Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kukadzi 15–21. Dzidziso neZvibvumirano 14–17: “Mira seChapupu”


“Kukadzi 15–21. Dzidziso neZvibvumirano 14–17: ‘Mira seChapupu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kukadzi 15–21. Dzidziso neZvibvumirano 14-17,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Joseph Smith neZvapupu Zvitatu vakapfugama mukunamata

Kukadzi 15–21

Dzidziso neZvibvumirano 14–17

“Mira seChapupu”

Mhuri yaJoseph Smith neshamwari dzake dzimwe nguva vaimukumbira kuti atsvage zvakazarurwa pamusoro peizvo zvaidikanwa naMwari kuti vaite. Apo paunoverenga zvakazarurwa izvi, funga pamusoro pekuti inzira ipi inodiwa naMwari kwauri.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Kunyangwe zvazvo basa redudziro rakanga richifambira mberi zvakanaka, mava muna Chivabvu 1829 mamiriro ezvinhu muHarmony akanga ava akanyanya kuoma kuna Joseph, Emma, naOliver. Ruvengo kubva kuvavakidzani rwakanga rwuchikura apo rutsigiro kubva kumhuri yaEmma rwakanga rwuchiderera. Nekunzwa kuti zvakanga zvisisina ndaramo kugara muHarmony, Oliver akataura neshamwari yakanga yaratidza chido mubasa raJoseph: David Whitmer. David aigara nevabereki uye nevaberekedzani vake muFayette, New York, uko kwaiva chinhambwe chingangoita makiromita zana nemakumi matanhatu. Akanga asangana naOliver gore rakanga rapfuura, uye Oliver akanga amunyorera tsamba dzakawanda kubva ipapo, achigovera zviitiko zvake pakushanda neMuporofita. David kana mumwe munhu zvake mumhuri yake hapana akanga ati amboonana naJoseph. Asi apo Oliver paakakumbira kana iye naJoseph vangaenda kumba yekwaWhitmer kuti vapedzise kududzira Bhuku raMormoni, mhuri yekwaWhitmer yakavatambira nerufaro rukuru. Uye Ishe vakanga vachiziva kuti kwaive nezvimwe zvinhu zvakawanda zvinokosha zvaizoitika kumhuri yekwaWhitmer zvaipfuura kungopa chete Muporofita pekugara. Vakanga vaine dzimwe rairidzo dzakanangana navo, dzinowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 14–17, uye nekufamba kwenguva vaizova imwe yemhuri dzemavambo eChechi uye zvapupu zveKudzorerwa kwaiitika.

Kuti uwane zvimwe pamusoro pemhuri yekwaWhitmer, ona Saints 1:68–71.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 14

Ndinokwanisa kutora chinhano “mubasa guru rinoshamisa” raMwari.

Apo paakasangana naJoseph Smith, David Whitmer akanga ari mujaya akanga akazvipira kubasa rake papurazi remhuri yavo. Asi Ishe vaida kuti David aite rimwe basa rakasiyana—kunyangwe zvazvo nedzimwe nzira rakanga rakada kufanana nekurima. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 14:1–4, cherechedza maenzanisiro anoita Ishe basa Ravo kurudzi rwebasa raizivikanwa naDavid. Chii chaunodzidza pamusoro pebasa raIshe kubva pamuenzaniso uyu?

Ungakwanise sei “kuisa jeko [rako]” (ndima 4). Cherechedza zvivimbiso zvakapihwa muchikamu chino chose kune avo “vanotsvaka kuunza pamberi nekumisa … Zioni” (ndima 6).

Dzidziso neZvibvumirano 14:2

Shoko raMwari “rinokurumidza uye rakasimba.”

Ishe vakaenzanisa shoko Ravo “nemunondo unocheka nekwose” (Dzidziso neZvibvumirano 14:2). Enzaniso iyi inopa chii kwauri pamusoro peshoko raMwari? Semuenzaniso, shoko Ravo rinokurumidza, rakasimba uye rakapinza sei? Wakanzwa sei simba reshoko raMwari?

Funga dzimwe nzira Mwari dzavanotsanangura nadzo shoko Ravo. Semuenzaniso, chii chaunodzidza pamusoro peshoko raMwari kubva paenzaniso dziri mundima dzinotevera?

Mapisarema 119:105 

Muporofita Isaya 55:10–11 

Mateo 4:4 

1 Nifai 15:23–24 

Aruma 32:28 

Mufananidzo
munondo pamagwaro matsvene

Ishe vakaenzanisa shoko Ravo kumunondo.

Dzidziso neZvibvumirano 14:7

Upenyu hwokusingaperi “ndicho chipo chikurusa kupfuura zvose zvipo zvaMwari.”

Apo paunoveranga Dzidziso neZvibvumirano 14:7, fungisisa kuti sei upenyu hwokusingaperi, hwuri ihwo “chipo chikurusa kupfuura zvose zvipo zvaMwari.” Jekeso iyi inobva kuna Mutungamiri Russell M. Nelson ingangobatsira: “Pasi pechirongwa cherufaro chikuru chaMwari, mhuri dzinokwanisa kusunganidzwa mumatemberi uye dzogadzirirwa kudzokera kunogara pamberi Pavo patsvene nariini wose. Uhwu ndihwo upenyu hwokusingaperi!” (“Thanks Be to God,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2012, 77).

Funga pamusoro pekuwedzera majerero ekuverenga kundima 7 ayo anokubatsira kunzwisisa zvakawanda pamusoro peupenyu hwokusingaperi (ona “Upenyu Hwokusingaperi” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene, scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Chii chaunodzidza chinokukurudzira kuedza nesimba rose kuwana upenyu hwokusingaperi?

Dzidziso neZvibvumirano 15–16

Kuunza mweya kuna Kristu chinhu chakakosha zvikuru.

John naPeter Whitmer vese vaida kuziva icho “chingazove chakakoshesesa ” muhupenyu hwavo (Dzidziso neZvibvumirano 15:4; 16:4). Wakambobvira wakafunga here pamusoro peizvi iwe pachako? Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 15–16, fungisisa kuti sei kuunza mweya kuna Kristu kuri kwakakosha zvikuru kudaro? Ungakoka sei mweya kuuya kuna Kristu?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 18:10–16.

Dzidziso neZvibvumirano 17

Ishe vanoshandisa zvapupu kumisa shoko Ravo.

Chapupu chii? Sei Mwari vachishandisa zvapupu mubasa Ravo? (ona 2 Vakorinte 13:1). Fungisisa mibvunzo iyi apo paunoverenga mashoko aMwari kuZvapupu Zvitatu muDzidziso neZvibvumirano 17. Zvingangovawo zvinobatsira kuwongorora “Uchapupu hweZvapupu Zvitatu” muBhuku raMormoni. Zvapupu zvinobatsira sei kuunza “zvinangwa zvakarurama” zvaMwari (ndima 4).

Unoziva here kuti Mary Whitmer akagashirawo uchapupu hwemahwendefa egoridhe? Ngirozi Moronai yakaaratidza kwaari seratidzo yekubvuma kuzvipira kwaakaita apo Joseph, Emma, naOliver pavaigara mumba make (ona Saints, 1:70–71). Chii chaunodzidza kubva pachiitiko chake pamusoro pekugashira uchapupu?

Onawo Saints, 1:73–75; Ulisses Soares, “The Coming Forth of the Book of Mormon,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2020, 32–35.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 14:1–4.Funga pamusoro pekukoka mhuri yako kuti vatsvage ndevo dzinoenderana nezvekurima mundima idzi. Sei Ishe vangangoenzanisa basa Ravo nekukohwa? Chii chatinokwanisa kuit kubatsira mubasa Ravo?

Dzidziso neZvibvumirano 14:2.Chiitwa chendima ino chiri “muMazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega” chinodorongodza dzimwe ndima dzezvinyorwa zvitsvene dziri pamusoro peshoko raMwari. Zvimwe nhengo dzemhuri dzingakwanisa kudziverenga uye nekugoverana izvo zvavanodzidza. Ndima dzezvinyorwa zvitsvene idzi dzinotikurudzira sei kuti “titeerere” kushoko raMwari?

Dzidziso neZvibvumirano 15:6; 16:6.Ndima idzi dzinokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pezvinhu zvinova zvakakoshesesa kumhuri yako (onawo Dzidziso neZvibvumirano 18:10).

Dzidziso neZvibvumirano 17.Mhuri yako ingangonakidzwa nekudhirowa mifananidzo yechimwe nechimwe chezvinhu zvakaonekwa neZvapupu Zvitatu (ona ndima 1). Apo pamunoverenga chikamu 17, tsvagai ndevo dzinodzidzisa pamusoro pekukosha kweBhuku raMormoni. Tingava sei zvapupu zveBhuku raMormoni?  

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende,” Hwaro hweVhangeri, peji 318.

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Lucy Mack Smith neZvapupu Zvitatu uye Zvisere

Ngirozi Moronai akaratidza mahwendefa egoridhe kuna Joseph Smith, Oliver Cowdery, David Whitmer, naMartin Harris muchisango chaiva padyo neimba yanaWhitmer muFayette, New York. Vabereki vaJoseph vakanga vachishanyira mhuri yekwaWhitmer panguva iyoyo. Lucy Mack Smith, amai vaJoseph, vakatsanangura shanduro yakaitwa nechiitiko chinoshamisa ichi kuzvapupu:

Mufananidzo
Lucy Mack Smith

“Nguva yakanga iri pakati pa3 na4 kiroko. Mai Whitmer naBaba Smith neni takanga tigere mumupanda wekurara. Ndakanga ndigere parutivi pemubhedha. Apo Joseph paakapinda, akazvikanda pasi kugara parutivi neni. ‘Baba! Amai!’ akadaro. ‘Hamuzivi mafariro andirikuita. Ishe vakonzera mahwendefa kuti aratidzwe kune vamwe vatatu kunze kwangu, avo vaonawo ngirozi uye vachafanira kupupura kuhuchokwadi hwezvandakataura. Nokuti vanozvizivira pachavo kuti handisi kuedza kunyengedza vanhu. Uye ndinonzwa sekuti ndakasunungurwa pamutoro unotyisa, uyo wanga waita sewonyanyisa kundiremera kutakura. Asi zvino vachafanira kutakura chikamu chawo, uye zvinofadza mweya wangu kuti handisisiri ini ndega munyika ndakaona nekubata mahwendefa egoridhe.’ Martin Harris akabva apinda ipapo. Airatidzika seakanga abatwa zvakasimba nemufaro wakanyanyisa. Zvino akapupura kune zvaakanga aona nekunzwa, sezvakaitwawo nevamwe, Oliver naDavid. Uchapupu hwavo hwakanga hwakafanana mune zvahwaireva seuhwo huri muBhuku raMormoni. …

“Martin Harris kunyanya airatidzika seakanga asingakwanise zvachose kutsanangura mumashoko manzwiro ake. Akati, ‘ndaona zvino ngirozi kubva Kudenga iyo zvechokwadi yapupura nezvechokwadi chazvese zvandakanzwa maererano nechinyorwa ichi, uye maziso angu amuona. Ndatarisawo pamahwendefa uye ndikaabata nemaoko angu uye ndinokwanisa kupupura pamusoro pezvimwechetezvo kunyika yose. Asi ndagashira pachangu uchapupu husingakwanise kutaurwa nemashoko, uhwo husina rurimi runokwanisa kutsanangura, uye ndinoropafadza Mwari nechokwadi chose chemweya wangu kuti vakasarudza nenyasha kuti vandiite, kunyange ini, chapupu chehukuru hwebasa ravo nezvirongwa zvavo ndakamiririra vana vevanhu.’ Oliver naDavid vakabatana naye murumbidzo dzakatsiga kuna Mwari nekuda kwerunako rwavo netsitsi dzavo. Takadzokera kumba [kuPalmyra, New York,] zuva rakatevera tiri chikwata chidiki chizere nerufaro nekurumbidza.”1

Mufananidzo
Zvapupu Zvitatu

Portraits of Oliver Cowdery, David Whitmer, and Martin Harris (Mifananidzo yaOliver Cowdery, David Whitmer, naMartin Harris) naLewis A. Ramsey

Lucy Mack Smith akanga aripo apo Zvapupu Zvisere pazvakadzoka kubva kuzviitiko zvavo:

“Mushure mekunge zvapupu izvi zvadzokera kumba, ngirozi zvakare yazviratidza kuna Joseph, apo panguva iyoyo Joseph akapa mahwendefa mumaoko ayo. Manheru iwayo takaita musangano, umo zvapupu zvose mazvakapa uchapupu kuzvirokwazvo sekutaurwa kwazvaitwa pamusoro, uye mhuri yedu yose, kunyangwe kuna Don Carlos [Smith], akanga aine makore gumi nemana chete ekuzvarwa, akapupura nehuchokwadi hwemukuwo wemazuva ekupedzisira—kuti zvino wakanga waunzwa zvakazara.”2

Mufananidzo
Joseph Smith achiratidza mahwendefa kuZvapupu Zvisere

Sculpture of Joseph Smith and the Eight Witnesses (Chivezwa chaJoseph Smith neZvapupu Zvisere) naGary Enerst Smith

Mufananidzo
ngirozi Moronai ichiratidza mahwendefa egoridhe kuna Joseph Smith, Oliver Cowdery, naDavid Whitmer

Ngirozi Moronai Ichiratidza Mahwendefa eGoridhe kuna Joseph Smith, Oliver Cowdery, naDavid Whitmer, naGary B Smith

Dhinda