2017
Kunamatira Runyararo.
Kukadzi 2017


Vechidiki

Kunamatira Runyararo.

Munyori wenyaya iyi anogara muArizona, USA.

Vabereki vangu vaiwanzo pinda misangano mushure meChechi, uye ndaitarisa hanzvadzi dzangu diki nhatu uye ndichivabatsira kugadzira kudya kwemasikati-kunyange zvazvo vainyanyo shatirwa nokukurumidza uye vaine nzara. Kazhinji kana vakatanga kurwa, ndaigona kugadzirisa dambudziko racho diki nekukurumidza. Asi dzimwe dzenguva zvaive zvakaoma kuti pave nerunyararo kana kurwa kwatangisa nekuti ndaishatirirwawo.

Pane mamwe masikati, hanzvadzi dzangu dzakanga dzichiomerwa zvikuru kuti dziwirirane. Ndakaona kuti kuedza kwangu kuti pave nerunyararo kwakaita kuti zvinhu zvinyanye kuipa nokuti ndaive ndakatsamwa. Saka ndakangogadzira kudya kwangu pachangu kwemasikati uye ndikanyarara kutaura. Pakupedzisira, Ndakazivisa kuti,“Ndavakunamata, Tinganyararewo here kwechinguva chidiki?” Apo pavakagadzikana, ndakakumbira ropafadzo pakudya. Ndisati ndavhara munamato, ndakawedzera kuti, “Uye ndapota tibatsirei tive vanhu vanoyananisa.”

Pakutanga, vakaratidzika sevakanga vasirikuzvinzwa ndokutanga kurwa zvekare. Ndakatsamwiswa nazvo asi ndakaziva kuti ndaifanira kuva nerudo uye kudzikama semagonero andaikwanisa nekuti ndainge ndichangobva mukunamatira runyararo. Mushure mechinguva chidiki, ndakanzwa kudzikama kukuru. Ndakadya ndisinga taure chimwe chinhu, uye pekupedzisira vakomana vakarega kurwa. Ndakaziva kuti runyararo rwandakanzwa rwaive mhinduro kumunamato wakareruka. Ndakange ndanamatira kuve muyananisi, uye Baba Vekudenga vakange vandibatsira kuramba ndakagadzikana apo pazvaikwezvera zvikuru kuti ndizhambe. Ndinoziva kuti Anokwanisa zvechokwadi kutipa runyararo.

Dhinda