Huyai, Munditevere 2024
Kurume 31–Kubvumbi 6: “Jesu Kristu Anozounganidza Vanhu Vake”: Dzidziso neZvibvumirano 29


“Kurume 27–Kubvumbi 6: ‘Jesu Kristu Anozounganidza Vanhu Vake’: Dzidziso neZvibvumirano 29,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 29,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Jesu Kristu Akakomberedzwa nevatendi

Kurume 27–Kubvumbi 6: “Jesu Kristu Anozounganidza Vanhu Vake”

Dzidziso neZvibvumirano 29

Kunyangwe zvazvo Chechi yaJesu Kristu yakanga yarongwa muna1830, zvokwadi zvevhangeri zvizhinji zvakanga zvichiri kufanira kuzarurwa, uye nhengo zhinji dzekutanga dzeChechi dzakanga dziine nemibvunzo. Vakanga vaverenga huporofita muBhuku raMormoni pamusoro pekuunganidzwa kweIsraeri uye kuvakwa kweZioni (ona 3 Nifai 21). Izvi zvaizoitika sei? Zvakazarurwa zvakataurwa naHirum Page kuti akanga agamuchira zvaifungidzirwa panyaya iyoyo, izvo zvakatobva zvawedzera chido chikuru chekuda kuziva chenhengo’ (ona Dzidziso neZvibvumirano 28). Vamwe vanhu vaiva nemibvunzo pamusoro peKuputsika kwaAdama naEva uye rufu rwemweya. Ishe vakatambira mibvunzo iyi muna 1830, uye Vanotambira mibvunzo yedu nhasi. “Chose zvacho chamuchakumbira murutendo,” Vakataurira Vatendi, “makabatana mumunamato maererano nemurairo wangu, muchachigamuchira” (muDzidziso neZvibvumirano 29:6). Chokwadi ndechekuti, sekuratidza kunoita zvakazarurwa izvo zvakazara nedzidziso zviri muDzidziso neZvibvumirano 29, dzimwe nguva Ishe Vanopindura mibvunzo yedu nokutipa chokwadi neruzivo zvakapfuurisa izvo zvatinobvunza.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 29

Baba Vokudenga Vane chirongwa cheruponeso chevana Vavo.

Dzidziso neZvibvumirano 29 inodzidzisa zvokwadi zvakawanda pamusoro pechirongwa chaMwari kwauri. Apo paunoverenga tsvaka zvokwadi zvaunodzidza pamusoro pechimwe nechimwe chezvikamu zvinotevera zvechirongwa Chavo:

Ndedzipi nzwisiso dzawakawana? Kana zvichikubatsira, unokwanisa kuzvinyora munzvimbo yakapuwa pamwechete nemifananidzo kumagumo kwechidzidzo chino. Zvokwadi izvozvo zvinoshandura sei upenyu hwako?

Onawo Topics and Questions, “The Plan of Salvation [Chirongwa cheRuponeso],” Gospel Library.

Huyai kwaNdiri

Chikamu chakabva kuCome Unto Me [Huyai kwandiri], naJenedy Paige

Dzidziso neZvibvumirano 29:1–28

mufananidzo weseminari
Jesu Kristu anondikoka kuti ndibatsire kuunganidza vanhu Vake Kuuya Kwake kweChipiri kusati kwaitika.

Jesu Kristu anotaura nezvekuunganidza vanhu Vake “sekuunganidza kunoita mhambo nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo” (Dzidziso neZvibvumirano 29:2 Kuenzaniso uku kunokudzidzisei pamusoro paJesu Kristu? Ndedzipi dzimwe pfungwa kana manzwiro zvinouya kwauri paunenge uchidzidza mufananidzo wemhambo nenhiyo muchidzidzo chino? Funga kuti wakambonzwa sei Jesu Kristu achikuunganidza nokukudzivirira.

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 29: 1–11, tsvaka nzwisiso pamusoro pekuti:

  • Ndiani anozounganidzwa.

  • Zvazvinoreva “kuungana” kuna Kristu.

  • Sei tichiungana kwaAri.

Fungisisa kuti sei uchida kuti vamwe vanhu vaungane kuna Jesu Kristu. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti ubatsire?

Unokwanisa kuzvibvunza mibvunzo mimwecheteyo apo paunenge uchiverenga kana kuteerera kurwiyo pamusoro pekuunganidza. Chii chaunonzwa kuti Ishe varikuedza kukudzidzisa pamusoro pebasa Ravo rekuunganidza?

2:40

A Witness of God

Elder Neil L. Andersen describes how all of God's children are pieces of a large puzzle in preparation for the Second Coming of Jesus Christ.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati: “Iyezvino kuunganidzwa kunotora nzvimbo munyika yoga yoga. Ishe vakatema kumiswa kweZioni munyika yoga yoga umo maVakapa Vatendi Vavo kuzvarwa kwavo uye neugari hwavo” (“The Gathering of Scattered Israel,” Liahona, Mbudzi. 2006, 81). Kuungana munzira iyi kunotibatsira sei “kuva takagadzirira muzvinhu zvose” kuitira Kuuya kweChipiri kweMuponesi? (ndima 8; onawo ndima 14–28).

Onawo Russell M. Nelson naWendy W. Nelson, “Hope of Israel” (munamato wepasi rose wevechidiki, Chikumi 3, 2018), Gospel Library; D. Todd Christofferson, “The Doctrine of Belonging,” Liahona, Mbudzi 2022, 53–56; Topics and Questions, “Gathering of Israel [Kuunganidzwa kweIsraeri],” Gospel Library.

Dzidziso neZvibvumirano 29:31–35

“Zvose zvinhu kwandiri ndezvepamweya.”

Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 29: 31–35, zvibvunze kuti, “Mumafungiro api umo mirairo yese mairi yezvepamweya?” Ungangodorongodza mirairo mishoma uye wofunga pamusoro pemisimboti yezvemweya inoenderana nemumwe nemumwe wawo. -

Kuziva kuti “zvinhu zvose… ndezvemweya” kunoshandura sei nzira yaunotarisa nayo mirairo yaMwari? Funga pamusoro pekutsvaka revo kana chinangwa chezvepamweya mune zvimwe zvinhu zveupenyu hwako zvakare.

Onawo 2 Nifai 9:39.

Nangisa pfungwa panaJesu Kristu. “Musoro wenyaya wevhangeri woga woga [ndiwo] mukana wokudzidzisa nokudzidza pamusoro paJesu Kristu” (Teaching in the Savior’s Way, 6). Chii chaunodzidza pamusoro pehunhu Hwake, mabasa Ake, uye mufananidzo Wake apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 29?

Dzidziso neZvibvumirano 29:36–50

Jesu Kristu anotinunura kubva paKuputsika.

Ungakwanisa sei kushandisa Dzidziso neZvibvumirano 29:36–50 kutsanangura chikonzero chatinodira rununuro kuburikidza naJesu Kristu?

Kuputsika kwaAdama naEva kwakaunza rufu uye chivi munyika, asi kwakagadzirirawo nzira yerununuro uye mufaro kuburikidza naKristu. Uine pfungwa iyoyo mupfungwa, verenga ndima 39–43 uye cherechedza mashoko nendevo zvinokuunzira mufaro. Chii chaunoyemura pamusoro peizvo Adama naEva zvavakataura pamusoro peKuputsika muna Mosesi 5:10–12?

Onawo “Why We Need a Savior” (vhidhiyo), Gospel Library.

2:15

Why We Need a Savior

What would life be like without a Savior? There would be no joy, no forgiveness, no hope for the future. This Christmas, learn more about the hope, peace and happiness our Savior Jesus Christ can bring into our lives at christmas.mormon.org.

­

mufananidzo wechikamu chevana 02

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 29

Baba Vokudenga Vane chirongwa cheruponeso chevana Vavo.

  • Kutanga nhaurirano pamusoro pechirongwa chaBaba Vokudenga chavakaitira isu, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro penguva iyo yamakaita chirongwa, chakaita secherwendo kana chekuzadzikisa basa. Munokwanisawo kugoverana mienzaniso yezvirongwa, zvakaita sekarenda ine zviitwa zvakanyorwa pairi kana kuti mirairidzo yokuita chimwe chinhu. Sei zvirongwa zvichibatsira? Unokwanisa zvino kuzotaura pamusoro peizvo zvinoda kuzadzikiswa naBaba Vokudenga uye kuti chirongwa chavo chinotibatsira sei kuzvizadzikisa.

  • Unokwanisa kushandisa mifananidzo iri kumagumo kwechidzidzo chino kuti ubatsire vana vako kuwana ndima muDzidziso neZvibvumirano 29 dzinodzidzisa pamusoro pezvikamu zvakasiyana siyana zvechirongwa chaBaba Vokudenga. Unokwanisawo kucheka mifananidzo yacho uye wokumbira vana vako kuti vaiise munhevedzano kwayo. Sei tichitenda neruzivo rwekuti Baba Vokudenga vane chirongwa kwatiri? Kuziva pamusoro pacho kunoshandura sei upenyu hwedu hwemazuva ose?

Dzidziso neZvibvumirano 29:1–2, 7–8

Jesu Kristu arikuunganidza vanhu Vake asati Auya zvakare.

  • Mufananidzo uri pazasi wemhambo ichiunganidza nhiyo dzayo (ChurchofJesusChrist.org) unokwanisa kubatsira vana vako kuona enzaniso iri muDzidziso neZvibvumirano 29:1–2. Zvino munokwanisa kuverenga ndima idzi pamwechete uye muchitaurirana pamusoro pokuti mhambo inodzivirira sei nhiyo dzayo uye kuti izvi zvakafanana sei neizvo Muponesi zvaanokwanisa kutiitira.

    1:24

    Chicks and Hens

    Mhambo iine nhiyo dzakaungana pasi pemapapiro ayo

    I Would Gather Thee [Ndinozokuunganidzai], naLiz Lemon Swindle

  • Chii chingakurudzira vana vako kuti vade kubatsira Muponesi kuunganidza vanhu Vake? Zvimwe vangade kunzwa zviitiko zvemumwe munhu “akaungana” kwaAri nekuva nhengo yeChechi Yake. Semuenzaniso, ndiani akasuma mhuri yenyu kuChechi? Takaropafadzwa sei nokubvuma kudana kweMuponesi kuti tiungane kwaAri? Tingabatsira sei vamwe kuti vaungane kwaAri? (Ona “A Message for Children from President Russell M. Nelson”[vhidhiyo], ChurchofJesusChrist.org.)

    3:30

    Video: A Message for Children from President Russell M. Nelson

    In the 2021 Friend to Friend event, President Russell M. Nelson gave this message to children around the world.

Dzidziso neZvibvumirano 29:11

Jesu Kristu anozouya zvakare.

  • Mufananidzo wekuuya kwechipiri kwaMuponesi (sezvakaita Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 66) kana rumbo pamusoro pakwo (rwakaita “saWhen He Comes Again,Children’s Songbook, 82–83) zvinokwanisa kukubatsira iwe nevana vako kukurukura Dzidziso neZvibvumirano 29:11. Batsira vana vako kuwana ndevo muchinyorwa chitsvene inoenderana nechimwe chinhu chiri mumufananidzo kana rumbo. Goveranai manzwiro amunoita pamusoro pekuuya panyika zvakare kwaJesu Kristu.

The resurrected Jesus Christ (wearing white robes with a magenta sash) standing above a large gathering of clouds. Christ has His arms partially extended. The wounds in the hands of Christ are visible. Numerous angels (each blowing a trumpet) are gathered on both sides of Christ. A desert landscape is visible below the clouds. The painting depicts the Second coming of Christ. (Acts 1:11)

­