Dzidziso neZvibvumirano 2021
Nyamavhuvhu 30–Gunyana 5. Dzidziso neZvibvumirano 94–97; “Kuitira Ruponeso rweZioni”


“Nyamavhuvhu 30–Gunyana 5. Dzidziso neZvibvumirano 94–97: ‘Kuitira Ruponeso rweZioni’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Nyamavhuvhu 30–Gunyana 5. Dzidziso neZvibvumirano 94–97,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Temberi yeKirtland

Kirtland Temple, (Temberi yeKirtland), naAl Rounds

Nyamavhuvhu 30–Gunyana 5

Dzidziso neZvibvumirano 94–97

“Kuitira Ruponeso rweZion”

Ndeipi misimboti nedzidziso zvaunonzwa kuti zvakakosha kwauri apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 94–97? Ita chokwadi kunyora pasi manzwiro ako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Apo Ishe pavakaraira Mosesi kuvaka tabernakeri, Vakataurira Mosesi kuti “aite zvose nomufananidzo wakaratidzwa [kwaari] mugomo” (VaHeberu 8:5; onawo Eksodo 25:8–9). Tabernakeri yaifanira kuva pakati pemisasa yemurenje yeIsraeri (ona Numeri 2:1–2). Pashure, Mwari vakaraira Soromoni nevanhu vake kuti vavake temberi maererano nemufananidzo waVakaratidza (ona 1 Makoronike 28: 12, 19).

Apo Ishe pavaidzorera kuzara kwevhangeri, Vakaraira Joseph Smith kuti avake matemberi maererano nemufananidzo wakaratidzwa. “Imba ngaivakwe, kwete nenzira yenyika,” Ishe vakataura. “Ngaivakwe maererano nenzira yandicharatidza ” (Dzidziso neZvibvumirano 95:13–14; onawo 97:10). Kufanana netabernakeri yemurenje, temberi yakanga yakafanira kuva chinhu chakakoshesesa muKirtland (ona Dzidziso neZvibvumirano 94:1).

Nhasi dzimba dzaIshe dzinowanikwa nepanyika pose. Kunyangwe dzikange dzisiri pakati pemaguta edu, dzinokwanisa kuva chinhu chakakoshesesa muupenyu hwedu. Kunyangwe zvazvo temberi yoga yoga yakasiyana mumavakirwo, mukati madzo tinodzidza nzira yehumwari imwecheteyo—chirongwa chekudenga chokutiunza zvakare pamberi paMwari. Zvisungo zvinoera uye zvokusingaperi zvinotibatsira kuvaka upenyu hwedu nokusimbisa mhuri dzedu “kwete maererano nenzira yenyika” asi maererano nemutowo uyo Mwari wavanotiratidza.

mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 94; 97:15–17

Ishe vanokwanisa kuva neni muupenyu hwangu hwemazuva ose.

Mirairidzo iri muDzidziso neZvibvumirano 94 uye 97 yakapuwa pazuva rimwechete—Nyamavhuvhu 2, 1833. Chikamu 97 chinotaura muchidimbu nezve temberi yakarongerwa Jackson County, Missouri, apo chikamu 94 chinotaura nezve zvivako zvaizoitirwa basa nevatungamiri muKirtland, Ohio. Ungangocherechedza kufanana mune izvo Ishe zvavanotaura pamusoro pezvivako zverudzi rwakasiyana izvi (ona Dziziso neZvibvumirano 94:2–12; 97:10–17). Apo paunofungisisa mirairidzo iyi, funga pamusoro peizvo zvaungaita kuti unzwe kubwinya nekuvapo kwaIshe kakanyanya kuwanda, pamwepo mukati mezvivako zveChechi nemuupenyu hwako hwemazuva ose.

Dzidziso neZvibvumirano 95

Ishe vanotsiura avo Vavanoda.

Mwedzi ingangoita mishanu yakanga yapfuura kubvira Ndira 1833, apo Ishe pavakanga varaira Vatendi muKirtland kuti vavake imba yaMwari uye vaite musangano mukuru wakakosha (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:117–19). Apo chakazarurwa icho chakanyorwa muchikamu 95 pachakagamuchirwa muna Chikumi 1833, vakanga vasati vaita zvavakanga varairwa pamurairo iwoyo. Chii chaunodzidza kubva kunzira iyo Ishe yavakatsiura nayo Vatendi muchakazarurwa ichi? Pane mirairo here kana mashoko erairo ausati waita chinhu paari? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita?

Dziziso neZvibvumirano 95:8, 11–17; 97:10–17

Mutemberi Mwari vanoropafadza vanhu Vavo.

Mushure mekunge vatsiurwa nekusavaka imba yaIshe muKirland, vatungamiri veChechi vakasarudza nzvimbo mumunda wegorosi umo mavaizovaka. Hyrum Smith, mukoma weMuporofita, pakarepo akamhanya kunotora sekera uye akatanga kucheka gorosi. “Tiri kugadzirira kuvaka imba yaIshe,” akadaro, “uye ndinotsunga kuva wokutanga pabasa racho” (muna Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], 271, 273). Fungisisa chido chaHyrum apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 95:8, 11–17; 97:10–17. Chii chaunowana chinokurudzira kutsunga kumwecheteko mauri kuti ugashire maropafadzo etemberi?

Hyrum Smith akabata sekera

Hyrum Smith Clearing Land, naJoseph Brickey

Dzidziso neZvibvumirano 97:18–28

Zioni ndiyo “vakachena mumwoyo.”

Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti, “Tinofanira kuva nekuvakwa kweZioni sechinangwa chedu chakakoshesesa” (Teachings: Joseph Smith, 186). KuVatendi munana 1830, Zioni yaiva nzvimbo, chairo “guta raMwari wedu” (Dzidziso neZvibvumirano 97:19). Asi muchakazarurwa chakanyorwa muchikamu 97, Ishe vakawedzera ruzivo pamaonero iwayo. Zioni inotsanangurawo vanhu—“vakachena mumwoyo” (ndima 21) Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 18–28, funga pamusoro petsananguro iyi apo paunoverenga shoko rinoti “Zioni.” Zvinorevei kwauri kuva wakachena mumwoyo? Temberi inobatsira sei kubudirira “paruponeso rweZioni” ?(ndima 12).

Onawo Mosesi 7:18; Misoro yeNyaya yeVhangeri “Zioni,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 95:8.Kuita nokuchengeta zvibvumirano zvemutemberi, kwakaunza sei “simba rinobva kumusoro” muupenyu hwedu? Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana manzwiro avanoita pamusoro petemberi kana kugoverana zviitiko apo pavakanzwa kuropafadzwa “nesimba rinobva kumusoro” kuburikidza nekunamata mutemberi.

Kubatsira avo varikugadzirira kupinda mutemberi, unokwanisa kuwongorora mavhidhiyo, mifananidzo, uye mirairidzo zvinowanikwa ku temples.ChurchofJesusChrist.org.  

Dzidziso neZvibvumirano 95:1–11Chii chatinodzidza pamusoro pekutsiurwa kubva mundima idzi? Chii chatinodzidza pamusoro paIshe? Nzwisiso idzi dzinoshandura sei nzira yatinogashira kutsiurwa kana nzira yatinotsiura nayo vamwe?

Dzidziso neZvibvumirano 97:8.Maererano nendima iyi, tinokwanisa sei “kugamuchirwa” naIshe? Izvi zvinosiyana sei kubva mukugamuchirwa nenyika? Zvinorevei “kuteerera zvibvumirano [zvedu] kuburikidza nekuzvipira”? Izvi takazviita sei?

Dzidziso neZvibvumirano 97:10–21.Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti, “Nzvimbo ipi zvayo iyo Vatendi yavanoungana iZioni, iyo murume [kana mudzimai] wese akarurama yaanozovaka kuita nzvimbo yedziviriro yevana vake” (Teachings: Joseph Smith,186). Tinokwanisa sei kuvaka Zioni mumba medu? Ndeipi misimboti yatinowana muDzidziso neZvibvumirano 97:10–21? Semhuri, sarudzai musimboti wekunangisa pauri vhiki ino.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Imbai rumbo pamusoro petemberi kana pamusoro peZioni,” Nziyo neDzevana Vadiki,.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Nyora Pasi Zviitiko Zvako. Nyora pasi zviitiko zvawakava nazvo nemisimboti uye nedzidziso zvauri kudzidza pamusoro pazvo. Zviitiko izvi zvinokwanisa kuva chikamu chenhoroondo yako pachako iyo inozoropafadza zvizvarwa zvamangwana.

Kuvakwa kweTemberi yeKirtland

Building the Kirtland Temple, naWalter Rane