Dzidziso neZvibvumirano 2021
Gumiguru 4–10. Dzidziso neZvibvumirano 111–114: “Ndicharonga Zvinhu Zvose Kuitira Pundutso Yenyu”


Gumiguru 4–10. Dzidziso neZvibvumirano 111–114: ‘Ndicharonga Zvinhu Zvose Kuitira Pundutso Yenyu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

Gumiguru 4–10. Dzidziso neZvibvumirano 111–114,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Joseph Smith, achiparidza

Gumiguru 4–10.

Dzidziso neZvibvumirano 111–114

“Ndicharonga Zvinhu Zvose Kuitira Pundutso Yenyu”

Nemunamato kumbira nhungamiro yeMweya apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 111–114, uye nyora pasi manzwiro ako. Zvino funga pamusoro penzira dzaunokwanisa kuita nadzo chimwe chinhu pamanzwiro iwayo.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Wakambova here nechiitiko chemweya icho chakaita kuti unzwe chivimbo uye kugadzikana murutendo rwako—asi zvino matambudziko eupenyu akaedza rutendo rwako, uye ukazviwana uchinetseka kuwanazve runyararo rwawainzwa kare? Chinhu chakafanana neichi chakaitika kuVatendi muKirtland. Kusati kwambopera gore mushure mekudururwa kwemweya uko kwaienderana nekukumikidzwa kweTemberi yeKirtland, matambudziko akatanga. Dambudziko remari, kusawirirana muChikwata cheVane Gumi neVaviri, uye zvimwe zviyedzo zvakakonzera vamwe kuzungunuka murutendo rwavo.

Hatikwanisi kudzivirira zviyedzo, saka tingaita sei kudzivirira kuti zvisazungunusa rutendo neuchapupu hwedu? Pamwe chikamu chemhinduro chinokwanisa kuwanikwa murairo yaIshe iri muDzidziso neZvibvumirano 112, yakapiwa apo matambudziko paaiwanda zvikuru muKirtland. Ishe vakati, “chenesai mwoyo yenyu pamberi pangu” (ndima 28) “Musapanduka” (ndima 15), “Sungai zviuno zvenyu kuitira basa” (ndima 7), uye “Ivai vakazvininipisa” (ndima 10). Apo patinotevera rairo iyi, Ishe “vanotitungamirira neruoko” nemumatambudziko uye votiendesa mukupora nerunyararo (ona ndima 10, 13).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 111

Ishe vanokwanisa “kuronga zvinhu zvose kuitira pundutso [yangu].”

Pakazosvika gore ra1836, Chechi yakanga yava nezvikwereti zvikuru chaizvo mukuita basa raIshe. Apo Joseph Smith nevamwe pavainetsekana pamusoro pezvikwereti izvi uye vachifunga nzira dzokuzvibhadhara, vakafamba kuenda kuSalem, Massachusetts, pamwe nokuda kwekuti paiva nerunyerekupe rwekuti kwaiva nemari yakanga yasiiwa mukati meimba ikoko (ona musoro wenyaya wechikamu cheDzidziso neZvibvumirano 111). Mushure mokusvika kwavo muSalem, Ishe vakataura kuti, “Mune upfumi hunopfuura humwechete hwenyu muguta rino” (ndima 10)—upfumi hwaisanganisira vanhu avo “Vavaizounganidza nenguva yakafanira kuitira kupundutsa Zioni” (ndima 2; onawo Eksodo 19:5). Kunyangwe zvazvo pasina mari yakawanikwa muSalem, vatendeuki vakauya kubva mukuedza kwevashumiri pashure munzvimbo imomo vaiva chikamu chekuzadzikiswa kwevimbiso yaIshe.

Apo paunoverenga chikamu 111, funga pamusoro pezvinhu zvaunonetsekana pamusoro pazvo. Funga pamusoro pekuti mashoko aIshe kuna Joseph angashanda sei kwauri. Ishe vakakubatsira sei kuwana “upfumi” hwawanga usingatarisiri? (ndima 10). Funga pamusoro peizvo zvaVakaita “kuronga zvinhu zvose kuitira pundutso yako” (ndima 11). Ndevo inoti “nekukurumidza sezvaunokwanisa kuzvigamuchira” inokudzidzisa chii pamusoro paBaba Vekudenga?

Onawo Mateo 6:19–21, 33.

Dzidziso neZvibvumirano 112:3–15

Ishe vanozotungamirira avo vanotsvaka neuninipi chido Chavo.

Kubatana muChikwata cheVane Gumi naVaviri kwakanga kwava kuderera muzhizha ra1837. Kwakanga kune kusawirirana pamusoro pemabasa, uye dzimwe nhengo dzaitaura zvinhu zvokupikisa Muporofita Joseph Smith. Thomas B. Marsh, uyo aiva Mutungamiri weChikwata cheVane Gumi neVaviri panguva iyoyo, akanetsekana, uye akauya kubva kuMissouri kuenda kuOhio, achitsvaka rairo kubva kuMuporofita. Bhuratha Marsh vakatambira rairo iyi kuburikidza nezvakazarurwa zviri muchikamu 112. Rairo yaIshe yakabatsira sei Bhuratha Marsh nechikwata chavo? Rairo iyi ine zvidzidzo zvipi kwauri apo paunotsvaka kukunda kupokana uye kuomesa mwoyo?

Kunyanya, ungangofungisisa nezve ndima 10. Zvinorevei kuti ishe vanokutungamirira “neruoko”? Sei uninipi huchidikanwa kuitira kuwana rudzi urwu rwenhungamiro?

­

Mufananidzo
vanhu vaviri vachinamata

Kana takaninipa, Ishe vanozotitungamirira uye vanozopindura mibvunzo yedu.

Dzidziso neZvibvumirano 113

Joseph Smith aiva “muranda mumaoko aKristu.”

Muporofita Isaya akataura pamusoro pemumwe wezvizvarwa zvaJese “sebukira” uye “mudzi”Muporofita Isaya 11:1, 10). Muchikamu 113, Ishe vanotsanangura kuti chizvarwa ichi, muranda waKristu, aizoitora chinhanho chakakosha mukuunganidzwa kwevanhu vaIshe mumazuva ekupedzisira (ona Dzidziso neZvibvumirano 113:4, 6)—huporofita hwunotsanangura Muporofita Joseph Smith zvakanaka chaizvo. Zvokwadi izvi nezvimwe zvokwadi zviri muchikamu 113 zvakanga zvichikurudzira kuVatendi panguva yematambudziko avaisangana nawo muKirtland? Chii chaunowana muzvakazarurwa izvi chinokukurudzira kuti utore chinhanho mubasa raIshe nhasi?

Ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Jese,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org; 2 Nifai 21:10–12; Joseph Smith—Nhoroondo 1:40.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 111:2, 9–11.Ndima idzi dzinokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pezvinokosheswa nemhuri yako “seupfumi” hwekusingaperi. Unokwanisa kuita mutambo wekutsvaga upfumi nokuviga zvinhu panzvimbo dzakasiyana siyana mumba izvo zvinomirira zvinhu Ishe zvavanokoshesa. Apo mhuri yako painowana chinhu choga choga, kurukurai zvamungaita kutaridza kuti munochikoshesa.

Dzidziso neZvibvumirano 112:10.Gosa Ulisses Soares vakatsanangura vanhu vanozvininipisa nenzira iyi: “Vanhu vanozvininipisa vanodzidzisika, vachiziva kuti vanovimba zvikuru pana Mwari uye vachida kuteerera kuchido Chavo. Vanhu vanozvininipisa vakapfava uye vane kwaniso yokushandura vamwe kuti vave vakapfavawo” (“Be Meek and Lowly of Heart,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2013, 10). Funga pamusoro penzira dzokubatsira mhuri yako kunzwisisa zvazvinoreva kuva vakaninipa. Munokwanisa kuimba rumbo pamusoro peuninipi, ­ Munokwanisa kuimba rumbo pamusoro peuninipi kana kugoverana zviitiko apo Ishe pavakatungamirira nhengo dzemhuri yenyu “neruoko” uye vakapa “mhinduro kuminamato [yadzo].”

Dzidziso neZvibvumirano 112:11–14, 26.Chii musiyano pakati pekuziva zita remumwe munhu nekumuziva iye? Chii chatinodzidza kubva mundima 11–14 pamusoro pezvazvinoreva kuziva Ishe?

Dzidziso neZvibvumirano 112:15.Zvinorevei “kupandukira” muporofita? Chii chatinowana mundima iyi chinotibatsira kuti tide kutsigira muporofita?

Dzidziso neZvibvumirano 113:7–26.Chii chatinodzidza kubva mundima 8 chinozobatsira “kuunza zvakare Zioni” nokununura Israeri?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Mbiri kuMhunhu,” Nziyo neDzevana Vadiki, peji 98.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Rarama uchapupu hwako “‘Unodzidzisa zvauri iwe,’ Gosa neal A. Maxwell vakadzidzisa. ‘Tsika dzako dzinozonyanya kurangarirwa … kupfuura chimwe chokwadi mune chimwe chidzidzo’” (Teaching in the Savior’s Way, 13).

Mufananidzo
Thomas B. Marsh naJoseph Smith

Thomas B. Marsh anonyora pasi zvakazarurwa zvakapiwa kwaari kuburikidza naJoseph Smith. Be Thou Humble, (Ivai Imi Vakaninipa) naJulie Rogers.

Dhinda