2017
Sezvandakakudai Imi
Kukadzi 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kukadzi 2017

“Sezvandakakudai Imi”

Makore mazhinji akapfuura ayo imwe shamwari inonzi Louis yakandiudza nyaya inobata mwoyo pamusoro paamai vake vaive vakapfava, vaitaura zvinyoro-nyoro. Apo pavakafa, havana kusiira vanakomana nevanasikana vavo hupfumi hwemari asi kuti nhaka yehupfumi mumuenzaniso, mukuzvipira, nemukuteerera.

Mushure memashoko ekukudza pamusoro pemufi ataurwa uye rwendo rwunerusuwo rwekumakuva rwaitwa, mhuri yakanga yakura yakatarisa pakati pezvinhu zvishomanene zvakanga zvasiiwa naamai. Pakati pazvo, Louis akaona kachinyorwa nemakiyi. Kachinyorwa kairaira kuti: “Mubhedhuru repakona, mudhirowa repasi rekabati yangu, mune kabhokisi kadiki-diki kane upfumi hwepamwoyo pangu kiyi inovhura kabhokisi ikako”.

Vose vakashamisika kuti zvii zvaiva naamai vavo zvakakosha zvokuti zvaiiswa mubhokisi rine kiyi.

Bhokisi rakabviswa kubva panzvimbo yaro parainge riri uye rikavhurwa zvakanyatsonaka nerubatsiro rwekiyi. Apo Louis nevamwe pavakatarisisa zvinhu zvaive mubhokisi, vakaona mifananidzo yemwana umwe neumwe, uine zita remwana uye nemusi wekuzvarwa. Louis zvino akaburitsa kadhi remhemberero yezverudo raakagadzira ega. Murunyoro rwakanyangara, rwunenge rwemwana mudiki, urwo rwaakaziva serwake pachake, akaverenga mazwi aakange akanyora makore makumi matanhatu akapfuura: “Mudiwa Amai, Ndinokudai.”

Mwoyo yakabatwa, mazwi akapfava, uye maziso akazara nemisodzi. Hupfumi hwaAmai hwaive mhuri yavo yekusingaperi. Simba rayo raiva pahwaro hwakasimba hwekuti “Ndinokuda”.

Munyika yanhasi, hakuna hwaro hwakasimba ihwohwo hwerudo pahunodiwa zvikuru kunze kwemumba. Uye hakuna uko nyika kwainofanira kuwana muenzaniso wakanaka wehwaro ihwohwo pane mudzimba dzaVatendi Vamazuva Ekupedzisira avo vakaita kuti rudo rwuve chikamu chinokosha chehupenyu hwemhuri dzavo.

Kune avo vedu vanozviti vadzidzi veMuponesi Jesu Kristu, Akatipa murairo unokurudzira uyu:

“Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanevo saizvozvo.

“Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo pakati penyu.”1

Kana tikakwanisa kuchengeta murairo wekudanana, tinofanira kubatana netsitsi nerukudzo, tichitaridza rudo rwedu mukutaudzana kwezuva nezuva. Rudo rwunopa izwi rinetsitsi, mhinduro ine mwoyo murefu, chiito chisina hundingoveni, nzeve inonzwisisa, nemwoyo unoregerera. Mukufambidzana kwedu kwose, izvi nezvimwe zviito zvakadai zvinozobatsira kuratidza rudo rwuri mumwoyo medu.

1 Mutungamiri Gordon B. Hinckley (1910–2008) vakaona kuti: “Rudo … ipoto yegoridhe kumagumo kwemurarabungu, asi rwuchipfuura magumo emurarabungu. Rwunopfuura magumo emurarabungu. Rudo rwuri kumavambowo, uye kubva parwuri kunouya runako runotambarara nedenga pazuva rine dutu. Rudo idziviriro inochemerwa nevana, shuviro yevechidiki, namo inonamatidza muchato, uye idzikamiso inodzivirira kupesana kunoparadza misha; runyararo rwekukwegura, rujeko rwezuva rwetariro runopenya nemurufu. Vanhu ivavo vakaropafadzwa vanofadzwa narwo mukufambidzana nemhuri, neshamwari, nechechi, uye nevavakidzani.”2

Rudo ndiwo musimboti chaiwo wevhangeri, hunhu hwakarurama hwemweya wemunhu. Rudo mushonga unorapa mhuri dzava kuparara, vanhu vasina kururama uye nenyika dzinehuipi. Rudo runokwanisa kuratidzwa kuburikidza nekunyemwerera, kusimudzira ruoko, mutauro unetsitsi, nerumbidzo. Rudo kuzvipira, kushandira, uye kusava nechindingoveni.

Varume, idai vakadzi venyu. Vabatei nerukudzo nekukoshesa. Vakadzi, idai varume venyu. Vabatei neruremekedzo nekurudziro.

Vabereki, idai vana venyu. Vanamatirei, vadzidzisei, uye pupurai kwavari. Vana, idai vabereki venyu. Vataridzei rukudzo, kutenda, nekuteerera.

Kana tisina rudo rwutsvene rwaKristu, Mormoni anoraira kuti, “Hapana zvatiri”.3 Munamato wangu ndewekuti tingatevera rairo yaMormoni yekuti “namatai kuna Baba nesimba rose romwoyo, kuti tizadzwe norudo urwu, urwo rwaakapa kune avo vose vateveri vechokwadi voMwanakomana wavo, Jesu Kristu; kuti muzova vanakomana vaMwari; kuti kana ava kuzviratidza tichazova saiye.”4

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Monson vanotidzidzisa kukosha kwekutaridza rudo rwechokwadi serwaKristu, kunyanya mumba. Funga kukumbira avo vamunoshanyira kuti vaungane semhuri, uye vakurukure nzira dzavanokwanisa kutaridzana rudo rwakawedzerwa kune umwe neumwe. Ungangovakurudzira kuti vasarudze imwe yepfungwa idzodzo uye voita zvirongwa zvekuti vabudirire pairi semhuri. Semuenzaniso, nhengo dzemhuri dzingangogona kutsvaga kupa chiito chekushandira chakavanzika kune imwe nhengo yemhuri svondo yega yega. Ungangovabvunza kuti vafungisise pashure pamusoro pekuti kuedza kubudirira pachinangwa chavo kwawedzera sei rudo mumba mavo.

Dhinda