Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikunguru 26–Nyamavhuvhu 1. Dzidziso neZvibvumirano 84: “Simba reuMwari”


“Chikunguru 26–Nyamavhuvhu 1. Dzidziso neZvibvumirano 84: ‘Simba reuMwari’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikunguru 26–Nyamavhuvhu 1. Dzidziso neZvibvumirano 84,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Joseph Smith achigashira hupirisita hwaMerkizedeki

Kudzorerwa, naLiz Lemon Swindle

Chikunguru 26–Nyamavhuvhu 1

Dzidziso neZvibvumirano 84

“Simba reuMwari”

Apo punoverenga Dzidziso neZvibvumirano 84, funga rairo “yekurarama neshoko rose rinobva mumuromo waMwari”(ndima 44). Muchararama sei nemashoko ari muzvakazarurwa zvino?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kubvira apo pakadzorerwa hupirisita muna 1829, Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakaropafadzwa nesimba rinoyera iroro. Vakabhabhatidzwa, vakasimbiswa, uye vakadaidzwa kushandira nemvumo yehupirisita, sezvatirikuitwa nhasi. Asi kuva nemukana wekushandisa simba rehupirisita hachisi chinhu chimwechetecho sekunyatsorinzwisisa zvakakwana, uye Mwari vaive nezvakawanda zvaVaida kuti Vatendi Vavo vanzwisise—kunyanya nekuuya kwekudzorerwa kwezvisungo zvemutemberi. Muna 1932 zvakazarurwa pamusoro pehupirisita, izvo zvava iyezvino Dzidziso neZvibvumirano 84, zvakawedzera kunzwisisa kweVatendi kwekuti hupirisita chii chaizvo. Uye zvinokwanisa kuita zvimwechetezvo kwatiri nhasi. Pamusoro pazvose, kune zvakawanda zvekudzidza pamusoro pesimba rehumwari rine “kiyi dzeruzivo rwaMwari,” rinoratidza “simba rehumwari,”uye rinotigadzirira kuti “tigoona chiso chaMwari, kunyange Baba, tigorarama” (ndima 19–22).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 84:1–5, 17–28

Ndine mukana kusimba nemaropafadzo zvehupirisita hwaMwari.

Apo paunofunga nezve shoko rinoti hupirisita, chii chinouya mupfungwa. Kangani kaunofunga pamusoro pehupirisita neshanduro yahwo paupenyu hwako hwemazuva ose? Mushure mekufungisisa mibvunzo iyi, nzvera Dzidziso neZvibvumirano 84:1–5, 17–28; uye wofunga izvo zvinodikanwa naIshe kuti uzive pamusoro pesimba rehupirisita Ravo. Ungashandise sei ndima idzi kutsanangura hupirisita kune mumwe munhu uye nekutsanangura chinangwa chahwo?

Ungangofungisisawo nezve zvisungo zvehupirisita zvawakatora chinhano mazviri. Wakaona sei “simba rehumwari” (ndima 20) richiratidzwa mazviri? Funga izvo zvinodikanwa naIshe kuti uite kuti ugashire simba Ravo rakawedzerwa muupenyu hwako.

Dzidziso neZvibvumirano 84:31–42

Kana ndikagashira Ishe nevaranda Vavo, ndinozogashira zvose zvina Baba.

Gosa Paul B. Pieper vakadzidzisa kuti, “Zvinoshamisa kuti mumhiko nemuchibvumirano zvehupirisita [Dzidziso neZvibvumirano 84:31-42], Ishe vanoshandisa mashoko ezviito anoti wana uye gashira. Havashandise shoko rechiito rinoti gadza. Mutemberi ndimo umo varume nevakadzi—pamwechete—mavanowana nekugashira maropafadzo ezvese hupirisita hwaAroni nehwaMerkizedeki” (“Revealed Realities of Mortality, ” Ensign, Ndira 2016, 210).

Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 84: 31–42, tsvaga mashoko anoti, “wana” uye “gashira.” Fungisisa zvaangangoreva mumamiriro ezvinhu aya. Uri kugashira sei Ishe nevaranda Vavo?

Unokwanisa kucherechedzawo zvivimbiso zviri mundima idzi zvinoenderana nemhiko nechibvumirano chehupirisita, izvo “zvisingakwanise kutyorwa” naMwari (ndima 40). Chii chaunowana icho chinokukurudzira kuti uve wakanyanya kutendeka mukugashira Baba, varanda Vavo, nesimba Ravo rehupirisita?

Onawo Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Chibvumirano,” “Mhiko,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org.

Dzidziso neZvibvumirano 84:43–58

Ndinouya kuna Kristu apo pandinoteerera mashoko Ake uye kuMweya Wake.

Kugaroverenga magwaro matsvene nemashoko evaporofita kunoreva zvakakura zvinopinda kungova chinhu chekukanzura kuti chaitwa pamudorongodzwa wezvemweya zvinoda kuitwa. Ndezvipi zvokwadi zvaunowana muDzidziso neZvibvumirano 84:43–58 zvinokubatsira kunzwisisa chikonzero chaunodira kuramba uchinzvera shoko raMwari? Cherechedza siyano pakati pechiedza nerima mundima idzi; “kuteerera kwakashinga kumashoko eupenyu hwekusingaperi” kwako kwakaunza sei chiedza, chokwadi, uye “Mweya waJesu Kristu” muupenyu hwako? (ndima 43, 45).

Onawo 2 Nifai 32:3 .

Mufananidzo
mudzimai achinzvera magwaro matsvene

Kunzvera magwaro matsvene kunondibatsira kunzwa shanduro yeMweya.

Dzidziso neZvibvumirano 84:62–91

Ishe Vanozova neni pandinenge ndiri mumushandiro Wavo.

Apo paunoverenga ndima idzi, unokwanisa kuona nzira idzo Ishe dzavakati Vanozotsigira nadzo vaApositora nevashumiri Vavo Vimbiso idzi dzingangoshanda sei kubasa raVakakukumbira kuti uite? Semuenzaniso, Vimbiso dziri mundima 88 dzakazadzikiswa sei muupenyu hwako?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 84:6–18.Mushure mekuverenga magashiriro akaita Mosesi mvumo yehupirisita yake, ane hupirisita mumhuri yenyu kana bhuratha anoshumira kumhuri yenyu anokwanisa kugovera chiitiko chaakava nacho chekugadzwa kuchigaro chehupirisita. Kana zvichikwanisika, anogona kugovera nekukurukura nezve kwakabvira mutsetse wake wemvumo yehupirisita. Sei zvakakosha kuti tinokwanisa kutevedza mutsetse wekwakabvira mvumo yehupirisita iri muChechi nhasi kudzokera kumvumo yaJesu Kristu? Kuti ukumbire mutsetse wekwakabvira mvumo yehupirisita hwako, tumira imeiri kukero iyi lineofauthority@ChurchofJesusChrist.org.

Dzidziso neZvibvumirano 84:20–21.Ndepapi apo mhuri yenyu payakanzwa “simba rehumwari” richiratidzwa kuburikidza nechisungo chakaita serubhabhatidzo kana sakaramendi? Zvimwe mungakwanise kutaura pamusoro pemaunzirwo anoitwa simba raMwari muupenyu hwedu nezvisungo izvi? Munokwanisawo kuratidza mufananidzo wetemberi uye mokurukura kuti zvisungo zvemutemberi zvinotipa sei rimwe simba rakawedzerwa rekuva seMuponesi?

Dzidziso neZvibvumirano 84:43–44.Munokwanisa kugadzira pamwechete zvekudya kana zvimwe zvinonaka moisa kapepa paingiridhiendi yega yega kane shoko kana ndevo inobva mundima 44. Sei zvakakosha kuti tisanganisire ingiridhiendi yose? Sei zvakakosha kuti tirarame neshoko rose raMwari?

Dzidziso neZvibvumirano 84:98–102.Chii chatinodzidza pamusoro paJesu Kritsu kubva “murumbo rutsva” (ndima 98) mundima idzi? Chii chatingaite muzuva redu kuti tibatsire kuunza mamiririro ezvinhu akatsanangurwa murumbo urwu?

Dzidziso neZvibvumirano 84:106–10.Mhuri yedu “inosimudzirwa pamwechete” sei nezvipo uye kuedza “kwenhengo yega yega”? (ndima 110).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapihwa: “Mwari Baba Vokusingaperi,” Hwaro hweVhangeri,89; onawo “Mazano eKunatsa Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yenyu.”

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Koka uye ita chokwadi kuti zvakokwa kuitwa zvaitwa. Apo paunokoka mhuri yako kuti vaite zvavari kudzidza, unovaratidza kuti vhangeri chimwe chinhu chinofanira kuraramwa, kwete kungotaurwa nezvacho. Chii chaunokwanisa kuvakoka kuti vaite kubva pakunzvera kwenyu kweDzidziso neZvibvumirano 84?

Mufananidzo
Temberi yeRome Italy

Temberi yeRome Italy

Dhinda