Dzidziso neZvibvumirano 2021
Nyamavhuvhu 9–15. Dzidziso neZvibvumirano 88: “Misai … Imba yaMwari”


“Nyamavhuvhu 9–15. Dzidziso neZvibvumirano 88: ‘Misai …Imba yaMwari,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Nyamavhuvhu 9–15. Dzidziso neZvibvumirano 88,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
mupanda une zvigaro nemabhenji

Nyamavhuvhu 9–15

Dzidziso neZvibvumirano 88

“Misai … Imba yaMwari”

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati, “Ndinovimbisa kuti apo pamunoshanda neushingi kugadzirisa imba yenyu kuiita nzvimbo yakakosha yekudzidza vhangeri, … runziro yemuvengi muupenyu hwenyu uye nemumba menyu inozoderera” (“Becoming Exemplary Latter‑day Saints,” Ensign kana Liahona Mbudzi 2018, 113).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Nguva nenguva, Ishe vanotipa kunzwisisa kudiki “kwehukuru nesimba” Ravo izvo zvisina muganhu (Dzidziso neZvibvumirano 88:47) kuburikidza nezvakazarurwa zvakawanda kuvaporofita Vavo. Dzidziso neZvibvumirano 88 izvakazarurwa zvakadaro—izvo zviri pamusoro pechiedza nekubwinya nehumambo zvinokwanisa kuita kuti matambudziko edu epasi aratidzike seasina basa kana zvoenzaniswa. Kunyange tisingakwanise kunzwisisa zvose izvo zvatiri kudzidziswa naIshe, tinokwanisa kunzwa kuti pane zvakawandisa zviri maererano nekusingaperi kupinda zvatinonzwisisa ikozvino. Hongu, Ishe havana kutaura nezve zvakavanzika zvikuru izvi kuti vatityisidzire kana kuti tinzwe kuva vadiki. Chokwadi ndechekuti, Vakavimbisa kuti, “Zuva richauya ramuchanzwisisa kunyangwe Mwari” (verse 49; mavara akarereka akaiswa). Zvimwe zvakanga zviri kuchinangwa ichocho chakakosha uye chinoera zvakaita kuti Ishe vakurudzire Vatendi Vavo muKirtland kuti vamise chikoro cheVaporofita. “Ronganai pachenyu,” Vakadaro “Gadzirirai chose chingadikanwa; uye mumise… imba yaMwari (”ndima 119). Nokuti mukati meimba tsvene yaMwari—uye nemudzimba dzedu—maVanokwanisa, zvakanyanya kudarika kumwe kwese zvako, kusimudza kuona kwedu zvinopfuurira nyika yenyama,“vachifugura huso hwavo [kwatiri]” uye vachitigadzirira “kugara mukubwinya kweseresitiyaro” (ndima 68, 22).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 88

Ishe vanotipa tariro nerunyararo.

Mumazuva mashoma mushure mekuyambira kuti hondo “yaizodirwa pamarudzi ose” (Dzidziso neZvibvumirano 87:2), Ishe vakapa zvakazarurwa izvo zvakadaidzwa naJoseph Smith kunzi “‘shizha remuorivhi” … rakabviswa kubva paMuti weParadiso, shoko raIshe rerunyararo kwatiri” (Dzidziso neZvibvumirano 88, musoro wenyaya wechikamu). Zvakazarurwa izvi zvakaita sei seshizha remuorivhi, chiratidzo cherunyararo chekare? (onawo Genesi 8:11). Ndezvipi zvokwadi muchikamu chino zvinokubatsira kunzwa tariro nerunyararo?

Dzidziso neZvibvumirano 88:6–67

Chiedza nemutemo zvinobva kuna Jesu Kristu.

Mashoko anoti chiedza uye mutemo anodzokororwa nguva dzakawanda muchikamu 88. Mashoko aya akashandiswa mune zvimwe zvinyorwa zvitsvene kutsanangura Jesu Kristu nevhangeri Rake (semuenzaniso, ona Isaya 60:19; Johane 1:1–9; 3 Nifai 15:9). Maka kana kunyora pasi ndima dzaunowana mashoko aya muDzidziso neZvibvumirano 88:6–67, uye wonyora pasi izvo zvaunodzidza pamusoro peMuponesi, chiedza, nemutemo. Ndima idzi dzingangokukurudzira kuita shanduro muupenyu hwako kuti ugashire zvakanyanya kutendeka chiedza uye nokurarama mutemo waKristu” (ndima 21).

Onawo Sharon Eubank, “Christ: The Light That Shines in Darkness,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019, 73–76.

Mufananidzo
mhuri irikunzvera magwaro matsvene.

Magwaro matsvene ane mutemo waKristu.

Dzidziso neZvibvumirano 88:62–126

Gadzirirai chese chinodiwa.

Nemune dzimwe nzira, tiri kurarama munguva yakatsanangurwa naIshe apo “zvinhu zvose pazvichava mhirizhonga; uye chokwadi, mwoyo yevanhu ichakundikana” (Dzidziso neZvibvumirano 88:91). Apo paunoverenga ndima 62–126, funga mabatsirirwo aunokwanisa kuitwa nerairo yaIshe kuti ugadzirire Kuuya kweMuponesi kweChipiri. Heino mimwe mibvunzo yekufunga:

Ndima 62–76.Apo paunofungisisa nezve ndima idzi, chii chaunokurudzirwa kuita kuti “uswedere padyo” naMwari? (ndima 63). Funga kuti chii chingangorehwa kwauri nemurairo waIshe wekuti “zvichenesei pachenyu” (ndima 68).

Ndima 77–80, 118–26.Sei zvingangova “zvakafanira kwauri kuti unzwisise” zvese zvidzidzo zvemweya nezvenyama? (ndima 78). Urikutevera sei rairo “yekutsvaga kudzidza”? (ndima 118). Unofunga kuti zvinorevei kudzidza, “kuburikidza nokunzvera uyewo nerutendo”?

Ndima 81–116.Funga kucherechedza huporofita pamusoro peKuuya kweChipiri kweMuponesi huri mundima idzi. Chii chaunofunga kuti Ishe vangada kuti uzive pamusoro pezvinhu izvi?

Ndima 117–26.Funga kuverenga ndima idzi uine temberi mupfungwa, chii chaunowana pano chingakubatsira kuti ugadzirire kupinda muimba yaIshe?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 88:14–33, 95–101.Chii chatinodzidza pamusoro peKumuka Kuvakafa kubva mundima idzi? Zvokwadi izvi zvingangoshandura sei sarudzo dzatinoita?

Dzidziso neZvibvumirano 88:33.Unokwanisa kutanga hurukuro pandima iyi nekubvunza nhengo dzemhuri kuti vataure pamusoro pezvipo zvavakapihwa—zvese izvo zvavakagashira nerufaro nezvimwe zvavasina. Tingaratidze sei Ishe kuti tinofara muchipo chekubwinya kweseresitiyaro icho chaVanotipa? Tinofara sei “mumupi wechipo”?

Dzidziso neZvibvumirano 88:63, 68.Ndima idzi dzine mashoko ezviito angangokukurudzira kuti ufunge nzira dzine mafungiro ane ungwaru dzekudzidzisa mashoko ari mundima idzi kuvana vako. Semuenzaniso, mungangotamba mutambo wechihwande-hwande kuti mukurukure ndevo inoti “nditsvagei nekushingaira uye muchandiwana ” (ndima 63; mavara akarereka akaiswa).

Dzidziso neZvibvumirano 88:81.Semhuri, domai zvimwe zviratidzo zveyambiro mukati kana kunze kweimba yenyu, sezvakaita zviratidzo zveyambiro pamishonga, kana zviratidzo zvemumigwagwa zvevatyairi. Yambiro idzi dzinotibatsira sei? Chii chinodiwa naBaba Vekudenga kuti “tiyambire muvakidzani [wedu]” pamusoro pacho?

Dzidziso neZvibvumirano 88:119.Kukurudzira mhuri yako kuti vaite kuti imba yenyu ive setsananguro iri mundima 119, edza chimwe chinhu chakadai: nyorai ndevo dzendima iyi pazvidimbu zvemapepa, uye wozvishandisa kuvhara mufananidzo wetemberi. Verengai Dzidziso neZvibvumirano 88:119. pamwechete, uye woita kuti nhengo dzemhuri dzibvise chidimbu chebepa chimwechete apo pavanonzwa ndevo inoenderana nayo mundima. Chii chatingaite kuti imba yedu ive “imba yaMwari”? (ndima 119).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapihwa: “Amuka,” Hwaro hweVhangeri, peji 334.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Regai vana varatidze kushandisa pfungwa dzavo zvine ungwaru Apo paunokoka vana vako kugadzira chimwe chinhu chinoenderana nemusimboti wevhangeri, hausi chete kuvabatsira kunzwisisa musimboti wacho zvirinani, asi unovapawo yeuchidzo inooneka yeizvo zvavadzidza (ona Teaching in the Savior’s Way, 25).

Mufananidzo
Jesu aine vadzidzi

Jesu Kristu anotipa runyararo. Peace I Leave with You (Ndinokusiirai Runyararo), naWalter Rane

Dhinda