Dzidziso neZvibvumirano 2021
Gunyana 13–19. Dzidziso neZvibvumirano 102-105: “Mushure meMatambudziko Akawanda … Kunouya Maropafadzo”


“Gunyana 13–19. Dzidziso neZvibvumirano 102–105: ‘Mushure meMatambudziko Akawanda … Kunouya Maropafadzo,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Gunyana 13–19. Dzidziso neZvibvumirano 102–105,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
varume vane ngoro

C. C. A. Christensen (1831–1912), Zion’s Camp (Musasa weZioni), zvingangova muna 1878, pendi isingadzimi yakashandiswa pajira rekotoni), mainjisi 78 × 114) Brigham Young University Museum of Art, chipo chevazukuru vaC. C. A. Christensen, 1970

Gunyana 13–19

Dzidziso neZvibvumirano 102–105

“Mushure meMatambudziko Akawanda… Kunouya Maropafadzo”

Ndeipi misimboti kubva muDzidziso neZvibvumirano 102-5 yakakosha kwauri? Funga kunyora pasi pfungwa dzako uye nemanzwiro ako pamusoro pemisimboti iyi.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Vatendi muKirtland vakarwadziwa mwoyo zvikuru kunzwa kuti mabhuratha nemasisita avo muJackson County, Missouri, vakanga vachidzingwa nechisimba kubva mudzimba dzavo. Zvinofanira kuve zvaikurudzira, ipapo, apo Ishe pavakazivisa kuti “rununuro rweZioni” rwaizouya “nesimba” (Dzidziso uye Zvibvumirano 103: 15). Nevimbiso iyoyo mumwoyo yavo, varume vanopfuura 200, pamwepo nemadzimai nevana vangangosvika 25, vakanyoresa mazita avo mune wavaidaidza kuti Musasa weIsraeri, wakazozivikanwa pashure seMusasa weZioni. Chinangwa chawo chaiva chokuenda kuMissouri kunonunura Zioni.

Kunhengo dzemusasa, kununura Zioni kwaireva kudzorera Vatendi kunzvimbo yavo. Asi musasa usati wasvika muJackson County, Ishe vakaudza Joseph Smith kuti amise uye aparadzire Musasa weZioni. Dzimwe nhengo dzemusasa dzakavhiringidzika uye dzakagumbuka nerairio itsva iyi; kwavari, zvaireva kuti rwendo rwacho rwakanga rwakundikana uye zvivimbiso zvaIshe zvakanga zvisina kuzadzikiswa. Vamwe, zvisinei, vakazviona zvakasiyana. Kunyange Vatendi avo vakanga vadzingwa vasina kuzombodzokera kuJackson County, chiitiko ichi chakaunza mwero “werununuro” kuZioni, uye rwakauya “nesimba.” Nhengo dzakatendeka dzeMusasa weZioni, avo vazhinji vavo pashuure vakazova vatungamiriri veChechi, vakapupura kuti chiitiko chakasimbisa rutendo rwavo musimba raMwari, mukudaidzwa kwehumwari kwaJoseph Smith, uye muZioni—kwete chete Zioni nzvimbo asi Zioni vanhu vaMwari. Pane kugunun‛una kukosha kwebasa iri rairatidzika serisina kubudirira, vakadzidza kuti basa chairo ndere kutevera Muponesi, kunyange apo patinenge tinganzwisise zvinhu zvese. Aya ndiwo manunurirwo achaitwa Zioni, pakupedzisira.

­

Mufananidzo
rwizi rudiki

Musasa weZioni wakagara padivi pemahombekombe eRwizi Little Fishing, urwo rwunoratidzwa pano.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 102:12–23

Ndechipi chinangwa chemirairidzo iri mundima idzi?

Chikamu 102 chine maminetsi emusangano muKirtland, Ohio, umo makarongwa dare rekutanga repamusoro reChechi. Ndima 12–23 dzinotsanangura nzira dzinoteverwa nematare apamusoro apo pavanenge vachiita matare ekutsiura avo vanenge vakaita zvitadzo zvakakomba.

Mutungamiri M. Russell Ballard vakadzidzisa kuti, “Nhengo dzimwe nguva dzinobvunza kuti sei matare ekutsiura eChechi achiitwa. Pane zvinangwa zvitatu zvikuru: kuponesa mweya wemutadzi, kudzivirira vasina mhosva, uye kuchengetedza kuchena nekutendeka kweChechi, uye zita rakanaka reChechi”(“A Chance to Start Over: Church Disciplinary Councils and the Restoration of Blessings,” Ensign Gunyana 1990, 15

­

Dzidziso neZvibvumirano 103:1–12, 36; 105:1–19

Zioni inokwanisa kuvakwa chete pamitemo yeururami.

Sei Vatendi vakarasikirwa nenyika yavo yechipikirwa muMissouri? Uye sei Ishe vasina kubvumira Musasa weZioni kuti uvadzorere kunzvimbo dzavo? Zvirokwazvo zviito zvechisimba zvemhomho yeMissouri zvakava nechokuita nazvo, uye gavhuna weMissouri akanga avimbisa tsigiro kuVatendi asi haana kuzomboipa. Asi Ishe vakati “dai pasina zvitadzo zvevanhu vangu,” Zioni “ingadai yakanunurwa”Dzidziso neZvibvumirano 105:2 Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 103:1–12, 36; 105:1–19, ungangocherechedza zvimwe zvinhu zvakatadzisa kumiswa kweZioni muMissouri nezvimwe izvo zvingadai zvakabatsira. Chii chaunodzidza chinokwanisa kukubatsira kumisa Zioni mumwoyo nemumba mako?

Dzidziso neZvibvumirano 103:12–13; 105:1–6, 13–19

Maropafadzo anouya mushure mematambudziko nemiyedzo yerutendo.

Nenzira dzakawanda, kutora chinhanho muMusasa weZioni kwaive kuyedzwa kwerutendo. Rwendo rwacho rwakanga rwakareba, mamiriro ekunze aipisa, uye zvokudya nemvura dzimwe nguva zvaishaikwa. Uye mushure mezvose zvavakashingirira pazviri, Vatendi vakanga vasingakwanise kudzokera kunzvimbo yavo. Funga kuti misimboti iri muDdzidziso neZvibvumirano 103:12–13 uye 105:1–6, 13–19 ingadai yakabatsira sei nhengo dzeMusasa weZioni idzo dzakanetsekana kana murairo wekuronga wakanga wabva zvechokwadi kuna Mwari pakutanga. Misimboti iyi ingakubatsira sei mumiyedzo yerutendo yako pachako?

Unokwanisawo kuverenga nezvezviitiko zvenhengo dzeMusasa weZioni “muVoices of the Restoration” kwekupedzisira kwechirongwa chedzidzo chino. Chii chinokufadza pamusoro mafungiro avo? Chii chaunokwanisa kudzidza kubva pamienzaniso yavo?

­

Dzidziso neZvibvumirano 104:11–18, 78–83

Ndiri “mutariri pamusoro pezvikomborero zvepanyika.”

Pamusoro pemiyedzo muMissouri, muna 1834 Chechi yakatarisana nematambudziko emari, kusanganisira zvikwereti uye zvinhu zvekubhadhara zvairema. Mune chikamu 104 Ishe vakapa rairo pamusoro pemamiriro ezvinhu emari eChechi. Ungashandise sei misimboti iri mundima 11–18 uye 78–83 kusarudzo dzako pachako dzezvemari?

­

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 103:12, 36; 105:9–13..Mhuri yako (kana mumwe wemadziteteguru ako) akambokumbirwa here kuti aite chimwe chinhu chisina kuzobuda nenzira yawaitarisira? Chii chaungadzidza kubva pane zvakaitwa nenhengo dzeMusasa weZioni apo rwendo rwavo parusina kuzobuda sezvavaitarisira? (ona “Manzwi Ekudzorerwa” kwekupedzisira kwechirongwa chino).

Dzidziso neZvibvumirano 104:13–18.Chii chatakapiwa naIshe? Chii chaVanotarisira kuti tiite nezvinhu izvi?

Dzidziso neZvibvumirano 104:23–46.Mhuri yako inokwanisa kutsvagurudza ndima idzi kuti vawane kuti kangani Ishe kavanovimbisa “kuwedzera zvikuru maropafadzo” (ndima 23) kuna avo vakatendeka. Pamwe ino ingava nguva yakanaka “yekuverenga zvikomborero zvako” (“Verenga Zvikomborero Zvako,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 14) uye kurukurai kuti kuverenga zvikomborero zvedu kungatibatsira sei panguva dzakaoma. Vana vadiki vanogona kunakidzwa nekudhirowa mifananidzo yemaropafadzo avanonyanya kutenda nawo.

Dzidziso neZvibvumirano 105:38–41.Tingaite sei “zvirongwa zverunyararo” () apo vamwe pavanotibata zvisina kunaka kana zvisina ruenzaniso? Chii chatingaite kuti tive “mureza werunyararo” (ndima 39) mumba medu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapiwa “Verenga Zvikomborero Zvako,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 14.

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Musasa weZioni

Nekuda kwekuti Musasa weZioni hauna kuzombodzorera Vatendi kunzvimbo dzavo muJackson County, vanhu vazhinji vakafunga kuti kuedza kwavo kununura Zioni kwaiva kwakundikana. Zvisinei, vatori vechinhanho vazhinji veMusasa weZioni vakatarisa kumashure pachiitiko chavo uye vakaona kuzadzikisa kwakaita Ishe chinangwa chikurusa muhupenyu hwavo uye nemuumambo Hwavo. Hehwuno humwe uchapupu hwavo.

Joseph Smith

Mufananidzo
Joseph Smith

Makore anodarika 40 mushure meMusasa weZioni, Joseph Young, uyo akanga ari nhengo yemusasa, akarondedzera kuti Joseph Smith akataura zvinotevera:

“Mabhuratha, vamwe venyu makandishatirirwa, nekuti hamuna kurwa muMissouri; asi regai ndikuudzei, Mwari vakanga vasingade kuti murwe. Havaikwanisa kuronga humambo hwavo nevarume gumi nevaviri kuti vaunze vhangeri kunyika dzepasi, uye nevarume makumi manomwe vari pasi pehutungamiri hwavo kuti vatevere munzira dzavo, kunze kwekunge vaivatora kubva muchikwata chevarume vakanga vapira upenyu hwavo, uye avo vakanga vaita kuzvipira kukurusa sezvakaitwa naAbrahama.

“Zvino, Ishe vava neGumi neVaviri vavo uye Makumi Manomwe avo, uye pachava nezvimwe zvikwata zveMakumi Manomwe zvichadaidzwa, zveavo vachazvipira, uye avo vasati vaita mipiro yavo nezvipo zvavo iyezvino, vachazozviita mushure mepano.”1

Brigham Young

Mufananidzo
Brigham Young

“Patakasvika muMissouri Ishe vakataura kumuranda wavo Joseph vakati, ‘Ndatambira chipo chako,’ uye takave nekodzero wekudzokera zvakare kudzimba dzedu. Pakudzoka kwangu shamwari zhinji dzakandibvunza kuti zvaive nechimuko chei mukudaidza varume kusiya mabasa avo emazuva ose kuti vaende kuMissouri uye vobva vadzoka, vasina kubudirira pane chinhu chipi zvacho. ‘Ndiani akapundutswa nazvo?’ Vakabvunza. ‘Kana Ishe vakaraira kuti zviitwe, vaive nechinangwa chei mukuita kudaro?’… Ndakaudza mabhuratha aya kuti ndakapiwa mubairo mukurusa—ndakapiwa mubairo wakawedzerwa pamusoro kakawanda—hongu kuti chiyero changu chakazadzwa nepamusoro neruzivo rwandakanga ndagamuchira kuburikidza nekufamba neMuporofita.”2

Wilford Woodruff

Mufananidzo
Wilford Woodruff

“Ndakanga ndiri muMusasa weZioni neMuporofita waMwari. Ndakaona kubata kwaMwari naye. Ndakaona simba raMwari riinaye. Ndakaona kuti aive Muporofita. Izvo zvakaratidzwa kwaari nesimba raMwari pamusoro pebasa iroro zvaive zvakakosha kwandiri uye kune vese vakagamuchira mirairidzo yake.”3

“Apo nhengo dzeMusasa weZioni padzakadaidzwa vazhinji vedu vakanga vasati vamboonana pazviso’ takanga tiri vatorwa kune mumwe nemumwe uye vazhinji vakanga vasati vamboona muporofita. Taigara munzvimbo dzakasiyana siyana, kunge chibage chakapepetwa musefa, nemunyika yose. Takanga tiri majaya echidiki, uye takadaidzwa pazuva iroro rekutanga kuti tiende kunonunura Zioni, uye izvo zvataifanira kuita zvaifanira kuitwa nerutendo. Takaungana pamwechete kubva kuMatunhu akasiyana-siyana paKirtland uye takaenda kunonunura Zioni, mukuzadzikisa murairo waMwari kwatiri. Mwari vakagamuchira mabasa edu sezvavakaita mabasa aAbrahama. Takabudirira zvikurusa, kunyangwe zvazvo vapanduki nevasingatendi nguva kazhinji vaibvunza mubvunzo wekuti ‘chii chamakaita?’ Takawana ruzivo rwataisambofa takakwanisa kuwana [mune] imwe nzira ipi zvayo. Takava nepundutso yekuona chiso chemuporofita, uye takave nepundutso yekufamba mamaira churu naye, uye nekuona kushanda kwemweya waMwari naye, uye nezvakazarurwa zvaJesu Kristu kwaari uye nekuzadzikiswa kwezvakazarurwa izvozvo. Uye akaunganidza magosa angangoita mazana maviri kubva munyika yese munguva iyoyo yekutanga yenhoroondo yeChechi uye akatitumira nepanyika pose kunoparidza vhangeri raJesu Kristu. Dai ndakanga ndisina kuenda neMusasa weZioni ndingadai ndisiri pano nhasi [muSalt Lake City, ndichishandira muChikwata chevane Gumi neVaviri]. … Nekuenda kuMissouri takakandwa mumunda wemizambiringa kunoparidza vhangeri, uye Tenzi vakagamuchira mishando yedu. Uye mumishando yedu yose nemukutambudzwa kwedu kwose, neupenyu hwedu kazhinji huri panjodzi, taitofanira kushanda uye nekurarama nerutendo. ”

“Ruzivo rwatakawana mukufamba muMusasa weZioni rwaikosha kupfuura goridhe.”

Zvinyorwa

  1. MuJoseph Young Baba, History of the Organization of the Seventies (1878), 14.

  2. Discourse,” Deseret News, Zvita. 3, 1862, 177.

  3. Murondedzero yeMusungano Mukuru, Kubvumbi 1898, 29–30; onawo Teachings of Presidents of the Church: Wilford Woodruff (2004), 135.

Mufananidzo
Musasa weZioni parwizi

Zion’s Camp (Zion’s Camp at Fishing River ) Musasa weZioni (Musasa weZioni paFishing River), naJudith A. Mehr

Dhinda