Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kukadzi 8–14. Dzidziso neZvibvumirano 12–13; Joseph Smith—Nhoroondo 1:66–75: “Panemi Vamwe Vangu Varanda”


“Kukadzi 8–14. Dzidziso neZvibvumirano 12–13; Joseph Smith—Nhoroondo 1:66–75: ‘Panemi Vamwe Vangu Varanda,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kukadzi 8–14. Dzidziso neZvibvumirano 12–13; Joseph Smith—Nhoroondo 1:66–75:” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021

Rwizi rweSusquehanna

Kukadzi 8–14

Dzidziso neZvibvumirano 12–13; Joseph Smith—Nhoroondo 1:66–75

“Panemi Vamwe Vangu Varanda”

Joseph Smith naOliver Cowdery vakagamuchira rumwe ruzivo apo pavainamata pamusoro pezvokwadi zvavakanga vadzidza mumagwaro matsvene (ona Joseph Smith—Nhoroondo 1:68). Unozotevera sei mienzaniso yavo?

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Vanhu vazhinji panyika zvimwe havasati vambonzwa nezve nzvimbo inonzi Harmony, Pennsylvania. Asi Ishe kazhinji vanosarudza nzvimbo dzisingazikanwi kuti zviitiko zvinokoshesesa muumambo Hwavo zviitike. Munzvimbo yaiva nemiti yakawanda pedyo neHarmony musi waChivabvu 15, 1892, Johane Mubhabhatidzi akazviratidza semunhu akamutswa kuvakafa kuna Joseph Smith naOliver Cowdery. Akaisa maoko ake pamisoro yavo uye akagadza Hupirisita hwaAroni pavari, achivadaidza kuti “vamwe vangu varanda” (Dzidziso neZvibvumirano 13:1).

Kufungwa semumwe wake muranda naJohn Mubhabhatidzi, uyo akabhabhatidza Muponesi uye akagadzirira nzira kuitira kuuya Kwake (ona Mateo 3:1–6, 13–17), chinofanira kuva chinhu chaininipisa, pamwe kunyangwe kutova chinhu chakakurisa kuvarume vechidiki ava vaiva nemakore ekumakumi maviri ekuberekwa. Panguva iyoyo, Joseph naOliver vakanga vasinganyinyi kuzivikwana, sekusanyanyawo kuzivikanwa kwaiitwa Harmony. Asi kushandira mubasa raMwari kwakagara kuri pamusoro pokuti tinoshanda sei kwete pamusoro pokuti ndiani anozviona. Zvisinei nokuti kubatsira kwako kunotaridzika pane dzimwe nguva kuva kudiki kana kusaonekwa, iwewo uri mumwe muranda mubasa guru raIshe.

mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 12

Ishe vanoda kuti ndibatsire kumisa chinangwa cheZioni.

Joseph Knight Baba nemukadzi wake, Polly, vakasangana naJoseph Smith apo, semukomana ane makore makumi maviri, akatanga kushanda papurazi pavo muColesville, New York. Joseph Knight akamutsanangura semushandi akanakisisa waakanga ati ambova naye. Akabvuma uchapupu hwaJoseph Smith pamusoro pemahwendefa egoridhe uye akatora Polly kuenda kunoshanyira Joseph Smith apo paaidudzira Bhuku raMormoni kumba kwake muHarmony, Pennsylvania. Polly akazvibvuma pakarepo. Kwehupenyu hwavo hwese, Joseph naPolly vakaramba vakatendeka kuvhangeri rakadzorerwa. Nhengo dzinopfuura makumi matanhatu dzemhuri yekwaKnight dzakapinda Chechi uye dzikabatsira kumisa Chechi muNew York, Ohio, Missouri, Nauvoo, uye pokupedzisira muSalt Lake City.

Joseph Knight aida kuziva kuti angakwanisa kubatsira sei mubasa raIshe. Mhinduro yaIshe (zvino Dzidziso neZvibvumirano 12) ndeye vanhu “vose avo vane zvido zvekuunza uye nokumisa basa iri” (ndima 7)—kusanganisira iwe. Zvinorevei kwauri “kuunza uye nokumisa chinangwa cheZion”? (Ndima 6). Misimboti nehunhu zviri mundima 7–9 zvinokubatsira sei kuita izvi?

Onawo “The Knight and Whitmer Families,” Revelations in Context, 20–24.

Dzidziso neZvibvumirano 13

Hupirisita hwaAroni hwakadzorerwa naJohane Mubhabhatidzi.

Mumutsetse mumwechete, Johane Mubhabhatidzi akataridza zvokwadi zvakawanda pamusoro peHupirisita hwaAroni. Funga kudorongodza izvo zvese zvaunodzidza kubva muchikamu chino (kusanganira kubva mumusoro wenyaya wechikamu). Ungangozviwana zvichibatsira kunzvera dzimwe ndevo dzaunowana. Heino mimwe mienzaniso yokukubatsira kuti utange:

Ndeapi maropafadzo awakawana kuburikidza nezvisungo zveHupirisita hwaAroni?

Joseph Smith achibhabhatidza Oliver Cowdery

Joseph Smith Anobhabhatidza Oliver Cowdery, naDel Parson

Joseph Smith—Nhoroondo 1:66–75

Zvisungo zvinondipa mvumo kusimba raMwari

Sisita Carole M. Stephens, vaimbova mutevedzeri muHutungamiri Hukuru hweChita cheRubatsiro vakadzidzisa kuti, “Zvisungo nezvibvumirano zvehupirisita zvinopa mvumo yokuwana kuzara kwemaropafadzo akavimbiswa kwatiri naMwari, ayo anoitwa kuti akwanisike neRudzikinuro rweMuponesi. Zvinopa vanakomana nevanasikana vaMwari simba, simba raMwari, uye zvinotipa mukana wekutambira upenyu hwekusingaperi ” (“Do We Know What We Have?Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2013 12).

Apo paunoverenga Joseph Smith—Nhoroondo 1:66–75, kusanganisira chinyorwa chiri kumagumo kwendima 71, funga kuti chii chakakurudzira Joseph naOliver kuti vabvunze pamusoro perubhabhatidzo, uye cherechedza maropafadzo akauya kwavari mushure mokutora chinhano muzvisungo zvehupirisita. Funga kuverenga zvinyorwa zvemujenari zvaungange wakanyora mushure mokutambira zvisungo kana kunyora ndangariro dzako dzezviitiko izvozvo. Ndeapi maropafadzo awakatambira kuburikidza nezvisungo zvehupirisita?

Onawo Dziziso neZvibvumirano 84:20–22; Saints, 1:65–68.

mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 12:8.Sei hunhu hwakadorongodzwa mundima iyi huchidikanwa apo patinenge tichiita basa raIshe?

Dzidziso neZvibvumirano 13.Chii chingavaka rutendo rwemhuri yako mukudzorerwa kweHupirisita hwaAroni. Mufananidzo unoperekedza chirongwa chino unokwanisa kubatsira mhuri yako kuona kudzorerwa kweHupirisita hwaAroni. Vangafarira here kudhirowa mufananidzo wechiitiko ichi, maererano nezvavanoverenga muJoseph Smith—Nhoroondo 1:68–74)? Vanokwanisawo kugoverana uchapupu hwavo pamusoro pesimba rohupirisita muhupenyu hwavo.

 .

Joseph Smith—Nhoroondo 1:68.Tingatevedza sei muenzaniso waJoseph Smith naOliver Cowdery kuwana mhinduro kumibvunzo yedu? Pamwe apo pamunoverenga pamwechete, munokwanisa kuyiita tsika yenguva dzose yokumira uye mobvunza kana mumwe munhu aine mibvunzo pamusoro pezvaari kuverenga.

Joseph Smith—Nhoroondo 1:71, chinyorwa chepazasi.Chii chinoyemurwa nenhengo dzemhuri yako pamusoro pemashoko aOliver Cowdery? Ndeapi mamwe “mazuva asingafe akakanganikwa” emhuri yako?

Joseph Smith—Nhoroondo 1:73–74.Mweya Mutsvene wakava neshanduro ipi pana Joseph naOliver? Ndiriini apo Mweya pawakabatsira mhuri yako kunzwisisa magwaro matsvene uye nokufara muna Ishe?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Nzverai Musoro weNyaya. Semhuri, sarudzai musoro wenyaya wamunoda kunzvera zvakadzama. Somuenzaniso, vhiki ino mungangoshandisa Nhungamiri kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org) kuti muwane zvinyorwa zvitsvene pamusoro peHupirisita hwaAroni.

Johane muBhabhatidzi Achigadza Hupirisita hwaAroni pana Joseph Smith

Panemi Vamwe Vangu Varanda, naLinda Curley Christensen