“Mazwi eKudzorerwa: Vatendeuki Vekutanga,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Vatendeuki Vokutanga,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Manzwi Ekudzorerwa
Vatendeuki Vekutanga
Kunyangwe kubvira Chechi isati yarongwa muna Kubvumbi 1830, Ishe vakataura kuti, “Munda wachena wava kuda kukohwewa” (Dzidziso neZvibvumirano 4:4 Chirevo ichi chakataridza kuva chechokwadi mumwedzi yakatevera, apo vatsvagi vechokwadi vakawanda pavakatungamirirwa neMweya waMwari kuti vawane Chechi yaJesu Kristu yakadzorerwa.
Vakawanda vevatendeuki vekutanga ava vakatora chinhanho chikuru mukudzika hwaro hweKudzorerwa, uye nyaya dzavo dzerutendeuko dzakakosha kwatiri nhasi. Rutendo rwavakaratidza ndirwo rutendo rumwecheterwo rwatinoda kuitira kuti tive tinotendeutsirwa kuvhangeri raJesu Kristu.
Abigail Calkins Leonard
Apo Abigail Calkins Leonard paakanga ava nemakore aripakati pemakore makumi matatu nemana nemakore makumi matatu nematanhatu, akada kuti aregererwa zvivi zvake. Aiverenga Bhabheri nguva nenguva, uye vanhu vaibva kumachechi echiKristu vaishanyira kumba kwake, asi akanga achivhiringidzwa pamusoro pokuti chii chaisiyanisa chechi imwe kubva kune imwe. “Mamwe mangwanani,” akadaro, “Ndakatora Bhaibheri rangu ndikaenda musango, apo pandakapfugama.” Akanamata nemwoyo wose kuna Ishe. “Pakarepo ndakaona chiratidzo,” akadaro, “uye machechi akasiyana siyana akapfuura nepandiri achiteverana imwe neimwe,” uye inzwi rakadaidzira kwandiri, richiti: ‘Aya akavakirwa kuti awane mari.’ Zvino, kumberi, ndaiona chiedza chikuru, uye inzwi raibva kumusoro rakadaidzira: ‘ndichasimudza vanhu, avo vandichafara kuita vangu nekuvaropafadza.’” Chinguva chipfupi pashure, Abigail akanzwa nezve Bhuku raMormoni. Kunyangwe zvazvo akanga asati ava nebhuku racho, akatsvaka “kuziva chokwadi chebhuku iri, kuburikidza nechipo nesimba reMweya Mutsvene,” uye “akanzwa pakarepo kuvapo kwaro.” Apo paakazokwanisa pokupedzisira kuverenga Bhuku raMormoni, akanga “agadzirira kurigamuchira.” Iye nemurume wake, Lyman, vakabhabhatidzwa muna 1831.
Thomas B. Marsh
Apo Thomas B. Marsh paakanga ari munhu mukuru wechidiki, akanzvera Bhaibheri uye akapinda muchechi yechiKristu. Asi haana kugutsikana, pokupedzisira akabuda kubva mumachechi ose. “Ndaiva nechikamu chidiki chemweya wehuporofita,” akadaro, “uye ndakataurira [mutungamiri wezvechitendero] kuti ndaitarisira kuti chechi itsva ichasimuka, iyo yaizova iine chokwadi muhutsvene hwacho.” Nguva dikidiki mushure meizvi, Thomas akava nekurudziro yemweya yekuti asiye imba yake muBoston, Massachusetts, uye aende kumadokero. Mushure mokupedza mwedzi mitatu ari kumadokero kweNew York asina kuwana chaaitsvaka, akatanga kudzokera kumba. Ari munzira, mumwe mudzimai akabvunza Thomas kana akanga anzwa nezve “Bhuku reGoridhe rakanga rawanikwa nemujaya wechidiki ainzi Joseph Smith.” Afadzwa nepfungwa iyi, Thomas pakarepo akaenda kuPalmyra uye akasangana naMartin Harris pachitoro chekudhindira, apo mapeji gumi nematanhatu ekutanga eBhuku raMormoni paakanga ari kubva pachindindo. Thomas akabvumirwa kuti atore kopi yemapeji gumi nematanhatu iwayo, uye akaenda nawo kumba kumudzimai wake, Elizabeth. “Akafadzwa zvikuru” nebhuku, anoyeuka,“achibvuma kuti rakanga riri basa raMwari.” Thomas naElizabeth pashure vakatamira kuNew York nevana vavo uye vakabhabhatidzwa. (Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro paThomas B. Marsh, ona Dzidziso neZvibvumirano 31.)
Parley naThankful Pratt
SaThomas Marsh, Parley naThankful Pratt vakadaira kukuridziro yemweya yekuti vasiye purazi ravo rakanga rakapfuma muOhio nevavario yekuparidza vhangeri semanzwisisiro avairiita kubva muBhaibheri. Sekutaurira kwakaita Parley mukoma wake,“Mweya wezvinhu izvi wakabata zvakasimba pfungwa dzangu munguva pfupi yakapfuura iyo zvokuti handina kukwanisa kuzorora.” Apo pavakasvika kumabvazuva kweNew York, Parley akava nekurudziro yokuti agare kwechinguva munharaunda iyoyo. Vakasarudza kuti Thankful aizoendamberi asinaye. “Ndine basa rekuita mudunhu rino renyika,” Parley akamutaurira, “uye kuti nderei, kana kuti richatora nguva yakadii kuriita, handizivi, asi ndichauya kana raitwa.” Kwakanga kuri ikoko uko Parley kwaakatanga kunzwa nezve Bhuku raMormoni. “Ndakanzwa kufarira bhuku iri kusinganzwisisiki,” akadaro. Akakumbira kopi rebhuku racho uye akaverenga neusiku hwose. Ava mangwanani, akanga ava kuziva kuti bhuku iri rakanga riri rechokwadi, achirikoshesa “zvakanyanya kudarika upfumi hwese hwepanyika.” Mukati memazuva mashomanana Parley akabhabhatidzwa. Zvino Akadzokera kuna Thankful uyo akabhabhatidzwawo. (Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro paParley P. Pratt, ona Dzidziso neZvibvumirano 32).
Sidney naPhebe Rigdon
Arimunzira kubva kuNew York achienda kuhushumiri muMissouri, Parley Pratt nevamwe vake vashandi vakamira muMentor, Ohio, pamba paSidney naPhebe Rigdon—shamwari dzekare idzo Parley dzaaiziva kubva mumazuva ake muOhio. Sidney akanga ari mufundisi wechiKristu, uye Parley akambenge ari nhengo yegungano rake uye achimuona semurairidzi wezvemweya. Parley akataurira shamwari dzake nechido chikuru pamusoro peBhuku raMormoni uye zveKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu. Sidney iye pachake akanga achitsvaka kudzorerwa kweChechi yechokwadi yaakanga aona ichitsanangurwa nezvayo muTestamende Itsva, kunyangwe zvazvo akanga asina chokwadi pamusoro peBhuku raMormoni pakutanga. “Asi ndichaverenga bhuku rako,” akataurira shamwari yake Parley, “uye ndichaedza zvakasimba kutsvaka kuziva, kana riri zvakazarurwa kubva kuna Mwari kana kuti kwete.” Mushure memasvondo maviri ekunzvera nekunamata, vese iye naPhebe vakapwiswa kuti bhuku iri rakanga riri rechokwadi. Asi Sidney aizivawo kuti kupinda muChechi kwaizova kuzvipira kukurusa kwemhuri yake. Zvaiva pachena kuti aizorashikirwa nebasa rake semufundisi, pamwepo nekuremekedzwa kwake munzvimbo mavaigara. Apo iye naPhebe pavakakurukura nezve kwanisiko iyi, Phebe akataura kuti, “ndafunga mugumisiro wazvo, uye … chido changu chekuti ndiite kuda kwaMwari, kunyangwe kukauya upenyu kana kukauya rufu.”