Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikumi 7–13. Dzidziso neZvibvumirano 63: “Icho Chinobva Kumusoro Chinoyera”


“Chikumi 7–13. Dzidziso neZvibvumirano 63: ‘Icho Chinobva Kumusoro Chinoyera,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikumi 7–13. Dzidziso neZvibvumirano 63,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Munda weMissouri

Spring Hill, Daviess County, Missouri, (Spring Hill, Ruwa rweDaviess, Missouri) naGarth Robinson Oborn

Chikumi 7-13

Dzidziso neZvibvumirano 63

“Icho Chinobva Kumusoro Chinoyera”

Ishe vakati, “Munogashira Mweya kuburikidza nomunamato” (Dzidziso neZvibvumirano 63:64). Funga kunamatira Mweya kuti utungamirire kunzvera kwako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Nzvimbo yeguta reZioni yakanga yasarudzwa. Vatungamiri veChechi vakanga vashanyira nharaunda iyi uye vakaitsaura senzvimbo yekuunganira yeVatendi. Maererano neNhoroondo yaJoseph Smith, “nzvimbo yeZioni yakanga zvino yave chinangwa chakakoshesesa chezvepanyama chavaiva nacho” (Dzidziso neZvibvumirano 63 musoro wenyaya wechikamu). Asi mafungiro pamusoro peZioni akanga akasiyana pakati peVatendi. Vatendi vazhinji vakanga vaine shungu dzekuti vatange kuungana muMissouri. Nerumwe rutivi, vanhu vakaita saEzra Booth vakanga vasingafadzwe nenzvimbo yeZioni uye vakaita kuti mafungiro avo azivikanwe. Chokwadi ndechekuti, apo Joseph paakadzokera kuKirtland achibva kuMissouri, akawana kuti kupanduka nekutsauka kwakanga kwatanga muChechi apo paakanga asipo. Makanga muri mumamiriro ezvinhu aya umo zvakazarurwa zviri muDzidziso neZvibvumirano 63 mazvakagashirwa. Muchikamu chino Ishe vakataura nezvekutenga nzvimbo uye nekutamisa Vatendi kuenda kuMissouri. Asi pakati penyaya dzemabasa epanyama akadaro pakanga paine yeuchidzo yakauya nenguva yakanaka yaiti: “Ini Ishe ndinotaura inzwi rangu, uye richateererwa” (ndima 5). Inzwi Ravo, chido Chavo, rairo Yavo—zvese izvo “[zvinouya] kubva kumusoro”—hazvifanire kubatwa nerushoro kana zvakareruka. “Zvinoyera uye zvinofanira kutaurwa nehuchenjeri” (ndima 64).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 63:1–6, 32–37

Ishe vanoshatirwa neavo vakaipa uye vapanduki.

Apo pakagashirwa zvakazarurwa izvi, Joseph Smith akanga achisangana nekushoropodzwa kwakasimba kubva kunhengo dzakawanda dzeChechi idzo dzakanga dzamupandukira (ona “Ezra Booth naIsaac Morley,” Revelations in Context, 130–36). Ndedzipi yambiro dzakapihwa naIshe muDzidziso neZvibvumirano 63:1–6, 32–37 maererano “nevakaipa uye vapanduki”? Yambiro dzakadai umboo hwerudo rwaMwari sei?

Dzidziso neZvibvumirano 63:7–12

Zviratidzo zvinouya nokuda kwerutendo uye nechido chaMwari.

Zviratidzo kana zvishamiso zvega hazviunze rutendo rusingapere. Mukutanga kwa1831 Ezra Booth, mufundisi wechiMethodist muKirtland, akasarudza kubhabhatidzwa mushure mekunge aona Joseph Smith achiporesa nechishamiso ruoko rwaElsa Johnson shamwari yaBooth.

Asi zvakadaro, mukati memwedzi mishomanana chete, Booth akarasikirwa nerutendo rwake uye akatanga kushoropodza Muporofita. Izvi zvingava sei, tichifunga chishamiso chaakanga aona? Fungisisa pamusoro peizvi apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 63:7-12. Ungangofungawo pamusoro pekuti sei vamwe vanhu vachigashira zviratidzo “kuitira kubatsira vanhu zvinounza kubwinya [kwaMwari]” (ndima 12) uye vamwe vanozvigashira “… mukutongwa” (ndima 11). Maererano nezvawaverenga, unofunga kuti Ishe vanoda kuti ufunge nekunzwa sei pamusoro pezviratidzo?

Onawo Mateo 16:1-4; Johane 12:37; Mormoni 9:10–21; Eta 12:12, 18.

Dzidziso neZvibvumirano 63:13–23

Kuzvibata kunoreva kuchengeta pfungwa dzangu nezviito zvangu zvakachena.

Vanhu vazhinji vangabvuma kuti upombwe hwakaipa. Asi muDzidziso neZvibvumirano 63:13–19, Muponesi akazviisa pachena kuti pfungwa dzeruchiva dzine mhedzisirowo dzakaipisisa pane zvemweya. “Sei ruchiva rwuri chivi chinotyisa zvakadaro?” Gosa Jeffrey R. Holland vakabvunza. “Zvakadaro, pamwepo nekonzero yekuparadza Mweya zvachose yarunarwo pamweya yedu, ndinofunga kuti chivi nokuti runosvibisa hukama hwepamusoro-soro uye hutsvenesa hwatinopihwa naMwari muupenyu huno—rudo rune murume nemukadzi kumumwe nemumwe wavo uye chido chine vaviri ivavo chekuunza vana mumhuri yakafanirwa kuve yanarinhi wose” (“Place No More for the Enemy of My Soul,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2010, 44).

Ndedzipi mhedzisiro dzinotaurwa naIshe muDzidziso neZvibvumirano 63:13-19 dzinozouya kune avo vasingatendeuki papfungwa nezviito zveruchiva? Ona maropafadzo anovimbiswa neMuponesi mundima 20 uye 23 kune avo vakatendeka. Maropafadzo api akauya muupenyu hwako kubva pakuteerera mutemo wekuzvibata? Muponesi anokubatsira sei kuti urambe wakachena kana kuti uve wakachena?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 121:45; Linda S. Reeves, “Worthy of Our Promised Blessings,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2015, 9–11.

Mufananidzo
murume nemukadzi vari patemberi

Tinoropafadzwa apo patinochengeta pfungwa dzedu nezviito zvedu zvakachena.

Dzidziso neZvibvumirano 63:24–46

Ishe vanotungamira mabasa ezvemweya neepanyama eVatendi Vavo.

Mushure mekunge Ishe vazivisa kwaizovakirwa Zioni, Vatendi muOhio vakanga vachirikuda nhungamiro pamusoro pekuti votanga rinhi kutama uye nekwekuti vawane mari yekutenga nzvimbo iyi. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 63:24-46, tsvaga nhungamiro yezvemweya neye zvenyama yakapihwa naIshe maererano neZioni. Inhungamiro ipi yezvemweya neye zvenyama yauri kupihwa naIshe?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 63:7–12.Nyaya yaEzra Booth yekusiya Chechi kunyange akanga akaona kuporeswa kwaElsa Johnson (ona tsangudzo pfupi dziri “muMazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega” uye mifananidzo inofambirana nepfupiso iyi) ingangokurudzira hurukuro pamusoro pezvishamiso. Pamwe nhengo dzemhuri yako dzingataure pamusoro pezvishamiso zvakasimbisa rutendo rwavo, kusanganisira zviitiko zvemumhuri yenyu kana zvenhoroondo yemhuri yenyu. Vakashandisa sei rutendo rwaidikanwa kuti vagashire zvishamiso izvi? Chii chinodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 63:7–12 pamusoro pehukama huri pakati perutendo nezvishamiso?

Dzidziso neZvibvumirano 63:13–19.Tingazvidzivirire pachedu sei kubva kurunziro dzisina kukodzera, kusanganisira mifananidzo,mafirimu kana zvinyorwa zvinonyadzisa zvepabonde? (Unokwanisa kuwana zvishandiso zvizhinji zvinobatsira zvemhuri paAddressingPornography.ChurchofJesusChrist.org.) Ndeapi maropafadzo ekurarama mutemo wekuzvibata?

Dzidziso neZvibvumirano 63:23.Ungabatsire sei mhuri yako kunzwisisa mafananiro anoita “zvakavanzika zveumambo,” kana zvokwadi zvevhangeri, “netsime remvura inorarama”? Semuenzaniso, mungangoenda kuchitubu kana rwizi zviri padyo nemi (kana kuratidza vhidhiyo kana mufananidzo wechimwe chazvo). Zvokwadi zvevhangeri zvakaita semvura sei?

Dzidziso neZvibvumirano 63:58.Ndedzipi yambiro dzatinowana muchikamu 63? Ndedzipi dzimwe dzeyambiro dzatiri kunzwa kubva kuvatungamiri vedu veChechi nhasi?

Dzidziso neZvibvumirano 63:58–64.Ratidza mhuri yako chinhu chemhuri chakakosha. Tinochibata sei chinhu ichi zvakasiyana nezvimwe zvinhu zvisina kukosha sacho? Chii chatinodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 63:58–64 pamusoro pezvatinokwanisa kuita kuti tiremekedze zvinhu zvinoyera?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Kristu Wamuka Nhasi,” Hwaro hweVhangeri,peji 332.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Rarama maererano nemisimboti yaurikudzidza. “Apo paunonzwa rufaro rwunouya kubva mukunzwisisa vhangeri, unozoda kushandisa zvaunodzidza. Edza nesimba rose kurarama muruyanano nenzwisiso yako. Kuita izvozvo kunozosimbisa rutendo, ruzivo, neuchapupu hwako” (Preach My Gospel, 19).

Mufananidzo
Joseph Smith akabata ruoko rwemukadzi

Healing of Elsa Johnson̛ s Shoulder, (Kuporeswa kweBendekete raElsa Johnson), naSam Lawlor

Dhinda