Chikamu 22
Zvakazarurwa zvakapihwa nekuna Joseph Smith Muporofita, paManchester, New York, Kubvumbi 1830 (History of the Church, 1:79–80). Chakazarurwa ichi chakapihwa kuChechi nekuda kwevamwe vakanga vakambobhabhatidzwa vachida kubatana neChechi pasina kubhabhatidzwa zvakare.
1, Rubhabhatidzo chibvumirano chitsva uye chisingaperi; 2–4, Rubhabhatidzo rwune mvumo ndirwo rwunodikanwa.
1 Tarisai, ndinoti kwauri zvose zvibvumirano zvakare ndaita kuti zvibviswe kuburikidza nechinhu ichi; uye ichi chibvumirano chitsva chisingaperi, icho chakabvira pakutanga.
2 Nokudaro, kana dai munhu akabhabhatidzwa kazana hapana chazvinomuyamura, nokuti haungapinde nepakamusuwo kakamanikana nemutemo waMosesi, kana nemabasa ako akafa.
3 Nokuti pamusoro pemabasa enyu akafa ndaita kuti ndiite chibvumirano ichi chekupedzisira nechechi ino kuti zvivakirwe ini, kana semazuva akare.
4 Nokudaro, pindai nepamusuwo, sekuraira kwandaita, uye musatsvake kuraira Mwari venyu. Ameni.