2011
Zvakanaka, Zvakanakisa, Zvakanakisisa
Gunyana 2011


Vechidiki

Zvakanaka, Zvakanakisa, Zvakanakisisa

Munhaurwa yake yemusangano mukuru waGumiguru 2007, Gosa Dallin H. Oaks veChikwata cheVapositori Gumi Nevaviri vakataura nezvekuita “zvakanaka, zvakanakisa, uye zvakanakisisa.” Pavakasvika pachikamu chepamusoro “pekuwanziswa kwezvirongwa zvekuita zvevana,” ndakanzwa kunyara nemhosva ndiri muchigaro changu.

Ndakaziva kuti ndaiita zvakawandisa. Ndaiva mumitambo yechikoro, ndichitora zvidzidzo zvinogozha muchikoro, uye ndaiva munezvimwe zvokuita zvakawanda. Ndakanga ndisingaende zvakakwana kumisangano yeVasikana Vechidiki, uye misi yeSvondo yangu yakanga izere nekunetseka kwekuedza kupedza nenguva diki basa rechikoro rinoitirwa kumba. Kudzidzira mumhanzi nekugadzirisa zvinyorwa zvebepanhau rechikoro zvakanga zvarasikirwa nemwero wazvo wekunakidza uye zvakanga zvavabasa.

Nhaurwa yaGosa Oaks yakaita kuti nditarise zvakanaka zvirongwa zvangu zvekuita. Zvekuita zvangu zvakanga zvakanaka, asi zvakanga zvakawandisa. Ndakasarudza zvakanakisisa zvacho. Apo ndaiedza kusarudza kuti ndezvipi zvekuita zvekusiya, ndakaona kuti vhangeri raJesu Kristu rakanga riri chekutanga chakanakisisa chinokwanisa kuvanaani zvake. Ndakaisa munamato nekudzidza magwaro matsvene pamusoro pehurongwa hwezvinhu hwangu, uye kubva ipapo, upenyu hwangu hurikufamba zvakatsetseka zvirinani.

Gosa Oaks vakandidzidzisa kuti kana tichiita izvo zvinodikanwa naIshe kuti tiite kutanga, zvimwe zvose zvinopinda munzvimbo zvakanaka. Kana ndikadzidza magwaro angu matsvene ndisati ndatamba mitambo kana kunyange ndisati ndaita basa rangu rechikoro rekuitira kumba, zvose zvinokosha zvinoitwa. Kana ndikamisa upenyu hwangu panaIshe, kunze kwekuVaisa kwekupedzisira, upenyu hwangu hunemwero wakawedzerwa werunyararo nebudiriro.

Iye zvino ndavakunyatsoteerera kurairo inopihwa pamusangano mukuru!

Mufananidzo naPaul Mann

Dhinda