2016
Rufaro rweAvo Vatinoda
Ndira 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Ndira 2016

Rufaro rweAvo Vatinoda

Tose tose tinoda rufaro rweavo vatinoda, uye tinoda kurwadziwa kwavo kwakashomeka samakwanisikiro azvingaita. Apo patinoverenga nyaya dzerufaro—uye dzekurwadziwa—muBhuku raMormoni, moyo yedu inobatwa t apo patinofunga nezve vadikanwi vedu. Heino nyaya yechokwadi yenguva yorufaro:

“Uye zvakaitika kuti pakanga pasina kupesana munyika, nokuda kwerudo rwaMwari urwo rwakagara mumwoyo yavanhu.

“Uye pakanga pasina ruchiva, kana gakava, kana kumukirana, kana upombwe, kana nhema, kana kuponda, kana nzira dzeruchiva dzipi zvadzo; zvechokwadi hakuna vamwe vanhu vaifara kupfuura vanhu ava pakati pevanhu vakasikwa noruoko rwaMwari.”

Zvino tinoverenga:

“Uye vakakomborerwa sei! Nokuti Ishe vaivakomborera mukuita kwavo kwose; hongu, vakakomborerwa vakabudirira kusvikira makore zana negumi apfuura; uye chizvarwa chokutanga kubva pana Kristu chakanga chapfuura, uye pakanga pasina kupesana munyika yose.” (4 Nifai 1:15–16, 18).

Vadzidzi vanerudo vaKristu vanonamatira nokushandira ropafadzo yakadaro kune vamwe uye nekwavari. Kubva munyaya dziri muBhuku raMormoni uye, kune vakawanda vedu, kubva muzviitiko zvedu pachedu, tinoziva kuti chipo cherufaro chinokwanisa kuwanikwa. Tinoziva kuti nzira yekurufaro yakatarwa zviri pachena. Tinozivawo kuti kuchengeta rufaro hakusi nyore kusara kokuti, sezvazvakaita nevaNifai mushure mekushanya kweMuponesi, “rudo rwaMwari” rwagara mumoyo yedu.

Rudo irworwo rwaiva mumoyo yevaNifai nokuti vakachengeta murau waiita kuti zvikwanisike. Pfupiso yemurau iwoyo inowanikwa muminamato yesakaramende, iyo inotanga nekuteterera kwechokwadi kuna Baba Vokudenga vane rudo. Tinonamata nemoyo wakazara nerutendo, uye nerudo rwakadzama, rweMuponesi wedu pachedu. Tinotsidzira nechinangwa chechokwadi kutora patiri zita Rake, kuMurangarira, uye kuchengeta mirairo Yake yose. Chokupedzisira, tinoshandisa rutendo rwekuti Mweya Mutsvene, nhengo yechitatu yeMusoro wehuMwari, ungagara uinesu nguva dzose, uchipupura kumoyo yedu nezva Baba uye nezve Mwanakomana Wavo Anodiwa. (OnaD&Z 20:77, 79

Neufambidzani hweMweya Mutsvene, moyo yedu inokwanisa kushanduka kuita kuti tide nokutambira rudo rwaBaba vedu Vokudenga uye rwaIshe Jesu Kristu. Nzira yokuwana nayo rudo rwaMwari mumoyo yedu yakareruka, sezvakaitawo nzira yokurasikirwa nayo manzwiro erudo irworwo mumoyo yedu. Somuenzaniso, mumwe munhu angangosarudza kunamata nguva shoma kuna Baba Vokudenga kana kusabhadhara chegumi chakazara kana kurega kudya mushoko raMwari kana kushaya hanya nevarombo nevanoshaya.

Sarudzo ipi zvayo yokusachengeta mirairo yaIshe inokwanisa kukonzera Mweya kubva mumoyo yedu. Nekurasikirwa ikoko, rufaro runoderera.

Rufaro rwatinoda kuvadikanwi vedu runoenderana nesarudzo dzavo. Zvisinei nemadiro atingaita mwana, mutsvagi, kana shamwari dzedu, hatikwanisi kuvamanikidza kuchengeta mirairo kuitira kuti vagokodzera kuti Mweya Mutsvene ubate nokushandura moyo yavo.

Saka rubatsiro rwakanakisisa rwatinokwanisa kupa nderwe izvo zvipi zvazvo zvinotungamirira avo vatinoda kutaririra sarudzo dzavo pachavo. Aruma akazviita nekukoka kwaungangopa:

“Muzvirereke pamberi paIshe, uye mudaidze zita ravo dzvene, uye mutarisire uye murambe muchinamata, kuti musaedzwe kudarika zvamunogona kukunda, uye kuti mutungamirwe neMweya Mutsvene, muchizvirereka, makapfava, muchibvuma, munemoyo murefu, muzere nerudo uye nokushivirira kose;

Muine rutendo munaIshe; muine tariro yokuti muchagashira upenyu hwokusingaperi; muine rudo rwaMwari mumwoyo yenyu nguva dzose, kuti mugozosimudzwa musi wekupedzisira uye mugopinda muzororo ravo. (Aruma 13:28–29).

Ndinonamata kuti avo vamunoda vangatambira kukoka kwakafemerwa kwekusarudza nzira yokurufaro rusingaperi.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Eyring vanodzidzisa kuti rufaro rwatinonzwa muupenyu ruri pamaererano nesarudzo dzatinoita. Apo paunokurukura shoko rino, funga kunangisa pazvinhu izvo Mutungamiri Eyring zvavanotaura kuti tinokwanisa kusarudza kuita (sezvakaita kunamata, kushanda, kushandisa rutendo, uye kuzvitsidzira pachedu nechinangwa chechokwadi) zvinotitungamirira kunzira iyoyo yerufaro. Unokwanisa kukoka avo vaunodzidzisa kuti vanyore pasi zviito zviviri kana zvitatu zvavanoda kuita izvo zvinokwanisa kunyatsa kuvatungamirira “kunzira yerufaro rusingaperi.”

Dhinda