzi pamusoro pekukosha kweuchapupu hwedu? Uchapupu hwedu hwune basa ripi mumagumo ekusingaperi edu? Zvingangobatsira kutsvaka tsananguro yeshoko rinoti kushinga kuti mukurukure kuti mungava sei “nokushinga muuchapupu hwaJesu” (ndima 79). Munokwanisawo kuimba rumbo rwuri pamusoro pokuva neuchapupu hwaJesu Kristu.,

Dzidziso neZvibvumirano 76:24.Mhuri yenyu ingangocherechedza kuenderana kwezvokwadi zviri muchikamu 76 neizvo zvinodzidziswa murwumbo “Ndiri mwana waMwari” (Hwaro hweVhangeri, 336); chimwe chezvokwadi izvi chinowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 76:24. Nyika ingava yakasiyana sei kana dai munhu wese ainzwisisa kuti tose tiri vana vaMwari? Chokwadi ichi chinoshandura sei nzira yatinobata nayo vamwe? Pamwe kutsvaka mifananidzo yevanakomana nevanasikana vakasiyana siyana vaMwari pasi pano kungabatsira mhuri yenyu kufungisisa mubvunzo uyu.

Fungai kuimba “Ndiri Mwana waMwari,” pamwechete uye muchitsvaka zvimwe zvinoenderana nemisimboti iri muchikamu 76 (ona, somuenzaniso, ndima 12, 62, 96).

Dzidziso neZvibvumirano 76:40–41.Dai taizopfupisa “mashoko anofadza” (ndima 40), kana nhau dzakanaka, mundima idzi mumusoro wenyaya mukuru wepepanhau kana paTwitter, taizoti chii? Ndeapi mamwe mashoko anofadza atinowana muchikamu 76?

Dzidziso neZvibvumirano 76:50–70.Unozobatsira sei mhuri yako kutarisira uye kugadzirira upenyu hwekusingaperi muumambo hweseresitiyaro? Munokwanisa kushanda pamwechete kuwana mifananidzo, zvinyorwa zvitsvene, uye dzidziso dzevaporofita dzinoenderena nendevo dziri muDzidziso neZvibvumirano 76:50-70). Mungangowana zvinhu izvi muzvinyorwa zvepazasi pepeji zvemumagwaro matsvene. Zvino munokwanisa kuunganidza mifananidzo iyi, zvinyorwa zvitsvene izvi, uye dzidziso idzi pabepa guru kuti zvingoyeuchidza mhuri yenyu nezve zvinangwa zvenyu zvokusingaperi.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndinoziva Kuti Mununuri Wangu Mupenyu,” Hwaro hweVhangeri, nhamba 300.

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa: Uchapupu “hweChiratidzo”

Wilford Woodruff

Wilford Woodruff akapinda Chechi muna Zvita 1833, zvingangoita makore maviri mushure mokunge Joseph Smith naSidney Rigdon vatambira chiratidzo chakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 76. Akanga achigara muNew York panguva iyoyo uye akadzidza pamusoro “peChiratidzo” kubva kuvashumiri vakanga vachishandira munzvimbo make. Mushure memakore akataura nezve manzwiro ake pamusoro pezvakazarurwa izvi:

“Ndakadzidziswa kubvira pahuduku hwangu kuti kwakanga kune Denga rimwechete neGehena rimwechete, uye ndakaudzwa kuti vakaipa vose vaiva nechirango chimwechete uye vakarurama vaiva nekubwinya kumwechete. …

“… Apo pandakaverenga chiratidzo … , chakajekesa pfungwa dzangu uye chikandipa rufaro rukuru, zvakaratidza kwandiri kuti Mwari uyo akanga azarura musimboti iwoyo kuvanhu aiva nehungwaru, neururami uye ari wechokwadi, uye aiva nehunhu hwakanakisisa pamwepo nemafungiro neruzivo rwakanaka, ndakanzwa kuti Akanga asingashanduki pazvese rudo, nyasha, ruenzaniso neutongi, uye ndakanzwa kuda Ishe zvakanyanya kupfuura zvandakanga ndati ndamboita muupenyu hwangu.”1

“‘Chiratidzo’ [ndicho] chakazarurwa chinopa nzwisiso huru, chokwadi chikuru uye musimboti mukuru kupinda chipi zvacho chiratidzo chiri mubhuku rimwe ripi zvaro ratakamboverenga. Chinotibatsira kunzwisisa zvakajeka mamiriro edu eparizvino, kwatakabva, kuti sei tiripano, uye kwatiri kuenda. Munhu upi zvake angaziva kuburikidza nechakazarurwa ichocho kuti chikamu chake nemamiriro ake zvinozova zvipi.”2

“Ndisati ndaona Joseph ndakati ndakanga ndisina hanya nokuti akanga akura zvakadii, kana kuti akanga ari mudiki zvakadii, ndakanga ndisina hanya nokuti aitaridzika sei—kana vhudzi rake rakanga rakareba kana kuti riripfupi, murume akanga agashira chakazarurwa ichocho akanga ari muporofita waMwari. Ndakazvizivira ini pachangu.”3

Phebe Crosby Peck

Apo Phebe Peck paakanzwa Joseph naSidney vachidzidzisa nezve “Chiratidzo,” akanga achigara muMissouri uye achirera vana vashanu saamai vakanga vasina murume. Chiratidzo chakamufadza nokumukurudzira zvokuti akanyora zvinotevera kuti agogoverana zvaakanga adzidza nehama dzake:

“Ishe vari kuzarura zvakavanzika zveUmambo hwekudenga kuvana Vavo. … Joseph Smith naSidney Ridgon vakatishanyira chirimo chapfuura, uye takava nemisangano yaifadza yakawanda apo pavakanga varikuno, uye zvakavanzika zvakawanda zvakapetenurirwa kukuona kwedu, izvo zvakandipa nyaradzo huru. Takakwanisa kuona kuzvideredza kwaMwari mukugadzirira vana vavo dzimba huru dzerunyararo. Uye avo vose vasingagashiri kuzara kwevhangeri uye vagosamira sevarwi vakashinga muchinangwa chaKristu havagoni kugara pamberi paBaba neMwanakomana. Asi kune nzvimbo yakagadzirirwa avo vose vasingagashiri kuzara kwevhangeri, asi inzvimbo yekubwinya kwakaderera chaizvo pane kugara muumambo hweSeresitiyaro. Handichaedzi kutaura zvimwe maererano nezvinhu izvi sezvo zvakashambadzwa zvino uye zvava kuparadzirwa kunyika. Uye iwe pamwe uchava nemukana wekuzviverengera, uye kana ukadaro, ndinovimba unozoverenga nemwoyo wakangwarira uye unemunamato, nokuti zvinhu izvi zvakakodzera kucherechedzwa. Uye ndinoda kuti ugozviverenga nekuzvinzvera, nokuti ndizvo izvo zvinotungamira kurufaro rwedu munyika ino uye nemunyika ichauya.”4

Zvinyorwa

  1. Remarks,” Deseret News, Chivabvu 27, 1857, 91.

  2. Deseret News, Nyamavhuvhu 3, 1881, 481; onawo Teachings of Presidents of the Church: Wilford Woodruff (2004), 120–21.

  3. “Remarks,” Deseret Weekly, Gunyana 5, 1891, 322.

  4. Tsamba yaPhebe Crosby Peck kuna Anna Jones Pratt, Nyamavhuvhu 10, 1832, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; kuperetera nezvimiso zvakaitwa zvemazuva ano.

Mufananidzo
zvifananidzo zveumambo hutatu hwekubwinya

Glory by Degrees, naAnnie Henrie Nader

Dhinda