2011
Musangano Mukuru—Harisi Rinongova Ropafadzowo Zvaro
Gunyana 2011


Shoko reVatungamiri Vekutanga, RAGUNYANA 2011

Musangano Mukuru—Harisi Rinongova Ropafadzowo Zvaro

Imwe nhengo yakanaka yeChechi yakanga ichitaura nemuvakidzani akanga asiri wechitendero chedu. Pakapindukira nyaya yaikurukurwa kumusangano mukuru, muvakidzani akabvunza, “Unoti mune vaporofita nevaapositori? Uye kaviri pagore mumusangano wepasi rose vanozivisa shoko raMwari?”

“Ndizvozvo chaizvo,” nhengo yakapindura nesimba”

Muvakidzani akafunga pamusoro pazvo kwekanguva. Akaratidzika kuva nechido chekuziva chechokwadi akabva abvunza, “Vakati kudii mumusangano mukuru wakapfuura?”

Panguva iyi nhengo yakanaka yeChechi yakabva pakunzwa manyukunyuku pamusoro pekugovera vhangeri kuenda kukunzwa kunyara. Nokuedza kwake kose, akatadza kufunga zvaiva munhaurwa imwechete zvayo.

Shamwari yake yakanetseka nazvo uye ikati, “Unondiudza kuti Mwari Vanotaura nevanhu mumazuva edu asi haukwanise kuyeuka zvaVakataura?”

Bhuratha ava vakanzwa kuninipiswa nekupindurana uku. Akavimbisa kuti aizoita zvirinani kuyeuka mashoko anotaurwa nevaranda vaIshe mumusangano mukuru.

Tose tinoziva kuoma kwazvakaita kuyeuka rose shoko remusangano mukuru, uye ndine chokwadi kuti hatifanire kunyara kana tikasayeuka zvinhu zvose. Zvisinei, mumusangano mukuru wega-wega mune mashoko anopihwa sechipo neropafadzo kubva kudenga akanangana nemamiriro eupenyu hwedu pachedu.

Mukugadzirira musangano mukuru, regai ndipe mazano akakosha matatu angangotibatsira kutambira, kuyeuka, nekushandisa zvirinani mashoko anotaurwa nevaranda vaIshe.

1. Nhengo dzeChechi dzine kodzero yekududzirwa kwavo pachavo apo vanoteerera nekudzidza mashoko akafemerwa anotaurwa pamusangano mukuru.

Apo munogadzirira musangano mukuru, ndinokukokai kufungisisa mibvunzo yamunoda kuti ipindurwe. Semuenzaniso, mungangoshuva kurairwa nekutungamirwa naIshe pamusoro pezvinetso zvamurikutarisana nazvo.

Mhinduro kuminamato yenyu inokwanisa kuuya kubva muneimwe nhaurwa kana munechimwe chikwata chemazwi. Panedzimwe nguva mhinduro dzingangouya kubva muizwi, muchikwata chemazwi, kana murwiyo izvo zvingangoratidzika sezvisinei neminamato yenyu. Mwoyo uzere nekutenda maropafadzo eupenyu nechido chechokwadi chekunzwa nekutevera mazwi erairo zvinogadzirira nzira yekuziviswa kwako pachako.

2. Musashaya hanya neshoko nokuda kwekuti rinoratidzika semakamborinzwa.

Vaporofita vakagara vachidzidzisa nokudzokorora; mutemo wekudzidza. Muchanzwa kudzokorora mumisoro yenyaya nedzidziso mumusangano mukuru. Regai ndikuvimbisei kuti: izvi hazvisi nokuda kwekushaya mazano kana kutadza kufunga zvimwe. Tinoramba tichinzwa mashoko pamusoro penyaya dzakafanana nokuti Ishe vari kudzidzisa nekusimbisa papfungwa dzedu nemwoyo yedu mimwe misimboti yekutanga yakakosha zvikuru pane zvokusingaperi iyo inofanira kunzwisiswa nokuitwa tisati taenda pane zvimwe zvinhu. Muvaki akachenjera anotanga aisa hwaro asati avaka madziro nedenga.

3. Mazwi anotaurwa pamusangano mukuru anofanira kuva kambasi inotinongedzera nzira mumwedzi iri kuuya.

Tikateerera nekutevera kukurudziro dzeMweya, dzinozoshanda seRiahona, dzichititungamirira munezvisingazivikwane, munhika nemumakomo zvinonetsa zviripamberi (ona1 Nifai 16).

Kubvira pakatanga nyika, Mwari vakamutsa vaporofita vanotaura chido chedenga kuvanhu venguva yavo. Ibasa redu kuteerera nekuzoshandisa mashoko anopihwa naIshe kwatiri.

Baba vedu Vekudenga vanenyasha nerudo havanakusiya uye havazosiya vana Vavo. Nhasi, uye nemunguva dzakapfuura, Vakagadza vaapositori nevaporofita. Vanoramba vachizivisa shoko raVo kwavari.

Mukana wakanakisa sei kunzwa mashoko aMwari emumwe nemumwe wedu mumusangano mukuru! Ngatigadzirirei zvakanaka ropadzo guru iri rekutungamirwa kutsvene kunopihwa nevaranda Vavo vakasarudzwa.

Nokuti iri harisi rinogova ropafadzowo zvaro.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

  • Verengai chinyorwa ichi pamwechete. Kurudzirai mhuri kuti itsvage zvinhu zvekuteerera mumusangano mukuru.

  • Kubatsira vana vadiki kuti vashandise rairo yakapiwa neMutungamiri Utchdorf, varatidzeyi chati yeVatungamiri Vakuru (inowanikwa muchinyorwa chemusangano che Riahona). Itai vazive kuti Vatungamiri Vekutanga neChikwata cheVaapositori Gumi nevaviri vachange vachitaura mumusangano mukuru. Kurudzirai vana kuteerera kumusangano uye voita mufananidzo unovabatsira kuyeuka zvavakadzidza. Vabereki vanokwanisa kushanira conferencegames.lds.org kuti vawane zvimwe zvekuita zvemusangano zvevana.

Kurudyi: mufananidzo naLes Nilsson

Dhinda