Dzidziso neZvibvumirano 2021
Gumiguru 18–24. Dzidziso neZvibvumirano 121–123: “Nhai Mwari, Muri Kupi?”


Gumiguru 18–24. Dzidziso neZvibvumirano 121–123:‘ Nhai Mwari, Muri Kupi?’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

Gumiguru 18–24. Dzidziso neZvibvumirano 121–123,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Jere reLiberty

Liberty Jail Spring, (Jere reLiberty Spring), naAl Rounds

Gumiguru 18–24

Dzidziso neZvibvumirano 121:23

“Nhai Mwari, Muri Kupi?”

Chiitiko chako chokunzvera magwaro matsvene chinonyanya kuvanani kana chinangwa chako chiri chokuwana chokwadi. Tanga nemunamato, teerera kuMweya, uye nyora pasi manzwiro ako.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mupanda wemuzasi wejere remunharaunda muLiberty, Missouri, waizikanwa segomba dema. Madziro aro akanga akapamhamha, uriri hwaro hwesimende hwaitonhora uye hwuine tsvina inosemesa, zvokudya—izvo zvaiva zvishomanana—zvaiva zvakaora, uye chiedza chaivamo chete chaibva kumahwindo madiki maviri aiva akaiswa mazariro esimbi uye ari kumosoro-soro pedyo nedenga remupanda. Mugomba iri ndimo Joseph Smith nevashoma vehama dzake mavakanga vari nguva yese yehusungwa hwavo—mwedzi mina yaitonhora zvikuru mumwaka wechando wa1838–39—vakamirira kutongerwa kupandukira nyika yeMissouri. Munguva iyi, Joseph nguva dzose aitambira mashoko pamusoro pekutambura kweVatendi. Runyararo netariro zvekuFar West zvakanga zviripo kwemwedzi mishomanana chete, uye zvino Vatendi zvakare vakanga vasisina pekugara, vamanikidzwa kuenda murenje kunotsvakazve imwe inzvimbo yokutangira patsva—nguva ino Muporofita wavo ari mutirongo.

Hazvishamisi kuti Joseph Smith akachema achiti: “Nhai Mwari, Muri Kupi?” Mhinduro dzaakagashira, “ruzivo kubva kudenga” urwo rwakauya “ruchidururuka pasi” mujere iroro raisuwisa zvikuru, dzakaratidza kuti kunyangwe zvazvo zvingave zvisinganzwikwi sokudaro nguva dzose, Mwari havasi vanombova kure. Hapana simba rinokwanisa “kudzivirira matenga,” Muporofita akadzidza kudaro. “Mwari vachava [neVatendi Vavo vakatendeka] nariini nariini.Dzidziso neZvibvumirano 121:1, 33; 122:9

Ona Saints, 1:323–96

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 121:1–10, 23–33122

Dambudziko rinokwanisa “kuva rakanaka [kwandiri].”

Apo isu kana avo vatinoda pavanenge vari pakati pokutambura, chinhu chinoitika mazuva ose kushama kana Mwari vachiziva nezvedu. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 121:1-6, funga pamusoro penguva apo pawakava nemibvunzo kana nemanzwiro akafanana neaJoseph Smith. Chii chaunowana mumhinduro yaIshe icho chingakubatsira paunenge uine mibvunzo iyoyo kana manzwiro iwayo? Semuenzaniso, mundima 7–10, 26–33, cherechedza maropafadzo aVanovimbisa kuna avo “vanotsungirira [mudambudziko] zvakanaka.” Apo paunoverenga chikamu 122, funga kuti Ishe vanoda kuti utarise matambudziko ako sei.

­ ­

Dzidziso neZvibvumirano 121:34–46

Tinokwanisa kuwana “masimba ekudenga.”

Mumamiro ezvinhu aitaridzika sokunge paiva pasina simba rekuita chinhu muJere reLiberty, Joseph akapiwa zvakazarurwa pamusoro pesimba—kwete simba rezvematongerwe enyika kana remumauto iro rakanga rashandiswa paVatendi asi “masimba ekudenga.” Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 121:34-46, chii chaunodzidza pamusoro pesimba raMwari? Rakasiyana sei kubva kusimba repanyika? Somuenzaniso, tarisa pamashoko anoshandiswa naIshe mundima 41–43 kutsanangura “simba kana hurudziro.” Chii chaanodzidzisa pamusoro pamachengetero anoita Mwari “simba kana hurudziro.” Dzavo? Pamwe ndima idzi dzinokwanisa kukukuridzira kufungisisa pamusoro peupenyu hwako uye zvaunokwanisa kuita kuti uve hurudziro yezvakanaka muhukama hwako nevamwe.

Dzidziso neZvibvumirano 122

Jesu Kristu akadzikira pazasi pezvinhu zvose.

Joseph Smith akanga aiswa mutirongo zvisiri pamutemo kwemwedzi inopfuura mina apo shamwari dzake nemhuri yake pavaitandaniswa kubva mudzimba dzavo. Basa raakanga apira hupenyu hwake kwariri raitaridzika kunge rakanga raparara. Chii chaunodzidza pamusoro paJesu Kristu kubva mumashoko Ake kuna Joseph muDzidziso neZvibvumirano 122? Chii chaunodzidza pamusoro paJoseph? Chii chaunodzidza pamusoro pako?

Onawo Aruma 7:11–13; 36:3; Dzidziso neZvibvumirano 88:6.

Mufananidzo
Jesu ari pasi muGetsemani

Not My Will, But Thine, (Kwete Kuda Kwangu, Asi Kwenyu), naWalter Rane.

Dzidziso neZvibvumirano 123

“Ngatiite zvinhu zvose nemufaro izvo zviri musimba redu.”

Muna Kurume 1839, zvingangova zvaitaridzika kuti hapana zvakawanda Vatendi zvavaikwanisa kuita kuti vashandure mamiriro ezvinhu avo akanga akaoma zvikurusa. Asi mutsamba dzake dzakanyorwa kubva Mujere reLiberty, Joseph akavaudza izvo zvavaikwanisa kuita: “[unganidzai] ruzivo rwezvokwadi zvose” uye “momira musingazungunuki, muine vimbiso hurusa, yekuona ruponeso rwaMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 123:1, 17). Apo paunofunga pamusoro penyengedzo uye “mano evanhu” munyika nhasi, funga pamusoro pezvinhu “zviri musimba [rako] ” kuzviita (ndima 12, 17). Sei zvakakosha kuita zvinhu izvi “nemufaro”? (ndima 17). Ndiani waunoziva “anoshaiwa chokwadi” (ndima 12), uye ungabatsira munhu uyu sei kuti achiwane?

Zhinji dzerondedzero idzo Joseph dzaakakumbira mutsamba iyi dzakapiwa kuhurumende uye dzikashambadzwa sezvikamu zvenhau gumi nechimwechete mubepanhau reNauvoo, rainzi Times and Seasons (Nguva neMwaka)

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 121:1–10.“Gomba” muJere reLiberty raiva rakakura zvaiita mafiti 14 paurefu nemafiti 14.5 paupamhi (mamita 4.2 ne4.4). Ungabatsira mhuri yako kufungidzira zvazvainge zviri kuvharirwa munzvimbo diki yakadaro kwemwedzi inotonhora mina? Unokwanisa kuwana rumwe ruzivo pamusoro pemamiriro akanga akaita zvinhu muJere reLiberty kubva “muChikamu 46: Joseph Smith muJere reLiberty” (Nyaya dzemuDzidziso neZvibvumirano, 172–74). ­ Ruzivo urwu runoshandura sei manzwiro ako pamusoro pemisimboti iri muDzidziso neZvibvumirano 121:1-10?

Dzidziso neZvibvumirano 121:34–36, 41–45.Zvimwe kushandisa enzaniso mukutsanangura kunokwanisa kubatsira mhuri yako kunzwisisa “masimba ekudenga.” Semuenzaniso, unokwanisa kuenzanisa simba raMwari kusimba remagetsi; chii chingadzivirira mudziyo unoshandisa magetsi kuti simba risvike kwauri? Enzaniso iyi pamwepo nendima 34–36, 41–45, zvinotidzidzisa chii pamusoro pemawedzero atingaita simba redu remweya? Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana nyaya kubva muupenyu hweMuponesi idzo dzinotaridza muenzaniso wehunhu uhwu

Dzidziso neZvibvumirano 122:7–9.Pamwe nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nekugadzira masaini madiki akanyorwa ndevo dzinobva mundima idzi idzo dzinovakurudzira. Masaini aya anokwanisa kuiswa panoonekwa nemumhu wese mumba menyu. Sei zvakakosha kuziva kuti “Mwanakomana weMunhu akadzikira pazasi” pezvinhu zvose?

Dzidziso neZvibvumirano 123:12Tinokwanisa kubatsira vamwe sei kuti “vazive … kwekuwana” chokwadi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­ ­

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Jere reLiberty

Apo paakanga akavharirwa mutirongo muLiberty, Missouri, Joseph Smith akagashira tsamba dzaimuudza pamusoro pemamiriro akaipa ezvinhu eVatendi vaMazuva Ekupedzisira avo vakanga vachitandaniswa kubva munyika kuburikidza nerairo yagavhuna. Tsamba yaibata mwoyo zvikuru yakabva kumudzimai wake Emma. Mashoko ake, uye tsamba dzaJoseph mukupindura, zvinotaura kutambudzika kwavo vese uye rutendo rwavo panguva yakanga yakaoma iyi munhuroondo yeChechi.

Tsamba yakanyorwa naEmma Smith kuna Joseph Smith, Kurume 7, 1839.

“Mudiwa Murume Wangu:

“Ndiine mukana wekutumira tsamba ino neshamwari, ndinoedza kunyora, asi handisi kuzoedza kutsanangura manzwiro angu ese, nokuti haakwanisi kutsanangurwa zvakazara. Izvi zvinodaro nokuda kwezvinhu zvakatiparadzanisi. madziro ejere, mazariro esimbi pamahwindo, nezvihuri pamikova, pamwepo nenzizi makomo, mipata, uye mapani izvo zviri pakati pekwandiri nekwauri. Uyewo, manzwiro angu haakwanisiki kutsanangurwa nokuda kweudzvinyiriri huneutsinye uhwo hwawakavharirwa nahwo mutirongo uye hwunoramba hwuchikuchengeta uri ikoko.

“Dai ndanga ndisingazivi kuti hatina mhosva, uye dai nyasha dzehumwari dzisina kupindira, ndine chokwadi chaizvo kuti ndingadai ndisina kukwanisa kutsungirira pakutambudzika kwandakasangana nako … ; asi ndichiri mupenyu uye ndichiri kuda kutambudzika zvakanyanya kana kuri kuda kweKudenga kune tsitsi kwekuti ndinofanira kutsungirira pazvinhu izvi kuitira iwe.

“Tose tiripo parizvino, kusara kwaFredrick uyo ari kurwara chaizvo.

“Mucheche Alexander uyo ari mumaoko angu izvozvo mwana akanaka zvinoshamisa. Akasimba zvokuti nerubatsiro rwekubatirira pachigaro anomhanya nemumupanda wose. …

“Hapana anoziva kusara kwaMwari mafungiro epfungwa dzangu uye manzwiro emwoyo wangu apo pandakasiya imba yedu nemusha wedu, pamwepo nezvizhinji zvezvinhu zvataiva nazvo kusara kwevana vedu vadiki, ndikapinda parwendo kubuda muNyika yeMissouri, ndichikusiya wakavharirwa mutirongo rinokusurikirwa iroro. Pfungwa yokusiya iwe nemusha wedu yakaoma kupfuura zvinofanira kunzwikwa nemunhu upi zvake.

“… ndinotarisira kuti kune mazuva arinani achirikuuya kwatiri. … Ndinogara ndiri wako anokuda.

“Emma Smith”1

Tsamba yakanyorwa naJoseph Smith kuna Emma Smith, Kubvumbi 4, 1839.

“Mudiwa—ane rudo—Mudzimai wangu.

“Husiku hweChina ndakagara pasi apo zuva parakanga rodoka, apo pataidongoresa nemumazariro esimbi etirongo rino rinekushurikirwa, kuti ndinyore kwauri, kuitira kuti ndikutaurire pamusoro pemamiriro ezvinhu angu. Ndinobvuma kuti zvino yava mwedzi mishanu nemazuva matanhatu2 ndichirindwa nguva dzose najerigadhi akashatirwa, uye mukati memadziro, mazariro esimbi, uye magonhi etirongo rinekushurikirwa, rinerima, uye rinetsvina. Nemanzwiro anozivikanwa chete naMwari ndinonyora tsamba ino. Pfungwa dzandiinadzo mumamiriro ezvinhu ano hadzikwanisiki kunyora pasi kana kutaura, kana kuti ngirozi dzitsanangure kune mumwe munhu asina kumbosangana nezvatakasangana nazvo. … Tinovimba paruoko rwaJehovah, uye hapana mumwe, kuti tiwane rununuro rwedu, uye kana akasazviita, hazvizoitwi, ndinokuvimbisa izvozvo, nokuti vanhu vakawanda munyika ino vanoda kutiuraya, kwete nokuda kwekuti tine mhosva yechinhu chipi zvacho. … Mudiwa wangu Emma ndinokufunga iwe nevana nguva dzose. … Ndinoda kuona Frederick, Joseph, Julia, Alexander, Joana, uye mudhara mukuru [imbwa yemhuri]. … Nemufaro ndingafamba kubva kuno kuuya kwauri ndisina shangu, uye ndisina nguwani, uye ndisina sheti, kuzokuona uye hazvimbozotaridzika sezvakaoma, zvinozotaridzika sechinhu chakanakisisa. Ndinotakura neushingi kudzvinyirirwa kwangu kwose, uye avo vaneni vanoitawo kudaro, hapana kana mumwechete wedu ati ambokundikana. Ndinoda kuti usarega [vana vedu] vachindikanganwa. Vaudze kuti Baba vanovada nerudo rwakarurama, uye kuti varikuita zvose zvavanokwanisa kuti vabve pamhomho yevakaipa vauuye kwavari. … Vaudze kuti Baba vati vanofanira kuva vana vakanaka, uye vateerere kuna mai vavo. …

“Mudiwa Wako,

“Joseph Smith, Mwana”3

Zvinyorwa

  1. Letter from Emma Smith, 7 March 1839,” Letterbook 2, 37, josephsmithpapers.org; kuperengera, zvimiso, uye girama zvakaitwa zvemazuvano.

  2. Joseph nevafambidzani vake vakasungwa musi waGumiguru 31, 1838, uye vakachengetwa vachirindwa zvikurusa masikati neusiku. Mushure momutongo wekutanga muRichmond, Missouri, vakatorwa vakaendeswa kuJere reLiberty musi waZvita 1.

  3. Letter to Emma Smith, 4 April 1839,” 1–3, josephsmithpapers.org; kuperengera, zvimiso, uye girama zvakaitwa zvemazuvano.

Mufananidzo
Joseph Smith ari Mujere reLiberty

Apo Joseph Smith paaitambura ari muJere reLiberty, Ishe vakamunyaradza uye vazarura zvokwadi zvikuru kwaari.

Dhinda