2016
Zviito zvinotungamirira kuRufaro
Ndira 2016


Vechidiki

Zviito zvinotungamirira kuRufaro

Mutungamiri Eyring vanodzidzisa kuti “Rufaro rwatinoda kuvadikanwi vedu runoererana nesarudzo dzavo.”

Unokwanisa kuverenga nezve shanduro inokwanisa kuitwa nesarudzo kubva mumienzaniso yaNifai, Ramani, naRemueri. Ramani naRemueri vakatsutsumwa uye vakanga vasingadi kuchengeta mirairo (ona1 Nifai 2:12). Semugumisiro, ivo nezvizvarwa zvavo vakatukwa uye vakabviswa kubva pamberi paIshe (ona2 Nifai 5:20-24). Nifai akasarudza kuteerera mirairo (ona1 Nifai 3:7), uye nokuda kwaizvozvo, iye nevanhu vake “vakagara netsika yerufaro” (2 Nifai 5:27).

Unokwanisa kusarudza kuva wakarurama uye nokufara. Asi vanhu vakakukomberedza vanogona kuramba vachiita sarudzo dzisina kunaka idzo dzinotungamirira kukusuwa kana kusagadzikana. Apo sarudzo idzodzo dziri dzavo kuita, muenzaniso wako unokwanisa kushandura sarudzo dzavo munezvakanaka. Sarudzo dzako dzinokwanisa kuunza rufaro kune vamwe sei? Kurukura nemhuri yako nzira dzakasiyana dzaunokwanisa kushandura zvakanaka avo vakakukomberedza nokuvabatsira kunzwa rufaro.

Dhinda