Dzidziso neZvibvumirano 2021
Nyamavhuvhu 16–22 Dzidziso neZvibvumirano 89-92: “Musimboti une Vimbiso”


“Nyamavhuvhu 16–22. Dzidziso neZvibvumirano 89–92: ‘Musimboti une Vimbiso,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Nyamavhuvhu 16–22. Dzidziso neZvibvumirano 89–92,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

murume nemukadzi vachibika zvokudya

Nyamavhuvhu 16–22

Dzidziso neZvibvumirano 89–92

“Musimboti une Vimbiso”

Nemunamato nzvera Dzidziso neZvibvumirano 89-92, uye nyora pasi manzwiro emweya api zvawo aunotambira. Iva unoziva kuti “Mweya [unoratidza] chokwadi” kwauri sei apo paunonzvera (Dzidziso neZvibvumirano 91:4.).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

MuChikoro cheVaporofita, Muporofita Joseph Smith akadzidzisa magosa eIsraeri pamusoro pekuvaka umambo hwaMwari pasi. Vakakurukura zvokwadi zvemweya, vakanamata pamwechete, vakatsanya, uye vakagadzirira kuparidza vhangeri. Asi paiva nechimwe chinhu pamusoro pemweya waivamo icho chingataridzika sechisina kunaka kwatiri nhasi, uye hachinawo kutaridzika sechakanaka kuna Emma Smith. Munguva yemisangano, varume vaiputa nokutsenga fodya, chinhu icho chakanga chisingashamisi panguva iyoyo, asi fodya iyi yaisvibisa uriri hwemapango kuhwuita hutema uye yaisiya mupanda uchinhuhwa zvikuru. Emma akataura zvinhu zvaimunetsa kuna Joseph, uye Joseph akabvunza Ishe. Mhedzisiro yacho yakanga iri chakazarurwa icho chaiva chikurusa kupfuura chiutsi nemavara matema efodya. Chakapa Vatendi, kwezvizvarwa zvakawanda zvaitevera , “musimboti une vimbiso”—vimbiso dzeutano hwenyama, “ungwaru,” uye “upfumi hukuru hweruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 89:3, 19.).

mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 89

Shoko reUngwaru “musimboti une vimbiso.”

Apo magosa muChikoro cheVaporofita pavakatanga kunzwa Joseph Smith achiverenga Shoko reUngwaru, pakarepo “vakakanda zvikwepa zvavo uye mabimvu efodya yekutsenga mumoto” (Saints, 1:168). Panguva iyoyo, Shoko reUngwaru raifungwa sekunyanya kuva yambiro pane murairo, asi vaida kutaridza chido chavo chokuteerera. Pamwe “wakatokanda” kubva muupenyu hwako zvinhu izvo Shoko reUngwaru zvarinokuyambira nezvazvo, asi chii chimwe chaunokwanisa kudzidza kubva muchakazarurwa ichi? Funga mazano aya:

  • Tsvaka ndevo dzaungange usina kucherechedza—kana kumbofunga zvakanyanya nezvadzo—kare. Chii chaunodzidza kubva kwadziri?

  • Dziziso neZvibvumirano 89 inosanganisira vimbiso dzakati wandei (ona 18–21). Unofunga kuti vimbiso idzi dzinorevei?

  • Chakazarurwa ichi chinokudzidzisa chii pamusoro paIshe?

  • Ndeipi mienzaniso yawakaona “yezvakaipa uye zvirongwa … mumwoyo yevanhu vanorangana”? (ndima 4).

  • Funga pamusoro pechakazarurwa ichi “semusimboti une vimbiso” (ndima 3)—zvokwadi zvinoshingirira izvo zvinotungamira mukuita sarudzo—kwete chete mudorongodzwa wezvokuita nezvokusaita. Misimboti ipi yaunowana inokwanisa kutungamira sarudzo dzako.

Vaporofita vemazuva ano vakayambirawo nezve zvinhu nemaitiro anokuvadza kuwedzera paneizvo zvakataurwa muShoko reUngwaru. Chii chaunokurudzirwa kuita kuti utaririre zvirinani pfungwa dzako nemuviri wako?

Onawo Danieri 1; 1 Vakorinte 6:19–20.

vakomana vachimhanya pamahombekombe egungwa

Shoko reUngwaru rinotidzidzisa kutaririra miviri yedu.

Dzidziso neZvibvumirano 90:1–17

Vatungamiri Vokutanga vane “makiyi eumambo”

Muchikamu 90, Ishe vakapa mirairidzo pamusoro “pehushumiri nehutungamiri” (ndima 12) hwaJoseph Smith, Sidney Rigdon, uye Frederick G. Williams—nhengo dzezvatava ikozvino kudaidza kuti Hutungamiri Hwekutanga. Chii chaunodzidza pamusoro peHutungamiri Hwekutanga kubva mundima 1–17? Wongorora mashoko aikozvino akabva kunhengo dzeHutungamiri Hwekutanga. Mashoko avo “anopetenura zvakavanzika zveumambo” sei kwauri? (verse 14). “Anoronga nyaya dzechechi ino neumambo hwuno” sei? (ndima 16).

Dzidziso neZvibvumirano 90:24

“Zvinhu zvose zvichashanda pamwechete kuitira zvakanaka [zvangu].”

Fungisisa zviitiko zvipi zvazvo zvawakava nazvo zvinopupura nezve vimbiso yaIshe iri muDzidziso neZvibvumirano 90:24. Funga kunyora pasi zviitiko zvako uye kuzvigoverana nenhengo yemhuri kana mudikanwi—pamwe mumwe munhu anoda simbiso kana kuridziro. Kana pane maropafadzo auchakamirira, fungisisa zvaungaita kuti urambe wakatendeka apo paunomirira kuona kuti “zvinhu zvose zvichashanda pamwechete sei kuitira zvakanaka zvako.”

Dzidziso neZvibvumirano 90:28–31

Ndiani aiva Vienna Jaques?

Vienna Jaques akazvarwa musi waChikumi 10, 1787, muMassachusetts. Mukadzi werutendo uyo akanga ane upfumi hwemari hwakakura chaizvo, Vienna akasangana nevashumiri kekutanga muna 1831. Mushure mokuwana uchapupu hwemweya kuti shoko ravo raiva rechokwadi, akaenda kunosangana neMuporofita muKirtland, Ohio, uko kwaakabhabhatidzwa.

Vienna akateerera rairo yaIshe kwaari muDzidziso neZvibvumirano 90:28–31. Mukumikidzo wake kuna Ishe, kusanganisira zvipo zvaakanga aita kare muKirtland, wakauya panguva yakakosha zvikuru kuChechi, apo vatungamiri pavaiedza kutenga nzvimbo iyo yaizovakwa Temberi yeKirtland. Vienna akanga “akatendeka, uye asina … unyope” nemuupenyu hwake hwose uye pokupedzisira akazokwanisa “kugara murunyararo” (ndima 31) muNhika yeSalt Lake, umo maakazofa ava namakore makumi manomwe nematanhatu.

mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 89Nhengo dzemhuri yenyu dzingangofarira kudhirowa kana kutsvaka mifananidzo yezvokudya nezvimwe zvinhu zvakataurwa muDzidziso neZvibvumirano 89. Zvino munokwanisa kutamba mutambo—nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutora zvijano mukungosarudza mifananidzo, vachiisa zvinhu zvatisingafaniri kushandisa mubhini uye zvinhu zvatinofanira kushandisa pandiro. Vimbiso dziri mundima 18–21 dzakazadzikiswa sei muupenyu hwedu?

Kuverenga “Physical and Emotional HealthmuFor the Strength of Youth (25–27) kunokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pedzimwe nzira dzokutaririra utano hwedu uye pamusoro pemaropafadzo ayo Mwari avanovimbisa.

Dzidziso neZvibvumirano 90:5Taura pamusoro pekuti “unogashira mashoko erairo [zvakazarurwa kana vaporofita] vaMwari sei.” Tingataridza sei kuti haasi “chinhu chisina kukosha” kwatiri?

Dzidziso neZvibvumirano 91.Mungangokurukura kuti rairo yaIshe pamusoro peApokirifa (ona ndima 1–2). inoshanda sei kunhepfenuro idzo mhuri yenyu dzainosangana nadzo nhasi (onawo Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Apokirifa,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Unokwanisawo kugovera zviitiko zvako pachako apo “kujekeserwa neMweya” (ndima 5) kwakakubatsira kuziva pakati pechokwadi nezvisiri zvechokwadi.

Dzidziso neZvibvumirano 92:2.Zvinorevei kuva “nhengo yakachangamuka” yeChechi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Ishe Vakandipa Temberi,” Nziyo neDzevana Vadiki,120.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Shandisa nzira dzakasiyana siyana. Tsvaka nzira dzakasiyana siyana dzokuti mhuri yako itore chinhano mukunzvera magwaro matsvene kwemhuri. Somuenzaniso, nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuimba nziyo kana dzimbo dzevana dzinoenderana nendima, kudhirowa mifananidzo yezvavaverenga, kana kupfupisa ndima mumashoko avo pachavo.

michero nemiriwo

“Vose vatendi … vanoita zviri kutaurwa izvi, vachifamba mukuteerera mirairo, vachagashira hutano muhura hwavo nemwongo mumapfupa avo;” (Dzidziso neZvibvumirano 89:18).