“Kubvumbi 21–27: ‘Kana Musiri Mumwechete Hamusi Vangu’: Dzidziso neZvibvumirano 37–40,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 37–40,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Kubvumbi 21–27: “Kana Musiri Mumwechete Hamusi Vangu”
Dzidziso neZvibvumirano 37–40
KuVatendi vekutanga, Chechi yakanga isingori nzvimbo yokunonzwa kumwe kuparidza musi weSvondo. Zvakazarurwa zvakashandisa mashoko akaita sokuti chikonzero, umambo, Zioni, uye, kazhinji chaizvo, basa. Icho chinogona kunge chaiva chikamu chezvakakwezvera vanhu kuChechi yakadzorerwa. Kunyangwe zvazvo vaida dzidziso, vazhinji vaidawo chimwe chinhu chitsvene chavaikwanisa kupira upenyu hwavo kwachiri. Kunyangwe zvakadaro, kuteerera murairo waIshe wa1830 wekuungana muOhio kwaisava nyore. Kune vakawanda, zvaireva kusiya dzimba dzavakanga vakagara zvakanaka kuenda kumuganhu wenyika kwavakanga vasingazivi (ona “Manzwi eKudzorerwa: Kuungana kuOhio”). Nhasi tinokwanisa kuona zvakajeka izvo Vatendi ivavo zvavaikwanisa kuona chete neziso rerutendo: Ishe vakanga vainemaropafadzo makuru akavamirira muOhio.
Kudikanwa kwekuungana kuOhio kwakapfuura kare, asi Vatendi nhasi vachiri kubatana pachinangwa chimwechetecho: “kuunza Zioni” (Dzidziso neZvibvumirano 39:13). SaVatendi vekutanga ivavo, tinokokwa kuti tisiye “kufunganya nezvenyika” (Dzidziso neZvibvumirano 40:2) uye tivimbe nechivimbiso chaIshe: “Uchagamuchira … ropafadzo gurusa serausati wakamboziva” (Dzidziso neZvibvumirano 39:10).
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Mwari vanotiunganidza kuti vatiropafadze.
Nhengo dzeChechi muFayette, New York, dzakafanira kuzvipira kwakaoma kuti vatamire kuOhio (kupfuura mamaira 250) muchando cha1831. Apo paunoverenga pamusoro pemurairo waIshe muna Dzidziso neZvibvumirano 37:3–4, unogona kufunga nezvekuzvipira kwawakakumbirwa naIshe kwauri. Zvino, paunodzidza Dzidziso neZvibvumirano 38:1–33, tsvaka zvokwadi pamusoro peMuponesi zvinokupa rutendo rwekutevera rairo Yake. Unodzidzei kubva mundima 11–33 pamusoro pemaropafadzo ekuungana sevateveri vaJesu Kristu?
“Inzwai inzwi rangu munditevere.”
Ungaita sei kuti Jesu Kristu ave “mupi wemitemo” wako? Kutevedzera mitemo Yake kunokuitai sei “vanhu vakasununguka”?
Onawo 2 Nifai 2:26–27.
Kana ndakagadzirira, handifaniri kutya.
Ndepapi pawakanzwa musimboti wakazarurwa naIshe muDzidziso neZvibvumirano 38:30: “Kana makagadzirira hamuchazotyi”? Apo paunonzvera chikamu 38, cherechedza kuti Ishe vanogadzirira sei Vatendi Vavo kuitira kuti vagokwanisa kutarisana neramangwana noushingi. Vanoda kuti ugadzirire zvinetso sei kuitira kuti ugosatya?
Dzidziso neZvibvumirano 38:24–27
Mwari anoda kuti tive “vamwechete.”
Vatendi avo vakaungana muOhio vakabva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Zvimwechetezvo zvinongangova chokwadi kuvanhu vari muwadhi yako. Asi Ishe vanoraira vanhu Vavo kuti “vave mumwechete” (ndima 27). Tingakwanisa kubudirira sei parudzi rwakadai rwokubatana? Ndedzipi pfungwa dzinouya mupfungwa paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 38:24–27? Sei tichifanira kubatana kuitira kuti tive vanhu vaMwari?
Kuverenga ndima idzi kunokwanisawo kukukurudzira kufunga pamusoro pehukama hwako—semuenzaniso, nenhengo dzemhuri, nhengo dzewadhi, nenhengo dzechikwata kana dzekirasi. Chii chingange chiri kukutadzisai kuva makabatana muna Kristu? Muponesi angakwanisa kukubatsirai sei “kuva mumwechete”? Vhidhiyo dzinonzi “A Friend to All (Shamwari Kune Vose)” kana kuti “Love in Our Heart (Rudo muMwoyo Yedu)” (Rhaibhurai reVhangeri) dzinokwanisa kukubatsira kupindura mibvunzo iyi.
Ungakwanisa sei kubatsira mapoka aya kuti anyatsobatana? Semuenzaniso, funga pamusoro pokutumira tsamba kana kutumira mashoko nepafone emutsa kunhengo dzechikwata chako, kirasi yako, kana mhuri yako. Ndiani waunonzwa kufemerwa kutaurirana naye?
Chii chinokukurudzira pamusoro pemuenzaniso weMuponesi muna VaEfeso 2:14, 18–22; 2 Nifai 26:24–28?
Topics and Questions, “Belonging in the Church of Jesus Christ (Kuva weChechi yaJesu Kristu),” Gospel Liabrary.
Dzidziso neZvibvumirano 38:39; 39–40
Baba Vokudenga vanoda kundipa upfumi hwekusingaperi.
Semaonero ako, ndeupi musiyano uri pakati “peupfumi hwenyika” “neupfumi hwekusingaperi”? (Dzidziso neZvibvumirano 38:39). Ndezvipi zviitiko zvakakudzidzisa kukoshesa upfumi hwekusingaperi?
Chengeta izvi mupfungwa apo paunoverenga pamusoro paJames Covel muzvikamu 39–40 (kusanganisira nhoroondo yemamiriro ezvinhu mumisoro yenyaya yezvikamu). Funga pamusoro pokuti zvakaitika kwaari zvingashanda sei kwauri. Semuenzaniso, funga nezve nguva idzo “mwoyo wako … pawakanga wakanaka pamberi [paMwari]” (Dzidziso neZvibvumirano 40:1). Wakaropafadzwa sei nekuda kwerutendo rwako? Uyewo funga kuti ndekupi “kufunganya kwenyika” kwaunotarisana nako. Kungakudzivirira sei kugamuchira shoko raMwari “nomufaro”? (Dzidziso neZvibvumirano 39:9; 40:2). Chii chaunoona muzvikamu izvi chinokukurudzira kuti urambe uchiteerera nguva dzose kuna Mwari?
Onawo Mateo 13:3–23.
Mazano eKudzidzisa Vana
Dzidziso neZvibvumirano 37; 38:31–33
Mwari vanotiunganidza kuti vatiropafadze.
-
Mepu uye peji yechiitwa zviri kumagumo kwechidzidzo chino zvinokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa izvo zvakarairwa naMwari muDzidziso neZvibvumirano 37:3. Zvimwe unokwanisa kuvabatsira kuwana nzvimbo dzakataurwa muzvakazarurwa izvi. Unokwanisawo kuvabatsira kuwana ndevo kubva muDzidziso neZvibvumirano 38:31–33 idzo dzinotsanangura kuti sei Mwari vachida kuti vanhu Vavo vaungane pamwechete.
Dzidziso neZvibvumirano 38:24–27
Mwari vanoda kuti tive “mumwechete.”
-
Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 38:24–25 nevana vako, taura pamusoro pezvazvinoreva kukudza mukoma, munun’una kana hanzvadzi yako sezvaunozviita iwe (onawo Mateo 7:12). Vabatsire kudzokorora chinyorwa chitsvene chacho, vachitsiva “hama yake” nemazita omumwe nomumwe wavo.
-
Kudzidzisa vana vako zvazvinoreva kuva “mumwechete” (Dzidziso neZvibvumirano 38:27), unokwanisa kuvabatsira kudhirowa nhamba huru 1 nekuishongedza nemazita nemifananidzo yakadhirowewa kana mapikicha emunhu woga woga mumhuri yenyu kana mukirasi. Padivi pe1, munokwanisa kunyora zvinhu zvamunozoita kuti munyanye kubatana.
-
Funga pamusoro pokugovera chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatwa icho chinoratidza kuti zvinhu zvinokwanisa kusanganiswa kana kubatanidzwa kuti zvive chinhu chimwechete, sezvakaita zvidimbu zvemicheka zvinogadzira kwiriti imwechete kana maingirindienzi anobikiswa rofu rimwechete rechingwa. Mienzaniso iyi inotidzidzisei pamusoro pokuva mumwechete sevanhu vaMwari?
Kana ndakagadzirira, handifaniri kutya.
-
Apo pamunoverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 38:30, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pezviitiko zvichangobva kuitika izvo zvinoda gadziriro. Zvino unokwanisa kubvunza vana vako pamusoro pezvinhu izvo Baba Vokudenga zvavanoda kuti tigadzirire. Goverana nevana vako chiitiko umo kuva wakagadzirira kwakakubatsira kuti usatya. Munokwanisawo kuona pamwechete vhidhiyo inonzi “Men’s Hearts Shall Fail Them (Mwoyo YyVanhu Ichavakunda)” (Gospel Library).
Dzidziso neZvibvumirano 39:6, 23
Ndinogamuchira chipo cheMweya Mutsvene apo pandinosimbiswa.
-
Funga pamusoro pokuratidza mufananidzo wemumwe munhu ari kusimbiswa. Kumbira vana vako kuti vatsanangure zviri kuitika mumufananidzo. Unokwanisawo kuvakoka kuti vanongedze kumufananidzo apo pose pavanonzwa mashoko anoti Mweya Mutsvene muDzidziso neZvibvumirano 39:6, 23 Goveranai kuti chipo cheMweya Mutsvene chakakuropafadzai sei.