Chikamu 129
Mazwi akapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paNauvoo, Illinois, 9Â Kukadzi 1843, achizivisa nezvemakiyi makuru matatu ayo anoratidza nzira kwayo yekusiyana kwengirozi dzinosumira nekwemweya (History of the Church, 5:267).
1–3, Kudenga kune yose, miviri yakamutswa kuvakafa, nemiviri yemweya; 4–9, Makiyi anopihwa ayo ekuti vatumwa vanobva seri kwechidzitiro vakwanise kuzivikanwa.
1 Kune ndudzi mbiri dzinorarama kudenga dzinoti. Ngirozi, dziri vanhu vakamutswa kubva kuvakafa, vane miviri yenyama nemapfupa—
2 Semufananidzo, Jesu akati: Ndibatei muone, nokuti mweya hauna nyama nemapfupa, sezvamuri kuona ndiinazvo.
3 Chechipiri: mweya yavanhu vatsvene vakanatswa, avo vasina kumutswa kuvakafa, asi vanowana kubwinya kumwecheteko.
4 Kana mutumwa akauya achiti ane mashoko kubva kuna Mwari, mupe ruoko rwako umukumbire kuti akwazisane maoko newe.
5 Kana ari ngirozi anozviita, uye unonzwa ruoko rwake.
6 Kana ari mweya wemunhu mutsvene akanatswa anouya ari mukubwinya kwake; nokuti ndiyo nzira chete yaangaonekwe nayo—
7 Mukumbire kuti mugwinane maoko newe, asi haatsukunyuke, nokuti hazvipindirane nehurongwa hwekudenga kuti munhu akanaka anyengedze; asi anozongopa mashoko ake.
8 Kana ari dhiabhorosi achizviita sengirozi yechiedza, kana ukakumbira kukwazisa ruoko rwake anokupa ruoko rwake, uye hauna kana chaunonzwa; unobva wakwanisa kumuziva nokudaro.
9 Aya ndiwo makiyi matatu makuru amungazive nawo kana kupi zvako kushandira kuti kuri kubva kuna Mwari.