“Manzwi eKudzorerwa: Kuungana kuOhio,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Kuungana kuOhio,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Manzwi Ekudzorerwa
Kuungana kuOhio
Phebe Carter
Pakati peVatendi vakawanda vakaungana kuOhio kuma 1830 paive naPhebe Carter. Akapinda muChechi kudunhu rekuchamhembe reUnited States aine makore angangoita makumi maviri nemashanu, kunyangwe zvazvo vabereki vake vasina kupinda. Pashure akanyora nezvesarudzo yake yekutamira kuOhio kuti anobatana neVatendi.
“Shamwari dzangu dzakashamiswa zvikuru nesarudzo yangu, sezvandakaitwa ini, asi chimwe chinhu mukati mangu chakandikurudzira kuenda. Kushungurudzika kwaamai vangu nekuda kwekubva pamba kwangu, kwaiva mutoro waindiremera zvikuru kutakura, uye dai wakanga usiri mweya waiva mukati mangu ndingadai ndakadzokera shure ndikasaenda. Amai vangu vakandiudza kuti vaisarudza kundiona ndichivigwa pane kuti ndibve pamba ndiri ndega kuenda munyika isina tsitsi.
“‘[Phebe],’vakadaro, zvakanakisisa. ‘unozodzoka kwandiri here kana ukawana zvechiMormoni zviri zvemanyepo?’
“Ndakapindura, ‘hongu, amai; ndinodzoka.’ … Mhinduro yangu yakazorodza dambudziko ravo; asi zvakatikonzera tese rusuwo rukurusa kuparadzana. Apo pakasvika nguva yekusimuka kwangu ndakazviwana ndisina ushingi hwechivimbo mandiri kuti ndioneke nemuromo; saka ndakanyora pasi kuoneka kwangu kune mumwe nemumwe, uye ndichisiya tsamba idzi patafura yangu, ndakamhanya ndichidzika pamasitepisi uye ndikaurukira mungoro inotakura vanhu. Nokudaro ndakasiya imba inodiwa yehuduku hwangu kuti ndinobatanidza upenyu hwangu nevatendi vaMwari.”
Munerimwe remashoko iwayo ekuoneka, Phebe akanyora kuti:
“Vabereki Vanodiwa—ndavakuda kusiya zvino imba yevabereki vangu kwechinguva … handizive kuti kwenguva yakareba sei—asi ndine manzwiro eruvongo netsitsi idzo dzandakagamuchira kubvira pahucheche hwangu kusvika panguva ino—asi Muchengeti vanoratidzika kuraira upenyu hwangu neimwe nzira iyezvino yakasiyana nezvahwanga hwuri. Ngatiisei zvose zvinhu mumaoko eMuchengeti uye titende kuti takabvumirwa kugara pamwechete kwenguva yakareba kudaro mumamiriro ezvinhu akanakisa seatanga tiinawo, tichitenda kuti zvinhu zvose zvinozova zvorupundutso rwedu kana tikada Mwari zvikurusa. Ngatizivei kuti tinokwanisa kunamata kuna Mwari vamwechete avo vanozonzwa minamato yemwoyo wose yezvisikwa zvavo zvose uye votipa izvo zvakanyanya kutinakira. …
“Amai, ndinotenda kuti chido chaMwari kwandiri kuti ndiende kumadokero uye ndakapwiswa kuti zvanga zviriizvo kwenguva refu. Zvino zvavakukwanisika kuti ndiende … ; ndinotenda kuti mweya waIshe wazviita uyo unova wakakwana kuzvinhu zvose. Musatambudzike pamusoro pemwana wenyu; Ishe vanozondinyaradza. Ndinotenda kuti Ishe vanozondichengeta uye vagondipa izvo zvinova zvakanakira ini. … Ndinoenda nokuti Tenzi vangu varikudaidza—vaita kuti basa rangu rive pachena.”