2011
Ndinokwanisa Kuwana Mhinduro kuburikidza neMusangano Mukuru
Gunyana 2011


Vana

Ndinokwanisa Kuwana Mhinduro kuburikidza neMusangano Mukuru

Mutungamiri Uchtdorf vanodzidzisa kuti kana ukafunga mimwe mibvunzo musangano mukuru usati waitwa, Ishe vanokwanisa kutaura kwauri kuburikidza nevaporofita nevaapositori Vavo munguva yemusangano.

  1. Semhuri kana kirasi, kurukurai zvamunoda kudzidza, semunhu pachake kana pamwechete. (Semuenzaniso: Ndinosimbisa uchapupu hwangu sei? Ndinogadzirisa sei dambudziko kuchikoro?) Pabepa kana mubhuku rejonari, nyora pasi mibvunzo yako.

  2. Mumasvondo anoteverwa nemusangano, unokwanisa kufunga nekunamata pamusoro pemibvunzo iyi.

  3. Nyatsoteerera mumusangano (zvingangobatsira kunyora manotsi). Zvino wozonyora kuti Ishe — kuburikidza nevatungamiri veChechi — vapindura sei mibvunzo yako.

  4. Pane rimwe bepa, unokwanisa kuita mufananidzo wako iwewe uchiita zvawadzidza.

Dhinda