Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikunguru 12–18. Dzidziso neZvibvumirano 77–80: “Ndichakutungamirai”


“Chikunguru 12–18. Dzidziso neZvibvumirano 77–80: ‘Ndichakutungamirai,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikunguru 12–18. Dzidziso neZvibvumirano 77–80,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
hwai dzichitevera Jesu

Going Home (Kuenda Kumba),, naYongsung Kim

Chikunguru 12–18.

Dzidziso neZvibvumirano 77–80

“Ndichakutungamirai”

Ishe vakataurira Joseph Smith kuti “Vaizotaura munzeve [dzake] mashoko eungwaru” (Dzidziso neZvibvumirano 78:2). Ndeapi mashokoi eungwaru aunogashira apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 77–80?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pasi pemakore maviri mushure mekunge Chechi yaJesu Kristu yadzorerwa, yakanga yakura kuita nhengo dzinodarika 2000 uye yaipararira nekukurumidza. Muna Chivabvu 1832 Joseph Smith akasangana nevamwe vatungamiri veChechi kuti “vakurukure nezve nyaya dzeChechi” dzaiva: kudikanwa kwekushambadza zvakazarurwa, kutenga nzvimbo yekuunganira, uye nekutaririra varombo (ona Dzidziso neZvibvumirano 78, musoro wenyaya wechikamu). Kuti vazadzikise zvidikanwi izvi, Ishe vakadaidza vatungamiri veChechi vashoma kuti vaumbe United Firm, chikwata chaizobatanidza kuedza kwavo kwekuti “vasimudzire basa” raIshe (ndima 4) munzvimbo idzi. Asi kunyange munyaya dzekuronga zvinhu dzakadayi, Ishe vakanangisa pfungwa pazvinhu zvekusingaperi. Pakupedzisira, chinangwa chemushini wekudhinda kana chedura —sezvimwe zvinhu zvose muumambo hwaMwari—ndechekugadzirira vana Vavo kuti vagashire “nzvimbo munyika yeseresitiyaro” uye “upfumi hwekusingaperi”(ndima 7, 18). Uye kana maropafadzo iwayo akaoma kunzwisisa ikozvino, mukati mebishi reupenyu hwezuva nezuva, Vanotisimbisa kuti “Ivai makafara, nokuti ndichakutungamirai” (ndima 18).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 77

Ishe vanozarura zvakavanzika Zvavo kune avo vanotsvaga kuzviziva.

Makore gumi nemaviri mushure meChiratidzo Chekutanga, kukoka kuri muna Jakobo 1:5 “kwekukumbira Mwari” kwakaramba kuchitungamira Joseph Smith apo paakanga asina ungwaru. Apo iye naSidney Rigdon pavaive nemibvunzo pamusoro pebhuku reZvakazarurwa apo pavaishanda padudziro yakafemerwa yeBhaibheri, Joseph sezvingangotarisirwa akatsvaga ungwaru kubva kuna Mwari. Apo paunoveranga Dzidziso neZvibvumirano 77, funga kunyora pasi nzwisiso dzako muzvitsauko zvinoenderana nechikamu ichi mubhuku reZvakazarurwa.

Pamusoro paizvozvo, fungisisa mateverero aungaita muenzaniso weMuporofita Joseph Smith apo paunonzvera magwaro matsvene. Ungangobvunza Baba Vekudenga kuti, “Chii chandinofanira kunzwisisa?”

Mufananidzo
Joseph Smith naSydney Rigdon vachiverenga

Dudziro yeBhaihberi, naLiz Lemon Swindle

Dzidziso neZvibvumirano 78

United Firm yaiva chii?

United Firm yakamiswa kutungamirira nyaya dzekushambadza nedzebhizimisi dzeChechi muOhio neMissouri. Yaisanganisira Joseph Smith, Newek K Whitney, nevamwe Vatungamiri veChechi avo vakabatanidza zviwanikwa zvavo kuti vazadzikise zvidikanwi zvenyama zveChechi yakangaichikura. Zvinosuwisa ndezvekuti, United Firm yakawira muchikwereti uye ikavharwa muna 1834 apo zvikwereti pazvakange zvisisakwanisike kubhadharwa.

Dzidziso neZvibvumirano 78:1–7

Ndinokwanisa kubatsira “kusimudzira basa” reChechi.

Ishe vakaudza Joseph Smith nevamwe Vatungamiri veChechi kuti kuchengeta dura nemushini wekudhinda zvaizobatsira “kusimudzira basa, iro ramazvipira” (Dzidziso neZvibvumirano 78:4.). Chii chaungati “ibasa” reChechi? Fungisisa izvi apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 78:1-7. Zvimwe kufunga pamusoro pendima idzi kungashandura nzira yaunozadzikisa nayo daidzo yako yemuChechi kana yaunoshandira nayo mhuri yako? Kushandira kwako kunokwanisa “kusimudzira basa” raIshe sei? Kuri kukugadzirira sei kuwana “nzvimbo munyika yeseresitiyaro”? (ndima 7).

Dzidziso neZvibvumirano 78:17–22

Ishe Vachanditungamira.

Unombonzwa here semwana mudiki, zvimwe nokuda kwechimwe chinhu “chausati wati wanzwisisa” kana “chausingakwanise kutakura”? (Dzidziso neZvibvumirano 78:17–18). Tsvaga rairo mundima idzi inokwanisa kukubatsira “kuva unofara”(ndima 18) munguva dzakadai. Sei uchifunga kuti Ishe dzimwe nguva vanodaidza vateveri Vavo kuti “vana vadiki”? (ndima 17). Unokwanisawo kufungisisa kuti Ishe vangangodai “vachikutungamira” sei (ndima 18).

Dzidziso neZvibvumirano 79–80

Daidzo yekushandira Mwari yakakosha kupfuura kwandinoshandira.

Maererano neDzidziso neZvibvumirano 80, Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti, “Zvimwe chimwe chezvidzidzo zvatiri kudzidziswa neMuponesi muzvakazarurwa zvino ndechekuti basa rekushanda muneimwe nzvimbo rinodikanwa uye rakakosha asi harina kukosha sedaidzo yacho yekushanda” (“Called to the Work,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 68). Funga pamusoro pedaidzo dzako dzemuChechi dzauinadzo ikozvino kana dzakapfuura. Zviitiko zvipi zvakakubatsira kudzidza kuti mashoko aGosa Bednar ndeechokwadi? Ndezvipi zvimwezve zvidzidzo zvaunokwanisa kuwana muDzidziso neZvibvumirano 79-80 zvingakwanise kubatsira mumwe munhu achangotambira daidzo itsva?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 77:2.Mushure mekuverenga ndima iyi, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kudhirowa mifananidzo “yezvipuka, … zvinhu zvinokambaira, … [kana] shiri dzemudenga zvavanodisisa zvakasikwa naMwari. Chii chatinodzidza pamusoro pezvisikwa zvaMwari kubva mundima ino? (onawo Dzidziso neZvibvumirano 59:16-20). Mushure mekuveranga ndima iyi, munokwanisa kuratidza mufananidzo unoperekedza chirongwa chechidzidzo chino, kana kuti nhengo dzemhuri dzinokwanisa kudhirowa mifananidzo “yezvipuka, … zvinhu zvinokambaira, … [kana] shiri dzemudenga” zvavanodisisa zvakasikwa naMwari. Chii chatinodzidza pamusoro pezvisikwa zvaMwari kubva mundima ino? (onawo Dzidziso neZvibvumirano 59:16–20).

Dzidziso neZvibvumirano 77:14.Ndima iyi inotsanangura kuti Johani akadya bhuku raimirira ushumiri hwake hwekuunganidza Israeri. Chifananidzo chekudya chinotaura kuti kudii pamusoro pemaitiro atinofanira kuita basa redu mukuunganidza Israeri kana kuita zvimwe zvinhu zvinodikanwa naIshe kuti tiite? Hezvino zvimwe zvinyorwa zvitsvene izvo zvakashandiswa kudya mukudzidzisa chokwadi chemweya Johane 6:48–51; 2 Nifai 32:3; Moroni 4. Zvimwe mungagadzire chekudya chinodisiswa nemhuri chekuzodya munguva yehurukuro iyi.

Dzidziso neZvibvumirano 78:17–19.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kudhirowa mifananidzo yemaropafadzo anobva kuna Mwari avanotenda nezvawo. Chii chatiri kuita kuratidza kutenda kwedu nemaropafadzo aya? Munokwanisawo kukurukura mateverero arikuita mhuri yenyu rairo yekugashira “zvinhu zvose nekutenda” (ndima 19). Chii chinovimbiswa naIshe kune avo vanotenda?

Dzidziso neZvibvumirano 79:1.Govera uchapupu hwako “hwesimba” rawakagashira pawakagadzwa kana kutsaurwa kudaidzo muChechi. Ndezvipi chaizvo zvipo nekurudziro zvawakaropafadzwa nazvo naIshe apo pawaishandira?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapihwa “Verenga Zvikomborero Zvako,” Nziyo neDzevana Vadiki, 14.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Dhirowa mufananidzo. Semhuri, mungangoverenga ndima shoma uye mopa nguva yekuti nhengo dzemhuri dzidhirowe chimwe chinhu chinoenderana nezvavaverenga. Turikai mifananidzo iyi mumba menyu kuitira kuyeuchidza mhuri yenyu nezve misimboti yamakadzidza.

Mufananidzo
bindu rine mhuka

Godʼs Garden (Bindu raMwari), naSam Lawlor

Dhinda