Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikunguru 19-25. Dzidziso neZvibvumirano 81–83, Apo “Panopihwa Zvakawanda, Panodiwa Zvakawanda”


“Chikunguru 19-25. Dzidziso neZvibvumirano 81–83: Apo ‘Panopihwa Zvakawanda Panodiwa Zvakawanda,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikunguru 19-25. Dzidziso neZvibvumirano 81–83,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Kristu nejaya mutongi mupfumi

Christ and the Rich Young Ruler (Kristu neJaya Mutongi Mupfumi), naHeinrich Hofmann

Chikunguru 19-25

Dzidziso neZvibvumirano 81–83

Apo “Panopihwa Zvakawanda Panodiwa Zvakawanda”

Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 81–83, nyora pasi misimboti inokwanisa kukubatsira kuita zvakanaka pakati pemhuri yako, shamwari dzako, nevamwe.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Muna Kurume 1832, Ishe vakadaidza Jesse Gause kuti ave mutevedzeri kuna Joseph Smith muHutungamiri hweHupirisita hwePamusoro (hwavakunzi zvino Hutungamiri Hwekutanga). Dzidziso neZvibvumirano 81 izvakazarurwa kuna Bhuratha Gause, zvaimuraira mudaidzo yake itsva uye nekumuvimbisa maropafadzo aaizowana kubva mukushandira zvakatendeka. Asi Jesse Gause haana kushandira zvakatendeka. Saka Frederick G. Williams akadaidzwa kuti atore nzvimbo yake, uye zita raBhuratha Gause rakatsiviwa nezita raBhuratha Williams muzvakazarurwa zvacho.

Izvi zvingangoratidzika seruzivo rudiki, asi runotaura chokwadi chinokosha: Zvakazarurwa zvizhinji zviri muDzidziso neZvibvumirano zvakataurwa kune vamwe vanhu chaivo, asi nguva dzose tinokwanisa kutsvaga nzira dzekuzvishandisa kwatiri pachedu (ona 1 Nifai 19:23). Rairo yaIshe kuna Frederick G. Williams “kusimbisa mabvi asina simba” inokwanisa kutendeutsira pfungwa dzedu kuvanhu vatingangosimbisa (Dzidziso neZvibvumirano 81:5). Rairo yaIshe kunhengo dzeUnited Firm yekuti “zvisungei muchibvumirano ichi” kuitira kuzadzisa zvidikanwi zvenyama zveChechi inokwanisa kutendeutsira pfungwa dzedu kuzvibvumirano zvedu pachedu. Uye chivimbiso chaIshe chekuti Vanozova “vakasungirwa kana muchiita zvandinotaura” chinokwanisa kutiyeuchidza nezve zvivimbiso Zvavo kwatiri apo patinoteerera (Dzidziso neZvibvumirano 82:10, 15.). Ndizvo sezvazvinofanira kuva, nokuti Ishe vakataurawo kuti, “chandinotaura kune mumwechete ndinochitaura kune vose” (ndima 5).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 81

Ndinokwanisa kuva akatendeka mukuita izvo zvandinokumbirwa naIshe.

Unombonetseka here dzimwe nguva kuti ungazadzikise sei mabasa akakosha ari muupemyu hwako? Semutevedzeri kuMuporofita Joseph Smith, Frederick G Williams chokwadi aive nemabasa mazhinji akakosha. Muchikamu 81, Ishe vakamupa rairo pamusoro pemazadzikisiro okuaita. Chii chaunowana mundima iyi chinokwanisa kukubatsira kuzadzikisa mabasa akapihwa kwauri naIshe?

Heino mimwe mibvunzo yekukubatsira kuti ufungisise verse 5:

  • Ndedzipi dzimwe nzira dzekuti munhu anokwanisa kuva “asina kusimba”? Zvinorevei “kuyamura” avo vasina kusimba?

  • Chii chingangokonzera maoko emunhu kuva “seakarembera”? Tingakwanisa sei “kusimudza” maoko iwayo?

  • Ndevo inoti “mabvi asina simba” ingarevei? Tingakwanisa sei “kusimbisa” mabvi iwayo asina simba?

Zvimwe kunzvera ndima iyi kwaunza mupfungwa dzako mumwe munhu waunokwanisa “kuyamura,” “kusimudzira,” kana “kusimbisa.” Chii chauchazoita kuti ushumire kumunhu iyeyo?

Mufananidzo
Sidney Rigdon, Joseph Smith, Frederick G. Williams

Vatungamiri Vekutanga: Sidney Rigdon, Joseph Smith, Frederick G. Williams

Dzidziso neZvibvumirano 82:1–7

Ishe vanondikoka kuti nditendeuke uye ndisiye zvivi zvangu.

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 82:1–7, funga kuita midorongodzwa miviri yezvinhu zvaunodzidza: yambiro pamusoro pechivi uye zvokwadi pamusoro peruregerero. Zvokwadi izvi zvingakubatsira sei kudzivirira zviedzo zvemuvengi?

Dzidziso neZvibvumirano 82:8–10

Mirairo ndeye ruponeso nerudziviriro rwangu.

Kana iwe—kana mumwe munhu waunoziva—makambonetsekana kuti sei Ishe vachipa mirairo yakawanda kudai, Dzidziso neZvibvumirano 82:8–10 inokwanisa kubatsira. Ndedzipi nzwisiso mundima idzi dzinokwanisa kukubatsira kuti utsanangure kune mumwe munhu kuti sei uchisarudza kutevera mirairo yaIshe? Ungangofungawo mashanduriro akaitwa upenyu hwako nemirairo Yavo. Chii chaunodzidza pamusoro paIshe apo paunoverenga ndima 10?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 130:20–21

Dzidziso neZvibvumirano 83

“Shirikadzi nenherera vachariritirwa.”

Muna Kubvumbi 1832, sekurairwa kwaakanga aitwa naIshe, Joseph Smith akafamba makiromita angade kusvika ku1288 kuti anoshanyira Vatendi vakanga vaungana muMissouri (ona Dzidziso neZvibvumirano 78:9). Imwe nzvimbo yevagari yaakashanyira yaisanganisira shirikadzi idzo dzakanga dzichirera vana vadzo dzega. Pakati pavo paiva naPhebe Peck naAnna Rogers, avo vaizikanwa neMuporofita pachake. MuMissouri muma1830 mitemo yedunhu yaipa shirikadzi simba shoma kupfuma yevarume vavo vakafa. Chii chaunodzidza kubva muchikamu 83 pamusoro pemanzwiro anoita Ishe pamusoro peshirikadzi nenherera? Unoziva here mumwe munhu ari mumamiriro ezvinhu aya angabatsirikana kubva murudo rwako kana kutaririra kwako?

Onawo Isaya 1:17; Jakobho 1:27.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 81:3Ungangopa mapepa akachekeredzwa kuita shepi yemwoyo kunhengo dzemhuri uye wovakoka kuti vadhirowe kana kunyora chimwe chinhu chavangade kunamata nezvacho. Taurai pamusoro pezvazvinoreva kunamata “nguva dzose, uchidudza mashoko uye nechemumwoyo mako.”

Dzidziso neZvibvumirano 81:5.Kudzidza pamusoro pemisimboti iri mundima ino, zvimwe nhengo dzemhuri dzingagovera mienzaniso yeapo pavakanzwa “kusasimba” “kurera” uye mumwe munhu akavayamura kana kuvasimbisa. Kurukurai kuti mhuri yenyu inokwanisa kugara ichishandirana sei nemunzira dzakareruka.

Dzidziso neZvibvumirano 82:8–10.Zvimwe mutambo wakareruka unokwanisa kubatsira mhuri yenyu kunzwa kutenda nemirairo yaMwari. Nhengo imwechete yemhuri inokwanisa kupa mirairidzo yokubatsira imwe nhengo yemhuri inenge yakavharwa maziso kuti igadzire sangweji kana kuti apinde nemunzira ine zvimhingamupinyi. Funga chimwe chinhu chinonakidza uye chine mafungiro ane ungwaru! Zvino mokurukura mafananiro akaita mirairo yaMwari nemirairidzo iri mumutambo uyu.

Dzidziso neZvibvumirano 82:18–19.Chii chinokwanisa kuitwa nenhengo yemhuri yega yega kuti “anatse tarenda rake” uye “agowana mamwe materenda”? Zvingangonakidza kuita mutambo wematarenda wemhuri. Funga nzira dzekusanganisira matarenda asingaonekwi zvirinyore (sezvakaita zvipo zvemweya, ona Dzidziso neZvibvumirano 46:11—26.). Tinokwanisa kushandisa sei matarenda edu uye kugovera zvinhu zvatiinazvo kuropafadza mhuri dzedu nevavakidzani vedu? Zvinorevei kushandisa matarenda edu “neziso rakanangisa kukubwinya kwaMwari”?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapihwa: “Wafunga Kunamata Here?Nziyo neDzevana Vadiki, 94; onawo “Ideas to Improve your Scripture Study.”

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Bvunza mubvunzo inotungamirira kuchiito. Funga mibvunzo inokurudzira nhengo dzemhuri yenyu kuti dzifungisise mararamiro avanokwanisa kuita vhangeri zvakanyanya kuzara. “Iyi kazhinji haisi mibvunzo yekukurukura, ndeye kuzviongorora kwako pachako” (Teaching in the Savior’s Way, 31).

Mufananidzo
Jesu achiporesa murume

Mufananidzo waJesu achiporesa murume naDan Burr

Dhinda