2017
Rudzikinuro rwaKristu Umboo hweRudo rwaMwari
Kukadzi 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kukadzi 2017

Rudzikinuro rwaKristu Umboo hweRudo rwaMwari

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera.

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Kunzwisisa kuti Baba vedu Vekudenga vakapa Mwanakomana Wavo Mumwechete Wekuberekwa kuti tingazova nemuviri usingafi nekwaniso yehupenyu husingaperi zvinotibatsira kunzwa rudo rwaMwari kwatiri rusingagume uye rusinganzwisisike. Muponesi wedu anotida.

“Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? …

“Nokuti ndinoziva kwazvo, kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana masimba ekutonga, kana nemasimba, kana zvazvino, kana zvinouya,

“Kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri munaKristu Jesu Ishe wedu” (Varoma 8:35, 38–39).

Nezve Rudzikinuro rwaJesu Kristu, Gosa D.Todd Christofferson veChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri vakati: “Kutambudzika kweMuponesi muGetsemani uye kurwadziwa Kwake pamuchinjikwa kunotinunura kubva muchivi nekuzadzikisa zvidikanwi izvo ruenzaniso zvaruinazvo patiri. Anopa tsitsi uye anoregerera avo vanotendeuka. Rudzikinuro rwaJesu Kristu rwunozadzikisawo chikwereti icho ruenzaniso charuinacho kwatiri nekutipodza nekutiripira pakutambudzika kupi zvako kwatinosangana nakwo tisina mhosva. ‘Nokuti tarisai, vanotora kurwadziwa kwevanhu vose, hongu, kurwadzwa kwechisikwa chose chipenyu, varume, vakadzi, nevana, vemhuri yaAdama’ (2 Nifai 9:21; onawo Aruma 7:11–12).”1

Kristu “akatinyora pazvanza zvemaoko Ake” (Isaya 49:16). LindaK. Burton, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro, akati “Icho chiito chikuru-kuru chorudo chinofanira kutumira umwe neumwe wedu kumabvi edu mumunamato wakaninipa wekutenda Baba Vekudenga nekutida zvakakwana zvokuti Vakatumira Wavo Mumwechete Wekuberekwa uye Mwanakomana akarurama kuti atambudzikire zvivi zvedu, marwadzo emwoyo yedu, nezvose zvinoratidzika kuva zvisina ruenzaniso muupenyu hwedu pachedu.”2

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo

Johane 3:16; 2 Nifai 2:6–7, 9; reliefsociety.lds.org

Zvimwe Zvinyorwa

  1. D.Todd Christofferson, “Redemption,” Liahona, Chivabvu 2013, 110.

  2. Linda K. Burton, “Is Faith in the Atonement of Jesus Christ Written in Our Hearts?” Liahona, Mbudzi 2012, 114.

Funga Izvi

Tingagonesei kuratidza kutenda kwedu nerudo kunaMwari nekuna Jesu Kristu nechipo cheRudzikinuro rweMuponesi wedu?

Dhinda