Dzidziso neZvibvumirano 2021
Nyamavhuvhu 2–8. Dzidziso neZvibvumirano 85-87: “Mirai Imi muNzvimbo Tsvene”


“Nyamavhuvhu 2–8. Dzidziso neZvibvumirano 85–87: ‘Mirai Imi muNzvimbo Tsvene,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Nyamavhuvhu 2–8. Dzidziso neZvibvumirano 85–87,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
mhuri ichifamba kuenda kutemberi

Nyamavhuvhu 2–8.

Dzidziso neZvibvumirano 85–87

“Mirai Imi muNzvimbo Tsvene”

Mweya ungangokutungamira kunzvera misimboti muzvikamu 85–87 iyo isina kutaridzwa muchirongwa chino. Tevera Kurudziro Yawo.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zuva reKisimusi kazhinji inguva yokufungisisa mashoko akaita seanoti “runyararo pasi” uye “rugare ngaruve navanhu” (ona Ruka 2:14). Asi pamusi waZvita 25, 1832, pfungwa dzaJoseph Smith dzakanga dziri pahondo yaitaridzika kuuya. South Carolina yakanga ichangoramba kuteerera hurumende yeUnited States uye yakanga yogadzirira kurwa. Uye Ishe vakazarura kuna Joseph kuti aya akanga ari mavambo chete:“Hondo,” Vakataura, “ichadururwa pamusoro pendudzi dzose” (Dzidziso neZvibvumirano 87:2). Zvaitaridzika sokuti huporofita uhwu hwaizozadzikiswa nenguva iripedyosa.

Asi zvino hahwuna. Nemunguva yemavhiki mashomanana, South Carolina nehurumende yeU.S. vakasvika pabvumirano, uye hondo ikadzivirirwa. Asi chakazarurwa hachizadzikiswi nguva dzose panguva kana nemunzira yatinotarisira. Mushure memakore angangoita makumi matatu apfuura, nguva yakareba yatopfuura Joseph Smith auraiwa uye Vatendi vatotamira kumadokero, South Carolina yakapanduka uye hondo yepakati pevagari vemunyika ikatevera. Kubvira ipapo, hondo nepanyika pose yakakonzera “pasi [ku]chema” (Dzidziso neZvibvumirano 87:6). Apo huporofita pahwakazozadzikiswa pokupedzisira, kukosha kwechakazarurwa ichi kudiki mukufanotaura kuti njodzi huru ichauya riini uye kukuru mukudzidzisa zvokuita painenge yauya. Rairo imwecheteyo muna 1831, 1861, uye 2021: “Mirai imi munzvimbo tsvene, uye musasudurutswa” (ndima 8).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 85:1–2

Zvakanaka “kuchengeta nhoroondo.”

“Nhoroondo” yakatsanangurwa mundima 1 yakanyora pasi mazita eavo “[vaka]gashira nhaka zviri pamurau” muZioni (onawo Dzidziso neZvibvumirano 72:24–26). Zvisinei, nhoroondo iyi yaireva zvakawanda kupfuura kungochengetedzwa kwezvinyorwa—yaivawo rekodhi yakakosha yeVatendi’ “mararamiro, rutendo rwavo, uye mabasa avo” (ndima 2).

Unochengeta here nhoroondo yako pachako kana jenari rako pachako? Chii chaunganyora pasi pamusoro pemararamiro ako, rutendo rwako, uye mabasa ako izvo zvingazova ropafadzo kuzvizvarwa zvinotevera? Nhoroondo iyi ingava ropafadzo sei kwauri?

Dzidziso neZvibvumirano 85:6

Mweya unotaura “nenzwi diki rakanyarara.”

Fungisisa nezvamashoko akashandiswa naJoseph Smith kutsanangura Mweya muDzidziso neZvibvumirano 85:6. Inzwi reMweya “idiki.” uye “rakanyarara.” nenzira ipi? Ndezvipi zvimwe zvinhu “zvarinobaya” muupenyu hwako?

Apo paunofunga pamusoro pokuti Mweya unotaura kwauri sei, funga tsananguro idzi dzakapuwa kuburikidza naJoseph Smith: Dzidziso neZvibvumirano 6:22–24; 8:2–3; 9:7–9; 11:12–13; 128:1. Zvichibva pane zvawaverenga, unonzwa kuti unofanira kuitei kuti unzwisise zvirinani inzwi reMweya?

Onawo 1 Madzimambo 19:11–12; Hiramani 5:30.

Mufananidzo
mudzimai achinzvera magwaro matsvene

Kunzvera magwaro matsvene kunotibatsira kunzwa Mweya Mutsvene.

Dzidziso neZvibvumirano 86

Vakarurama vanounganidzwa mumazuva ekupedzisira

Dzidziso neZvibvumirano 86:1–7 ine tsananguro yaIshe yerungano rwemufananidzo wegorosi nemasawi, nesimbiso yakatisiyanei kune yaVakapa muna Mateo 13:24–30, 37–43. Apo paunoenzanisa ngano dzemifananidzo mbiri idzi, ndedzipi siyano dzaunocherechedza? Funga kuti sei rungano rwemufananidzo urwu—nesiyano idzi—rwakakodzera kudzokororwa “mumazuva ekupedzisira, kunyangwe iye zvino” (Dzidziso neZvibvumirano 86:4). Chii chatinokwanisa kudzidza kubva murungano rwemufananidzo urwu nedudziro yarwo yemazuva ekupedzisira?

Sekunyorwa kwazvakaitwa mundima 8–11, Ishe zvino vakataura nezve hupirisita, kudzorerwa, uye ruponeso rwevanhu Vavo. Ndezvipi zvinoenderana zvaunoona pakati pendima idzi nerungano rwemufananidzo wegorosi nemasawi: Ungava sei “semuponesi kuvanhu [vaIshe]”? (ndima 11).

Dzidziso neZvibvumirano 87

Runyararo runowanikwa “munzvimbo tsvene.”

Pamusoro penjodzi dzepanyama “kudeurwa kweropa … [uye] nzara, nezvirwere, nekudengenyeka kwenyika” (Dzidziso neZvibvumirano 87:6), rairo iri muchakazarurwa ichi inokwanisawo kushanda kunjodzi dzepamweya idzo dzatinotarisana nadzo tose mumazuva ekupedzisira. Ndedzipi “nzvimbo tsvene” dzako (ndima 8) uko kwaunowana runyararo nedziviriro? Chii chinoita kuti nzvimbo ive tsvene? Pamusoro penzvimbo dzinoonekwa, pamwe kune nguva tsvene, tsika tsvene, kana pfungwa tsvene dzinokwanisa kupa runyararo. Zvinorevei “kusasudurutswa” kubva munzvimbo idzi?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 85:6.Unokwanisa kudzidzisa sei mhuri yako kuziva inzwi diki, rakanyarara, reMweya? Pamwe munokwanisa kutamba mutambo umo mumwe munhu anozevezera mirairidzo yakakosha pakati peruzha runokangaidza. Chii chingangotikangaidza kubva mukunzwa Mweya Mutsvene? Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera zvavanoita kuti vanzwe inzwi reMweya.

Dzidziso neZvibvumirano 86.Kudhirowa kana kutarisa pamifananidzo kunokwanisa kubatsira mhuri yenyu kunzwisisa rungano rwemufananidzo wegorosi newemasawi: Mungangoda kutanga nemifananidzo yezvinhu zvakatsanangurwa muna Mateo 13:24–30. Zvino mhuri yenyu inokwanisa kunamira kumifananidzo kapepa kane tsananguro dzinobva muDzidziso neZvibvumirano 86:1–7. Takafanana sei negorosi? Tingava sei sengirozi dzinounganidza gorosi?

Dzidziso neZvibvumirano 87:8.Kusuma hurukuro pamusoro pekuti mungaitei kuti imba yenyu ive nzvimbo tsvene zvakanyanya, unokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti dzigadzire imba yemunhu anoda Muponesi. Izvi zvingangotungamira kumazano pamusoro pokuti “mungagadzirisa” sei imba yenyu kuiita nzvimbo yerunyararo pakati penjodzi dzepamweya dziri munyika. Rumbo rwakaita saRudo Mumba,” (Hwaro Hwevhangeri nhamba 312 ) runokwanisa kukupai mazano.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Shandisa unyanzvi hwako. Apo paunodzidzisa mhuri yako kubva mumagwaro matsvene, rega kungoshandisa mibvunzo nemazano ezviitwa zvakapiwa muchirongwa chino. Ita kuti mazano aya abudise unyanzvi hwako hwekuuya nemazano matsva. Funga pamusoro pezvinozofarirwa nemhuri yako uye izvo zvinozovabatsira kuwana zvinoenderana pakati pemagwaro matsvene neupenyu hwavo.

Mufananidzo
munda wegorosi

Ishe vakashandisa rungano rwemufananidzo rwegorosi nemasawi kutaridza mauganidzirwo anozoitwa vanhu Vavo mumazuva ekupedzisira.

Dhinda