“Kubvumbi 7–13: ‘Simudzai Manzwi Enyu…kuti Muzivise Vhangeri Rangu’: Dzidziso neZvibvumirano 30–36,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 30–36,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Kubvumbi 7–13: “Simudzai Manzwi Enyu … kuti Muzivise Vhangeri Rangu”
Dzidziso neZvibvumirano 30–36
Parley P. Pratt akanga ava nhengo yeChechi kwenguva ingangoita mwedzi apo paakadaidzwa “kuenda murenje” kuti anoparidza vhangeri (Dzidziso neZvibvumirano 32:2). Thomas B. Marsh akanga ava nhengo kwenguva shoma kupinda iyoyo apo paakaudzwa kuti, “Nguva yeushumiri hwako yasvika” (Dzidziso neZvibvumirano 31:3). Orson Pratt, Edward Partridge, nevamwe vakawanda vakangawo vachangobva mukubhabhatidzwa apo pakauya daidzo dzavo dzeushumiri. Pamwe pane chidzidzo mumuenzaniso uyu kwatiri nhasi: kana uchiziva zvakakwana kuti ugamuchire vhangeri rakadzorerwa kuburikidza nerubhabhatidzo , unoziva zvakakwana kuti urigovere kune vamwe. Ichokwadi kuti tinogara tichida kuwedzera ruzivo rwedu rwevhangeri, asi Mwari havana kumbozengurira kudaidza “vasina kudzidza” kuti vaparidze vhangeri Ravo (Dzidziso neZvibvumirano 35:13). Chokwadi ndechekuti, Vanotikoka tose kuti, “Zarura muromo wako kuti uzivise vhangeri rangu” (Dzidziso neZvibvumirano 30:5). Uye tinozviita zvakanaka kwete kuburikidza neungwaru neruzivo rwedu pachedu asi “nesimba reMweya” (Dzidziso neZvibvumirano 35:13).
Onawo “The Faith and Fall of Thomas Marsh,” “Ezra Thayer: From Skeptic to Believer,” “Orson Pratt’s Call to Serve,” muRevelations in Context, 54–69.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Ndakadaidzwa kuti ndive chapupu chaJesu Kristu.
Kunyangwe wakadaidzwa kuva mushumiri zviri pamutemo kana kuti kwete, unokwanisa kuva chapupu chaJesu Kristu “panguva dzose nemuzvinhu zvose, uye nemunzvimbo dzose” (Mosaya 18:9). Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 30-36, nyora pasi izvo zvaunodzidza pamusoro pemikana yako yekugovera vhangeri. Unokwanisa kuita mudorongodzwa wezvinhu izvo Ishe zvavanokukumbira kuti uite uye mumwe mudorongodzwa wevimbiso idzo Ishe dzavanoita apo paunogovera vhangeri (semuenzaniso, ona Dzidziso neZvibvumirano 30:8; 31:3–5; 32:1, 5; 35:13–15, 24). Unokwanisawo kutsvaka misimboti inokwanisa kukubatsira kugovera vhangeri. Chii chaunoona chinokukurudzira kuti “uzivise mashoko anofadza emufaro mukuru”? (Dzidziso neZvibvumirano 31:3).
Gosa Gary E. Stevenson vakadzidzisa kuti kuparidza vhangeri “kunokwanisa kuitwa kuburikidza nemisimboti yakapfava, inonzwisisika zvirinyore yakadzidziswa kwatiri kubva pahudiki: ida, govera, uye koka” (“Love, Share, Invite,” Liahona, Chivabvu 2022, 85). Funga pamusoro pekunzvera shoko ravo apo paunenge uchifunga pamusoro pevafambidzani vako, shamwari dzako, uye mhuri yako. Ndeapi mazano anouya kwauri pamusoro pemagoverero aunokwanisa kuita navo “zvaunoda [iwe] pamusoro pevhangeri raJesu Kristu”? Ndedzipi nzira dzaunokwanisa kuvakoka nadzo kuti “vauye uye vaone,” “vauye uye vashandire,” uye “vauye uye vave vepo”? -
Onawo Topics and Questions, “Inviting All to Receive the Gospel of Jesus Christ [Kukoka Vose kuti Vagamuchire Vhangeri raJesu Kristu],” “Ministering as the Savior Does [Kushumira Sezvinoita Muponesi],” Gospel Library; “Inviting All to Come unto Christ: Sharing the Gospel” (vhdhiyo), Gospel Library.
Dzidziso neZvibvumirano 31:1–2, 5–6, 9, 13
Ishe vanokwanisa kundibatsira nehukama hwangu nemhuri yangu.
Mhuri mumakore ekunana 1830 dzaitambudzika nezvinhu zvakawanda zvimwechetezvo seizvo zvinotarisanwa nazvo nemhuri nhasi. Inhungamiro nezvivimbiso zvipi zvakapuwa naIshe kuna Thomas B. Marsh pamusoro pemhuri yake muDzidziso neZvibvumirano 31? (ona kunyanya ndima 1–2, 5–6, 9, 13). Mashoko Avo anokwanisa kukubatsira sei muhukama hwemhuri yako?
-
Dzidziso neZvibvumirano 32–33; 35
Ishe vanondigadzirira kuita basa raVanoda kuti ndiite.
Kunzvera upenyu hwevanhu vakataurwa muDzidziso neZvibvumirano 32–33; 35 kunokwanisa kubatsira kuziva kuti Ishe varikukugadzirira sei kuita basa Ravo. Semuenzaniso, unokwanisa kuverenga pamusoro pehukama pakati Parlet P. Pratt naSidney Rigdon “muVoices of Restoration: Early Converts.” Hukama uhwu hwakaropafadza sei vana vaMwari?(ona Dzidziso neZvibvumirano 35).
Heuno mumwe muenzaniso: Ezra Thayer akanyora kuti pane imwe nguva asati abhabhatidzwa, akava nechiratidzo umo “mumwe murume maakauya uye akaunza mumoneredzwa webepa uye akandipa, uyewo hwamanda uye akandiudza kuti [ndiiridze] Ndakamuudza kuti ndakanga ndisati [ndamboridza] kana ipi zvayo muupenyu hwangu. Akati unokwanisa [kuiridza], zviedze. … Yakarira zvakanakisisa zvandakanga ndisati ndambonzwa ” (“Zvakazarurwa, Gumiguru 1830–B, Revelation Book 1,” chisumo chenhoroondo, josephsmithpapers.org). Apo Joseph Smith paakazogamuchira zvakazarurwa zvaEzra Thayer uye Northrop Sweet, zvakanyorwa parizvino seDzidziso neZvibvumirano 33, Ezra akatora zvakazarurwa izvi semumoneredzwa webepa waiva muchiratidzo chake. Ishe vaiva vachigadzirira sei Ezra ushumiri hwaVakamupa muDzidziso neZvibvumirano 33:1–13?
Umboo hupi hwaunoona hwekuti ruoko rwaIshe rwaiva muupenyu hwenhengo dzekutanga dzeChechi idzi? Ndiani akaiswa naIshe muupenyu hwako kuti akubatsire kuuya kuna Kristu? Varikukugadzirira sei kuti uropafadze vamwe kuburikidza nerutendeko , rudo, kana kukoka kwako?
Onawo “A Mission to the Lamanites,” Revelations in Context, 45–49.
Dzidziso neZvibvumirano 33:12–18
Kana ndikavakira upenyu hwangu pavhangeri reMuponesi, handizoputsiki.
Dzidziso neZvibvumirano 33 mashoko akataurwa kuna Northrop Sweet naEzra Thayer, nhengo mbiri itsva dzeChechi. Northrop akabuda muChechi mushure mokupuwa kwezvakazarurwa izvi. Ezra akamboshandira zvakatendeka kwenguva yakati rebei, asi iyewo pokupedzisira akazotsauka. Kuverenga pamusoro pavo muchikamu chino kungangokukurudzira kufunga pamusoro pemasimbiro akaita kuvakirwa kwako “padombo” (ndima 13) revhangeri. Ndezvipi zvokwadi mundima idzi zvinokwanisa kukubatsira kuti urambe wakatendeka kuMuponesi?
Onawo Hiramani 5:12.
Mazano eKudzidzisa Vana
Dzidziso neZvibvumirano 30:1–2
Ndinofanira kunyanya kunangisa pfungwa pazvinhu zvaMwari kupfuura zvinhu zvenyika ino.
-
Zvingangonakidza vana vako kuedza kuita zvinhu zviviri panguva imwechete, sezvakaita kudzokorora nemusoro mashoko erumbo rwavanonyanya kufarira apo pavanenge vachinyora mazita enhengo dzose dzemhuri yavo. Sei zvakaoma kuita zvinhu zviviri panguva imwechete? Munokwanisa zvino kuzoverenga Dzidziso neZvibvumirano 30:1-2 pamwechete. Ndezvipi zvimwe “zvinhu zvepanyika” zvinokwanisa kutikangaidza kurangarira Jesu Kristu nevhangeri Rake? Tingakwanisa sei kuramba takanangisa pfungwa paari?
Dzidziso neZvibvumirano 33:2–3, 6–10
Ndinokwanisa kugovera vhangeri raJesu Kristu.
-
Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa Dzidziso neZvibvumirano 33:8–10, unokwanisa kuvakoka kuti vaedze kutaura ndevo vakavhara miromo yavo apo iwe kana vamwe vana vako pamunenge muchifembera zvavari kutaura. Verenga ndima 8–10 uye wovakumbira kuti vazarure miromo yavo nguva yoga yoga inodzokororwa ndevo yokuti “zarurai miromo yenyu.” Sei Baba Vokudenga vachida kuti tizarure miromo yedu uye tigoverane vhangeri nevamwe? Chii chatingataurira mhuri yedu uye shamwari dzedu pamusoro peMuponesi kana vhangeri Rake? Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo ruri pamusoro pokugovera vhangeri.
-
Funga pamusoro pokugovera zviitiko zvawakambova nazvo zvinoenderana nemisimboti kana vimbiso dziri muDzidziso neZvibvumirano 30–34. Chii chawakadzidza kana kunzwa pamusoro peMuponesi wako nebasa Rake apo pawaiMushandira?
Dzidziso neZvibvumirano 33:12–13
Ndinokwanisa kuvaka upenyu hwangu pavhangeri raJesu Kristu.
-
Unokwanisa kuenda nevana vako panze kunoona hwaro hweimba yavo kana hwechivako cheChechi uye wovakumbira kuti vahwutsanangure. Sei chivako chichida hwaro hwakasimba? Verenga navo Dzidziso neZvibvumirano 33: 12– 12, uye mogoverana manzwiro enyu pamusoro pekuti sei Ishe vachida kuti tivakire upenyu hwedu pavhangeri Ravo. Sei “dombo” riri shoko rakanaka rekutsanangura vhangeri? Tingavaka sei upenyu hwedu padombo revhangeri? (onawo Mateo 7:24–29).