Huyai, Munditevere 2024
Chikumi 9–15: “Ndine Vakatendeka Nguva Dzose”: Dzidziso neZvibvumirano 60–63


“Chikumi 9–15: ‘Ndine Vakatendeka Nguva Dzose’: Dzidziso neZvibvumirano 60–63,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

Dzidziso neZvibvumirano 60–63,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

moto wepamusasa paRwizi rweMissouri

Chikamu chakabva kuCampfire on the Missouri, (Moto wePamusasa paMissouri), naBryan Mark Taylor

Chikumi 9–15: “Ndine Vakatendeka Nguva Dzose”

Dzidziso neZvibvumirano 60–63

Mukutanga kwaNyamavhuvhu 1831, Joseph Smith nemamwe magosa eChechi vaiva vachigadzirira kudzokera kuKirtland mushure meshanyiro pfupi “kunyika yeZioni” (Dzidziso neZvibvumirano 59:3). Ishe vakanga vachida kuti vaparidze vhangeri munguva yerwendo rwavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 52:10), uye vamwe vavo vakaita kudaro neushingairi. Asi vamwe vaizengurira. “Vanoviga tarenda randakapa kwavari,” Ishe vakadaro, “nokuda kwekutya vanhu” (Dzidziso neZvibvumirano 60:2). Vazhinji vedu tinoziva manzwiro akaita magosa aya. Kunyangwe zvazvo tichida vhangeri, kutya uye kusava nechokwadi kunogona kutitadzisa kurigovera. Asi Ishe vane ngoni. “Vanoziva utera hwevanhu uye mayamuriro [okutiita]” (Dzidziso neZvibvumirano 62:1). Munzvimbo dzakawanda muzvakazarurwa izvi kuvashumiri vekutanga mune simbiso dzinokwanisa kutibatsira kukunda kutya kwedu neutera hwedu: “Ndinokwanisa kukuitai vatsvene.” “Yose nyama iri mumaoko angu.” “Ndine Vakatendeka Nguva dzose.” Uye “Uyo akatendeka uye achishingirira achakunda nyika.” (Dzidziso neZvibvumirano 60:7; 61:6; 62:9; 63:47.)

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 60; 62

Ndinokwanisa kugovera rudo rwangu neuchapupu hwangu hwaJesu Kristu.

Uchapupu hwako hwevhangeri hwakaita “setarenda,” kana pfuma kubva kuna Mwari sei? Dzimwe nguva “tinoviga tarenda [redu]” nenzira dzakaita sei? (Dzidziso neZvibvumirano 60:2; onawo Mateo 25:14-30).

Ndeapi mashoko ayo anokurudzira anobva kuna Ishe aunowana muzvikamu 60 uye 62? Mashoko aya anovaka sei chivimbo chako mukugovera vhangeri? Apo paunofungisisa mibvunzo iyi, funga pamusoro pekuimba kana kuverenga mashoko erwiyo rwokuti “I Want to Be a Missionary Now” (Children’s Songbook, 168). Chii chaunodzidza kubva murwiyo rwevana urwu pamusoro pekugovera vhangeri?

Onawo muunganidzwa “weSharing the Gospel” muGospel Library.

kugovera vhangeri mubhazi

Ndinokwanisa kubuda pachena pamusoro pekugovera rutendo rwangu muna Kristu.

Dzidziso neZvibvumirano 60:2–4; 61:1–2, 20, 36–38; 62:1, 6

Magwaro matsvene anodzidzisa nezvaJesu Kristu.

Apo paVairairidza vashumiri Vavo, Ishe vakaratidza zvokwadi zvakakosha pamusoro Pavo. Tsvaka zvokwadi izvi muDzidziso neZvibvumirano 60:2–4; 61:1–2, 20, 36–38; 62:1, 6. Ndedzipi rondedzero kubva mumagwaro matsvene dzinoratidza mabasa nehunhu hweMuponesi idzo dzawakawana? (ona, semuenzaniso, Johane 8:1–11; Eta 2:14–15).

Dzidziso neZvibvumirano 62

Sarudzo dzangu dzinofanira kuenzanirana “nemafungiro uye nhungamiro yeMweya.”

Ishe vanopa gwara pamusoro pezvokwadi nemisimboti zvokusingaperi, asi kazhinji Vanozvisiira kwatiri kuti tisarudze izvo chaizvo zvekuita pamusoro pemisimboti iyi. Unoona sei musimboti uyu wakaratidzwa muDzidziso neZvibvumirano 62? (onawo Dzidziso neZvibvumirano 60:5; 61:22). Wakaona sei musimboti uyu muupenyu hwako? Sei zvakatinakira kuti tiite dzimwe sarudzo tisingatarisiri kuti Mwari vatitaurire izvo chaizvo zvekuita?

Onawo Eta 2:18–25; Dzidziso neZvibvumirano 58:27–28.

Dzidziso neZvibvumirano 63:7–12

Zviratidzo zvinouya kuburikidza nerutendo uye nekuda kwaMwari.

Kumagumo kwechidzidzo chino, kune mufananidzo wechishamiso chakafadza Ezra Booth zvikuru: Ruoko rwaElsa Johnson rwakaporeswa zvinoshamisa. Mushure mekuona izvozvo, Ezra akabhabhatidzwa nechido chikuru. Asi zvakadaro, mukati memwedzi mishomanana chete, Ezra akarasikirwa nerutendo rwake uye akatanga kushoropodza Muporofita. Izvi zvikava sei, tichifunga chishamiso chaakanga aona?

Fungisisa pamusoro peizvi apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 63:7-12. Izvokwadi zvipi zvaunodzidza pamusoro pezviratidzo uye rutendo?

Onawo Mateo 16:1–4; Johane 12:37; Mormoni 9:10–21; Eta 12:12, 18.

Dzidziso neZvibvumirano 63:16

mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuva ndanozvibata mupfungwa dzangu nezviito zvangu.

MuDzidziso neZvibvumirano 63:16, Muponesi vakasimbisazve izvo zvaVakadzidzisa muTestamende Itsva—kuti mutemo wekuzvibata unofanira kutonga kwete chete zviito zvedu asiwo pfungwa dzedu (ona Mateo 5:27–28). Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 63:16, nyora pasi yambiro idzo Muponesi dzavanopa pamusoro pepfungwa dzeruchiva. Ungangofungisisawo pesano yeyambiro imwe neimwe. Semuenzaniso, ndeapi mamwe mashoko kana ndevo idzo dziri pesano yekutya? Ndeapi mamwe maropafadzo anouya kubva mukuva nepfungwa uye zviito zvekuzvibata?

Vanhu vazhinji vanofunga kuti mwero waIshe wekuzvibata kwepfungwa nezviito ndewechinyakare kana kunyangwe kuti unodzvinyirira. Musiyano upi wazvaizoita dai vana vaMwari vose vaivavarira kurarama mutemo uyu? Ungangotsvaka mhinduro kumubvunzo uyu mushoko raGosa David A. Bednar “We Believe in Being Chaste” (Liahona, Chivabvu 2013, 41–44) kana “Your body is sacred” (muFor the Strength of Youth: A Guide for Making Choices, 23–26). Ishoko ripi retariro raunowana?

Kunyangwe apo patinoziva maropafadzo ekuva tinozvibata mupfungwa nemuzviito zvedu, hazvirevi kuti zviri nyore. Ungangotora kanguva kekufungisisa chinoita kuti zvikuomere kuchengeta mwero weMuponesi wekuzvibata—uye chinoita kuti zvive nyore. Mazano api aungagoverana navamwe pamusoro pezvekuita apo paunoedzwa nepfungwa dzisina kukodzera?

Tsigiranai. Rimwe remaropafadzo makuru ekusangana pamwechete mumisangano nemakirasi eChechi mukana wekuwana rutsigiro kubva kuvamwe vedu Vatendi mukuedza kwedu kutevera Muponesi. Vazhinji vedu tinosangana nezvinetso zvakafanana, uye zviitiko zvedu zvakafanana izvozvo zvinokwanisa kuva simba guru. Usatya kubvuma kuti une zvinetso. Goveranai izvo zvinokubatsirai kurarama mitemo yaMwari uye nekukunda miedzo.

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 121:45; Topics and Questions, “Virtue,” Gospel Library; “Standards: Sexual Purity and Modesty—True Confidence” (vhidhiyo), Gospel Library; AddressingPornography.ChurchofJesusChrist.org.

3:58

Standards: Sexual Purity and Modesty - True Confidence

Two young women share their secret for confidence and self-worth: the companionship of the Holy Ghost.

Dzidziso neZvibvumirano 63:58–64

Zvinhu zvinoera zvinofanira kubatwa neruremekedzo.

Misimboti iri muDzidziso neZvibvumirano 63:58–64 inodarika kutora zita raIshe zvisina maturo. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinoera zvinouya “kubva kudenga,” kana kubva kuna Mwari? Zvinorevei kwauri kutaura nezvezvinhu izvi “wakangwarira”?

­

Zvitsigiro zveDzidziso neZvibvumirano
mufananidzo wechikamu chevana 03

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 60:4; 61:1–2, 36; 62:1

Magwaro matsvene anodzidzisa nezvaJesu Kristu.

  • Pamwe unokwanisa kunyora pazvidimbu zviduku zvemapepa zvimwe zvezvirevo pamusoro peMuponesi zvinowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 60–62. Vana vako zvino vanokwanisa kufananisa zvirevo izvi nemifananidzo yaJesu kubva muhushumiri Hwake hwepanyika (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 34–61), inoratidza hunhu uhu. Anozvizivisa sei kwatiri nhasi?

    Jesus Christ at age twelve in the temple at Jerusalem during the Feast of the Passover. A group of learned Jewish doctors are gathered around Christ. The doctors are expressing astonishment at the wisdom and understanding of the young Christ. (Luke 2:41-50)
Jesu Kristu akamuka kuvakafa

Chikamu chakabva kuFor This Purpose [Nechinangwa Ichi], naYongsung Kim

Dzidziso neZvibvumirano 60:7; 61:1–2; 62:1

Ishe vanozondiregerera kana ndikatendeuka.

  • Apo paunoveranga Dzidziso neZvibvumirano 60:7; 61:2 nevana vako, vabatsire kuwana mashoko ayo ndima idzi adzinawo akafanana. Vayeuchidze kuti zvakazarurwa izvi zvakapuwa kuna Joseph Smith uye navamwe vatungamiri veChechi. Chii icho Ishe chavaida kuti vazive? Unokwanisawo kutaura pamusoro pemanzwiro anoita Muponesi pamusoro pedu apo patinokanganisa uye izvo zvinoreva kutendeuka. Maererano neDzidziso neZvibvumirano 62:1, Jesu anokwanisa kubatsira sei apo patinoyedzwa?

Dzidziso neZvibvumirano 62:3, 9

Jesu Kristu anoda kuti ndigovere vhangeri Rake.

  • Ungangobvunza vana vako zvavangazotaura kana mumwe munhu akavabvunza izvo zvavanoda pamusoro paJesu Kristu neChechi Yake. Kuimba pamwechete rumbo rwuri pamusoro pekugovera vhangeri, rwakaita “saI Want to Be a Missionary Now” (Children’s Songbook, 168), kunokwanisa kuvapa mazano. Unokwanisa zvino kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 62:3 uye wokumbira vana vako kuti vateerere kunzwa izvo zvinoitika apo patinogovera uchapupu hwedu. Vimbiso iri mundima 9 ingakwanisa kubatsira sei kana tichinzwa kutya?

Dzidziso neZvibvumirano 63:64

Ndinokwanisa kuva ndinoremekedza.

  • Kusuma Dzidziso neZvibvumirano 63:64, unokwanisa kuimba nevana vako rwiyo rwuri pamusoro peruremekedzo rwakaita “saReverence Is Love” (Children’s Songbook, nhamba 31). Zvino unokwanisa kutaura pamusoro penzira dzakasiyana dzekuratidza ruremekedzo rwaBaba Vokudenga naJesu Kristu.

  • Unokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa kuti ruremekedzo chii kuburikidza nekutaura navo pamusoro pechimwe chinhu chakakosha kwavari, sezvakaita toyi yavanodisisa, uye bhuku, kana gumbeze ravanodisisa. Vabvunze kuti vanochengeta nekudzivirira sei zvinhu zvakakosha kwavari. Munokwanisa zvino kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 63:64. Ndezvipi zvinhu zvakakosha—kana zvinoera—kuna Baba Vokudenga? (ona, semuenzaniso, ndima 61 uye peji yechiitwa) yevhiki rino. Tinofanira kubata sei zvinhu izvi—nemashoko edu uye nezviito zvedu?

­

kuporesa Elsa Johnson

Healing of Elsa Johnson̛s Shoulder [Kuporeswa kweBendekete raElsa Johnson], naSam Lawlor

peji yechiitwa yevana