2016
Mhuri: Chiziviso kuNyika
Ndira 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Ndira 2016

Mhuri: Chiziviso kuNyika

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa dzidziso yemhuri kunozoropafadza sei avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku www.reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Nezve musangano mukuru weChita cheRubatsiro muna 1995, apo Mutungamiri Gordon B. Hinckley (1910 - 2008) pavakatanga kuverenga “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Bonnie L. Oscarson, mutungamiri mukuru weVasikana veChidiki, akati: “Takatenda uye takakukudza kududzira, kureruka, uye huchokwadi hwegwaro iri rakazazurwa. …Chiziviso pamhuri chakava mwero wekuyera nawo dzidziso dzenyika, uye ndinopupura kuti misimboti iri machiri … ndeye chokwadi nhasi sezvayakanga iri apo payakapiwa kwatiri nemuporofita waMwari makore angangoita makumi maviri akapfuura.”1

‘Kubva kuchiziviso chemhuri,” anowedzera Carole M. Stephens, mutevedzeri wekutanga muhutungamiri hukuru hweChita cheRubatsiro, “tinodzidza kuti, ‘Munyika tisati tauya pano pasi, vanakomana nevanasikana vemweya vaiziva nokunamata Mwari saBaba vavo Vokusingaperi’2

“…Mumwe nomumwe wedu inhengo uye anodiwa mumhuri yaMwari.3

Tinorarama munguva apo vabereki vanofanira kudzivirira dzimba dzavo nemhuri dzavo. “Mhuri: Chiziviso kuNyika” chinokwanisa kuti tungamirira.

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Mosaya 8:16–17; Dzidziso neZvibvumirano 1:38

Nyaya dzeVanhu Vanorarama Nhasi

“Lee Mei Chen Ho anobva kuWadhi yeChitatu yetao Yuan, muSiteki yeTao Yuan Taiwan, akati chiziviso chakamudzidzisa kuti ukama hwemhuri hunobatsira kukudziridza hunhu hweumwari sezvakaita rutendo, mwoyo murefu, nerudo. ‘Apo pandinoedza kuzvinatsa maererano nechiziviso, ndinokwanisa kunzwa rufaro rwechokwadi,’ akadaro.”4

Barbara Thompson, uyo akanga aripo apo chiziviso pachakaverengwa kokutanga uye pashure akazoshanda semutevedzeri muhutungamiri hukuru hweChita cheRubatsiro, akati: ‘Ndakafunga kwekanguva kadiki kuti [chiziviso chemhuri] chakanga chisina chekuita neni zvakanyanya sezvo ndakanga ndisina kuroorwa uye ndakanga ndisina kana vana. Asi nepachinguva ichocho ndakabva ndafunga kuti, ‘Asi chinechekuita neni. Ndiri nhengo yemhuri. Ndiri mwanasikana, hanzvadzi, tete, mainini kana maiguru, mukoma kana munin’ina, uye ndiri muzukurukadzi. …Kunyange dai ndanga ndirini chete nhengo yemhuri yangu irikurarama, ndichiri nhengo yemhuri yaMwari.’”5

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Bonnie L. Oscarson, “Defenders of the Family Proclamation,” Liahona, Kubvumbi 2015, 14–15.

  2. “Mhuri: “Chiziviso kuNyika” Liahona, Mbudzi 2010, 129;

  3. Carole M. Stephens, “The Family Is of God,” Liahona, Mbudzi 2015, 11.

  4. Nicole Seymour, “‘The Family: A Proclamation to the World’ reaches 10-Year Milestone,Liahona,Mbudzi 2005, 127.

  5. Barbara Thompson, in Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 148.

Funga Izvi

“Mhuri: Chiziviso kuNyika” igwaro renguva yedu sei?.

Dhinda