Huyai, Munditevere 2024
Kubvumbi 28–Chivabvu 4: “Mutemo Wangu Unotonga Chechi Yangu”: Dzidziso neZvibvumirano 41–44


“Kubvumbi 28–Chivabvu 4: ‘Mutemo Wangu Unotonga Chechi Yangu’: Dzidziso neZvibvumirano 41–44,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 41–44,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Jesu Kristu

Kubvumbi 28–Chivabvu 4: “Mutemo Wangu Unotonga Chechi Yangu”

Dzidziso neZvibvumirano 41–44

Chechi yakakura nekukurumidza muna 1830 na1831, kunyanya nokuda kwekuuya nokunokurumidza kwenhengo itsva muKirtland, Ohio. Kukura uku kwaifadza uye kuchikurudzira kuvatendi, asi kwakavawo nezvinetso. Unobatanidza sei boka revatendi riri kukura nekukurumidza? Kunyanya, chii chaunoita apo pavanounza dzidziso nemaitiro kubva kuzvitendero zvavo zvekare? Semuenzaniso, apo Joseph Smith paakasvika muKirtland pakutanga kwaKukadzi 1831, akawana nhengo itsva dzichigoverana pfuma yaiva yemunhu wose mukuedza kwechokwadi kutevedzera vaKristu vemuTestamente Itsva (ona Mabasa aVaApositora 4:32–37). Ishe vakaita gadziriso uye jekeso dzakakosha pamusoro wenyaya uyu uye nemimwe. Vakaita izvi zvikuru kuburikidza nezvakazarurwa zvakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 42 izvo zvaVakadaidza kuti “mutemo wangu unotonga chechi yangu” (ndima 59). Muzvakazarurwa izvi, tinodzidza zvokwadi zvakakosha mukumisa Chechi yaIshe mumazuva ekupedzisira. Uye tinodzidza kuti tichine zvizhinji zvatinofanira kudzidza: “Kana mukakumbira,” Ishe vakavimbisa, “muchagamuchira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 42:61).

-

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 41

“Uyo anogamuchira mutemo wangu uye achiuita, mumwecheteyo mudzidzi wangu.”

Mukutanga kwa1831 Vatendi vaiva vavakutanga kuungana muOhio. Vaiva nechido chikuru chokugamuchira mutemo uyo Mwari wavakanga vavimbisa kuzazura ikoko (ona Dzidziso neZvibvumirano 38:32). Asi chokutanga, Vakadzidzisa magadziriro aifanira kuita vadzidzi Vavo kugamuchira mutemo Wavo. Misimboti ipi yaunowana muDzidziso neZvibvumirano 41:1–6 iyo ingadai yakabatsira Vatendi kugamuchira mutemo waMwari? Misimboti iyi ingakubatsira sei kugamuchira rairidzo kubva kwaVari?

Onawo “A Bishop unto the Church [Bhishopi kuChechi],” muRevelations in Context, 77–83.

Dzidziso neZvibvumirano 42

Ishe vanondipa mirairo nokuti Vanondida.

Vatendi vakatora zvakazarurwa zvinowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 42:1–72 kuva zvimwe zvezvinonyanya kukosha zvakanga zvagamuchirwa neMuporofita. Chaiva chiri chimwe chezvakazarurwa zvakatanga kushambadzwa. Kwemakore mazhinji, vatendi vaichidaidza kungoti “mutemo.” Kunyangwe zvazvo chikamu ichi chisingasanganisiri mirairo kana mitemo yose yaIshe, zvakakosha kufungisisa kuti sei misimboti iyi yaiva yakakosha kuChechi yakanga ichangodzorerwa. Sei zvakakosha kwatiri nhasi?

Nokuda kwokuti chikamu 42 chakati rebei, ungangofunga pamusoro pekuchinzvera muzvidimbu zvidiki, sezvinotevera. Doma misimboti inodzidziswa mune chimwe nechimwe, uye wofunga pamusoro pokuti mitemo iyi ingava sei chiratidzo cherudo rwaIshe kuvanhu Vavo.

Sei Mwari vachitipa mitemo nemirairo? Inzira dzipi dzawakaropafadzwa nadzo nokuda kwokuziva uye kutevera mirairo?

Dzidziso neZvibvumirano 42:30–42

“Rangarira varombo”

Sechikamu chemutemo wakazarurwa muchikamu 42, Ishe vakadzidzisa Vatendi Vavo kuti, sevateveri vaKristu vechinyakare, vangakwanisa sei kuita kuti “zvinhu zvose zvive zvavose” (Mabasa aVaApositora 2:44; 4 Nifai 1:3, “pasina murombo pakati pavo” (Mosesi 7:18). Chii chaunodzidza kubva muDzidziso neZvibvumirano 42:30-42 pamusoro pekurarama kwaiita Vatendi mutemo werukumikidzo? (Kukumikidza zvinoreva kuisa chimwe chinhu padivi nechinagwa chinoera.)

Kunyangwe zvazvo tisina “zvinhu zvose zvive zvavose” nhasi, mumatemberi Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vanoita chibvumirano chokurarama mutemo werukumikidzo. Unokwanisa sei kumikidza zvaunenge wapuwa naMwari kuti uropafadze vanhu vanoshaiwa? ­

­

Kristu nejaya mutongi mupfumi

Christ and the Rich Young Man [Kristu neJaya Mutongi Mupfumi], naHeinrich Hofmann

Dzidziso neZvibvumirano 42:61, 65–68; 43:1–16

mufananidzo weseminari
Mwari vanopa zvakazarurwa kutungamira Chechi Yavo—uye kutungamira ini.

Fungidzira kuti uri kuita hurukuro nenhengo itsva yeChechi uyo anofara zvikuru kuziva kuti Chechi inotungamirirwa nezvakazarurwa. Ungakwanisa sei kushandisa Dzidziso neZvibvumirano 43:1–16 kumubatsira kudzidza pamusoro pemutoo waIshe wokutungamira Chechi Yavo kuburikidza nemuporofita Wavo? Ungakwanisa sei kushandisa Dzidziso neZvibvumirano 42:61, 65–68 kudzidzisa pamusoro pokutambira zvakazarurwa zvemunhu pachake?

Ndezvipi zvimwe zvezvinhu “zvine runyararo” uye zvinhu zvinofadza zvawakagamuchira kubva kuna Ishe kuburikidza neMweya Wavo?

Kuti udzidze pamusoro pemanzwiro akaita vatungamiri veChechi inzwi raIshe, unokwanisa kuona rimwe remavhidhiyo mumuunganidzwa “weHear Him” muGospel Library. Funga pamusoro pekugadzira vhidhiyo rako pachako, uchitsanangura kuti Ishe vanotaura sei newe.

Onawo Russell M. Nelson, “Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa Zveupenyu Hwedu,” Liahona, Chivabvu 2018, 93–96; “All Things Must Be Done in Order,” Revelations in Context, 50–53.

Shandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatwa. Chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatwa kana zvinhu zvinooneka chinokwanisa kubatsira vanhu vaunodzidzisa kunzwisisa zvokwadi zvevhangeri zvirinani uye kuzvirangarira kwenguva refu. Semuenzaniso, ungangoshandisa dambanemanzwi, wounganidzwa chidimbu nechidimbu, kuti udzidzise pamusoro pokugamuchira “zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 42:61).

mufananidzo wechikamu chevana 03

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 41:5

Mudzidzi mumwe munhu anogamuchira mutemo waMwari uye achiuteerera.

  • Kuti ubatsire vana vako kuziva zvazvinoreva kuva mudzidzi waJesu Kristu, unokwanisa kunyora Dzidziso neZvibvumirano 41:5 pabepa, uchisiya pakashama apo pose shoko rokuti mudzidzi parinofanira kuva. Vanogona zvino kuzotarisa mundima 5 vachitsvaka inzwi risipo. Maererano nendima iyi, zvinorevei kuva mudzidzi waJesu Kristu? Tiri kuedza sei kuti tive vadzidzi vaKristu varinani?

Dzidziso neZvibvumirano 42:2

Ndinofara apo pandinoteerera mirairo yaIshe.

  • Vana vako vangangonakidzwa nekutamba mutambo wavanofanirwa kunyatso teerera nekutevera mirairidzo. Unokwanisa kushandisa mutambo uyu kutaura pamusoro pezvazvinoreva “kuteerera uye kunzwa uye kuteedzera” Ishe (Dzidziso neZvibvumirano 42:2). Ndeipi mirairidzo yaVakatipa? Tinoropafadzwa sei nokuda kwekuteerera mitemo uye mirairo Yavo?

  • Ungango pedzisa peji yechiitwa yesvondo rino nevana vako. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo pamusoro pekuteerera mitemo yaMwari. Fungai pamusoro pekugoverana kuti kuteerera mitemo yaMwari kwakaunzirai sei mufaro.

    Kirasi yepuraimari

Dzidziso neZvibvumirano 42:38

Ndiri kushandira Jesu Kristu apo pandinoshandira vamwe.

  • Mushure mekuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 42:38, batsira vana vako kufunga nzira dzavanokwanisa kushandira nadzo Jesu kuburikidza nekushandira vamwe. Vanokwanisa kuwana mazano kubva kuvhidhiyo iyi “Pass It On” (ChurchofJesusChrist.org). Vanokwanisawo kutarisa mifananidzo yeMuponesi achibatsira vamwe, achiporesa vanorwara, kana achiva netsitsi kuvana (ona Gospel Art Book, nhamba 42, ne47).

    2:3

    Pass It On

    Children around the world have taken President Thomas S. Monson's counsel to find a way to serve others.

    Jesus Christ (at the pools of Bethesda) lifting a blanket under which a crippled man lies. Christ is looking compassionately at the man and extending His hand toward him. Other people are gathered around the pools and around Christ.
  • Ungangoratidza vana vako rhisiti wyeChegumi neMimwe Mipiro uye wotaura pamusoro pemashandisiro okuiita kupa zvatiinazvo kuti tiropafadze vamwe.

Dzidziso neZvibvumirano 43:1–7

Muporofita chete ndiye anokwanisa kugamuchira zvakazarurwa zveChechi yese.

  • Koka vana vako kuti vafungidzire kuti mumwe munhu anosimuka mumusangano weuchapupu uye taurira wadhi kuti akagamuchira zvakazarurwa zveChechi yose (semuenzaniso, zvakazarurwa zvokuti hatichafaniri kudya makarotsi kana kuti tinofanira kugeza maoko edu nemukaka panzvimbo pemvura.) Anoti tinofanira kuteerera kune zvaari kutaura panzvimbo pokuteerera muporofita. Chii chingava chakaipa naizvozvo? Munokwanisa zvino kunzvera Dzidziso neZvibvumirano 43:1–7 pamwechete kuti muwane kuti Ishe vanopa sei mirairo kuChechi Yavo.

  • Unokwanisawo kuratidza mufananidzo wemuporofita mupenyu uye wokoka vana vako kuti vagovere chimwe chinhu chaakadzidzisa munguva ichangopfuura. Kana vachida rubatsiro, govera chikamu chevhidhiyo kana ndima kubva kushoko remusangano mukuru uchangobva kuitwa. Sei riri ropafadzo kuva nemuporofita mupenyu nhasi?

­

Joseph Smith achidzidzisa

Joseph Smith Preaching [Joseph Smith Achiparidza], naSam Lawlor

peji yechiitwa yevana