Dzidziso neZvibvumirano 2021
Nyamavhuvhu 23–29. Dzidziso neZvibvumirano 93: “Gashirai Kuzara Kwavo”


“Nyamavhuvhu 23–29. Dzidziso neZvibvumirano 93: ‘Gashirai Kuzara Kwavo,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Nyamavhuvhu 23–29. Dzidziso neZvibvumirano 93,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Stephen anoona Mwari naJesu Kristu

I See the Son of Man Standing on the Right Hand of God, (Ndinoona Mwanakomana weMunhu Akamira kuRuoko rweRudyi rwaMwari), naWalter Rane

Nyamavhuvhu 23–29

Dzidziso neZvibvumirano 93

“Gashirai Kuzara Kwavo”

Dzidziso neZvibvumirano 93 inodzidzisa kuti “chokwadi ruzivo rwezvinhu sezvazviri, uye nezvazvakanga zviri, uye sekuuya kwazvichaita” (ndima 24). Apo paunonzvera chikamu ichi, tsvaka chokwadi uye nyora pasi izvo zvaunodzidza. Chii chaunoda kuita kuti ugashire chokwadi? (ona ndima 27–28).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

“Apo paunokwira kumusoro nemanera,” Joseph Smith akadzidzisa, “unofanira kutanga nepazasi, uye wokwira danho nedanho, kusvikira wasvika kumusoro; uye ndizvowo zvazviri nemisimboti yevhangeri—unofanira kutanga newokutanga, uye woenderera kusvikira wadzidza misimboti yese yekusimudzirwa kumusoro-soro” (Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007] ,268).

Kunyangwe zvazvo zvingaratidzika sokuti hatizombofi takakwanisa kuwana kusimudzirwa kwepamusoro-soro, chinangwa cheupenyu hwedu ndeche kufambira mberi takananga kunokuwana. Zvisinei neutera hwatingaona matiri, Baba Vokudenga neMwanakomana Wavo vanoona chimwe chinhu chinoshamisa zvikuru matiri, chimwe chinhu chakafanana nehumwari. Sezvo Jesu Kristu “aivepo pakutanga naBaba,” saka “nemi maivepowo” (Dzidziso neZvibvumirano 93:21, 23). Sezvo Iye “akaramba achienderera kubva munyasha kuenda kunyasha kusvikira agashira kuzara,” sakawo “muchagashira nyasha kunyasha” (ndima 13, 20). Vhangeri rakadzorerwa rinotidzidzisa pamusoro pehunhu hwechokwadi hwaMwari, uye saka rinotidzidzisawo pamusoro pedu pachedu uye izvo zvatinokwanisa kuva. Zvisinei nekuedza nesimba “kweuyo akaipa” (ndima 39)—uye zvisinei neizvo zvaunonzwa kuti hauna—uri mwana chaiye waMwari anokwanisa “nenguva yakafanira kugashira kuzara kwavo” (ndima 19).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 93

Tinonamata Mwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.

Vachitaura nezve chakazarurwa chiri muDzidziso neZvibvumirano 93, Ishe vakatsanangura kuti, “Ndinokupai mashoko aya kuti mugonzwisisa uye mugoziva manamatiro, uye nokuziva chamunonamata, kuitira kuti mugouya kuna Baba muzita rangu, uye nenguva yakafanira mugogashira kuzara kwavo” (ndima 19). Apo paunonzvera chakazarurwa ichi, maka zvokwadi zvaunowana pamusoro peVanhu vatinonamata: Mwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu. Chii chaunodzidza pamusoro “pamanamatiro” atinoVaita? pamusoro pokuti “tinouya kuna Baba” sei?

Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti, “Kana vanhu vasinganzwisisi hunhu hwaMwari, havazvinzwisisi ivo pachavo” (Teachings: Joseph Smith, 40). Apo paunodzidza pamusoro peMuponesi nekunzvera Dzidziso neZvibvumirano 93, tsvaka izvo zvaunodzidzawo pamusoro pako pachako. Semuenzaniso, chii chaunodzidza pamusoro Pake kubva mundima 3, 12, 21, ne26? Ndezvipi zvokwadi zvakafanana zvaunowana pamusoro pako pachako mundima 20, 23, ne28–29? (Onawo 1 Johane 3:2; 3 Nifai 27:27; Dean M. Davies, “The Blessings of Worship,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2016, 93–95.)

Dzidziso neZvibvumirano 93:1–39

Kubwinya kwaMwari chiedza nechokwadi.

Ungangocherechedza kuti kubwinya, chiedza, uye chokwadi zvinouya kakawanda muchakazarurwa ichi. Apo paunonzvera ndima 21–39 kunyanya, ita mudongorodzwa wezvokwadi zvaunodzidza pamusoro pekubwinya, chiedza, uye chokwadi. Zvokwadi izvi zvinokukurudzira sei kutsvaka chiedza nechokwadi chikurusa? Zvokwadi izvi zvinoshandura sei nzira yaunorarama upenyu hwako hwemazuva ose?

Mufananidzo
hwindo regirazi

Tinogashira chiedza nechokwadi apo patinochengeta mirairo yaMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 93:40–50

“Gadzirisa imba yako pachako.”

Pangangoita pandima 40, Dzidziso neZvibvumirano 93 inotaridzika kuchinja kubva mudzidziso pamusoro pekubwinya kwaMwari nekwaniso yedu yehumwari kuenda kurairidzo pamusoro pekurera vana sevabereki uye kugadzirisa dzimba dzedu. Dzidziso dzaIshe pamusoro pechiedza, chokwadi, uye kubwinya mundima 1–39 dzinokubatsira sei kunzwisisa nokutevera rairo iri mundima 40–50?

Onawo David A. Bednar, “More Diligent and Concerned at Home,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2009, 17–20

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 93:2.Jesu Kristu ari “chiedza chechokwadi” sei muupenyu hwedu? Takaona sei Chiedza Chake muupenyu hwevamwe vanhu vakatikomberedza?

Dzidziso neZvibvumirano 93:3–29Kubatsira mhuri yenyu kukurukura izvo zvavanodzidza muchikamu 93 pamusoro peMuponesi uye pamusoro pavo pachavo, munokwanisa kutamba mutambo wekufananisa. Somuenzaniso, munokwanisa kugadzira murwi mumwechete wemakadhi akanyorwa ndima dzinobva muchikamu 93 idzo dzinodzidzisa zvokwadi pamusoro peMuponesi (ona ndima 3, 12, 21, 26) uye mumwe murwi unodzidzisa chimwe chinhu pamusoro pedu pachedu (ona ndima 20, 23, 28–29). Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutora mijanho mukunhonga kadhi kubva mumurwi wega wega, voverenga ndima dzakanyorwapo, uye voedza kuwana zvokwadi izvo zvakafanana. Zvokwadi izvi zvinoshandura sei manzwiro atinoita pamusoro peMuponesi uye pamusoro pedu pachedu?

Dzidziso neZvibvumirano 93:12–13, 20.Zvinorevei kugashira “nyasha kunyasha” uye kuenderera mberi “kubva munyasha kuenda munyasha”? (ndima 12–13). Ndima idzi dzinotaurei pamusoro penzira yatinokura nokudzidzidza nayo? Kuziva izvi kunoshandura sei nzira yatinobata nayo vamwe—uye yatinozvibata nayo isu pachedu?

Dzidziso neZvibvumirano 93:24Verenga tsananguro yezvinoreva chokwadi inowanikwa mundima iyi, uye koka nhengo dzemhuri kugoverena chimwe chinhu kubva muchikamu 93 icho chavanofunga kuva chokwadi chakakoshesesa. Ndedzipi dzimwe tsananguro dzezvinoreva chokwadi dzatinowana muna Johane 14:6; Jakobo 4:13; kana murwiyo pamusoro pechokwadi, sezvakaita “Taura, Chokwadi Chii?” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 60).

Dzidziso neZvibvumirano 93:40Zvimwe apo pamunoverenga ndima iyi, mhuri yenyu inokwanisa kuimba rumbo pamusoro pekudzidza kumba, sezvakaita “Ndidzidzisei Kufamba Muchiedza” (Nziyo neDzevana Vadiki, 128). Vana vadiki vangangonakidzwa nekuita zviito zvinoenderana nemashoko arwo. Chii chamunonzwa kukurudzirwa kuita kuti mukoke “chiedza nechokwadi” chakanyanya kuwanda mumba menyu?

Dzidziso neZvibvumirano 93:41–50.Kurukurai pamwechete semhuri pamusoro peizvo zvingangova zvisina “kunaka mumba menyu.” Chii chatingaite kuti “tigadzirise imba [yedu]”? (ndima 43–44).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Ndiri Mwana waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki, 112

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Verenga kanopfuura kamwechete. Ungangosarudza kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 93 kanopfuura kamwechete mukati mevhiki. Nguva yega yega yaunoverenga, unngangocherechedza kuti zvokwadi zvakasiyana zvinonzwika kukosha kwazvo kwauri kana kuti zvinokukurudzira nenzira itsva. Kuverenga panguva dzakawanda kunozopawo mikana kwauri yokufungisisa zvakanyanya kudzama.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Light and Truth, (Chiedza neChokwadi), naSimon Dewey

Dhinda