Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kubvumbi 5–Kubvumbi 11. Dzidziso neZvibvumirano 30–36: “Wakadaidzwa Kuti Uparidze Vhangeri Rangu”


“Kubvumbi 5–Kubvumbi 11. Dzidziso neZvibvumirano 30-36: ‘Wakadaidzwa Kuti Uparidze Vhangeri Rangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kubvumbi 5–Kubvumbi 11. Dzidziso neZvibvumirano 30–36,” Uyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
vashumiri veChechi vekutanga

Kubvumbi 5–Kubvumbi 11

Dzidziso neZvibvumirano 30–36

“Wakadaidzwa Kuti Uparidze Vhangeri Rangu”

Mumagwaro matsvene, tinokwanisa kuwana nzwisiso dzakadzama dzemamiriro ezvinhu edu asina kufanana neevamwe. Kumbira Ishe kuti vakubatsire kuwana shoko rakanangana newe muDzidziso neZvibvumirano 30–36.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Parley P. Pratt akanga ava nhengo yeChechi kwenguva ingangoita mwedzi apo paakadaidzwa “kuenda murenje” kuti anoparidza vhangeri (Dzidziso neZvibvumirano 32:2). Thomas B Marsh akanga ava nhengo kunyangwe kwenguva shoma kupinda iyoyo apo paakaudzwa kuti, “Nguva yeushumiri hwako yasvika” (Dzidziso neZvibvumirano 31:3). Orson Pratt, Edward Partridge, nevamwe vakawanda vakangawo vachangobva mukubhabhatidzwa apo pakauya daidzo dzavo dzeushumiri. Zvimwe nguva yavakadaidzwa iyi yakanga yakafanira—muchirimo cha1830, hapana munhu akanga ava nhengo yechechi kwenguva inopfuura mwedzi mitanhatu. Asi panewo chidzidzo kwatiri nhasi mumaitikiro aya: kana uchiziva zvakakwana kuti ugamuchire kuburikidza nerubhabhatidzo vhangeri rakadzorerwa , unoziva zvakakwana kuti urigovere kune vamwe. Ichokwadi kuti tinoda kuwedzera ruzivo rwedu rwevhangeri, asi Mwari havana kumbozengurira kudaidza “vasina kudzidza” kuti vaparidze vhangeri Ravo (Dzidziso neZvibvumirano 35:13). Chokwadi ndechekuti Vanotikoka tose kuti “Zarura muromo wako kuti uparidze vhangeri rangu” (Dzidziso neZvibvumirano 30:5). Uye tinozviita zvakanaka kwete kuburikidza nehuchenjeri neruzivo rwedu pachedu asi “nesimba reMweya” (Dzidziso neZvibvumirano 35:13).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 30–36

Ndakadaidzwa kuti ndiparidze vhangeri raJesu Kristu.

Zvisinei nekuti unedaidzo iri pamutemo semushumiri kana kuti kwete, Ishe vanoda kuti ugovere vhangeri Ravo, uye mashoko Avo mazhinji kuvashumiri vekutanga vemukuwo uno ndeekwawuriwo. Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 30-36, nyora pasi izvo zvaunodzidza pamusoro pedaidzo yekuparidza vhangeri. Unokwanisa kuita mudorongodzwa wezvinhu zvinokumbirwa naIshe kuvashumiri Vavo (semuenzaniso, ona Dzidziso neZvibvumirano 30–8) uye mumwe mudorongodzwa wezvinhu zvinovimbiswa naIshe kwavari (semuenzaniso, ona Dzidziso neZvibvumirano 30:11).

Ndima idzi dzingakurudzira sei mumwe munhu waunoziva arikushandira kana arikugadzirira kunoshanda muhushumiri hwekutendeutsa vanhu kana hwerubatsiro kuChechi. Chii chaunowana chinokukurudzira kugovera vhangeri?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 35:13–15   

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa

Tese tiri vashumiri veChechi yaJesu Kristu.

Dziziso neZvibvumirano 31:1–2; 5–6, 9, 13

Ishe vanokwanisa kundibatsira nezve hukama hwangu nemhuri yangu.

Mhuri mumakore ekunana 1830 dzaitambudzika nezvinhu zvakawanda zvimwechetezvo izvo zvirikusanganikwa nazvo nemhuri nhasi. Inhungamiri nezvivimbiso zvipi zvakapihwa kuna Thomas B. Marsh pamusoro pemhuri yake? Mashoko Avo angakubatsire sei munezve hukama hwako nemhuri yako?

Dzidziso neZvibvumirano 3235

Ushimiri kumaRamani hwakakundikana here?

Apo Oliver Cowdery, Peter Whitmer Mwana, Parley P. Pratt, naZiba Peterson pavakapinda munzira kunoparidza kumaAmerican Indian kumadokero kweMissouri, vaibvuma kuti vakanga vachizadzikisa huporofita hweBhuku raMormoni pamusoro pekugashira vhangeri kwemaRamani mumazuva ekupedzisira (ona, semuenzaniso, 1 Nifai 13:34–41; Enosi 1:11–18). Asi zvakadaro pakupera kweushumiri hwavo, kunyangwe zvazvo vakanga vasangana nezviitiko zvakanaka nemamwe mapoka, vakanga vasina kubhabhatidza kana mumwechete wemaAmerican Indian. Asi vakanga vabhabhatidza vanhu vanodarika zana padyo neKirtland, Ohio, uko kwavakanga vambomira vachiri munzira kuenda kuKirtland. Pakati pevatendeutswi ivavo paiva nevatungamiri veChechi vaizoita shanduro muneramangwana, kusanganisira Sidney Rigdon, uye Kirtland yakazova nzvimbo yekusanganira inokosha yeChechi. Chiitiko ichi chinokudzidzisa chii pamusoro pekuzadzisa kunoita Ishe basa Ravo?

Dzidziso neZvibvumirano 33:12–18

Kana ndikavakira upenyu hwangu pavhangeri reMuponesi, handizoputsike.

Dzidziso neZvibvumirano 33 mashoko akataurwa kuna Northrop Sweet naEzra Thayer, vatendeuki vaviri vatsva. Northrop akabuda muChechi mushure mekupihwa kwezvakazarurwa izvi. Ezra akamboshandira zvakatendeka kwenguva yakati rebei asi iyewo akazobuda pekupedzisira. Izvi zvingava mukana wakanaka wekuongorora masimbiro akaita kuvakwa kwako “padombo”ndima 13 revhangeri. Ndezvipi zvokwadi mundima idzi zvingakubatsire kuti urambe wakatendeka kuMuponesi?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 30:2.Tirikuita zvakadii semhuri pakunangisa pfungwa pazvinhu zvaMwari panzvimbo “pezvinhu zvenyika”?

Dzidziso neZvibvumirano 31.Apo pamunoverenga vimbiso dzaIshe kuna Thomas B. Marsh pamusoro pemhuri yake, munokwanisa kutaura pamusoro pemaropafadzo akauya kumhuri yenyu nokuda kwebasa reushumiri. Munokwanisawo kuimba rumbo runoenderana neushumiri, sezvakaita “Ndichaenda kwaMunoda Kuti Ndiende” (Hwaro hweVhangeri peji 318). Mhuri yenyu yakaropafadzwa sei kuburikidza nekugoverana vhangeri nevamwe?

Dzidziso neZvibvumirano 33:7–10.Mufananidzo upi wakashandiswa naIshe mundima idzi kutsanangura kugovera vhangeri? Ndeipi mimwe mifananidzo kana nyaya dzingafungwa nemhuri yenyu? Pamwe mifananidzo iyi ingakwanisa kubatsira mhuri yenyu kufunga nzira dzakachenjera dzekugovera vhangeri. Hurukuro iyi inokwanisa kuzotungamirira kuchirongwa chekugovera vhangeri. Fungai kuita mitambo yekutaridza mamiriro angangoita zvinhu.

Dzidziso neZvibvumirano 34:10.Sarudza ndevo kubva mundima 10, uye wokoka nhengo yemhuri kuti iizevezere. Dzimwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuedza kufembera ndevo yacho. Zvino kumbira nhengo yemhuri kuti itaure ndevo yacho neinzwi rinodaidzira. Mutambo uyu unotibatsira sei kunzwisisa chikonzero chekuti Ishe vanotiraira “kusimudza inzwi rako”?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

,

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Vatendeuki Vekutanga

Kunyangwe apo Chechi payakanga isati yarongwa Ishe vakataura kuti, “Munda wachena wavakuda kukohwewa” (Dzidziso neZvibvumirano 4:4). Chirevo ichi chakataridza kuva chechokwadi mumwedzi yakatevera, nokuti vatsvagi vechokwadi vakawanda vakatungamirirwa neMweya waMwari kuti vawane Chechi yaJesu Kristu yakadzorerwa.

Vakawanda vevatendeuki vekutanga ava vakatora chinhano chikuru mukutangisa hwaro hweKudzorerwa, uye nyaya dzavo dzerutendeuko dzakakosha kwatiri nhasi. Rutendo rwavakaratidza ndirwo rutendo rumwecheterwo rwatinoda kuti tive tinotendeutsirwa kuvhangeri raJesu Kristu.

Abigail Calkins Leonard

Apo Abigail Calkins Leonard paakanga ava nemakore aripakati pemakore makumi matatu nemana nemakore makumi matatu nematanhatu, akanzwa zvido zvekuti aregererwe zvivi zvake. Aiverenga Bhabheri nguva nenguva, uye vanhu vaibva mumachechi echiKristu akasiyana vaishanyira kumba kwake, asi akanga achivhiringidzwa pamusoro pekuti chii chaisiyanisa chechi imwe kubva kune imwe. “Mamwe mangwanani,” akati, “Ndakatora Bhaibheri rangu ndikaenda kusango, apo pandakapfugama.” Akanamata nemwoyo wose kuna Ishe. “Pakarepo ndakaona chiratidzo,” akadaro, “uye machechi akasiyana akapfuura nepandiri achiteverana imwe neimwe,”uye inzwi rakadaidzira kwandiri, richiti: ‘Aya akavakirwa kuti awane mari.’ Zvino, kumberi, ndaiona chiedza chikuru, uye inzwi raibva kumusoro rakadaidzira: ‘ndichasimudza vanhu, avo vandichafara kuita vangu nekuropafadza.’” Chinguva chipfupi pashure, Abigail akanzwa nezve Bhuku raMormoni. Kunyange zvazvo akanga asati ava nebhuku racho, akatsvaga “kuziva chokwadi chebhuku iri, kuburikidza nechipo nesimba reMweya Mutsvene,” uye “akanzwa pakarepo kuvapo kwaro.” Apo paakazokwanisa pekupedzisira kuverenga Bhuku raMormoni, akanga “agadzirira kurigashira.” Iye nemurume wake, Lyman, vakabhabhatidzwa muna 1831.1

Thomas B. Marsh

Apo Thomas B. Marsh paakanga ari munhu mukuru wechidiki, akanzvera Bhaibheri uye akapinda muchechi yechiKristu. Asi haana kugutsikana, pekupedzisira akabva mumachechi ose. “Ndakava nemweya mushoma wehuporofita,” akadaro, “uye akataurira [mutungamiri wezvechitendero] kuti ndaitarisira kuti chechi itsva ichasimuka, iyo yaizenge iine chokwadi muhutsvene hwacho.” Nguva dikidiki mushure meizvi, Thomas akava nekurudziro yemweya yekuti asiye imba yake muBoston, Massachusetts, uye aende kumadokero. Mushure mekupedza mwedzi mitatu kumadokero kweNew York asina kuwana chaaitsvaga, akatanga kudzokera kumba. Ari munzira, mumwe mudzimai akabvunza Thomas kana akanga anzwa nezve “Bhuku reGoridhe rakanga rawanikwa nemujaya wechidiki ainzi Joseph Smith.” Afadzwa nepfungwa iyi, Thomas pakarepo akaenda kuPalmyra uye akasanga naMartin Harris pachitoro chekudhindira, apo pakanga mapeji gumi nematanhatu ekutanga eBhuku raMormoni achangobva pachindindo. Thomas akabvumirwa kuti atore kopi yemapeji gumi nematanhatu iwayo, uye akaenda nawo kumba kumudzimai wake, Elizabeth. “Akafadzwa zvikuru” nebhuku, anoyeuka,“achiribvuma kuti rakanga riri basa raMwari.” Thomas naElizabeth pashure vakatamira kuNew York nevana vavo uye vakabhabhatidzwa.2 (Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro paThomas B. Marsh, ona Dzidziso neZvibvumirano 31.)

Parley naThankful Pratt

SaThomas Marsh, Parley naThankful Pratt vakadaira kukuridziro yemweya yekuti vasiye purazi ravo rakanga rakapfuma muOhio nechinangwa chekuparidza vhangeri semanzwisisiro avairiita kubva muBhaibheri. Sekutaurira kwakaita Parley mukoma wake,“Mweya wezvinhu izvi wakabata zvakasimba pfungwa dzangu munguva pfupi yakapfuura iyo zvekuti handina kukwanisa kuzorora.”3 Apo pavakasvika kumabvazuva kweNew York, Parley akava nekurudziro yekuti agare kwechinguva munharaunda iyoyo. Vakasarudza kuti Thankful aizoendamberi asinaye. “Ndine basa rekuita mudunhu rino renyika,” Parley akamutaurira, “uye kuti ndereyi, kana kuti richatora nguva yakadii kuriita, handizive, asi ndichauya kana raitwa.”4 Kwakanga kuri ikoko uko Parley kwaakatanga kunzwa nezve Bhuku raMormoni. “Ndakanzwa nekufarira bhuku iri kusinganzwisisike,” akadaro.5 Akakumbira kopi rebhuku racho uye akaverenga neusiku hwose. Avamangwanani, akanga ava kuziva kuti bhuku iri rakanga riri rechokwadi, achirikoshesa “zvakanyanya kudarika upfumi hwese hwenyika.”6 Mukuti memazuva mashomanani Parley akabhabhatidzwa. Zvino Akadzokera kuna Thankful uyo akaabhabhatidzwawo. (Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro paParley P Pratt ona Dzidziso neZvibvumirano 32).

Mufananidzo
Parley P. Pratt

Mufananidzo waParley P. Pratt naJeffery Hein

Sidney naPhebe Rigdon

Arimunzira kubva kuNew York achienda kuhushumiri muMissouri, Parley Pratt nevamwe vake vashandi vakamira muMentor, Ohio, paimba yaSidney naPhebe Rigdon—shamwari dzekare idzo Parley dzaaiziva kubva mumazuva ake muOhio. Sidney akanga ari mufundisi wechiKristu, uye Parley akambenge ari nhengo yegungano rake uye achimuona semurairidzi wezvemweya. Parley akataurira shamwari dzake nechido chikuru pamusoro peBhuku raMormoni uye zveKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu. Sidney iye pachake akanga achitsvaga kudzorerwa kweChechi yechokwadi yaakanga aona ichitsanangurwa nezvayo muTestamende Itsva, kunyange zvavo akanga asina chokwadi pamusoro peBhuku raMormoni pakutanga. “Asi ndichaverenga bhuku rako,” akataurira shamwari yake Parley, “uye ndichaedza zvakasimba kutsvaga kuziva, kana riri zvakazarurwa kubva kuna Mwari kana kuti kwete.”7 Mushure memasvondo maviri ekunzvera nekunamata, vese iye naPhebe vakapwiswa kuti bhuku iri rakanga riri rechokwadi. Asi Sydney aizivawo kuti kupinda muChechi kwaizova kuzvipira kukuru kwemhuri yake. Zvaiva pachena kuti aizorasikirwa nebasa rake semufundisi, pamwepo nekuremekedzwa kwake munzvimbo mavaigara. Apo iye naPhebe pavakakurukura nezve kwanisiko iyi, Phebe akataura kuti, “ndafunga mugumisiro wazvo, uye … chido changu chekuti ndiite kuda kwaMwari, kunyange kukauya upenyu kana kukauya rufu.”8

Mufananidzo
varume vachifamba mumazaya echando

Go Into the Wilderness, naRobert T. Barrett

Dhinda