Dzidziso neZvibvumirano 2021
Ndira 11–17. Dzidziso neZvibvumirano 2; Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–65: “Mwoyo yeVana Ichatendeukira kuMadzibaba Avo”


“Ndira 11–17. Dzidziso neZvibvumirano 2; Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–65: ‘Mwoyo yeVana Ichatendeukira kuMadzibaba Avo’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Ndira 11–17. Dzidziso neZvibvumirano 2; Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–65” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Moroni achizviratidza kuna Joseph

He Called Me by Name (Vakandidaidza neZita), naMichael Malm

Ndira 11–17

Dzidziso neZvibvumirano 2; Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–65

“Mwoyo yeVana Ichatendeukira kuMadzibaba Avo”

Mweya Mutsvene unokwanisa kukudzidzisa panguva dzose dzaunoverenga magwaro matsvene—kunyangwe magwaro matsvene awakamboverenga nguva dzakawanda. Saka iva unotambira manzwisisiro ezvinhu matsva nefemero itsva.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Kwakanga kwapfuura makore matatu kubvira apo Mwari Baba neMwanakomana Wavo Jesu Kristu, pavakanga vazviratidza kuMuporofita Joseph Smith muchisango, asi Joseph akanga asati atambira zvimwe zvakazarurwa kubvira ipapo. Akatanga kuzvibvunza pamusoro pechinzvimbo chake pamberi paIshe. Sesu tose, akanga aita zvikanganiso, uye ainzwa kurangwa nekuda kwazvo. Asi Mwari vakanga vachine basa rokuti aite. Uye basa rakadaidzirwa Joseph kuti aite rakabatanidzwa kune izvo Mwari zvavanokumbira kwatiri. Joseph aizounza pamberi Bhuku raMormoni; chii chatakakumbirwa kuita naro? Joseph aizotambira makiyi ehupirisita kuti atendeutsire mwoyo yevana kumadzibaba avo; isu tiri kutendeutsira mwoyo yedu kumadziteteguru edu sei? Joseph akaudzwa nezve huporofita uhwo hwaizozadzikiswa munguva pfupi yaitevera; chikamu chedu ndechei mukubatsira kuhuzadzikisa? Apo patinotora chinhano mubasa raMwari, tinokwanisa kutarisira kusangana nepikiso uye kunyangwe kutambudzwa, sezvakangoita Muporofita. Asi tinokwanisawo kuva nerutendo kuti Ishe vanozotiita midziyo mumaoko Avo, sezvaVakangoitira Joseph.

­

mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–33

Mwari vane basa rokuti ndiite.

Apo paunoveranga Joseph Smith—Nhoorondo 1:27–33, funga kuti Mwari vane basa rokuti uite, sezvaVakaitira Joseph Smith. Fungisisa kukoka uku kunobva kuna Mutungamiri Russel M. Nelson: “Bvunza Baba vako Vokudenga, nemuzita raJesu Kristu, manzwiro Avanoita pamusoro pako nebasa rako pano pasi. Kana ukakumbira nechinangwa chechokwadi, nekufamba kwenguva Mweya unozozevezera kwauri chokwadi chinoshandura upenyu. … Ndinokuvimbisa kuti apo paunotanga kuona kunyangwe zvishomanana zvemaonere aunoitwa naBaba vako Vokudenga uye izvo zvaVanovimba nazvo pauri kuti uVaitire, upenyu hwako hahwumbozofa hwakava humwechetehwo!”(“Becoming True Millennials” [musangano wemunamato wepasi rose wevakuru vechidiki, Ndira 10, 2016], broadcasts.ChurchofJesusChrist.org).

Dzimwe nguva ungangonzwa semanzwiro akaita Joseph ndima 28–29. Chii chaunokwanisa kudzidza kubva kumuenzaniso waJoseph pamusoro pezvokuita apo zviito zvako pazvinenge zvisingaenderani nebasa iro Mwari ravakakudaidza kuti uite?

Joseph Smith—Nhoroondo 1:34–65

Bhuku raMormoni rine “kuzara kweVhangeri risingaperi.”

Apo paunoverenga Joseph Smith—Nhoroondo 1:34–65, funga pamusoro pekuti ndezvipi zvinhu mundima idzi zvingangotaridzika kuva zvakakosha kwauri dai wanga usati wakambonzwa nezve Bhuku raMormoni. Semutendi, sei rondedzero iyi yakakosha kuuchapupu hwako hweBhuku raMormoni.

Funga kuti Bhuku raMormoni rinozadzikisa sei huporofita huri muna Muporofita Isaya 29:4, 11–18.

Joseph Smith—Nhoroondo 1:36–41

Kudzorerwa kwevhangeri kwakazadzikisa huporofita hwekare kare.

Moroni akatapa kuna Joseph huporofita huzhinji hwemuTestamente Yakare neItsva, sezvakaita Muporofita Isaya 11; Mabasa aVaapositora 3:22–23; uye Muporofita Joere 2:28–32. Sei huropofita uhwu hungangova hwakanga hwakakosha kuti Joseph ahwuzive? Sei hwakakosha kuti iwe uhwuzive?

Dzidziso neZvibvumirano 2

Chii chakadzorerwa naErija?

Mutungamiri Henry B. Eyring vakati: “Zvakakosha kuziva kuti sei Ishe vakavimbisa kutuma Erija. Erija akanga ari muporofita mukuru aine simba guru raakanga apiwa naMwari. Akanga aine simba gurusa Mwari ravanopa kuvana Vavo: akanga ane simba rokusunganidza, simba rokusunganidza pasi uye zvobva zvasunganidzwa kudenga” (“Hearts Bound Together,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2005, 78).

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 110:13–16; Dallin H. Oaks, “Itai kuti Imba Iyi Ivakwe Muzita Rangu,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2020, 84–87.

Temberi yePalmyra New York mumasutso

Temberi yePalmyra New York. Mhuri dzinosunganidzwa mutemberi nesimba rakadzorerwa kuburikidza naErija.

Dzidziso neZvibvumirano 2

Erija akauya kuzotendeutsira mwoyo wangu kumadziteteguru angu.

Mashoko akaita “sadyara,” “mwoyo,” uye “tendeutsira” muchikamu chino anokudzidzisa chii pamusoro pebasa raErija uye maropafadzo emakiyi ehupirisita aakadzorera? Wakanzwa sei mwoyo wako uchitendeukira kumadziteteguru ako? Funga nezve nzira dzaunokwanisa kuva nemanzwiro iwayo kakawanda. Pamwe unokwanisa kukumbira hama kugoverana newe nyaya pamusoro pemumwe wemadziteteguru ako—zvitorinani ndezvekuti, unokwanisa kuzvinyora pasi. Pamwe unokwanisa kuwana teteguru akafa uyo asina kumbotambira zvisungo zvevhangeri uye woita basa iroro mutemberi.

mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Joseph Smith—Nhoroondo 1:28–29.Joseph Smith akanzwa sei pamusoro pezvikanganiso zvake? Chii chaakaita nokuda kwemanzwiro iwayo? Chii chatinodzidza kubva kwaari pamusoro pezvokuita apo patinoita zvikanganiso?

Joseph Smith—Nhoroondo 1:33–54.Unokwanisa kukumbira nhengo yemhuri kuverenga ichidaidzira chikamu kana rose shoko raMoroni kubva muJoseph Smith—Nhoroondo 1:33–42 uye ariverenge runa (nokuti Moroni akadzokorora shoko iri runa). Pakati pekuverenga kwega kwega, kumbira dzimwe nhengo dzemhuri kugovera zvavanoyeuka kubva mushoko rake, vasingatarisi mumagwaro matsvene. Sei Ishe vangangodzokorora mashoko anokosha kakawanda? Ndedzipi dzimwe nzira Ishe dzavanotidzidzisa nadzo kuburikidza nekudzokorora?

Dzidziso neZvibvumirano 2.2.Kubatsira vana vako kunzwisisa “zvivimbiso zvakaitwa kumadzibaba,” munokwanisa kuverenga Abrahama 2:9–11 pamwechete. Domai zvivimbiso izvo Mwari zvavakaita sechikamu chechibvumirano Chavo naAbrahama. Tino “dyara” sei zvivimbiso izvi mumwoyo yedu?

Dzidziso neZvibvumirano 2:2–3.Kubatsira nhengo dzemhuri kuti vatendeutsire mwoyo yavo kumadzibaba avo (kana madziteteguru), unokwanisa kuvakoka kuti vadzidze pamusoro pemumwe teteguru uye vagoverane nemhuri yose zvavanenge vadzidza. Sei Ishe vachida kuti tidzidze pamusoro penhengo dzemhuri dzedu uye nokuvaitira zvisungo zvemutemberi? Tinoropafadzwa sei apo patinotora chinhano munhoroondo yemhuri uye mubasa remutemberi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Imbai rumbo runoenderana nemusoro wenyaya yenhoroondo yemhuri kana mhuri dzokusingaperi.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Shandisa zvibatsiro zvekunzvera magwaro matsvene. Zvishandiso zvakaita sezvinyorwa zvepazasi pepeji, Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, uye ChurchofJesusChrist.org zvinokwanisa kukubatsira kunzwisisa zvirinani vanhu, zviitiko, nendevo dziri mumagwaro matsvene.

Moronai achipa Joseph Smith mahwendefa egoridhe

Joseph Receives the Plates (Joseph Anogamuchira Mahwendefa), naGary E. Smith