Dzidziso neZvibvumirano 2021
Chikumi 14–20. Dzidziso neZvibvumirano 64–66: “Ishe Vanoda Mwoyo uye Pfungwa Inoda”


“Chikumi 14–20. Dzidziso neZvibvumirano 64–66: “Ishe Vanoda Mwoyo uye Pfungwa Inoda” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Chikumi 14–20. Dzidziso neZvibvumirano 64–66,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
munda pakubuda kwezuva

Daviess County, Missouri

Chikumi 14–20

Dzidziso neZvibvumirano 64–66

“Ishe Vanoda Mwoyo uye Pfungwa Inoda”

Mutungamiri Henry B. Eyring vakati: “Kazhinji ndinoenda kumagwaro matsvene nemibvunzo ‘Chii Mwari chavangada kuti ndiite?’ kana ‘Chii chaVangada kuti ndinzwe?’ Nguva dzose ndinowana mazano matsva uye pfungwa itsva zvandanga ndisati ndambova nazvo” (“How God Speaks to Me through the Scriptures,” Kukadzi 6, 2019, blog.ChurchofJesusChrist.org).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mukupisa kukurusa kwezuva kwaNyamavhuvhu 1831, magosa akati wandei vakanga vari parwendo vachidzoka kubva kuKirtland mushure mokuwongorora nzvimbo yeZioni muMissouri sekurairwa kwavakanga vaitwa naIshe. Rwakanga rwusiri rwendo rwaifadza. Vafambi—Joseph Smith, Oliver Cowdery, Sidney Rigdon, Ezra Booth, nevamwe—vaitsva nezuva uye vakanga vaneta zvikuru, uye kusawirirana kwakashanduka nenguva diki kuva kukakavadzana. Zvingangove zvakataridzika sokuti kuvaka Zioni, guta rerudo, rubatano, norunyararo, kwaizotora nguva refu.

Chinotendwa ndechekuti, kuvaka Zioni—muMissouri muna 1831, kana mumwoyo yedu nemumawadhi edu nhasi—hakusi kunoda kuti tive vakarurama. Panokudaro, “kwamuri kunodikanwa kuti muregerere,” Ishe vakadaro (Dzidziso neZvibvumirano 64: 10). Vanoda “mwoyo uye pfungwa inoda” (ndima 34). Uye Vanoda mwoyo murefu neushingairi, nokuti Zioni yakavakwa pahwaro “hwezvinhu zvidiki,” zvakabudirirwa pazviri neavo “vasinganeti mukuita zvakanaka” (ndima 33).

Onawo Saints, 1:133–34, 136–37.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 64:1–11

Ndinodikanwa kuregerera munhu wese.

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 64:1–11, funga pamusoro penguva apo Ishe pavakakuregerera. Ungangofungawo pamusoro pemumwe munhu waunofanira kuregerera. Tsitsi dzeMuponesi dzinoshandura manzwiro ako sei pamusoro pako uye pamusoro pevamwe? Sei uchifunga kuti Ishe vanotiraira “kuregerera vose”? (ndima 10). Kana uchinetseka kuregerera funga pamusoro pezvinodzidziswa nezvinyorwa zvinotevera pamusoro pamabatsiriro anokwanisa kuita Muponesi: Jeffrey R. Holland, “The Ministry of Reconciliation,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2018, 77-79; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Regerera,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org.

Dzidziso neZvibvumirano 64:31–34

Mwari vanoda mwoyo wangu uye pfungwa inoda.

Wakambonzwa here “kuneta” nakwese “kuita zvakanaka” kwauri kuedza kubudirira pakuri? Tsvaga shoko raIshe kwauri muDzidziso neZvibvumirano 64:31–34. Zvinorevei kupa “mwoyo uye pfungwa inoda”? zvako kuna Mwari? (ndima 34).

Dzidziso neZvibvumirano 64:41–43

Zioni ichava “mureza kuvanhu.”

Mureza “ijira rinosungirirwa pabango kana rupawo apo vanhu pavanoungana mukubatana pachinangwa kana mazivikanirwo” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Ensign,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Zioni—kana Chechi yaIshe—yakaita semureza kwauri sei? Funga pamusoro peiyi mimwe mienzaniso yezvinhu zvinosimudzwa mudenga, semureza, kuropafadza vanhu: Numeri 21:6–9; Mateo 5:14–16; Aruma 46:11–20. Ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro pemabatsiriro aungaita Chechi kuti ive mureza munzvimbo maunogara? Tsvaga dzimwe nzira idzo Ishe dzavanotsanangura nadzo Zioni muDzidziso neZvibvumirano 64:41–43.

Mufananidzo
Mutungamiriri Moronai

Captain Moroni Bearing the Title of Liberty (Mutungamiri Moranai Akatakura Mureza weRusununguko), naGary E. Smith

Dzidziso neZvibvumirano 65

“Gadzirirai imi nzira yaIshe.”

Mateo akatsanangura Johane Mubhabhatidzi seuyo akadaidzira kuti, “Gadzirirai imi nzira yaIshe” (Mateo 3:3; onawo Muporofita Isaya 40:3). Muna Dzidziso neZvibvumirano 65, Ishe vanoshandisa mutauro wakafanana neuyu kutsanangura basa Ravo remazuva ekupedzisira. Kufanana kupi kwaunoona pakati pezvakaitwa naJohane Mubhabhatidzi (ona Mateo 3:1–12) neizvo Ishe zvavanoda kuti tiite nhasi? Chii chaunowana muzvakazarurwa izvi chinokukurudzira kuti ubatsire kuzadzikisa huporofita hwuri mazviri? Fungisisa nezve nzira dzaunokwanisa “kushambadza mabasa anoshamisa [aMwari] pakati pevanhu” (ndima 4).

Dzidziso neZvibvumirano 66

Ishe vanoziva pfungwa dzemwoyo wangu.

Chinguva chidiki mushure mekupinda Chechi, William E. McLellin akakumbira Joseph Smith kuti azarure chido chaMwari kwaari. Joseph akanga asingazvizivi, asi William akanga ane mibvunzo mishanu yake pachake yaaitarisira kuti Ishe vaizopindura kuburikidza neMuporofita Wavo. Akanga asingazivi kuti mibvunzo yaWilliam yakanga iri ipi, asi tinoziva kuti zvakazarurwa zvakataurwa kwaari, izvo ikozvino zvava Dzidziso neZvibvumirano 66, zvakapindura mubvunzo wega wega “kurugutsikano rwese uye rwakazara” rwaWilliam (“William McLellin̛ s Five Questions,” Revelations in Context, 138).

Apo paunoverenga chikamu 66, funga pamusoro peizvo Ishe zvavaiziva pamusoro paWilliam McLellin uye zvinetso nezvinangwa zvemwoyo wake. Ishe vakazarura sei kuti Vanokuziva? Kana uine ropafadzo rapatiriyaki, funga kurinzvera. Apo paunodaro, chii icho Mweya Mutsvene chaunokubatsira kunzwisisa pamusoro pechido chaMwari kwauri?

Onawo Saints, 1:138-40, Gospel Topics, “Patriarchal Blessings.,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 64:8–10.Hukama hwemhuri hwunopa mikana yakawanda yokudzidza kuregerera. Pamwe nhengo dzemhuri dzingangotaura pamusoro pekuti kuregererana kwakaropafadza sei mhuri yenyu. Muponesi vakatibatsira sei kuregererana? “Tinotambudzwa” sei (ndima 8) kana tisingaregereri vamwe?

Dzidziso neZvibvumirano 64:33.Chii icho Baba Vokudenga chavanoda kuti mhuri yenyu iite kuitira kuunza pamberi “basa guru” Ravo? Kungangova kuenda kutemberi, kugoverana vhangeri nemuvakidzani, kana kukunda kupokana. Pamwe nhengo yemhuri yoga yoga inokwanisa kuunganidza tunhu tudiki, twakaita sematombo kana mabhatani kana zvidimbu zvepazori, uye vozvishandisa kuti zvimirire “zvinhu zvidiki” zvatinokwanisa kuita mazuva ose “[kumisa] hwaro” hwebasa guru raMwari. Semhuri, sarudzai chimwe chezvinhu zvidiki izvi kuti mushande pachiri vhiki ino.

Dzidziso neZvibvumirano 66:3.Unozodzidzisa sei kukosha kwekutendeuka? Unokwanisa kupakurira zvokudya pandiro isina kuchena zvakazara uye voverenga mashoko aIshe kuna William McLellin: “Wakachena, asi kwete zvizere.” Zvino unokwanisa kusuka ndiro iyi uye wogovera zvokudya uchikurukura makwanisiro anoita Jesu Kristu kuti tive takachena pamweya.

Dzidziso neZvibvumirano 66:10.Mhuri yenyu inokwanisa sei kutevera rairo yaIshe “yokusatsvaka kuremedzwa,” kana kuremerwa nemutoro wezvinhu zvizhinji zvokuita? Munokwanisa kutaura pamusoro penyaya yaMaria naMarta (ona Ruka 10:38–42), uye mokurukura kuti mhuri yenyu ingadzivirira sei kuremedzwa nezvinhu zvisina kukosha kwekusingaperi.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Help Me, Dear Father,” Children’s Songbook,99.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Ivapo uye uchiwanikwa. Dzimwe dzenguva dzekudzidzisa dzakanakisisa dzinotanga semibvunzo kana zvinetso zvinenge zviri mumwoyo yenhengo dzemhuri. Ita kuti nhengo dzemhuri dzizive kuburikidza nemashoko ako nezviito zvako kuti une chido chikuru chokuvanzwa. (Ona Teaching in the Savior’s Way,16.)

Mufananidzo
Mudzimai akagwadama pamberi paJesu

Forgiven (Kuregererwa), naGreg K. Olsen Wakashandiswa nemvumo. www.GregOlsen.com

Dhinda