Shoko reDzidziso yeKushanyirana, RAGUNYANA 2011
Kusimbisa Mhuri nemuKuwedzera zveMweya
Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsire kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.
Julie B. Beck, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro, akati: “Mandiri makura uchapupu hwakasimba hwekukosha kwevanasikana vaMwari. … ndinozwa kuti hakuna kumbove nekudikanwa kukuru kwerutendo rwakawedzerwa neururami hwakawedzerwa hwako pachako. Hakuna kumbova nekudikanwa kukuru kwemhuri nedzimba dzakasimba.”
Masisita anokwanisa kubatsira kumisa dzimba nemhuri dzakasimba apo vanoshandisa kuziviswa kwavo pachako. “Kwaniso yekukodzera, kutambira, nekushandisa kuziviswa kwako pachako ndihwo hunyanzvi humwechete hunokoshesesa hunokwanisa kuwanikwa muupenyu huno,” Sisita Beck vakaenderera mberi. “Kukodzera Myeya waMwari kunotanga nechido cheMweya iwoyo uye zvinoratidza mumwe mwero wekodzero. Kuchengeta mirairo, kutendeuka, nekuvandudza zvibvumirano zvakaitwa parubhabhatidzo zvinotungamirira kuropafadzo rekuva neMweya waIshe uinesu nguva dzose. Kuita nekuchengeta zvibvumirano zvetemberi zvinowedzerawo ushingi nesimba remweya kuupenyu hwemukadzi. Mhinduro zhinji kumibvunzo yakaoma dzinowanikwa nekuverenga magwaro matsvene nokuti magwaro matsvene ndiwo rubatsiro kukuziviswa. … Kunamata mazuva ose kwakakosha pakuva neMweya waMwari uinesu.”1
Tinosimbisawo nhengo dzemhuri dzedu pamweya apo tinovabatsira kunzwisisa chirongwa chaBaba Vekudenga chekusingaperi. “Chii chatingaite kugadzirira vana vedu zvirinani pamweya kuitira mabasa avo ekusingaperi?” vakabvunza Gosa M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositori Gumi Nevaviri. “Zvichida mhinduro yakanyatsokwana ndeyekuti: Vadzidzisei kurarama misimboti yevhangeri.” Kudzidzisa uku kunouya kuburikidza nomunamato mazuva ose, nokudzidza magwaro matsvene, uye munguva dzekudya dzemhuri pamwepo nemunguva yemhuri pamba manheru uye nokuenda kuChechi svondo rega-rega. Gosa Ballard vanotsanangura: “Tinogadzirira upenyu husingaperi, iyezvino, zuva rega-rega. Kana tisiri kugadzirira upenyu husingaperi, tirikugadzirira chimwe chinhu chakaderera, zvichida chimwe chinhu chakanyanyisa kuderera.”2
Kubva muMagwaro Matsvene
Zvirevo 22:6; 1 Johane 3:22; Dzidziso neZvibvumirano 11:13–14; 19:38; 68:25
Kubva muNhoroondo Yedu
Muporofita Joseph Smith vakadzidzisa masisita mumusangano weChita cheRubatsiro waKubvumbi 1842 kuti vanesungiro inoyera yekutsvaga ruponeso rwavo pachavo. Vakati, “Mushure merairo [yangu], munenge mavakuzozvipindurira pazvitadzo zvenyu; rukudzo runodikanwa kuti mufambe saizvozvo pamberi paBaba vedu vekudenga kuti muzviponese; tese tinopindura kuna Mwari nenzira yatinonatsa chiedza neuchenjeri zvinopihwa naIshe vedu kuti tikwanise kuzvinopensa.”3 Vakavadzidzisa kuva vanhu vakarurama, kuva vanhu vatsvene, uye kuti vagadzirire zvisungo nezvibvumirano zvetemberi.
© 2011 ne Intellectual Reserve, Inc. Ndiyo chete inekodzero dziripamutemo dzekushandiswa kwechinyorwa chino. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/10. Mvumo yekududzirwa: 6/10. Dudziro ye Visiting Teaching Message, September 2011. Shona. 09769 731