Dzidziso neZvibvumirano 2021
Gumiguru 11–17. Dzidziso neZvibvumirano 115–120: “Kuzvipira Kwake Kuchava Kunoyera Zvikuru kwaNdiri, Kupinda Upfumi Hwake”


“Gumiguru11–17. Dzidziso neZvibvumirano 115-120: ‘Kuzvipira Kwake Kuchava Kunoyera Zvikuru kwaNdiri, Kupinda Upfumi Hwake,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Gumiguru11–17. Dzidziso neZvibvumirano 115–120,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Far West

Far West, naAl Rounds

Gumiguru 11–17

Dzidziso neZvibvumirano 115–120

Dzidziso neZvibvumirano “Kuzvipira Kwake Kuchava Kunoyera Zvikuru kwaNdiri, Kupinda Upfumi Hwake”

Mwari vanoda kutaura newe. Apo paunonzvera magwaro matsvene, namata uye Vakumbire kuti vakubatsire kuwana mashoko Avo kwauri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Vatendi vakanga vaine zvikonzero zvakanaka zvekuti vakwanise kuve netariro yakanaka pamusoro penzvimbo yavo itsva yekuungana, Far West, Missouri, muna Chikunguru 1838. Guta iri rakanga richikura nekukurumidza, nzvimbo yacho yairatidzika kuva nemaguta, uye zvakaratidzwa kuti chinhambwe chipfupi kuchamhembe kwaive neAdama-ondi-Amani, nzvimbo yakakosha zvikurusa pane zvemweya (ona Dzidziso neZvibvumirano 107:53–56116). Asi zvakadaro, zvinofanira kuve zvakanga zvakaomera Vatendi kuti vasafunge pamusoro pezvavakanga varasikirwa nazvo. Vakanga vadzingwa kubva kuIndependence, iyo yakanga yamiswa senzvimbo huru yeZioni, uye zvakaratidzika sokuti havaisazokwanisa kudzokerako. Pamusoro pezvo, Vatendi vakamanikidzwa kutiza kuKirtland, Ohio, vachisiya tembere yavo inodiwa mushure memakore maviri chete temberi yapedzwa kuvakwa. Uye panguva iyi vakanga vasiri vavengi vekunze kweChechi chete vaikonzera dambudziko—nhengo zhinji dzaizikanwa zvikuru dzakanga dzapandukira Joseph Smith, kusanganisira Zvapupu Zvitatu zveBhuku raMormoni nenhengo ina dzeVane Gumi neVaviri. Vamwe vangangodai vakanetseka kuti, Humambo hwaMwari zvechokwadi hwuri kuramba hwuchisimba here kana kuti hwava kushaya simba?

Asi vakatendeka havana kurega zvinetso zvakadaro zvichivamisa. Panzvimbo yaizvozvo, vakatanga kuvaka nzvimbo tsvene itsva, panguva ino muFar West. Vakaita zvirongwa zvetemberi itsva. VaApositora vana vatsva vakadaidzwa, kusanganisira vaviri—John Taylor naWilford Woodruff—avo pashure vakazova Vatungamiri veChechi (ona Dzidziso neZvibvumirano 118:6). Vatendi vakadzidza kuti kuita basa raMwari hazvireve kuti haumbofa wakapunzika; zvinoreva kuti “unosimuka zvakare.” Uye kunyangwe iwe uchizofanira kuregedza zvimwe zvinhu, kuzvipira ikoko kunozova kunoyera kuna Mwari, kunyange “kuyera zvikuru … kupinda upfumi [hwako]” (Dzidziso neZvibvumirano 117:13).

Ona Saints, 1:296–99

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 115:4–6

Zita reChechi rakasarudzwa naIshe.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati zita reChechi “inyaya yakakosha zvikurusa” (“Zita Kwaro reChechi,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2018, 87). Funga pamusoro pechikonzero chekuti sei zita reChechi rakakosha apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 115: 4–6. Zita reChechi rine chekuita nebasa nechinangwa cheChechi sei?

Onawo 3 Nifai 27:1–11.

Dzidziso neZvibvumirano 115:5–6

Zioni nemasiteki ayo zvinopa “utiziro kubva kudutu.”

Kunyangwe nematambudziko aisanganikwa nawo neVatendi muna 1838, Ishe vakanga vachine tarisiro huru kwavari. Tsvaga mashoko muDzidziso neZvibvumirano 115:5–6 anosimbisa basa rinodiwa naIshe kuti rizadzikiswe munyika neChechi Yavo nenhengo dzayo. Semuenzaniso, chii chaunonzwa kuti unofanira kuita kuti “usimuke uye upenye”? (ndima 5). Ndeapi madutu ezvemweya aunocherechedza akakukomberedza, uye tinowana sei “utiziro” kuburikidza nekuungana? (ndima 6).

Onawo 3 Nifai 18:24.

Dzidziso neZvibvumirano 117

Kuzvipira kwangu kunoyera kuna Ishe.

Kusiya Kirtland kungangova kwakanga kwakanyanya kuomera vanhu vakaita saNewel K. Whitney, uyo akanga amisa upenyu hwakabudirira hwemhuri yake ikoko. Chii chaunowana muDzidziso neZvibvumirano 117:1–11 chingangova chakavabatsira kuita kuzvipira uku? Ndima idzi dzinoshandura sei maonero ako pane izvo zvakakosha zvechokwadi?

Kuzvipira kwakakumbirwa kubva kuna Oliver Granger kwakanga kwakasiyana nekwevamwe: Ishe vakamupa basa rekuti agare muKirtland agadzirise nekuunganidza mari dzeChechi. Raive basa rinorema, uye kunyangwe zvake akamiririra Chechi nekutendeka, pakupedzisira haana kuunganidza mari yakawanda. Funga pamusoro pekuti manzwi aIshe mundima 12—15 angashande sei kuzvinhu zvawakakumbirwa naIshe.

Onawo Mateo 6:25-33

Mufananidzo
Adama-ondi-Amani muRuwa rweDaviess, Missouri

Newel K. Whitney akarairwa kuti atamire kuAdama-ondi-Amani, iri pamufananidzo uno.

Dzidziso neZvibvumirano 119–20

Nekubhadhara chegumi, ndinobatsira kuvaka uye “kutsvenesa nyika yeZioni.”

Mirairidzo iri muzvikamu 119 uye 120 inoratidzika kuva yakafanana nenzira yekutsigirwa kunoitwa basa raIshe nemari munguva yedu. Nhasi, Vatendi vanopa “gumi kubva muzana reupfumi hwese hwavanowana [zvinonzwisiswa iyezvino semari inotambirwa] pagore” (Dzidziso neZvibvumirano 119:4), uye mashandisirwo emari iyi anotaririrwa nedare rinosanganisira Vatungamiriri Vekutanga, Chikwata cheVane Gumi neVaviri, uye Vatungamiri veHubhishopiriki. Funga pamusoro pemibvunzo inotevera paunenge uchidzidza zvikamu izvi:

Onawo Maraki 3:8–12.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 115:4–6.Ungakwanisa here kuronga kuti mhuri yako iverenge ndima idzi muchiona zuva richibuda? Zvinogona kukubatsirai kukurukura zvazvinoreva “kusimuka uye kupenya” (ndima 5). Kana kuti munogona kukurukurawo kuti zvakaita sei kutsvaga pekuhwanda pakunenge kune dutu. Chiitiko ichi chingafanane sei nekuwana “utiziro” muChechi? (ndima 6). Unokwanisa zvino kutaura pamusoro penzira idzo mhuri yako yadzingabatsire vamwe kuti vawane utiziro hunopihwa neChechi.

Dzidziso neZvibvumirano 117:1–11.Mhuri yako inogona kuenzanisa “donhwe” nechimwe chinhu chine “huremu hukuru” (ndima 8) sejagi remvura. Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pezvinhu zvisina kunyanya kukosha muupenyu hwedu izvo zvinogona kutitadzisa kuwana maropafadzo mazhinji aMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 119­ Chii chinodzidziswa nechikamu 119 pamusoro pekuti sei tichibhadhara chegumi? Vana vadiki vanokwanisa kuwanawo pundutso kubva pachidzidzo chinoshandisa zvinhu zvavanokwanisa kubata: unokwanisa kuvapa zvinhu zvidiki, kuvabatsira kutsvaga chikamu chegumi kubva muzana, uye wovaudza kuti sei uchibhadhara chegumi. ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­ “,”

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Kurudzira kuzviriritira. “Kana [nhengo dzemhuri] dziine mibvunzo, dzimwe nguva zviri nani kuvadzidzisa kuti vangawane sei mhinduro pachezvavo, panzvimbo pekupindura mibvunzo pakarepo” (Teaching in the Savior’s Way, 28).

Mufananidzo
mashandisirwo echegumi

Kupa gumi redu kubva muzana kuna Ishe sechegumi kunobatsira kufambisa mberi basa Ravo rekuponesa.

Dhinda